“Shoko raJehovha Rakaramba Richikura”
“Unotuma mirayiro yake panyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.”—PISAREMA 147:15.
1, 2. Jesu akapa vadzidzi vake basa rei, uye raireva kuitei?
HUMWE hwouprofita hunoshamisa kwazvo huri muBhaibheri hunowanika pana Mabasa 1:8. Ava kuda kukwira kudenga, Jesu akaudza vateveri vake vakatendeka kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” Chokwadi raizova basa guru!
2 Kuzivisa shoko raMwari pasi pose kunofanira kuve kwakaita sebasa rakaoma kuvadzidzi ivavo vashomanana vakaripiwa. Funga kuti zvaireva kuitei. Vaizofanira kubatsira vanhu kunzwisisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Kupupura nezvaJesu kwaidawo kutaurira vamwe dzidziso dzake dzine simba nokutsanangura basa rake muchinangwa chaJehovha. Uyezve, basa racho raisanganisira kuita vanhu vadzidzi kwava kuvabhabhatidza. Uye izvi zvaifanira kuitwa munyika yose!—Mateu 28:19, 20.
3. Jesu akavimbisa vateveri vake chii, uye vakaita sei basa ravakapiwa?
3 Zvisinei, Jesu akavimbisa vateveri vake kuti mudzimu mutsvene waizova navo mukuita basa raakanga avapa. Nokudaro, pasinei noukuru hwebasa racho uye mabasa echisimba airamba achiitwa nevashori kuvaita kuti vanyarare, vadzidzi vaJesu vokutanga vakabudirira kuita zvaakavarayira. Ichokwadi chaicho chakanyorwa chisingagoni kurambwa.
4. Rudo rwaMwari rwaioneka sei mubasa rokuparidza nokudzidzisa vamwe?
4 Basa romunyika yose rokuparidza nokudzidzisa raiva kuratidzwa kworudo rwaMwari kune vaya vaisamuziva. Rakavapa mukana wokuswedera pedyo naJehovha uye kukanganwirwa zvivi. (Mabasa 26:18) Basa rokuparidza nokudzidzisa rakaratidzawo rudo rwaMwari kune vanotakura shoko racho, sezvo rakavabvumira kuratidza kuzvipira kwavo kuna Jehovha nokuratidza kuda kwavo vamwe vanhu. (Mateu 22:37-39) Muapostora Pauro aikoshesa ushumiri hwechiKristu zvokuti aihuti “pfuma.”—2 VaKorinde 4:7.
5. (a) Tinowanepi mashoko akavimbika kupfuura mamwe ose anotaura nezvevaKristu vokutanga, uye kukura kupi kunotsanangurwa imomo? (b) Nei bhuku raMabasa riine zvarinoreva kuvashumiri vaMwari nhasi?
5 Mashoko akavimbika kupfuura mamwe ose anotaura nezvebasa rokuparidza revaKristu vokutanga anowanika mubhuku rakafuridzirwa raMabasa, rakanyorwa nomudzidzi Ruka. Ichi chinyorwa chokukura kunoshamisa uye kwokukurumidza. Kukura uku kwezivo yeShoko raMwari kunotiyeuchidza nezvePisarema 147:15, rinoti: “[Jehovha] unotuma mirayiro yake panyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.” Nhoroondo yevaKristu vokutanga, vakapiwa simba nomudzimu mutsvene, inofadza uye ine zvikuru zvainoreva kwatiri nhasi. Zvapupu zvaJehovha zviri mubasa iroro rokuparidza nokuita vadzidzi, kungoti zviri kuzviita munharaunda yakati kurei. Tinotarisanawo nezvinetso zvakafanana nezvaitarisana nevaKristu muzana remakore rokutanga. Patinofunga kuti Jehovha akapa sei vaKristu vokutanga simba, kutenda kwedu kuti anotsigira kunosimbiswa.
Kuwedzera Kwenhamba Yevadzidzi
6. Mashoko api anotaura nezvokukura anowanika katatu mubhuku raMabasa, uye anotaura nezvechii?
6 Imwe nzira yokuongorora kuzadzika kwaMabasa 1:8 kufunga nezvemashoko okuti “shoko raJehovha rakaramba richikura,” mashoko anowanika katatu chete muBhaibheri, akangoti siyanei zvishoma, uye ose achiwanika mubhuku raMabasa. (Mabasa 6:7; 12:24; 19:20) “Shoko raJehovha,” uye “shoko raMwari,” mundima idzi rinoreva mashoko akanaka—shoko rinoorora rechokwadi chaMwari, shoko benyu, rine simba rakachinja upenyu hweavo vakarigamuchira.—VaHebheru 4:12.
7. Kukura kweshoko raMwari kune chokuita nei pana Mabasa 6:7, uye chii chakaitika pazuva rePendekosti ya33 C.E.?
7 Panotanga kutaurwa nezvokukura kweshoko raMwari ndepana Mabasa 6:7. Ipapo tinoverenga kuti: “Naizvozvo shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru kwazvo muJerusarema; uye boka guru revapristi rakatanga kuteerera kukutenda.” Pano, kukura kune chokuita nokuwedzera kwenhamba yevadzidzi. Mudzimu mutsvene waMwari wakanga wadururirwa pavadzidzi vanenge 120 vakanga vakaungana mukamuri repamusoro pazuva rePendekosti ya33 C.E. Muapostora Petro akabva apa hurukuro inoorora, uye vanenge 3 000 vevakateerera vakava vatendi pazuva iroro chairo. Panofanira kuva pakaitika chipatapata sezvo zviuru zvevanhu zvakaita midungwe zvakananga kudziva kana kuti madziva aiva muJerusarema nemakapoteredza kunobhabhatidzwa muzita raJesu, murume akanga arovererwa padanda somupari wemhosva mazuva anenge 50 akanga adarika!—Mabasa 2:41.
8. Nhamba yevadzidzi yakawedzera sei mumakore akatevera Pendekosti ya33 C.E.?
8 Chokwadi, iwayo aingova mavambo chete. Zvairamba zvichiedza kuitwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti vamise basa rokuparidza zvakashaya basa. “Jehovha akaramba achiwedzera [kuvadzidzi] zuva nezuva avo vakanga vachiponeswa,” uye izvi zvakashatirisa vatungamiriri ivavo. (Mabasa 2:47) Nenguva isipi “uwandu hwevarume hwakava vanenge zviuru zvishanu.” Zvadaro, “varume nevakadzi vazhinji vaitenda munaShe, vakaramba vachiwedzerwa.” (Mabasa 4:4; 5:14) Nezvenguva yakazotevera, tinoverenga kuti: “Zvechokwadi, ungano muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakapinda munguva yorugare, ichivakwa; sezvayaifamba ichitya Jehovha uye ichinyaradzwa nomudzimu mutsvene yakaramba ichiwedzera.” (Mabasa 9:31) Makore akati kuti akazotevera, zvimwe munenge muna 58 C.E., pane pakataurwa nezve“zviuru [zvakawanda] zvevatendi.” (Mabasa 21:20) Pakasvika nguva iyoyo, paivawo nevatendi vakawanda Vemamwe Marudzi.
9. Ungarondedzera sei vaKristu vokutanga?
9 Kuwedzera kwenhamba uku kwaiitwa zvikurukuru nokutendeuka kwevanhu. Chitendero chacho chaiva chitsva, asi chakanga chine simba. Pane kungova nhengo dzechechi dzinongozvigarira zvadzo, vadzidzi vakanga vakazvipira zvakazara kuna Jehovha neShoko rake, dzimwe nguva vachidaro vakadzidza chokwadi kune vakanga vatambudzwa noutsinye. (Mabasa 16:23, 26-33) Vaya vakagamuchira chiKristu vakaita kudaro vasarudza nokungwarira nokufungisisa. (VaRoma 12:1) Vakanga vadzidziswa munzira dzaMwari; chokwadi chaiva mupfungwa nemwoyo yavo. (VaHebheru 8:10, 11) Vaida kufira zvavaitenda.—Mabasa 7:51-60.
10. VaKristu vokutanga vakagamuchira mutoro wei, uye chii chakafanana chatinowana nhasi?
10 Vaya vaigamuchira dzidziso yechiKristu vaiziva mutoro wavo wokutaurirawo vamwe chokwadi. Izvi zvakabatsira zvakananga kuti nhamba iwedzere. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati: “Kutaurira vamwe kutenda kwaisaoneka sokunofanira kungoitwa nevanoshingaira kwazvo kana kuti nevaparidzi veevhangeri vakagadzwa chete. Kuparidza evhangeri kwaiva ropafadzo nebasa renhengo dzose dzeChechi. . . . Kushanda kwevaKristu vose vachizvidira kwakapa simba guru kusangano racho kubvira pamavambo chaipo.” Akanyorazve kuti: “Kuparidza evhangeri ndiwo waiva musimboti woupenyu hwevaKristu vokutanga.” Ndizvo zvakaitawo vaKristu vechokwadi nhasi.
Kukura Kwenharaunda
11. Kukura kworudzii kunorondedzerwa pana Mabasa 12:24, uye kwakaitika sei?
11 Pechipiri panotaurwa nezvokukura kweshoko raMwari ndepana Mabasa 12:24 panoti: “Shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira.” Pano mashoko acho ane chokuita nokukura kwenharaunda. Pasinei nokushora kwehurumende, basa rakaramba richibudirira. Mudzimu mutsvene wakatanga kudururwa muJerusarema, uye kubva ipapo shoko rakapararira nokukurumidza. Kutambudzwa kwakaitika muJerusarema kwakaita kuti vadzidzi vapararire kumatunhu aiva muJudhiya nomuSamariya mose. Zvakaguma nei? “Avo vakanga vapararira vakapfuura nomunyika iyoyo vachizivisa mashoko akanaka eshoko.” (Mabasa 8:1, 4) Firipi akarayirwa kuti apupurire mumwe murume, uyo akaenda neshoko racho kuEtiopiya abhabhatidzwa. (Mabasa 8:26-28, 38, 39) Nokukurumidza chokwadi chakadzika midzi muRidha, Bani reSharoni, neJopa. (Mabasa 9:35, 42) Gare gare muapostora Pauro akafamba zviuru zvemakiromita mugungwa nepanyika, achiumba ungano munyika dzakawanda dzomuMediterranean. Muapostora Petro akaenda kuBhabhironi. (1 Petro 5:13) Mumakore 30 pashure pokudururwa kwomudzimu paPendekosti, Pauro akanyora kuti mashoko akanaka akanga a“paridzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga,” zvichida achitaura nezvenyika yakanga ichizivikanwa panguva iyoyo.—VaKorose 1:23.
12. Vashori vechiKristu vakabvuma sei kukura munharaunda kweshoko raMwari?
12 Kunyange vashori vechiKristu vakabvuma kuti shoko raMwari rakanga radzika midzi muUmambo hwose hweRoma. Somuenzaniso, Mabasa 17:6 inorondedzera kuti muTesaronika, kuchamhembe kweGirisi, vashori vakadanidzira kuti: “Vanhu ava vanyonganisa pasi rinogarwa varipowo pano.” Uyezve, pamavambo ezana remakore rechipiri, Pliny Muduku akanyorera Mambo weRoma Trajan wokuBhitiniya pamusoro pechiKristu. Akanyunyuta kuti: “Ha[chi]si mumaguta chete, asi [cha]tapukirawo kumisha nenyika yakavakidzana nesu.”
13. Kukura munharaunda kunoratidza sei rudo rwaMwari kuvanhu?
13 Kukura munharaunda uku kwaiva kuratidzwa kworudo rukuru rwaJehovha kuvanhu vanokwanisa kudzikinurwa. Petro paakaona mudzimu mutsvene uchizviratidza muna Koneriyo weMamwe Marudzi, akati: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Hungu, mashoko akanaka aiva mashoko evanhu vose, uye nanhasi mashoko evanhu vose, uye kukura munharaunda kweshoko raMwari kwakapa vanhu kwose kwose mukana wokubvuma rudo rwaMwari. Muzana remakore rino rechi21, shoko raMwari rapararira chaizvoizvo kumativi ose epasi.
Kukura Kwakapararira
14. Kukura kworudzii kunotsanangurwa pana Mabasa 19:20, uye shoko raMwari rakakunda chii?
14 Pechitatu panotaurwa nezvokukura kweshoko raMwari ndepana Mabasa 19:20 panoti: “Shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richipararira.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ku“pararira” rinopa pfungwa yo“kuratidza simba.” Ndima dzinotangira iyi dzinorondedzera kuti vakawanda muEfeso vakava vatendi, uye vakati kuti vaiita zvemashiripiti vakapisa mabhuku avo vanhu vose vachiona. Saka, shoko raMwari rakakunda zvinodavirwa muchitendero chenhema. Mashoko akanaka akakundawo zvimwe zvipingamupinyi, zvakadai sokutambudzwa. Hapana chaigona kuamisa. Mune izvi tinoonazve kufanana kunoshamisa kwazvakaita nechiKristu chechokwadi munguva yedu.
15. (a) Mumwe munyori wenhau dzomuBhaibheri akanyora chii nezvevaKristu vokutanga? (b) Vadzidzi vaiti ndiani aiita kuti vabudirire?
15 Vaapostora nevamwe vaKristu vokutanga vakazivisa shoko raMwari vachishingaira. Achitaura nezvavo, mumwe munyori wenhau dzomuBhaibheri akati: “Apo vanhu vanenge vane chido chokutaura nezvaIshe wavo, havashayi nzira dzokuzviita nadzo. Chokwadi, kukurudzira kunoita varume nevakadzi ava ndiko kunonyanya kutifadza kudarika nzira dzavanoshandisa.” Kunyange zvakadaro, vaKristu vokutanga ivavo vaiziva kuti kubudirira kwoushumiri hwavo kwaisatsamira pane zvavaiita chete. Vaiva varayirwa naMwari kuti vaite basa ravo, uye vaitsigirwa naMwari kuti variite. Kukura kwokumudzimu kunobva kuna Mwari. Muapostora Pauro akabvuma izvi mutsamba yaakanyorera ungano yaiva muKorinde. Akanyora kuti: “Ndakadyara, Aporosi akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure. Nokuti tiri vashandi pamwe naMwari.”—1 VaKorinde 3:6, 9.
Mudzimu Mutsvene Uri Kuita Basa
16. Chii chinoratidza kuti mudzimu mutsvene wakapa vadzidzi simba kuti vataure vasingatyi?
16 Yeuka kuti Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti mudzimu mutsvene waizoita basa mukukura kweshoko raMwari uye kuti mudzimu mutsvene waizopa vadzidzi simba mubasa ravo rokuparidza (Mabasa 1:8). Izvi zvakaitika sei? Pasina nguva refu mudzimu wadururwa pavadzidzi paPendekosti, Petro naJohani vakadanwa kuti vataure neSanihedrini yechiJudha, dare repamusoro-soro raiva munyika yacho, rine vatongi vaiva vakonzera kuurayiwa kwaJesu Kristu. Vaapostora vacho vaizodedera pamberi pedare raishamisira uye raityisa zvakadaro here? Kana! Mudzimu mutsvene wakapa Petro naJohani simba rokutaura vasingatyi zvokuti vashori vavo vakashamiswa, uye “vakatanga kuziva kuti vaisiva naJesu.” (Mabasa 4:8, 13) Mudzimu mutsvene wakaitawo kuti Stefani apupurire Sanihedrini asingatyi. (Mabasa 6:12; 7:55, 56) Izvi zvisati zvaitika, mudzimu mutsvene wakanga waita kuti vadzidzi vaparidze vasingatyi. Ruka anoshuma kuti: “Vakati vateterera, nzvimbo yavakanga vakaungana mairi yakazununguka; uye vose mumwe nomumwe vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari vasingatyi.”—Mabasa 4:31.
17. Mudzimu mutsvene wakabatsira vadzidzi muushumiri hwavo nedzimwe nzira dzipi?
17 Achishandisa mudzimu mutsvene wake une simba, Jehovha, pamwe chete naJesu akamutswa, vakatungamirira basa rokuparidza. (Johani 14:28; 15:26) Mudzimu mutsvene pawakadururwa pana Koneriyo nehama dzake neshamwari dzepedyo, muapostora Petro akaziva kuti Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa vaigona kubhabhatidzwa muzita raJesu Kristu. (Mabasa 10:24, 44-48) Gare gare, mudzimu wakaita basa rinokosha mukugadza Bhanabhasi naSauro (muapostora Pauro) pabasa roumishinari uye mukuvaudza kwavaifanira kuenda nokwavaisafanira kuenda. (Mabasa 13:2, 4; 16:6, 7) Wakatungamirira kuita chisarudzo kwevaapostora nevakuru muJerusarema. (Mabasa 15:23, 28, 29) Mudzimu mutsvene wakatungamirirawo kugadzwa kwevatariri muungano yechiKristu.—Mabasa 20:28.
18. VaKristu vokutanga vakaratidza sei rudo?
18 Kuwedzera kune izvi, mudzimu mutsvene wakazviratidzawo muvaKristu pachavo, uchibereka unhu hunodiwa naMwari, hwakadai sorudo. (VaGaratiya 5:22, 23) Rudo rwakaita kuti vadzidzi vagovane nevamwe. Somuenzaniso, pashure pePendekosti ya33 C.E., pakatangwa homwe yaitsigirwa nevanhu vose kuti ibatsire pane zvokunyama zvaidiwa nevadzidzi muJerusarema. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Pakati pavo pakanga pasina anoshayiwa; nokuti vose vakanga vane minda kana dzimba vaizvitengesa vachiunza zvainge zvawanwa pakutengesa uye vaizviisa patsoka dzevaapostora. Uyewo mumwe nomumwe aizogoverwa, sokushayiwa kwaaiita.” (Mabasa 4:34, 35) Rudo urwu rwaisangoratidzwa kuvavaitenda navo chete asiwo kune vamwe, nokuvaudza mashoko akanaka uye kuvaitira mamwe mabasa omutsa. (Mabasa 28:8, 9) Jesu akati rudo rwokuzvipira rwaizozivisa vateveri vake—vechokwadi. (Johani 13:34, 35) Chokwadi unhu hunokosha hworudo hwakakwevera vanhu kuna Mwari uye hwakaita kuti kukura kuitike muzana remakore rokutanga sezvakunoita nhasi.—Mateu 5:14, 16.
19. (a) Shoko raJehovha rakakura munzira dzipi nhatu muzana remakore rokutanga? (b) Tichaongororei munyaya inotevera?
19 Mashoko okuti “mudzimu mutsvene” anowanika ka41 mubhuku raMabasa. Zviri pachena kuti kuwedzera kwevaKristu vechokwadi muzana remakore rokutanga kwakanga kune chokuita zvikuru nesimba nokutungamirira kwomudzimu mutsvene. Nhamba yevadzidzi yakawedzera, shoko raMwari rakapararira munharaunda yakakura, uye rakakunda zvitendero nouzivi zvenguva iyoyo. Kuwedzera kwomuzana remakore rokutanga uku kwakafanana nebasa reZvapupu zvaJehovha nhasi. Munyaya inotevera, tichaongorora kukura kweshoko raMwari kunoshamisa zvakaenzana nakwo munguva yedu.
Unoyeuka Here?
• Nhamba yevadzidzi vokutanga yakawedzera sei?
• Shoko raMwari rakapararira sei munharaunda?
• Shoko raMwari rakakunda sei muzana remakore rokutanga?
• Mudzimu mutsvene wakaita basa rei mukukura kweshoko raMwari?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Firipi akaparidzira muEtiopiya, achiita kuti mashoko akanaka apararire munharaunda
[Mufananidzo uri papeji 13]
Mudzimu mutsvene wakatungamirira vaapostora nevakuru muJerusarema
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Pakona yokurudyi, kumusoro: Kugadzirwazve kweGuta reJerusarema panguva yeTemberi Yechipiri - iri panzvimbo yeHolyland Hotel, Jerusalem