CHITSAUKO 7
Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
Firipi muevhangeri anoshingaira
1, 2. Nei zvakaitwa nevanhu vaipikisa chiKristu zvakatozoita kuti chibudirire?
VAKRISTU vatanga kutambudzwa zvinotyisa, uye Sauro anotanga “kuparadza” ungano zvine utsinye husingaiti. (Mab. 8:3) Vadzidzi vanotiza, zvekuti vamwe vanogona kutoona sekuti chinangwa chaSauro chekuparadza chiKristu chiri kutobudirira. Asi zvinozoitika pari kupararira vaKristu zvinotozoita kuti chiKristu chacho chiwedzere kukura zvanga zvisingatarisirwi. Nei tichidaro?
2 Vaya vapararira vanotanga kuenda “vachizivisa mashoko akanaka” munyika dzavanotizira. (Mab. 8:4) Funga kuti kutambudzwa kwevaKristu kwatoita kuti mashoko akanaka apararire panzvimbo pekuamisa! Zvaitwa nevatambudzi zvatozoita kuti vadzidzi vasvike kunzvimbo dziri kure nemashoko eUmambo. Zvinhu zvakadaro zviri kuitikawo mazuva ano, sezvatichaona.
“Vaya Vakapararira” (Mabasa 8:4-8)
3. (a) Ndiani ainzi Firipi? (b) Nei guta reSamariya rakanga risina kunyanya kuparidzwa, asi Jesu akanga agara ataura kuti chii chaizoitika kuguta iroro?
3 Mumwe ‘wevaya vakapararira’ aiva Firipi.a (Mab. 8:4; ona bhokisi rakanzi “Firipi, Muevhangeri”.) Akaenda kuSamariya, guta rakanga risina kumbonyanya kuparidzwa, nekuti Jesu akanga amboudza vaapostora vake kuti: “Hapana guta revaSamariya ramunofanira kupinda; asi rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” (Mat. 10:5, 6) Asi Jesu aiziva kuti Samariya yaizopedzisira yawana uchapupu hwakasimba nekuti asati akwira kudenga, akati: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”—Mab. 1:8.
4. VaSamariya vakaita sei pavakaparidzirwa naFiripi, uye chii chingave chakaita kuti vaite saizvozvo?
4 Firipi akaona kuti Samariya yakanga iri munda ‘wachenera kukohwa.’ (Joh. 4:35) Mashoko ake akazorodza vagari vemo, uye aisambotadza kudaro. VaJudha vakanga vasingadyidzani nevaSamariya, vakawanda vachitoita kunge vanovasema. Asi vaSamariya vakaona kuti mashoko akanaka akanga asina basa nekuti munhu ndiani, kusiyana nevaFarisi vaifunga kuti ndivo vega vanokosha, vachisarura vamwe. Kuparidzira vaSamariya kwakaitwa naFiripi asingavasaruri kwakavaratidza kuti akanga akasiyana nevaFarisi avo vaivatarisira pasi. Saka hazvishamisi kuti vaSamariya vakawanda vakateerera Firipi “nemwoyo mumwe.”—Mab. 8:6.
5-7. Taura mienzaniso inoratidza kuti kupararira kwevaKristu kwakabatsira sei kuti mashoko akanaka apararire.
5 Mazuva anowo, kutambudzwa kwevanhu vaMwari hakumisi basa ravo rekuparidza. Kazhinji kacho kumanikidza vaKristu kuti vabve kune imwe nzvimbo vachienda kune imwe, kungava kujeri kana kuti kune imwe nyika, kunotoita kuti mashoko eUmambo asvike kuvanhu vanga vasingaazivi. Nguva yeHondo Yenyika II, Zvapupu zvaJehovha zvakakwanisa kuparidzira vamwe kunyange zvazvo vakanga vari mumisasa yevasungwa yeNazi. Mumwe murume werudzi rwechiJew akasangana neZvapupu ikoko anoti: “Ushingi hweZvapupu zvaJehovha zvaiva mujeri izvi hwakaita kuti ndinyatsoona kuti kutenda kwavo kwaibva muMagwaro, uye ndakabva ndavawo Chapupu.”
6 Pamwe pacho kunyange vanhu vacho vaivatambudza vaiparidzirwa vachitobvuma. Chimwe Chapupu chinonzi Franz Desch pachakachinjirwa kumusasa wevasungwa wekuGusen kuAustria, chakakwanisa kudzidzisa Bhaibheri mumwe mukuru wemapurisa eSS. Funga kuti varume ava vakafara zvakadini pavakazosangana pagungano reZvapupu zvaJehovha vese vava vazivisi vemashoko akanaka!
7 Ndizvo zvakaitikawo pakatambudzwa vaKristu vachitizira kune dzimwe nyika. Kuma1970, Zvapupu zvekuMalawi pazvakatambudzwa zvikatizira kuMozambique, zvakanopa uchapupu hwakasimba ikoko. Kunyange pakazotanga kutambudzwa vanhu kuMozambique, basa rekuparidza harina kumira. Hama Francisco Coana vakati: “Vamwe vedu takasungwa hedu kakawanda pamusana pebasa redu rekuparidza. Asi vakawanda pavakagamuchira mashoko eUmambo, takava nechokwadi chekuti Mwari akanga ari kutibatsira, sekubatsira kwaakaita vaKristu vekutanga.”
8. Kuchinja kwezvematongerwo enyika uye kwezveupfumi kuri kuita sei kuti mashoko akanaka apararire?
8 Kutambudzwa handiko kwega kunowanzoita kuti chiKristu chipararire mune dzimwe nyika. Makore achangopfuura, kuchinja kwezvematongerwo enyika uye zveupfumi kwakamutsa mimwe mikana yekuti shoko reUmambo risvike kune dzimwe nyika nemitauro. Vamwe vanotiza hondo kana kuti urombo munyika dzavo vachienda kune dzimwe nyika dzinenge dzakati dzikamei vozonodzidza Bhaibheri vava ikoko. Kuwanda kwevapoteri kuri kukonzera kuti pave nendima yevanhu vanotaura mitauro yekune dzimwe nyika. Uri kuita zvese zvaunogona kuti upupurire vanhu “vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi,” vari mundima yenyu here?—Zvak. 7:9.
“Ndipeiwo Simba Iri” (Mabasa 8:9-25)
9. Ndiani ainzi Simoni, uye anofanira kunge akafarira chii pana Firipi?
9 Firipi akaita zviratidzo zvakawanda muSamariya. Akaporesa vanhu vakaremara uye akatodzinga mweya yakaipa. (Mab. 8:6-8) Pane mumwe murume ainzi Simoni akafarira chipo chaiva naFiripi chekuita zvishamiso. Murume iyeye aiita zvemashiripiti zvekuti vanhu vakawanda vaiti nezvake: “Murume uyu ndiye Simba Guru raMwari.” Iye zvino akanga ava kunyatsoona simba raMwari chairo pazvishamiso zvaiitwa naFiripi, zvekuti Simoni akabva ava mutendi. (Mab. 8:9-13) Asi zvaakazoita zvakaratidza kuti aiva nechinangwa chisiri icho. Akaita sei?
10. (a) Petro naJohani vakaitei pavakasvika muSamariya? (b) Simoni paakaona vadzidzi vatsva vachigamuchira mweya mutsvene pavaiiswa maoko pamusoro pavo naPetro naJohani akabva aitawo sei?
10 Vaapostora pavakanzwa nezvekuwedzera kwakanga kuchiita vanhu vaitendeuka muSamariya, vakatumira Petro naJohani ikoko. (Ona bhokisi rakanzi “Petro Anoshandisa ‘Kiyi dzeUmambo.’”) Vaapostora vacho pavakasvika, vakaisa maoko avo pavadzidzi vatsva, vakabva vagamuchira mweya mutsvene.b Simoni paakazviona, akaomeswa mate mukanwa. Akakumbira vaapostora kuti: “Ndipeiwo simba iri, kuti munhu wese wandinoisa maoko angu paari agamuchire mweya mutsvene.” Simoni akatoti aigona kuvapa mari kana vakamupa chipo ichi!—Mab. 8:14-19.
11. Petro anopa Simoni zano rekutii, uye Simoni anoita sei?
11 Petro akabva amupindura pakare ipapo achiti: “Sirivha yako ngaiparare newe, nekuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari chepachena uchishandisa mari. Hauna chauchawana kana mugove mubasa iri, nekuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari.” Petro akabva akurudzira Simoni kuti apfidze uye anyengetere kuti aregererwe. Akati: “Uteterere Jehovha kuti, kana zvichiita, ukanganwirwe pfungwa dzakaipa dziri mumwoyo mako.” Simoni haaratidzike sekuti akanga ari munhu akaipa; aida kuita zvakarurama, asi akangorasika kwekanguva. Saka akakumbira vaapostora achiti: “Ndinyengeterereiwo kuna Jehovha kuti zvinhu zvese zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”—Mab. 8:20-24.
12. Chii chinonzi “chisimoni,” uye chinowanzoitwa zvakadini mumachechi anozviti ndeechiKristu?
12 Kutsiurwa kwakaitwa Simoni kunopawo vaKristu chenjedzo mazuva ano. Nanhasi kunotova neshoko rinoshandiswa nevamwe rekuti “chisimoni” rakabva pachiitiko ichi. Shoko racho rinoreva kutenga kana kutengesa chinzvimbo chine chekuita nekunamata. Machechi anozviti ndeechiKristu agara achiita tsika iyi kubvira kare. Bhuku rinonzi The Encyclopædia Britannica (1878) rinototi: “Ukanyatsoongorora nhoroondo yesarudzo dzekutsvaga vana Papa unoshaya kana imwe chete isina kumboitwa chisimoni, uye kazhinji kacho pachaiitwa chaiitwa zvinonyadzisa uye zviri pachena.”
13. VaKristu vanofanira kungwarira sei chisimoni?
13 VaKristu vanofanira kungwarira chisimoni. Havafaniri kuedza kutsvetera vaya vanogona kuvagadza muungano vachishandisa zvipo kana kuvarumbidza zvakanyanyisa. Vayawo vanokwanisa kugadza vamwe vanhu vanofanira kungwarira kuti vasaita chizivano kuvanhu vakapfuma. Kuedza kutenga chinzvimbo kana kutengesa chinzvimbo, zvese zviri zviviri chisimoni. Vanhu vaMwari vese vanofanira kuzviona ‘sevadiki,’ vachimirira mweya waJehovha kuti ugadze vanhu vanoita basa musangano rake. (Ruka 9:48) Musangano raMwari hamudiwe vanhu ‘vanozvitsvagira kukudzwa.’—Zvir. 25:27.
“Uri Kunzwisisa Zvauri Kuverenga Here?” (Mabasa 8:26-40)
14, 15. (a) “Mukuru mukuru wekuItiopiya” aiva ani, uye Firipi akamuwana sei? (b) Murume wekuItiopiya akaita sei paakaparidzirwa naFiripi, uye nei kubhabhatidzwa kwaakaita kwakanga kusiri kwechivhurumukira? (Ona mashoko emuzasi.)
14 Ngirozi yaJehovha yakabva yaudza Firipi kuti afambe nemugwagwa unobva kuJerusarema uchienda kuGaza. Firipi anofanira kunge akazvibvunza kuti ari kuda kunzi anoitei ikoko. Asi akazoziva chikonzero chacho paakasangana nemukuru mukuru wekuItiopiya uyo akanga “achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya.” (Ona bhokisi rakanzi “‘Mukuru Mukuru wekuItiopiya’ Aiva Ani?”) Mweya mutsvene waJehovha wakaita kuti Firipi aende kungoro yemurume iyeye. Akamhanya ari parutivi pengoro, ndokubvunza murume wacho wekuItiopiya kuti: “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” MuItiopiya wacho akapindura kuti: “Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?”—Mab. 8:26-31.
15 MuItiopiya wacho akakumbira Firipi kuti akwire mungoro maaiva. Vakabva vatanga kukurukura. Mashoko ekuti “gwai,” kana kuti “mushumiri,” anotaurwa muuprofita hwaIsaya akanga ava nemakore asingazivikanwi kuti ari kureva ani. (Isa. 53:1-12) Asi pavakanga vachifamba, Firipi akatsanangurira muItiopiya uyu kuti uprofita uhwu hwakazadziswa naJesu Kristu. MuItiopiya wacho, uyo akanga agara akatendeukira kuchitendero chechiJudha, akabva aziva zvaaifanira kuita, sezvakangoita vaya vakabhabhatidzwa paPendekosti ya33 C.E. Akati kuna Firipi: “Onai pano pane mvura! Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” MuItiopiya wacho akabva angobhabhatidzwa naFiripi!c (Ona bhokisi rakanzi “Kubhabhatidzwa ‘Mumvura Zhinji.’”) Achibva ipapo, Firipi akabva aendeswa kuAshdhodhi, kwaakaramba achizivisa mashoko akanaka.—Mab. 8:32-40.
16, 17. Ngirozi dziri kubatsira sei pabasa rekuparidza mazuva ano?
16 VaKristu nhasi vari kuita basa rakafanana neraiitwa naFiripi. Vanowanzoparidzira mashoko eUmambo kuvanhu vavanongosangana navo, pakadai sepaya pavanenge vari parwendo. Kakawanda zvinozooneka kuti kusangana kwavaita uku haasi masangawo zvawo. Izvi hazvifaniri kutishamisa nekuti Bhaibheri rinojekesa kuti ngirozi dziri kutungamirira basa rekuparidza mashoko akanaka “kumarudzi ese nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Jesu akagara ataura kuti ngirozi dzaizotungamirira pabasa rekuparidza. Mumufananidzo wake wegorosi nemasora, Jesu akataura nezvenguva yekukohwa, achireva nguva yekunge nyika yava kumagumo kwayo, achiti “vakohwi ingirozi.” Akawedzera kuti ngirozi idzi “dzichaunganidza dzichibudisa muUmambo hwake zvinhu zvese zvinogumbura nevanhu vasingateereri mutemo.” (Mat. 13:37-41) Dzaizounganidzawo vaya vachatonga muUmambo kudenga, uye nekufamba kwenguva dzounganidza “boka guru revanhu” ‘vemamwe makwai,’ vari kudiwa naJehovha kuti vauye kusangano rake.—Zvak. 7:9; Joh. 6:44, 65; 10:16.
17 Chimwe chinoratidza kuti izvozvo ndizvo zviri kuitika ndechekuti vamwe vanhu vatinosangana navo muushumiri vanotaura kuti vanga vachinyengetera kuti vabatsirwe kuziva Mwari. Chimbofunga zvakaitika kune vamwe vaparidzi vaviri veUmambo vakabuda nekamwana kunoparidza. Pavakaona kuti nguva yafamba, vaparidzi vaya vaviri vakanga vava kuda kudzokera kumba, asi mwana wacho aiva neshungu dzekuti vaparidzire paimba inotevera. Akatobva aenda ndokunogogodza pamba pacho ari ega! Pakabva pabuda mumwe mukadzi wechidiki, Zvapupu zviviri zviya zvikabva zvaenda kunotaura naye. Vakashamiswa vachinzwa mukadzi wacho achiti akanga achangobva kunyengetera achikumbira kuti mumwe munhu auye kuzomubatsirawo kunzwisisa Bhaibheri. Vakabva varonga kudzidza naye!
18. Nei tichifanira kuramba tichikoshesa basa redu rekuparidza?
18 Sezvo uri muungano yechiKristu, une chikomborero chekushanda nengirozi pabasa rakakura zvisati zvamboitika rekuparidza riri kuitwa mazuva ano. Ramba uchikoshesa basa iri. Ukaramba uchishanda nesimba, uchawana mufaro unobva pakuzivisa “mashoko akanaka pamusoro paJesu.”—Mab. 8:35.
a Uyu haasi Firipi mumwe wevaapostora 12 vaJesu. NdiFiripi mumwe ‘wevarume vanomwe vane mukurumbira wakanaka’ vaya vakagadzwa kuti vatungamirire pakugovewa kwezvekudya zvaipiwa chirikadzi dzechiKristu dzaitaura chiGiriki nedzaitaura chiHebheru muJerusarema.—Mab. 6:1-6.
b Kunenge kuti vadzidzi vatsva vaiwanzozodzwa nemweya mutsvene pavaingobhabhatidzwa. Vaibva vava vamwe vevanhu vachatonga semadzimambo nevapristi pamwe chete naJesu kudenga. (2 VaK. 1:21, 22; Zvak. 5:9, 10; 20:6) Asi vaSamariya ava havana kuzodzwa pavakabhabhatidzwa. Vakazogamuchira mweya mutsvene pamwe chete nezvipo zvawaiita kuti vakwanise kuita pashure pekunge Petro naJohani vaisa maoko avo pavari.
c Izvi zvakanga zvisiri zvechivhurumukira. Sezvo akanga akatotendeukira kuchiJudha, muItiopiya uyu akanga achitoziva Magwaro kusanganisira uprofita hwaitaura nezvaMesiya. Iye zvino akanga ava kuziva kuti Jesu ndiye Mesiya wacho, saka hapana chaimutadzisa kubhabhatidzwa.