RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • 1, 2. Chii chakaita kuti rwendo rwaBhanabhasi naSauro rwusiyane nedzimwe, uye basa ravo raizozadzisa sei Mabasa 1:8?

      UNGANO yeAndiyoki iri kufara chaizvo musi uyu. Pane vaprofita nevadzidzisi vakati wandei, uye pakati pavo Bhanabhasi naSauro ndivo vanosarudzwa nemweya mutsvene kuti vaparidze mashoko akanaka kunzvimbo dziri kure.a (Mab. 13:1, 2) Hakasi hako kekutanga kuti patumirwe vanhu vanokodzera kuti vanoparidza kune dzimwe nzvimbo. Kungoti munguva yakapfuura, mamishinari aitumwa aiendeswa kunzvimbo dzaitova nechiKristu nechekare. (Mab. 8:14; 11:22) Panguva ino Bhanabhasi naSauro, pamwe chete naJohani Mako, uyo achange achivashumira, vachatumwa kunzvimbo dzine vanhu vakawanda vasati vambonzwa mashoko akanaka.

      2 Jesu akanga ambotaura kuvateveri vake makore 14 akanga adarika kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Kusarudzwa kwaBhanabhasi naSauro kuti vashande semamishinari kwaizobatsira kuti zvakanga zvaprofitwa naJesu zviitike!b

  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • 4. (a) Bhanabhasi naSauro vakasarudzwa sei, uye vamwe vakatsigira sei zvakanga zvasarudzwa? (b) Tingatsigira sei vaya vanenge vapiwa mamwe mabasa muungano yechiKristu?

      4 Asi nei mweya mutsvene wakanyatsotaura Bhanabhasi naSauro nemazita uchiti vasarudzwe kuti “vaite basa”? (Mab. 13:2) Bhaibheri haripi chikonzero chacho. Tinoziva kuti mweya mutsvene ndiwo wakatungamirira pakusarudzwa kwevarume ava. Hapana chinoratidza kuti vaprofita nevadzidzisi vekuAndiyoki vakapokana nazvo. Vakatotsigira zvakanga zvasarudzwa. Fungidzira kuti Bhanabhasi naSauro vakanzwa sei vachiona kuti hama dzavo hadzisi kutombovaitira godo. Vaprofita ava nevadzidzisi vakatotsanya ndokuvanyengeterera vachiisa “maoko avo pavari, vakaita kuti vaende.” (Mab. 13:3) Isuwo tinofanira kutsigira vaya vanenge vapiwa mamwe mabasa muungano yechiKristu, kusanganisira vaya vanenge vagadzwa sevatariri. Tinofanira kupa vakadaro “rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo,” kwete kuvaitira godo.—1 VaT. 5:13.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe