RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • c Izvi zvakanga zvisiri zvechivhurumukira. Sezvo akanga akatotendeukira kuchiJudha, muItiopiya uyu akanga achitoziva Magwaro kusanganisira uprofita hwaitaura nezvaMesiya. Iye zvino akanga ava kuziva kuti Jesu ndiye Mesiya wacho, saka hapana chaimutadzisa kubhabhatidzwa.

  • Kuzivisa “Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • “FIRIPI, MUEVHANGERI”

      Vateveri vaKristu pavakapararira pamusana pekutambudzwa, Firipi akaenda kuSamariya. Anofanira kunge aisvitsa mashoko ese ezvaiitika kudare rinotungamirira, nekuti “vaapostora vaiva muJerusarema pavakanzwa kuti Samariya yakanga yagamuchira shoko raMwari, vakavatumira Petro naJohani.” Izvi zvakaita kuti vanhu vakanga vachangotendeuka ikoko vagamuchire mweya mutsvene.—Mab. 8:14-17.

      Firipi akagara mungoro nemukuru mukuru wekuItiopiya.

      Pashure pekutaurwa nezvake muchitsauko 8 chaMabasa, Firipi anozongotaurwazve kamwe chete. Papfuura makore angasvika 20 kubva pakaparidza Firipi kuSamariya, muapostora Pauro nevamwe vaaifamba navo parwendo rwake rwechitatu rweumishinari, vakapinda munzira vakananga kuJerusarema. Vakaburukira chikepe kuToremai. Ruka anoti: “Mangwana acho takasimuka tikasvika kuKesariya, ndokuenda kumba kwaFiripi, muevhangeri, akanga ari mumwe wevarume vaya vanomwe, tikagara naye. Murume uyu aiva nevanasikana vana, vakanga vasina kuroorwa, vaiprofita.”—Mab. 21:8, 9.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe