Sauro Anosangana Nedzaimbova Shamwari Dzake Nevaimbova Vavengi Vake
SAURO uya akazonzi Pauro, anofanira kunge aibvunda sorutsanga paaidzokera kuJerusarema kokutanga kubvira paakanga achinja kuva muKristu.a Makore matatu aiva apfuura, akanga abva muguta racho aine shungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaJesu. Akanga atenderwa kusunga vaKristu vose vaaizowana muDhamasiko.—Mabasa 9:1, 2; VaGaratiya 1:18.
Paakangova muKristu, Sauro akazivisa nokushingaira kutenda kwaaiita muna Mesiya akanga amutswa. Izvi zvakaita kuti vaJudha vaiva muDhamasiko vade kumuuraya. (Mabasa 9:19-25) Aizotarisira kutambirwa nemaoko maviri here muJerusarema nedzaimbova shamwari dzake dzechiJudha? Zvisinei, shungu dzaSauro dzaiva dzokuona vateveri vaKristu vaiva muJerusarema. Izvi zvaisazova nyore.
“Paakasvika muJerusarema akaedza kubatana nevadzidzi; asi vose vaimutya, nokuti havana kutenda kuti akanga ari mudzidzi.” (Mabasa 9:26) Izvozvo zvinonzwisisika. Pavakapedzisira kumuona aiva mushushi asina tsitsi. Vaifunga kuti zvaaiti akanga ava muKristu zvaingova zvokubata kumeso kuti awane mapindiro muungano. Saka, vaKristu vomuJerusarema vaida kutambira kure naye.
Kunyange zvakadaro, pane mumwe wavo akabatsira Sauro. Bhaibheri rinoti Bhanabhasi akaenda neaichimbova mushushi uyu “kuvaapostora,” zviri pachena kuti kuna Petro (Kefasi) naJakobho, munun’una waIshe, achivatsanangurira nezvokutendeuka kwaSauro uye kuparidza kwaakaita muDhamasiko. (Mabasa 9:27; VaGaratiya 1:18, 19) Kuti Bhanabhasi akasvika sei pakuvimba Sauro hazvina kutsanangurwa. Zvingareva here kuti vaviri ava vaizivana ndokubva zvaita kuti Bhanabhasi anyatsoongorora Sauro ndokumupupurira kuti aiva wepachokwadi? Kuti Bhanabhasi aizivana here nevamwe vaKristu vaiva muDhamasiko uye vaiziva nezvokutendeuka kwaSauro? Chero zvazviri, Bhanabhasi akachenura Sauro. Saka Sauro akagara nomuapostora Petro kwemazuva 15.
Mazuva 15 Aina Petro
Sauro akanga apiwa basa zvakananga naJesu kwete nomunhu upi noupi, sezvaakaudza vaGaratiya. (VaGaratiya 1:11, 12) Asi hapana mubvunzo kuti Sauro aiziva zvakanga zvakakoshera kuti adonongodzerwe nezvoushumiri hwaJesu. Kugara kwaaizoita naPetro kwaizomupa mukana iwoyo. (Ruka 24:12; 1 VaKorinde 15:3-8) Sauro aizova nezvakawanda zvokubvunza Petro naJakobho, uye ivowo vaizomubvunza nezvezvaakaona uye nezvebasa raakanga apiwa.
Akabuda Sei Nepaburi Retsono?
Zvinonzi Stefani ndiye muKristu wokutanga kuurayirwa kutenda. Vaya vakanga vamboitirana nharo naStefani vaiva ve“Sinagogi reVakasununguka vakamuka, nevokuKurini nevokuArekizandriya nevaya vokuKirikiya neEzhiya.” Panguva ino Sauro akanga ava “kuitirana nharo nevaJudha vaitaura chiGiriki,” achivapupurira noushingi. Vakaita sei? Vaida kumuuraya.—Mabasa 6:9; 9:28, 29.
Zvinonzwisisika kuti Sauro aida kutsanangura nezvokuchinja kwaakanga aita muupenyu hwake uye kuda kujekesera dzaimbova shamwari dzake nezvaMesiya. Zvisinei, vaJudha vaitaura chiGiriki vakadya marasha nokuti vaiona murume uyu somutengesi.
Sauro aiziva here kuti apa akanga ava parumananzombe? Tinoverenga kuti paainyengetera mutemberi akaita seabatwa nehope ndokuona Jesu uyo akamuudza kuti: “Chimbidza, ukurumidze kubuda muJerusarema, nokuti havazobvumi kupupura kwako pamusoro pangu.” Sauro akati: “Ishe, ivo vanonyatsoziva kuti ndaiisa mujeri nokurova vaya vaikutendai musinagogi rimwe nerimwe; uye paiteurwa ropa raStefani chapupu chenyu, iniwo ndakanga ndakamira pedyo ndichibvumirana nazvo.”—Mabasa 22:17-20.
Vamwe vanoti mhinduro yaSauro iyi inoratidza kuti aibvuma kuti akanga ava panyanga dzamushore. Vamwe vanofunga kuti aiti: ‘Vanoziva kuti ndaimboshusha vaKristu saivo. Chokwadi vanofanira kubvuma kuti ndanyatsotendeuka. Pamwe ndinogona kuvasvika pamwoyo.’ Kunyange zvakadaro, Jesu aiziva kuti vaJudha ivavo vakanga vasiri kuzoteerera uchapupu hwomunhu wavaiti “akaramba kutenda.” Akaudza Sauro kuti: “Chienda, nokuti ndichakutumira kumamwe marudzi ari kure.”—Mabasa 22:21, 22.
Vamwe vake vechiKristu pavakaziva kuti akanga apinda mutsekwende, vakaita chipatapata kumuendesa kuchiteshi chengarava cheKesariya ndokumutumira kuTaso guta rokumusha kwake, rwaiva rwendo rwemakiromita 500. (Mabasa 9:30) Sauro akatozodzokera kuJerusarema papfuura makore akawanda.
Kubva zvechimbichimbi uku kungave kwakadzivirira ungano yechiKristu. Kuvapo kwomushushi uyu kungadai kwakamutsa zvakanga zvirere hazvo. Sauro aenda, “ungano yacho muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakabva yapinda munguva yorugare, ichivakwa; uye yakaramba ichiwedzera zvayaifamba ichitya Jehovha uye ichinyaradzwa nomudzimu mutsvene.”—Mabasa 9:31.
Zvatinofanira Kungwarira
Somuzana remakore rokutanga, mamiriro ezvinhu akakodzera kuti tingwarire angangovapowo mazuva ano. Hatifaniri hedu kungonyumwira munhu wose wose watinenge tisingazivi. Zvisinei, dzimwe nguva zvigeven’a zvakaedza kuitira zvakaipa vanhu vaJehovha, nokuda kwezvikonzero zvoudyire kana kuti nechinangwa chokukanganisa ungano. Saka, tinofanira kuva vakachangamuka kuitira kuti tisabatwa nomusungo wevanyengeri.—Zvirevo 3:27; 2 Timoti 3:13.
Zvakaitwa naSauro panyaya yokuparidza muJerusarema zvinoratidza imwe nzira yokungwarira kungaitwa nevaKristu. Upenyu hwedu, ukama hwedu naJehovha uye tsika dzedu zvingava pangozi kana tikapupura mune dzimwe nzvimbo kana kuti kuvanhu vataimboshamwaridzana navo. Zvakakodzera kuti tingwaririre pakusarudza nguva nenzvimbo yatichapupurira.—Zvirevo 22:3; Mateu 10:16.
Tinogona kuva nechivimbo chokuti mashoko akanaka oUmambo hwaMwari achaparidzwa mugumo wenyika ino yakaipa usati wasvika. Chokwadi, Sauro akatisiyira muenzaniso wakanaka zvikuru woku“taura noushingi nezita raShe” kunyange kune dzaimbova shamwari dzake nevaimbova vavengi vake!—Mabasa 9:28.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazuva ano Sauro ava kunyanya kuzivikanwa somuapostora Pauro. Zvisinei, ndima dzakawanda dzeBhaibheri dziri munyaya ino, dziri kumudana nezita rake rechiJudha rokuti Sauro.—Mabasa 13:9.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Paakangosvika muJerusarema, Sauro akapupurira noushingi vaJudha vaitaura chiGiriki