Bhuku reBhaibheri Nhamba 35—Habhakuki
Munyori: Habhakuki
Nzvimbo Yakanyorerwa: Judha
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 628 B.C.E.(?)
1. Izvokwadii dzakatanhamara dzinosimbiswa muuporofita hwaHabhakuki?
HABHAKUKI ndomumwe wavanonzi vaporofita vaduku vaMagwaro echiHebheru. Zvisinei, chiono chake neziviso zvakafuridzirwa naMwari hazvisati zvitongori zviduku muukoshi kuvanhu vaMwari. Huchikurudzira pamwe chete nokusimbisa, uporofita hwake hunotsigira vabatiri vaMwari munguva yedzvinyiriro. Bhuku racho rinosimbisa zvokwadi mbiri dzakatanhamara: Jehovha Mwari ndiChangamire Wechisiko Chose, uye vakarurama vanorarama nokutenda. Kunyora kwacho kunobatirawo senyevero kuvashori vavabatiri vaMwari uye kuavo vanotaura nenzira yokunyengera kuva vanhu vake. Rinogadza muenzaniso wokutenda kwakasimba muna Jehovha, uyo akafanirwa nenziyo dzose dzerumbidzo.
2. Mashokoi anopiwa pamusoro pomunyori, Habhakuki?
2 Bhuku raHabhakuki rinozarura, richiti: “Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuki.” (Hab. 1:1) Ndiani akanga ari uyu muporofita Habhakuki (chiHebheru, Chavaq·quqʹ), uyo ane zita rinoreva kuti “Kumbundira Kwokudisa”? Hakuna mashoko anogoverwa pamusoro pamadzitateguru aHabhakuki, rudzi, mamiriro ezvinhu muupenyu, kana kuti rufu. Kana akanga ari muimbi wepatembere wechiRevhi hakugoni kutaurwa chaizvoizvo, kunyange zvazvo ikoku kwakakarakadzwa kubva mumashoko ari pamugumo pebhuku racho, kuti: “Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.”
3. Mamirirei ezvinhu anotapura Judha anobetsera kuratidzira nguva yokunyorwa kwaHabhakuki?
3 Habhakuki akaita rini ziviso dzake dzouporofita? Mashoko ari pamugumo adudzwa pamusoro apa nemashoko okuti “Jehovha uri mutembere yake tsvene” zvinoratidzira kuti tembere muJerusarema yakanga ichiriko. (2:20) Ikoku, pamwe chete neshoko rouporofita hwacho, kunokarakadza kuti rakataurwa isati iri nguva refu Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Asi makore mangani risati? Kunofanira kuve kwakanga kuri pashure pokutonga kwaMambo Josia anotya Mwari, 659-629 B.C.E. Uporofita hwacho humene hunogovera nhungamiro kumhinduro mukufanotaura mubato uyo vanhu muJudha vasati vachizotenda kunyange kana uchirondedzerwa. Chiiko ichochi? Ndiko kumutswa kwavaKardhea (vaBhabhironi) naMwari kuti arange Judha aisava nokutenda. (1:5, 6) Ikoku kwaizokodzera rutivi rwapakuvamba rwokutonga kwaMambo Jehoyakimi ainamata zvidhori, nguva apo kusatenda nokusaruramisira zvakanga zvakapararira muJudha. Jehoyakimi akanga aiswa pachigaro choumambo naFarao Neko, uye rudzi rwacho rwakanga rwuri mukati menharaunda yeEgipita yepesvedzero. Mumamirire ezvinhu akadaro vanhu vaizonzwa kuti vakanga vane chisakiso chokusadavira bviro ipi neipi yevhozhokero inobva kuBhabhironi. Asi Nebhukadnezari akakurira Farao Neko muhondo yeKarkemishi muna 625 B.C.E., nokudaro achipunza simba reEgipita. Uporofita hwacho naizvozvo hwaizove hwakapiwa chiitiko ichocho chisati chaitika. Naizvozvo ratidziro dzinonongedzera kukuvamba kwokutonga kwaJehoyakimi (kwakavamba muna 628 B.C.E.), kuchiita kuti Habhakuki ave akararama panguva imwe cheteyo naJeremia.
4. Chii chinobvumikisa bhuku raHabhakuki kuva rakafuridzirwa naMwari?
4 Tinogona sei kuziva kuti bhuku racho rakafuridzirwa naMwari? Ndaza dzakare dzaMagwaro echiHebheru dzinosimbisa kuva romundaza yamanyoro matsvene kwebhuku raHabhakuki. Nepo dzisingadudzi bhuku racho nezita, sezviri pachena rakabatanidzwa munongedzero dzadzo ku‘Vaporofita Vaduku vane gumi navaviri,’ nokuti pasina bhuku raHabhakuki kwaisazova ne12. Muapostora Pauro akagamuchira uporofita hwacho sorutivi rweMagwaro akafuridzirwa uye anonokora mashoko zvakananga Habhakuki 1:5, achinongedzera kwahuri sechimwe chinhu cha“karehwa navaporofita.” (Mabasa 13:40, 41) Akaita nongedzero dzinoverengeka kubhuku racho mutsamba dzake. Zvirokwazvo kuzadzikwa kwamashoko aHabhakuki pamusoro peJudha neBhabhironi kunomuratidzira somuporofita wechokwadi waJehovha, uyo akataura muzita rake uye nokuda kwembiri yake.
5. Taura nenzira yokupfupikisa zviri mubhuku raHabhakuki.
5 Bhuku raHabhakuki rakaumbwa nemaganhuro matatu. Maganhuro maviri okutanga 1, 2 ikurukurirano pakati pomunyori naJehovha. Anorondedzera simba ravaKardhea, pamwe chete nenhamo yakanga yakamirira rudzi rweBhabhironi urwo runowedzera zvisiri zvarwo rumene, runoita mhindu yakaipa nokuda kweimba yarwo, runovaka guta nokuteura ropa, uye runonamata mufananidzo wakavezwa. Ganhuro rechitatu 3 rinobata nokuisvonaka kwaJehovha muzuva rehondo, uye harikwikwidzwi musimba nekujeka kwomuitiro waro unoshamisa. Iri ganhuro munyengetero wamariro uye wakanzi “mumwe weyakajeka zvikurusa newakaisvonaka munhetembwa dzose dzechiHebheru.”a
ZVIRI MUBHUKU RAHABHAKUKI
6. Ndeapi ari mamirire ezvinhu muna Judha, uye naizvozvo mubatoi unoshamisa uyo Jehovha achaita?
6 Muporofita anodanidzira kuna Jehovha (1:1–2:1). Kusatenda muna Judha kwakanyandura mibvunzo mundangariro yaHabhakuki. “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi?” anobvunza kudaro. “Munondiratidzireiko zvakaipa?” (1:2, 3) Mutemo unova usina simba, wakaipa akapoteredza wakarurama, uye ruramisiro inova yakamonyana. Nemhaka yaikoku, Jehovha achapfuuridzira mubato uyo uchaparira kushamisika, chimwe chinhu icho “vanhu vasati vachizodavira kunyange zvazvo chikarondedzerwa.” Chaizvoizvo ari “kumutsa vaKardhea”! Chiono icho Jehovha anopa chourwu rudzi runotyisa chinotyisa zvirokwazvo sezvachinouya nokukurumidza. Runoda masimba masimba, uye runounganidza nhapwa “kungofanana nejecha.” (1:5, 6, 9, NW) Hapana chinhu chicharudzivisa, kwete kunyange madzimambo navakuru vakuru vakakwirira, nokuti runoseka vose zvavo. Runotapa nzvimbo iri yose yakasimbiswa. Kwose ikoku kuri nokuda kworutongeso nokutsiura zvinobva kuna Jehovha, “Mutsvene.” (1:12) Habhakuki anomirira akateerera kuti Mwari ataure.
7. Jehovha anonyaradza sei Habhakuki?
7 Chiono chenhamo shanu (2:2-20). Jehovha anopindura, kuti: “Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamahwendefa.” Kunyange kana zvichiratidzika kuva zvanonotswa, pasina kukundikana zvichaitika. Jehovha anonyaradza Habhakuki namashoko anoti: “Asi wakarurama uchararama nokutenda kwake.” (2:2, 4) Muvengi anozvikudza haasati achizosvika nharidzano yake, kunyange zvazvo achiramba achizviunganidzira amene marudzi navanhu. Chokwadi, ivava ndivo chaivo avo vachamushandisira chirevo chenhamo shanu, kuti:
8, 9. Nhamo shanu dzechiono dzinonangidzirwa kumarudzii avanhu?
8 “Une nhamo unowanza zvisati zviri zvake!” Iye amene achava chimwe chinhu chokupamba. Achapambwa “nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba.” (2:6, 8) “Une nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa.” Kuparadza kwake vanhu vakawanda kuchaparira mabwe amene nematanda eimba yake kudanidzira. (2:9) “Une nhamo unovaka musha neropa.” Vanhu vake vachashandira mwoto bedzi nezvisina maturo, anozivisa kudaro Jehovha. “Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.”—2:12, 14.
9 ‘Une nhamo uyo mukutsamwa anodhakisa shamwari yake kuti aone mitezo yayo inonyadza.’ Jehovha achaita kuti anwire mumukombe woruoko Rwake rworudyi, achimuunzira kuzvidzwa panzvimbo pembiri “nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika.” Mufananidzo wakavezwa unobetserei kumuiti wawo—vamwari vasina maturo vakadaro havasi vasingatauri here? (2:15, 17) “Une nhamo unoti kudanda: Muka! kana kubwe risingagoni kutaura: Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here?” Mukupesana naava vamwari vasina upenyu, “Jehovha uri mutembere yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere.”—2:19, 20.
10. Mubatoi unotyisa unova pamwe chete nokuonekwa kwaJehovha muzuva rehondo?
10 Jehovha muzuva rehondo (3:1-19). Mumunyengetero wakakomba, Habhakuki nenzira yakajeka anoyeuka mubato unotyisa waJehovha. Pakuoneka kwaJehovha “umambo hwake hunofukidza denga rose, nyika izere nokurumbidzwa kwake.” (3:3) Kujeka kwake kwakanga kwakafanana nechiedza, uye nhenda dzakaramba dzichimutungamirira. Akamira, achizungunusa pasi, achisakisa marudzi kutomuka namakomo asingagumi kupwanywa. Jehovha akatasva somurwi ane simba ane uta hwakafukurwa nengoro dzoruponeso. Makomo nemakadzama memvura zvakazununguswa. Zuva nemwedzi zvakamira, uye kwakanga kune chiedza chemiseve yake nokupenya kwemunondo wake sezvo aifamba mupasi, achirovanya marudzi akatsamwa. Akabuda nokuda kworuponeso rwavanhu vake uye nerwemuzodziwa wake uye nokuda kwokufukurwa kwenheyo yowakaipa, “kusvikira kumutsipa wayo.”—3:13.
11. Chiono chacho chinotapura sei Habhakuki, asi ndokupi kuri kutsunga kwake?
11 Muporofita anokurirwa neichi chiono chesimba rebasa rekare raJehovha nechemubato wake unouya unozungunusa nyika. “Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, miromo yangu yakadedera ndichinzwa inzwi; kuora kwakapinda mumafupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, kana iye, unozorwa navanhu, achivawira.” (3:16) Zvisinei, Habhakuki akatsunga kuti pasinei zvapo nenguva dzakashata dzinofanira kutarisanwa nadzo—muonde usina kutunga maruva, mizambiringa isina zvibereko, muchirugu musina makwai—achangofarira Jehovha ndokufarira Mwari woruponeso rwake. Anogumisa rwiyo rwake rwomufaro namashoko, anoti: “Jehovha Ishe isimba rangu, unoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, unondifambisa pamatunhu angu akakwirira.”—3:19.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
12. Kushandiswai kunobetsera kwaHabhakuki 2:4 uko Pauro akaita?
12 Achiziva uporofita hwaHabhakuki sohunobetsera nokuda kwokudzidzisa, muapostora Pauro akanokora mashoko muganhuro 2, ndima 4, panhambo nhatu dzakasiyana. Pakusimbisa kuti mashoko akanaka isimba raMwari nokuda kworuponeso kumunhu ari wose ane kutenda, Pauro akanyorera vaKristu muRoma, kuti: “Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.” Pakunyorera vaGaratia, Pauro akasimbisa pfundo rokuti chikomborero chinouya kupfurikidza nokutenda: “Hakuna munhu unoruramiswa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.” Pauro akanyorawo mutsamba yake kuvaHebheru kuti vaKristu vanofanira kuratidza kutenda kupenyu, kunochengetedza mweya, uye zvakare akanongedzera kumashoko aJehovha kuna Habhakuki. Zvisinei, iye anonokora mashoko kwete bedzi mashoko aHabhakuki anoti, “wakarurama wangu uchaponeswa nokutenda,” asiwo mamwe mashoko ake maererano neSeptuagint yechiGiriki, anoti: “Kana akadzokera shure, mwoyo wangu haungafari naye.” Ipapo anogumisa nokuti: Isu “tiri vokutenda kuti tiponeswe mweya.”—VaR. 1:17; VaG. 3:11; VaH. 10:38, 39.
13. Kuzadzika kwakarurama kwouporofita hwaHabhakuki pamusoro peJudha neBhabhironi kunosimbisei pamusoro pamarutongeso aMwari?
13 Uporofita hwaHabhakuki hunobetsera zvikurusa nhasi kuvaKristu, avo vanoda simba guru. Hunodzidzisa kutsamira pana Mwari. Hunobetserawo nokuda kwokunyevera vamwe nezvemarutongeso aMwari. Chidzidzo chinonyevera chine simba: Musarangarira marutongeso aMwari seanyanyononoka; iwo a“chauya zvirokwazvo.” (Hab. 2:3) Pasina kukundikana uporofita hwokuparadzwa kweJudha neBhabhironi hwakaitika, uye pasina kukundikana Bhabhironi rimene rakatapwa, vaMedhia navaPersia vachitora guta racho muna 539 B.C.E. Inyevero yakadini kuti tidavire mashoko aMwari! Nokudaro, muapostora Pauro akakuwana kuchibetsera kunokora mashoko mubhuku raHabhakuki apo akanyevera vaJudha vezuva rake kuti vasave vasina kutenda: “Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarehwa navaporofita, zvinoti: Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizviudzwa nomunhu.” (Mabasa 13:40, 41; Hab. 1:5, LXX) VaJudha vasina kutenda vaisazoteerera Pauro, kunyange sezvo vakanga vasina kudavira nyevero yaJesu yokuparadzwa kweJerusarema; vakatambura migumisiro yokusava nokutenda kwavo apo hondo dzeRoma dzakaparadza Jerusarema muna 70 C.E.—Ruka 19:41-44.
14. (a) Uporofita hwaHabhakuki hunokurudzira sei vaKristu nhasi kuva nokutenda kwakasimba? (b) Sezvinotaurwa muuporofita, chivimboi chinofadza icho vadi vokururama vanacho zvino?
14 Nenzira yakafanana, nhasi, uporofita hwaHabhakuki hunokurudzira vaKristu kuva nokutenda kwakasimba, apo vanenge vachigara munyika yakazara namasimba masimba. Hunovabetsera kudzidzisa vamwe nokupindura mubvunzo uyo vanhu munyika yose vakabvunza wokuti, Mwari achaita matsive pavakaipa here? Cherekedza zvakare mashoko ouporofita, anoti: “Uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Hab. 2:3) Nyongano dzipi kana dzipi dzinoitika mupasi, vakasarira vakazodzwa vavadyi venhaka voUmambo vanoyeuka mashoko aHabhakuki pamusoro pemabasa aJehovha omunguva yakapfuura amatsive: “Makabuda kuzoponesa vanhu venyu.” (3:13) Jehovha zvirokwazvo ndiye “Mutsvene” wavo, kubvira kare kare, uye “dombo” uyo uchatsiura vasina kururama ndokupa upenyu kuavo anombundira murudo rwake. Vose avo vanoda kururama vangafarira Umambo hwake nouchangamire, vachiti: “Ndichafara kwazvo muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu.”—1:12; 3:18, 19.
[Mashoko Omuzasi]
a The Book of the Twelve Minor Prophets, 1868, E. Henderson, peji 285.