-
Kuvapo kwaMesia Nokutonga KwakeNharireyomurindi—1992 | October 1
-
-
1, 2. (a) Ngirozi mbiri dzakanyaradza sei vaapostora vaJesu apo iye akakwira kudenga? (b) Mibvunzoi inomutswa nekariro yokudzoka kwaKristu?
VARUME vane gumi nomumwe vakamira pamawere okumabvazuva eGomo reMiorivhi, vachitarira mudenga. Nguva shomanene yapfuura Jesu Kristu akanga asimuka achibva pakati pavo, chimiro chake chichinyangarika kutozosvikira chafukidzwa negore. Mumakore avo naye, ava varume vakanga vaona Jesu achipa chibvumikiso chikuru chokuti iye akanga ari Mesia; vakanga vatopfuura murusuruvaro rworufu rwake nomufaro worumuko rwake. Zvino akanga aenda.
2 Ngirozi mbiri dzakaoneka kamwe kamwe ndokutaura aya mashoko anonyaradza: “Varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo, sezvamamuona achienda kudenga.” (Mabasa 1:11) Kunovimbisa sei—kukwira kwaJesu kudenga hakuna kureva kuti iye akanga asingachaitiri hanya pasi norudzi rwomunhu! Mukupesana, Jesu aizodzoka. Pasina panikiro aya mashoko akazadza vaapostora netariro. Mamirioni avanhu nhasi anorangarirawo chipikirwa chokudzoka kwaKristu kuva choukoshi hukuru. Vamwe vanotaura nezvacho so“Kuuya Kwechipiri” kana kuti “Adhivhendi.” Vazhinjisa, kunyanguvezvo, vanoratidzika kuva vakavhiringidzika pamusoro pokuti kudzoka kwaKristu kunorevei chaizvoizvo. Kristu anodzoka munzirai? Rini? Uye ikoku kunotapura sei upenyu hwedu nhasi?
Mutoo Wokudzoka kwaKristu
3. Vanhu vakawanda vanodavirei pamusoro pokudzoka kwaKristu?
3 Mukuwirirana nebhuku rinonzi An Evangelical Christology, “kuuya kwechipiri kana kuti kudzoka kwaKristu (parousia) kunosimbisa umambo hwaMwari, pakupedzisira, pachena, uye nokuda kwokusingagumi kwose.” Chitendero chinodavirwa zvakafara kuti kudzoka kwaKristu kuchaoneka pachena, kunoonekwa chaizvoizvo nomunhu ari wose ari panyika. Kutsigira uyu mufungo, vakawanda vanonongedzera kuna Zvakazarurwa 1:7, iyo inorava, kuti: “Tarirai, unouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya.” Asi iyi ndima yakarehwa kuti inofanira kurangarirwa sezvairi chaizvoizvo here?
4, 5. (a) Tinoziva sei kuti Zvakazarurwa 1:7 hairehwi mupfungwa chaiyoiyo? (b) Mashoko aJesu amene anosimbisa sei iyi nzwisiso?
4 Yeuka, bhuku raZvakazarurwa rinopiwa “muzviratidzo.” (Zvakazarurwa 1:1, NW) Ichi chikamu chamashoko, ipapoka, chinofanira kuva chokufananidzira; pashure pokurangarira zvose, “ivo vakamubaya” vaigona sei kuona Kristu achidzoka? Vave vakafa anodokusvika mazana amakore ane 20! Kupfuurirazve, ngirozi dzakataura kuti Kristu aizodzoka “saizvozvo” sokuenda kwaakaita. Eya, akaenda sei? Namamirioni achiona here? Aiwa, vakatendeka vashomanene chete vakaona chinoitika chacho. Uye apo ngirozi dzakataura kwavari, vaapostora vakanga vachiona chaizvoizvo rwendo rwaKristu achienda kudenga here? Aiwa, kufukidza kwegore kwakanga kwafukidza Jesu muchiono. Nguva yakati pashure pacho, iye anofanira kuva akapinda mumatenga omudzimu somunhu womudzimu, asingaoneki nameso avanhu. (1 VaKorinte 15:50) Naizvozvo, zvikurukuru, vaapostora vakaona mavambo bedzi orwendo rwaJesu; vaisagona kuona kuguma kwarwo, kudzoka kwake kukuvapo kwokudenga kwaBaba vake, Jehovha. Vaigona bedzi kunzwisisa ikoku nameso avo okutenda.—Johane 20:17.
5 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu anodzoka nenzira imwe cheteyo zvikuru. Jesu amene akati chinguvana pamberi porufu rwake: “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni.” (Johane 14:19) Iye akataurawo kuti “[umambo, NW] hwaMwari hahuuyi huchionekwa.” (Ruka 17:20) Ipapoka, ‘ziso riri rose richamuona’ mupfungwai? Kuti tipindure, tinotanga kuda nzwisiso yakajeka yeshoko iro Jesu navateveri vake vakashandisa pamusoro pokudzoka kwake.
6. (a) Neiko mashoko akadai sa“kudzoka,” “kusvika,” “adhivhendi,” uye “kuuya” asiri kushandurwa kwakakwana kweshoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa? (b) Chii chinoratidza kuti pa·rou·siʹa kana kuti “kuvapo,” kunogara kwenguva refu zvikuru kupfuura nhambo yechinoitikawo zvacho chipi nechipi chechinguvana?
6 Idi nderokuti, Kristu anoita zvakawanda zvikuru kupfuura “kudzoka” chete. Shoko iroro, kufanana na“kuuya,” “kusvika,” kana kuti “adhivhendi,” rinoreva chinoitika chimwe munhambo pfupi yenguva. Asi shoko rechiGiriki iro Jesu navateveri vake vakashandisa rinoreva zvakawanda zvikuru. Shoko racho ndipa·rou·siʹa, rinoreva chaizvoizvo “kuva parutivi” kana kuti “kuvapo.” Nyanzvi zhinjisa dzinobvuma kuti iri shoko rinobatanidza kwete bedzi kusvika asiwo kuvapo kunotevera—somushanyo yapaMutemo yomukuru mukuru woumambo. Uku kuvapo hachisati chiri chinoitika chenhambo pfupi; inhambo chaiyo, nhambo yakaratidzirwa yenguva. Pana Mateo 24:37-39 (NW), Jesu akataura kuti “kuvapo [pa·rou·siʹa] kwoMwanakomana womunhu” kwaizova kwakafanana na“mazuva aNoa” ayo akaguma naMafashamo. Noa akanga ari kuvaka areka nokunyevera vakaipa kwamakumi amakore Mafashamo asati asvika ndokuparadza tsika yakaipa iyoyo yenyika. Nenzira yakafanana, ipapoka, kuvapo kusingaoneki kwaKristu kunogara kwenhambo yamakumi amakore akati kusati kwagumawo noruparadziko rukuru.
7. (a) Chii chinobvumikisa kuti pa·rou·siʹa haioneki nameso avanhu? (b) Magwaro ayo anorondedzera kudzoka kwaKristu sokunooneka ne“ziso riri rose” achazadzikwa sei uye rini?
7 Nenzira isingapanikirwi, pa·rou·siʹa haisati ichioneka chaizvoizvo nameso avanhu. Kudai kwakadaro, neiko Jesu aizopedza nguva yakawanda kwazvo, sezvatichaona, achipa vateveri vake chiratidzo chokuvabetsera kunzwisisa uku kuvapo?a Zvisinei, apo Kristu anouya kuzoparadza tsika yenyika yaSatani idi rokuvapo kwake richaoneka zvikuru kuna vose. Ndipapo apo “ziso riri rose richamuona.” Kunyange vashori vaJesu vachakwanisa kunzwisisa, kukushamiswa kwavo, kuti kutonga kwaKristu ndichaikoiko.—Ona Mateo 24:30; 2 VaTesaronika 2:8; Zvakazarurwa 1:5, 6.
-
-
Kuvapo kwaMesia Nokutonga KwakeNharireyomurindi—1992 | October 1
-
-
a Shure muna 1864 mufundisi R. Govett akakutaura neiyi nzira: “Ikoku kunoratidzika kwandiri kuva kwakakomba zvikuru. Kupa chiratidzo choKuvapo kunoratidza kuti kwakavanzika. Hatidi chiratidzo kutizivisa kuvapo kwezvatinoona.”
-