-
Ropa—Rinokosha Nokuda KwoupenyuRopa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
-
-
Cherechedza chakaitika apo, makore mazhinji pashure porufu rwaJesu, mubvunzo wakamuka pamusoro pokuti mumwe munhu anova muKristu akanga achifanira kuchengeta mitemo yose yaIsraeri here kana kuti kwete. Iwoyu wakakurukurwa padare romutumbi unodzora wechiKristu, uyo waibatanidza vaapostora. Jakobho munun’una kuna amai waJesu akanongedzera kumanyoro ane mirairo pamusoro peropa yakataurwa kuna Noa uye kurudzi rwaIsraeri. Yakadaro yaizove iri madikanwa pamaKristu here?—Mabasa 15:1-21.
Dare iroro rakatumira chisarudzo charo kuungano dzose: MaKristu haadikanirwi kuchengeta bumbiro rakapiwa kuna Mosesi, asi kuri “madikanwa” kuti a“rambe achirega zvinhu zvakabairwa zvidhori uye ropa uye zvinhu zvakadzipwa [nyama isina kudururwa ropa] uye ufeve.” (Mabasa 15:22-29, NW) Vaapostora vakanga vasiri kupa mutemowo zvawo womuitiro kana kuti wezvokudya. Chisarudzo chacho chakagadza mipimo yetsika yehwaro, iyo maKristu apakuvamba akawirirana nayo. Rinenge gumi ramakore gare gare iwo akabvuma kuti akanga achindoveri anofanira “kuzvidzivisa vamene pane zviri zvakabairwa zvidhori pamwe chete neropa . . . uye ufeve.”—Mabasa 21:25, NW.
Iwe unoziva kuti mamirioni avanhu anopinda machechi. Vazhinjisa vavo zvichida vangabvuma kuti tsika dzechiKristu dzinobatanidza kusanamata zvidhori uye kusagoverana muutere hwakaipisisa. Zvisinei, kwakafanira kuti ticherekedze kuti vaapostora vakaisa kudzivisa ropa pamwero wetsika wakakwirira mumwe chetewo wakafanana nokudzivisa zvinhu zvakaipa izvozvo. Chisarudzo chavo chakagumisa, nokuti: “Kana mukazvidzivisa mumene nomutoo wokungwarira pazvinhu izvi, imi muchabudirira. Ivai noutano hwakanaka!”—Mabasa 15:29, NW.
Chisarudzo chavaapostora chakanzwisiswa kwenguva refu sechinoshanda. Eusebius anotaura nezvemhandara pedyo nokupera kwezana ramakore rechipiri iyo, isati yafa mukutambudzwa, yakasimbisa pfundo rokuti maKristu “haabvumirwi kudya ropa kunyange remhuka dzisina mufungo.” Yakanga isiri kushandisa maruramiro okuti ife. Yakanga ichida kurarama, asi haisati yaizobvumiranisa nheyo dzayo pane zvisina kufanira. Hauremekedzi here avo vanoisa nheyo pamusoro pemhindu yomunhu oga?
Nyanzvi yesayenzi Joseph Priestley akagumisa, kuti: “Kurambidzwa kudya ropa, kwakapiwa kuna Noa, kunoratidzika kuva kunoshanda pavana vake vose . . . Kana tikadudzira [ku]rambidza kwavaapostora kupfurikidza nomuitiro wamaKristu apakuvamba, asingagoni kufungidzirwa kuti haana kunzwisisa zvakarurama mugariro noukuru hwako, isu hapana chatinogona kuita kunze kwokugumisa, kuti kwakaitirwa kuti kuve kwakakwana uye kunopfuurira; nokuti ropa rakanga risingadyiwi namaKristu api naapi kwamazana mazhinji amakore.”
-
-
Ropa—Rinokosha Nokuda KwoupenyuRopa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
-
-
[Bhokisi riri papeji 4]
‘Mitemo yakarongwa nomutoo wokupfupikisa uye une nhevedzano [muna Mabasa 15] inotsanangurwa seinokosha, ichipa chibvumikiso chakasimba zvikurusa chokuti mundangariro dzavaapostora iyoyi yakanga isati iri gadziriro yechinguvana, kana nhano yomugariro.” —Purofesa Édouard Reuss, University yeStrasbourg.
-