Minyengetero Yavanaani Inopindurwa?
“ZVINHU zvakawanda zvinoitwa nomunyengetero kupfuura izvo nyika inofunga nezvazvo.” Akadaro mudetembedzi weEngland womuzana ramakore rechi 19 Alfred Tennyson. Asi vazhinji vakanyengetera pasina maturo nokuda kwoutano, mufarwa, rugare, uye budiriro. Kutaura idi, vamwe vanorangarira kuti Mwari haateereri minyengetero chaizvoizvo. Bva, Bhaibheri rinomuidza kuti “Munzwi womunyengetero.”—Pisarema 65:2, NW.
Ikoku kungasanokuparira kubvunza, kuti: ‘Ndianiko ari uyu “Munzwi womunyengetero”? Tinofanira here kusvitsa zvinodikanwa chaizvo kuti minyengetero yedu inzwiwe? Tinofanira kunyengetera sei? Uye minyengetero yavanaani inopindurwa?’
Minyengetero Yavo Yakanzwiwa
Munyengetero wagara sorudzi rwomunhu. Rangarira Abheri, mumwe mwanakomana wavabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha. Apo iye akapa Mwari chibairo chinogamuchirika, pasina panikiro chakaperekedzwa namashoko eteterero nerumbidzo.—Genesi 4:1-5.
Muzana ramakore rechipfumbamwe pamberi peNguva yedu yaVose, muporofita waMwari Jona “akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove” iyo yakanga yasarudzwa kumumedza. Munyengetero iwoyo wakabudirira here? Hungu, nokuti “Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.” Jona ipapo akapfuurira kuita mugove wake wakapiwa naMwari wokuenda kuNinevhe.—Jona 1:17; 2:1, 10; 3:1-5.
Apo Dhavhidhi waIsraeri wakare akakomberedzwa navavengi vake, akadanidzira, achiti: “Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.” (Pisarema 143:1) Minyengetero yaDhavhidhi yokununurwa yakapindurwa, sezvo vavengi vake vasina kutongobudirira mukumuparadza. Naizvozvo, iye aigona kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi.”—Pisarema 145:18.
Kusvitsa Zvinodikanwa Zvikuru
Nenzira yakajeka, ipapoka, vabatiri vaMwari vomunguva dzakare vakapindurirwa minyengetero yavo. Chokwadika, ivo havana kunyengetera somuitirowo zvawo kuna Mwari asina zita. Ivo vakanyengetera mukutenda kuna Jehovha, “Wokumusorosoro pamusoro papasi rose.” (Pisarema 83:18, NW) Kuti minyengetero yedu ive inobudirira, ipapoka, ndizvinodikanwai zvikuru zvatinofanira kusvitsa?
Nyengetera bedzi kuna Jehovha. Hazvibatsiri—kutaura idi, hakusi kwapamagwaro—kunyengetera kuna vamwari venhema, vane zvidhori zvisina upenyu zvine miromo isingatauri, nzeve dzisinganzwi, maoko asingabati, tsoka dzisingafambi, uye pahuro pasina manzwi. (Pisarema 115:5-7; 1 Johane 5:21) Kusafanana navamwari vakadaro vasina maturo, Jehovha anoita chiito nokuda kwaavo vanomuda nokumubatira. Somuenzaniso, mazana amakore apfuura vaporofita vamwari wenhema Bhaari vakamukumbira kuti aburutse mwoto uchibva kudenga. Kunyange zvazvo ivo vakanyengetera kuvambira mangwanani kutozosvikira madekwana, Bhaari haana kugona kupindura. Ipapo Eria akakumbira Jehovha, uye akapindura kupfurikidza nokuburutsa mwoto uyo wakapedza chose chose chipiriso chakaiswa paatari.—1 Madzimambo, ganhuro 18.
Svika Mwari kupfurikidza naJesu Kristu oga. Jehovha Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu, kupasi kuzobatira sorudzikinuro rwokudzikinura rudzi rwomunhu muchivi norufu. (Johane 3:16, 36; VaRoma 5:12; 6:23) Nokudaro, nokuda kwaavo vanozviyamura vamene neiyi gadziriro, Mwari akazarura kusvika kutsva kwaari amene mumunyengetero. Vabatiri vapakuvamba vaMwari vakadai sowezvamapisarema Dhavhidhi vakanyengetera zvakananga kuna Jehovha. (Pisarema 4:1; 17:1; 55:1; 102:1) Asi kusvika kutsva kwakanga kuri kupfurikidza naJesu, uyo akati: “Hapano munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.” (Johane 14:6, 14) Hapana nzvimbo apo Magwaro anokarakadza kuti minyengetero inofanira kunangidzirwa kuna Mwari kupfurikidza nomunhu upi noupi zvake.
Naizvozvo, ipapoka, apo tinenge tangodzidza bedzi kuti tinofanira kunyengetera kuna Mwari muzita raJesu, minyengetero yedu haisati ichizopindurwa kutoti tikanyengetera bedzi kuna Jehovha kupfurikidza noMwanakomana wake. Asi kunewo zvimwe zvikonzero nei Jehovha asingapinduri minyengetero mizhinjisa.
Chikonzero Nei Mwari Asingapinduri
Mwari haasati achizopindura minyengetero yedu nemhaka chete yokuti tinova nechimiro chaicho tichinyengetera. Magwaro haadi kuti tinyengetere bedzi tiri muchimiro chimwe chakati chomuviri. Chokwadika, kupfugama kungaratidza kuzvininipisa pamberi paMwari. Asi kunyengetera takamira, takagara patafura, takazorora pamubhedha, kana kuti tichiita mibato yedu yezuva nezuva kunogamuchirika. (Dhanieri 6:10, 11; Marko 11:25) Chokwadika, Jehovha anotopindura minyengetero isinganzwiki! Asati audza mambo wePersia kuti aishuva kuvakazve masvingo akaparadzwa eJerusarema, Nehemia “akanyengetera kuna Mwari wamatenga” chinyararire, uye Jehovha akapindura munyengetero iwoyo. (Nehemia 2:1-6, NW) Naizvozvo kana chimiro chisiri chinhu chinokosha, neiko minyengetero yakawanda kwazvo isingapindurwi naMwari?
Jehovha haafariri minyengetero yavakaipa. Hungu, “unoramba kunzwa murairo nenzeve yake, kunyange nomunyengetero wake unonyangadza.” (Zvirevo 28:9) Kupfurikidza nomuporofita Isaya, Mwari akaudza vanhu Vake vakasindimara, kuti: “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Nenzira yomuzvarirwo, minyengetero yavakaipa haipindurwi kunyange kana ikataurwa kuna Mwari kupfurikidza naKristu.
Mwari haapinduri minyengetero yokunyengera. “Kana muchinyengetera,” akadaro Jesu Kristu, “musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Vapiwa mubairo wavo.” Jesu akawedzera, kuti: “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.” (Mateo 6:5, 6) Kupfurikidza nokutaura ikoku, Jesu haana kubvisa minyengetero yose yapachena, nokuti iye amene akanyengetera zvinonzwika vamwe varipo. (Mateo 14:19) Asi Kristu akanga achiratidza kuti hakuna kunaka kunyengetera pachena bedzi bedzi kuti uonekwe nokunzwiwa navamwe nokugamuchira rumbidzo yavo.
Jehovha haapinduri minyengetero isiri yechokwadi, yokudzokorora. Jesu akati: “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari.” (Mateo 6:7, 8) Vazhinji vari munyika dzokuMabvazuva vanofunga kuti nguva imwe neimwe yavanotenderedza vhiri romunyengetero (dhiramu umo minyengetero yakanyorwa inoiswa), zvichemo zvinodzokororwa. Mamirioni avamwe anoshandisa maRozari kana kuti kudzokorora minyengetero iri mumabhuku eminyengetero. Asi avo vanoshuva kunzwiwa naMwari vachadzivisa minyengetero yokudzokorora uye vachapa ngwariro kumimwe miraidzo yaJesu.
“Nyengeterai . . . Neiyi Nzira”
Jesu akatevera kupa uyo vazhinji vanodana kuti munyengetero womuenzaniso. (Mateo 6:9-13, NW) Iye akati: “Munofanira kunyengetera, ipapoka, neiyi nzira: ‘Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” Kutaura Mwari sa“Baba vedu” kunoratidzira kuti vamwewo vane ukama hwapedyo naye sorutivi rwemhuri yake yavanamati. Kutsveneswa kwezita raMwari, Jehovha, ndokwoukoshi hukurusa, asi iye acharitsvenesa sei? Kupfurikidza nokubvisa vakaipa, iye achabvisira zita iroro ruzvidzo rwose rwakatutirwa pariri.—Ezekieri 38:23.
“Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo,” Jesu akawedzera kudaro. Kutonga kwaMwari sokunoratidzirwa muUmambo hwaMesia hwokudenga hwoMwanakomana wake huchakurumidza kurwisana navashori vose vouchangamire hwoumwari, huchivabvisa mupasi. (Dhanieri 2:44) Asi chii chinorehwa apo tinokumbira kuti kuda kwaMwari kuitike pamusoro papasi somudenga? Ichi chikumbiro chokuti Jehovha aite madonzo ake kupasi, kubatanidza kubviswa kwavashori vake.—Zvakazarurwa 16:14-16; 19:11-21.
Aisa Mwari, kutsveneswa Kwake, uye madonzo Ake pakutanga mumunyengetero womuenzaniso, Jesu akapfuurira, kuti: “Tipei nhasi zvokudya zvedu zvezuva rino.” Kukumbira Jehovha kugovera zvinodikanwa “zvezuva rino” kunosimudzira kutenda musimba rake rokutarisira zvinodikanwa zvezuva nezuva zvavanamati vake. Ichi hachizi chikumbiro choudyire chegadziriro dzokunyanyisa.
Jesu akawedzera, kuti: “Uye mutikanganwire mingava yedu, sezvo isuwo takakanganwira vakwereti vedu.” (Ruka 11:4 inoratidza kuti iyi “mingava” “zvivi.”) Tinogona kuwana kanganwiro kuna Mwari bedzi kana tichinge takanganwira avo vanotitadzira. (Mateo 6:14, 15) Nenzira yakakodzera, ipapoka, muapostora Pauro akati: “Kunyange sezvo Jehovha akakukanganwirai norusununguko, imiwo itai saizvozvo.”—VaKorose 3:13, NW.
Achigumisa munyengetero womuenzaniso, Jesu akati: “Uye musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane wakaipa.” Jehovha haatongoedzi vanhu “nezvinhu zvakaipa.” (Jakobho 1:13, NW) Muedzo unobva kune wakaipa, Satani Dhiabhorosi, asi Bhaibheri pane dzimwe nguva rinotaura kuti kubvumidza kwaMwari zvinhu zvakati kunoguma nokuzviita kwake. (Rute 1:20, 21; Muparidzi 7:13) Mumhinduro kuchikumbiro chinoti, “Musatipinza mumuedzo,” Jehovha haasati achisiya vabatiri vake vakatendeka, kunyange zvazvo achivabvumidza kuedzwa. Zvamazvirokwazvo, “Mwari akatendeka, uye haasati achizokuregai muchiedzwa kupfuura pamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo iye achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mugokwanisa kuutsungirira.”—1 VaKorinte 10:13, NW.
Apo tinokumbira kununurwa pane wakaipa, tiri kukumbira kuti Dhiabhorosi asabvumirwe kutikurira savanamati vakatendeka vaJehovha. Kana tiri vabatiri vakavimbika vaMwari, tinogona kuva nechivimbo chokuti iye achapindura chikumbiro chakadaro, sezvo muapostora Petro akanyora, kuti: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9, NW) Uye rutivi urwu rwomunyengetero womuenzaniso runokosha sei, nokuti Satani Dhiabhorosi “anofamba-famba seshumba inorira, achitsvaka mumwe munhu wokuparadza”!—1 Petro 5:8, NW.
Chikonzero Nei Minyengetero Yavo Ichipindurwa
Mwari anopindura minyengetero yavanamati vake vakatendeka. Neiko? Murutivi, Jehovha anodaro nemhaka yokuti vanonyengetera kwaari oga, vachiita kusvika kwavo kupfurikidza naJesu Kristu. Ivo vanodzivisa uipi uye vanodzivisa minyengetero yokunyengera neinodzokororwa. Panzvimbo pokudzokorora munyengetero womuenzaniso nomusoro, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa nhungamiro dzawo dzakaisvonaka mukutaura mirangariro yazvo zvimene yechokwadi kuna Mwari. Asi kune zvimwezve zvikonzero nei minyengetero yazvo ichipindurwa.
Avo vane minyengetero inopindurwa vakasvitsa zvinodikanwa zvikuru. Achidudza izvozvi, Pauro akanyora, achiti: “Iye anosvika Mwari anofanira kudavira kuti aripo uye kuti anova mutusi waavo vanomutsvakisisa.” (VaHebheru 11:6, NW) Cherechedza aya mapfundo makuru maviri: Jehovha anopindura minyengetero ya (1) avo vanodavira kuti Mwari uriko, kana kuti aripo, uye (2) avo “vanomutsvakisisa.”
Munhu mumwe akadaro womuzana rokutanga ramakore akanga ari waMarudzi anoshingaira Kornerio. Iye akadavira kuti Mwari ariko, uye akanga achimutsvakisisa. Chii chakaita Kornerio pakuwana zivo yakarurama? Chokwadi, iye akazvitsaurira amene nomwoyo wose kuna Jehovha Mwari uye akabhapatidzwa kuratidzira tsauriro iyoyo. Pashure paikoko, Kornerio sezviri pachena akava noukama hwapedyo naMwari, uye ikoku kwaizofanira kuva kwakava nomuuyo wakananga paminyengetero yake.—Mabasa 10:1-44.
Kornerio asati abhapatidzwa, minyengetero yake yaka“kwira [bedzi] sechiyeuchidzo pamberi paMwari.” (Mabasa 10:4, NW) Zvisinei, kupfurikidza nokuita tsauriro kuna Mwari pahwaro hwechitendero chake muchibairo chorudzikinuro chaJesu, uye achibhapatidzwa, Kornerio akazvipa amene chose chose kuna Jehovha. Ikoku kwakatanga kuva pedyo kunoshamisa pakati paMwari nouyu murume akazvipira—ukama hunopa Kornerio ropafadzo isina kuganhurirwa yomunyengetero. (Jakobho 4:8) Iye aigona kusvika Baba vake vokudenga kupfurikidza naKristu Jesu nekariro yokunzwiwa. Izvozvo ndizvo zvinoitika kuvose vanozvitsaurira vamene kuna Mwari kupfurikidza naKristu ndokubhapatidzwa. Ivowo vane ropafadzo isina kuganhurirwa yomunyengetero.
Zvirokwazvo, iwe unoshuva kupindurirwa minyengetero yako. Naizvozvo, kana zvino usiri kubatira Jehovha somumwe wavanamati vake zvakazvitsaurira, kuchenjera sei kumutsvakisisa! Tevera nzira yakafanana neiyo yaKornerio, uye Mwari achapindura minyengetero yako.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Minyengetero yaKornerio yakatapurwa sei netsauriro yake kuna Mwari norubhapatidzo rwake?