-
Dzidza Kurinda Kubva Kuvaapostora VajesuNharireyomurindi—2012 | January 15
-
-
4, 5. Pauro nevamwe vake vakatungamirirwa sei nemudzimu mutsvene?
4 Chokutanga, vaapostora vainge vakarinda kuti vaudzwe kwokuparidza. Mune imwe nyaya tinodzidza kuti Jesu akashandisa mudzimu mutsvene waakapiwa naJehovha, kutungamirira muapostora Pauro nevamwe vake parwendo rwainge rwakasiyana nedzimwe nzendo. (Mab. 2:33) Ngationei zvaiitika pavaifamba.—Verenga Mabasa 16:6 kusvika ku10.
-
-
Dzidza Kurinda Kubva Kuvaapostora VajesuNharireyomurindi—2012 | January 15
-
-
7 Panguva iyi varume ava vakabva vaita chisarudzo chaiita sechisina musoro. Ndima 8 inotiudza kuti: “Vakapfuura pedyo neMisiya vakaburukira kuTroasi.” Saka zvinoreva kuti vakananga kumadokero vachibva vafamba makiromita 563, vachisiya maguta akawanda dzamara vasvika pachiteshi chezvikepe cheTroasi, pavaigona kuwana chikepe chaienda kuMakedhoniya. Kechitatu vakagogodza pasuo, uye iye zvino rakabva ravhurika! Ndima 9 inotaura zvakazoitika: “Pauro akaona chiratidzo usiku: mumwe murume muMakedhoniya akanga akamira achimuteterera achiti: ‘Yambukirai kuMakedhoniya mutibatsire.’” Iye zvino Pauro ainge ava kuziva kuti oparidza kupi. Varume vacho vakabva vakwira chikepe, vakananga kuMakedhoniya.
-