-
Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwamashoko AkanakaNharireyomurindi—1989 | November 15
-
-
3. Kudisa kwaPauro kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka kwakaratidzwa sei pamusoro paTimotio navaJudha?
3 Mugariro wekare wechiJudha waPauro nokudisa kwake kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka zvakamushongedzera kubetsera vaJudha vanozvininipisa kugamuchira Jesu saMesia. Somuenzaniso, rangarira izvo muapostora akaita apo akasarudza Timotio somufambidzani wake. Timotio, ana baba akanga ari muGiriki, akanga asina kudzingiswa sezvakanga zvakaita vanarume vechiJudha. (Revhitiko 12:2, 3) Pauro akaziva kuti vaJudha vangagumburwa kana murume muduku asina kudzingiswa akaedza kuvabetsera kuva vanoyananiswa naMwari. Naizvozvo, kuitira kuti vaJudha vane mwoyo wakatendeseka vagorega kudziviswa kugamuchira Jesu, chii chakaita Pauro? Iye “akatora [Timotio] ndokumudzingisa nemhaka yavaJudha.” Ikoku kwakaitwa kunyange zvazvo dzingiso yakanga isiri chinodikanwa chechiKristu.—Mabasa 16:1-3, NW.
4. Mukuwirirana na 1 VaKorinte 9:20, chii chakanga chiri donzo raPauro?
4 Naizvozvo kwakadaro kuti Pauro akanga achiita zvinhu nokuda kwamashoko akanaka apo akaratidzira itiro hanya yorudo nokuda kwavaJudha biyake. Iye akanyora, kuti: “KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo, kuti ndiwane vari pasi pomurairo.” (1 VaKorinte 9:20) Hungu, sezvinoratidzirwa muchinoitika chaTimotio, Pauro akaita zvaaigona kuwana vaJudha, achivabetsera kuva maKristu. Asi iye akabata zvakafanana here naVamarudzi?
-
-
Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwamashoko AkanakaNharireyomurindi—1989 | November 15
-
-
7. Pamusoro pedzingiso, neiko mugariro waTito wakanga wakasiana nouyo waTimotio?
7 Apo Pauro akaenda kuJerusarema munenge muna 49 N.V. kuzopinda musangano unokosha womutumbi unodzora weungano yechiKristu, akaperekedzwa nomudzidzi wechiGiriki Tito. Kuhama dzakaungana, Pauro akapa mushumo pamusoro pebasa rake rokuparidzira pakati pavanhu vamarudzi, uye iye gare gare akanyora, kuti: “NaTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe.” (VaGaratia 2:1-3) Kusafanana naTimotio, Tito akaita ushumiri hwake zvikurukuru pakati pavanhu vasina kudzingiswa vamarudzi. Nokudaro, nhau yedzingiso haina kumuka muchinoitika chake.—2 VaKorinte 8:6, 16-18, 23; 12:18; Tito 1:4, 5.
-