-
Ungano “Dzakabva Dzava Nenguva Yerugare”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
1, 2. Sauro aiva nechinangwa chei muDhamasiko?
VAVA kuda kusvika muDhamasiko, vakaita kuguta nehasha. Vari kuda kuenda mudzimba dzevadzidzi vaJesu, vovasunga, vovanyadzisa, vozovazvuzvurudza vachienda navo kuJerusarema kuti vanorangwa neSanihedrini.
2 Mutungamiriri wavo, anonzi Sauro, akatombobatanidzwa pakudeura ropa.a Akanga akatomira pedyo achitobvumirana nazvo, vanhu vachitema nematombo mudzidzi waJesu akanga akazvipira ainzi Stefani. (Mab. 7:57–8:1) Haasi kugutsikana nekungotambudza vateveri vaJesu vari muJerusarema chete, saka ava kutungamirira vamwe vake kuti anotambudza vaKristu kune dzimwe nzvimbo. Chinangwa chake ndechekutsvaira kaboka kanozivikanwa nezita rekuti “Nzira Iyi.”—Mab. 9:1, 2; ona bhokisi rakanzi “Sauro Akawanepi Mvumo Yezvaaiita muDhamasiko?”.
-