Bhaibheri—Ibhuku Rine Uprofita Hwechokwadi, Chikamu 5
Mashoko Akanaka Kuvanhu Vose
Nyaya ino ine zvikamu zvisere iri muMukai! iri kutaura nezvechimwe chinhu chinokosha chinowanikwa muBhaibheri, uprofita. Zvikamu izvi zvichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera: Vanhu vakachenjera ndivo here vakanyora uprofita huri muBhaibheri? Pane here chinoratidza kuti uprofita huri muBhaibheri hwakafemerwa naMwari? Tinokukumbira kuti uenzanise uchapupu huripo.
MWARI anoshandisa Bhaibheri kuti audze vanhu zvaanoda uye mashoko akanaka. Ndokusaka Jesu Kristu akapedza nguva yakawanda muupenyu hwake achizivisa “mashoko akanaka oumambo.” (Ruka 4:43) Bhaibheri rinoratidza kuti Umambo uhwu ihurumende yaMwari iyo ichabvisa utongi hwevanhu hunodzvinyirira, yoita kuti panyika pave norugare, uye ichabvisa zvose zvinokonzera kuti vanhu vatambure. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Zvechokwadi aya mashoko akanaka!
Nemhaka yokunaka kwemashoko aya, vanhu vakawanda pasi rose vanofanira kunzwa nezvawo. Asi, Jesu paakaurayiwa akangosiya vateveri vake vashoma-shoma. Saka kufa kwake kwaitoreva kuparara kweshoko iri rakanaka here? Bhaibheri rakafanotaura zvimwe zvinhu zvaizoitika. Zvimwe zvacho ndeizvi: (1) Mashoko akanaka aizopararira pasi rose. (2) Vanhu vaizopikisa, asi shoko iri raizokunda. (3) Paizomuka vanhu vainyepedzera kuti vaKristu uye vaizotsausa vanhu vakawanda. Ngationgororei uprofita uhwu.
Mashoko Akanaka Aizoparidzwa Kumarudzi Ose
Uprofita:
“Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mabasa 1:8.
Kuzadzika kwahwo: Pashure pokunge Jesu afa muna 33 C.E., vadzidzi vake vakazadza Jerusarema neshoko roUmambo. Shoko rakapararira muJudhiya uye muSamariya yaiva pedyo, zvokuti mumakore 15 mamishinari echiKristu akanga atotumirwa kune dzimwe nzvimbo dzaitongwa neUmambo hweRoma. Pakazosvika gore ra61 C.E., zvaigona kunzi mashoko akanaka akanga aparidzwa kunzvimbo dziri “kure” dzenyika.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinobvira muzana remakore rechipiri zvinotsigira kuti ichokwadi kuti chiKristu chepakutanga chakapararira nokukurumidza chaizvo. Munyori wenhoroondo wechiRoma anonzi Suetonius akaratidza kuti vaKristu vakanga vatova muRoma kubvira mugore ra49 C.E. Tsamba yakanyorerwa Mambo Trajan munenge mugore ra112 C.E. naPliny Muduku, gavhuna weBhitiniya (yava kunzi Turkey), inotaura kuti chiKristu chaiva chakaita “sechirwere chinotapuriranwa” chakanga “chapararira kwete mumataundi chete asi kunyange kumaruwa nedzimwe nzvimbo.” Mumwe munyori wenhoroondo paakaongorora umboo uhwu akazopedzisira ati: “Makore 100 asati atombokwana kubva pakafa vaapostora vaJesu, nzvimbo dzainamatirwa nevaKristu dzakanga dzava kuwanikwa mumaguta makuru eUmambo hweRoma.”
Mubhuku rinonzi The Early Church, Muzvinafundo Henry Chadwick akati: “Nezvinhu zvakanga zvichiitika pakanga pasingambofungidzirwi kuti chiKristu chingapararira. Zvairatidza kuti chiKristu hapana kwachaisvika uye hapana aifunga kuti chaizopararira sezvachakaita.”
Mashoko Akanaka Aizopikiswa
Uprofita:
“Vanhu vachakuendesai kumatare omunzvimbo imomo, uye mucharohwa mumasinagogi momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.”—Mako 13:9.
Kuzadzika kwahwo: VaJudha nevaRoma vakatambudza vaKristu. Vakasungwa vakaiswa mumajeri, vakarohwa uye vamwe vakaurayiwa.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
Flavius Josephus, munyori wenhoroondo wechiJudha womuzana remakore rokutanga, akanyora nezvevatungamiriri vechiJudha vakauraya munun’una waJesu ainzi Jakobho. Bhaibheri rinotaura kuti Gamarieri, munhu airemekedzwa chaizvo mudare repamusorosoro revaJudha, akaita kuti vadzidzi vaJesu vasanyanya kuomeserwa pavakanga vauya kuzotongwa. (Mabasa 5:34-39) Mabhuku enyika anotsigirawo kuti munhu anonzi Gamarieri aivako uye akanga ari munhu ainzwisisa.
Vanyori venhoroondo vanotiudza kuti kutanga naMambo Nero mugore ra64 C.E., madzimambo eRoma akaonesa vaKristu chitsvuku. Tsamba dzakanyoreranwa pakati paMambo Trajan naPliny Muduku dzaitaura nezvezvirango zvaifanira kupiwa vaKristu vanenge varamba kusiya dzidziso dzechiKristu.
“Panzvimbo pokuti chiKristu chisapararire, kutambudzwa kwavaiitwa kwakatoita kuti chiKristu chipararire,” anodaro Muzvinafundo Chadwick, ane mashoko ambotaurwa. VaKristu pavaitiza kutambudzwa, vaibva vatonoparidza kunzvimbo dzavaienda. (Mabasa 8:1) Hama neshamwari dzevaKristu dzakatanga kuvashora uye vamwe vakatocheka ukama, asi vaKristu havana kudzokera shure. Izvi zvinoshamisa nokuti vateveri vaJesu vakanga vari “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza,” uye vasinei nezvematongerwo enyika. (Mabasa 4:13) Vanyori venhoroondo vanobvumirana kuti “Evhangeri yakapararira zviri nyore, . . . kune vaiita basa rokutengesa muzvitoro zviduku uye vamwe vaingotengesawo zvakasiyana-siyana.”
Nyanzvi idzi padzinoongorora nhoroondo yokutanga kwechiKristu, dzinoshamisika chaizvo nezvokupararira kwakaita chiKristu munguva pfupi pasinei nokutambudzwa kunotyisa kwaiitika. Asi Jesu akagara ataura kuti zvinhu zvaifungidzirwa kuti hazvingaitiki zvaizoitika. Magwaro akataurawo kuti basa iri rokuparidza raizovhiringidzwa.
VaKristu Vokunyepedzera Vaizovapo
Uprofita:
“Mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) “Kuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu. Ivava vachapinza chinyararire tumapoka tunoparadza . . . , uye nzira yechokwadi ichatukwa nokuda kwaivava.”—2 Petro 2:1, 2.
Kuzadzika kwahwo: Ungano yechiKristu yakakanganiswa nevanhu vaiva noutsinye, vanyengeri uye vaida zvinzvimbo.
Zvinyorwa zvisiri zveBhaibheri zvinoti kudii?
Vateveri vokutanga-tanga vaJesu pashure pokunge vafa, chiKristu chechokwadi chakatanga kudzikatidzwa zvishoma nezvishoma nevanhu vaiva nomukurumbira vakanga vari muungano vachibva vatanga kudzidzisa uzivi hwechiGiriki. Nyaya dzokuda zvinzvimbo muchitendero dzakabva dzatanga vachibva vafanana nezvinoitwa nevezvematongerwo enyika, kuda kutonga uye pfuma. Maererano nezvinotaurwa nevanyori venhoroondo, panguva iyo chiKristu chakanga chava kunzi ndicho chitendero chehurumende yeRoma, chiKristu chakanga chatangwa naJesu changa chatsakatika.”
Kwemazana emakore akazotevera chiKristu ichi chokunyepera chakava nemukurumbira wokurwisana uye wemakaro. Panzvimbo pokuratidza kuti vateveri vaJesu, vatungamiriri vacho vakatambudza vose vaitevedzera nzira dzaishandiswa naJesu pakuparidza uye vaya vaiedza kubudisa Bhaibheri mune mimwe mitauro.
Mumakore ayo chiKristu chokunyepedzera chakanga chiine simba rakakura, zvaiita sokuti hapachina achakwanisa kuparidza mashoko akanaka. Asi Jesu akaratidza kuti basa rokuparidza mashoko akanaka raizosimudzirwa mumazuva okupedzisira. Akafananidza nguva iyi nenguva yokukohwa apo vaKristu vokunyepedzera, vanofananidzwa nemasora vaizosiyaniswa nevaKristu vechokwadi, vanofananidzwa negorosi. (Mateu 13:24-30, 36-43) Panguva iyoyo, uprofita hune chokuita nokuparidza mashoko akanaka ndipo pahwaizonyatsozadziswa. (Mateu 24:14) Chikamu 6 chichakurukura uprofita ihwohwo hunonakidza.