-
“Mwari Haasaruri”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
22, 23. VaKristu vekuAndiyoki vakaratidza sei kuti vaida hama dzavo, uye mazuva ano vanhu vaMwari vanoratidza sei rudo rwakadaro?
22 “MuAndiyoki ndimo makatanga kushevedzwa vadzidzi kuti vaKristu, zvichitungamirirwa naMwari.” (Mab. 11:26b) Zita iroro rakabvumirwa naMwari rinonyatsotsanangura vaya vanorarama vachitevedzera mararamiro aiita Kristu. Vanhu vemamwe marudzi pavakava vaKristu, vakabatana nevaKristu vechiJudha here? Funga zvakaitika pakwakava nenzara huru munenge muna 46 C.E.e Kare ikako, varombo ndivo vainyanya kuomerwa kana kukaitika nzara nekuti vanenge vasina mari kana zvimwewo zvekudya zvavanenge vakachengeta. Pakaitika nzara iyi, vaKristu vechiJudha vaigara muJudhiya vaida rubatsiro nekuti vakawanda vavo vanofanira kunge vaiva varombo. Hama dzaiva kuAndiyoki, kusanganisira vaKristu vemamwe marudzi, pavakaziva nezvedambudziko iri, vakatumira “zvinhu zvekuyamura hama dzaigara muJudhiya.” (Mab. 11:29) Uku ndiko kunonzi kuratidzana rudo kwehama!
-
-
“Mwari Haasaruri”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
e Munyori wezvakaitika kare wechiJudha Josephus anoti “nzara huru” iyi yakaitika paitonga Mambo Kraudhiyo (41-54 C.E.).
-