Zvapupu Zvinoshingaira zvaJehovha Zvinofambira Mberi!
ZVAPUPU zvaJehovha zvomuzana rokutanga ramakore vakanga vari vanhu vechiito choushingi neshingairo. Ivo vakaita nokudisa basa raJesu: “Endai . . . muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.”—Mateo 28:19, 20, NW.
Asi tinoziva sei kuti vateveri vapakuvamba vaKristu vakarangarira zvakakomba basa iroro? Chokwadi, bhuku reBhaibheri raMabasa aVaapostora rinobvumikisa kuti vakanga vari zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha, zvinofambira mberi zvirokwazvo!
BETSERO NAMAMWE MATIVI
Fanano mumutauro nomutoo pakati peEvhangeri yechitatu nebhuku raMabasa inoratidzira munyori mumwe—Ruka, “chiremba anodiwa.” (VaKorose 4:14, NW) Pakati pamativi aro echienzi ikurukurirano neminyengetero zvakachengetwa muna Mabasa. Inenge 20 muzana yebhuku racho yakaumbwa nehurukuro, dzakadai seidzo dzakapiwa naPetro naPauro mukutsigirwa kwokutenda kwechokwadi.
Bhuku raMabasa rakanyorwa muRoma munenge muna 61 N.V. Sezviri pachena ndokusaka risingadudzi kuoneka kwaPauro pamberi paKesari kana kuti chitambudzo icho Nero akaita pamaKristu munenge muna 64 N.V.—2 Timotio 4:11.
Kufanana neEvhangeri yaRuka, Mabasa akanangidzirwa kuna Teofiro. Akanyorwa kusimbisa kutenda nokushuma pamusoro pokupararira kwechiKristu. (Ruka 1:1-4; Mabasa 1:1, 2) Bhuku racho rinobvumikisa kuti ruoko rwaJehovha rwakanga rwuna vabatiri vake vakavimbika. Rinoita kuti tizive nezvesimba romudzimu wake uye rinosimbisa chivimbo chedu muuporofita hwakafuridzirwa nenzira youmwari. Mabasa anotibetserawo kutsungirira chitambudzo, anotisunda kuva Zvapupu zvinozvibaira zvaJehovha, uye anovaka kutenda kwedu mutariro yoUmambo.
URURAMI HWENHAU
Somusonganiri waPauro, Ruka akanyora kufamba kwavo. Iye akataurawo kuzvapupu zvakaona. Izvi zvinhu nenzvero yakakwana zvinoita kuti manyoro ake ave ounyanzvi kana toreva nezvoururami hwenhau.
Nyanzvi William Ramsay yaigona naizvozvo kuti: “Ruka ndowezvenhau wenzvimbo yokutanga: kutaura kwake hakusati kuchingovawo zvako kworuvimbiko rweidi, iye ane pfungwa yechokwadi yenhau . . . Uyu munyori anofanira kuiswa pamwe chete navakuru zvikurusa vavezvenhau.”
PETRO—CHAPUPU CHAKATENDEKA
Basa rakapiwa naMwari rokuzivisa mashoko akanaka rinogona kuitwa bedzi nesimba romudzimu mutsvene waJehovha. Nokudaro, apo vateveri vaJesu vanogamuchira mudzimu mutsvene, ivo vachava zvapupu zvake muJerusarema, Judhea, uye Samaria uye “kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” PaPentekosta 33 N.V., ivo vanozadzwa nomudzimu mutsvene. Sezvo ichingova zvayo 9:00 a.m., ivo zvirokwazvo havana kudhakwa, sezvinofunga vamwe. Petro anopa uchapupu hunofadza, uye vane 3 000 vanobhapatidzwa. Vashori vorudzidziso vanoedza kunyaradza vazivisi voUmambo, asi mumhinduro kumunyengetero, Mwari anogonesa zvapupu zvake kutaura shoko rake noushingi. Vatyisidzirwa zvakare, ivo vanopindura, vachiti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.” Basa rinopfuurira sezvo vanopfuurira kuparidzira paimba neimba.—1:1–5:42.
Kuvimba nomudzimu waJehovha kunogonesa zvapupu zvake kutsungirira chitambudzo. Nokudaro, pashure pokunge chapupu chakatendeka Stefano chatakwa namabwe kusvikira kurufu, vateveri vaJesu vanoparadzirwa, asi ikoku kunongoparadzira bedzi shoko. Firipo muevhangeri anopayona muSamaria. Nenzira inoshamisa, mutambudzi wamasimba masimba Sauro weTarso anotendeutswa. Somuapostora Pauro, iye anonzwa kupisa kwechitambudzo muDhamasko asi anonzvenga gadziriro dzokuponda dzavaJudha. Kwenguva pfupi, Pauro anosanganirana navaapostora muJerusarema uye ipapo anopfuurira muushumiri hwake.—6:1–9:31.
Ruoko rwaJehovha rwune zvapupu zvake, sezvo Mabasa anopfuurira kuratidza. Petro anomutsa Dhorkasi (Tabhita) muna vakafa. Achipindura danidzo, muKesaria iye anozivisa mashoko akanaka kuna Kornerio, mhuri yake, uye shamwari. Ivo vanobhapatidzwa saVamarudzi vokutanga kuva vadzidzi vaJesu. “Mavhiki ana makumi manomwe” nokudaro anoguma, kuchitisvitsa kuna 36 N.V. (Dhanieri 9:24) Nokukurumidza pashure paikoko, Herodhe Agripa I anouraya muapostora Jakobho uye anoita kuti Petro asungwe. Asi muapostora anowana kununura kwengirozi mutorongo, uye ‘shoko raJehovha rinopfuurira kukura nokupararira.’—9:32–12:25.
CHIKAIRO NHATU DZOUFUNDISI DZAPAURO
Zvikomborero zvinoyererera kuavo vanozvishandisa vamene mubasa raMwari, sezvakaita Pauro. Chikairo yake yokutanga youfundisi inovamba paAntiokia, Siria. Pachitsuwa cheKupro, mutongi Sergio Pauro navamwe vazhinji vanova vatendi. PaPerga muPamfiria, Johane Marko anoenda kuJerusarema, asi Pauro naBharnabhasi vanopfuurira kuAntiokia muPisidhia. MuRistra, vaJudha vanonyandura chitambudzo. Kunyange zvazvo atakwa ndokusiiwa odokufa, Pauro anonaya uye anopfuurira mushumiri hwake. Pakupedzisira, iye naBharnabhasi vanodzokera kuAntiokia muSiria, vachigumisa chikairo yokutanga.—13:1–14:28.
Kufanana nomubiyawo womuzana rokutanga ramakore, Mutumbi Unodzora wanhasi unopedza mibvunzo nenhungamiro yomudzimu mutsvene. Dzingiso yakanga isiri pakati pe“zvinhu zviri madikanwa,” izvo zvinobatanidza “kurega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori nokurega ropa nezvinhu zvakadzipwa noufeve.” (15:28, 29, NW) Sezvo Pauro anovamba chikairo yechipiri youfundisi, Sirasi anomuperekedza, uye gare gare vanokumbanirwa naTimotio. Chiito chokukurumidza chinotevera danidzo yokuyambukira muMakedhonia. PaFiripi, kupupurira kunoguma nenyonganyonga nokuiswa mutorongo. Asi Pauro naSirasi vanosunungurwa nokudengenyeka kwapasi uye vanoparidzira kumurindi wetorongo nemhuri yake uye ivava vanova vatendi vakabhapatidzwa.—15:1–16:40
Vabatiri vaJehovha vanofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veShoko rake, kufanana naPauro navaBherea vanonzvera Magwaro. PaAreopago muAtene, iye anopa uchapupu pamusoro pokuva musiki kwaJehovha, uye vamwe vanova vatendi. Fariro huru kwazvo inoratidzirwa muKorinte zvokuti iye anogara muguta iroro kwemwedzi 18. Ari imomo, iye anonyora VaTesaronika Wokutanga noWechipiri. Achiparadzana naSirasi naTimotio, muapostora anoenda nechikepe kuEfeso, ipapo anoenda kuKesaria, uye anopfuurira kufamba achienda kuJerusarema. Apo iye anodzokera kuAntiokia yeSiria, chikairo yake yechipiri youfundisi yakaguma.—17:1–18:22.
Sezvakaratidza Pauro, kupupurira paimba neimba rutivi runokosha rwoushumiri hwechiKristu. Chikairo yechitatu yomuapostora (52-56 N.V.) inoronda zvikurukuru rwendo rwake rwechipiri. Ushumiri hwaPauro hunonyandura chishoro paEfeso, apo iye anonyorera VaKorinte Vokutanga. VaKorinte Wechipiri anonyererwa muMakedhonia, uye iye anonyorera VaRoma ari muKorinte. PaMireto, Pauro anosangana navakuru veEfeso uye anotaura nezvokuti akavadzidzisa sei pachena uye paimba neimba. Chikairo yake yechitatu inoguma pakusvika kwake muJerusarema.—18:23–21:14.
CHITAMBUDZO HACHIBUDIRIRI
Chitambudzo hachinami miromo yezvapupu zvakatendeka zvaJehovha. Naizvozvo apo masimba masimba enyongori anoitirwa Pauro patembere muJerusarema, iye anopupurira noushingi kuvaiti vechimurenga vanopenga. Rangano yokumuponda inovhiringidzwa apo iye anotumirwa kuna Gavhuna Feriksi kuKesaria navarindi varwi. Pauro anochengetwa ari muzvisungo kwamakore maviri sezvo Feriksi anononotsa nokuda kwepfumbamuromo iyo isingatongouyi. Mutsivi wake, Festo, anonzwa Pauro achikwiririra kuna Kesari. Asati aenda Roma, zvisinei, muapostora anoita kuzvidzivirira kunonyandura pamberi paMambo Agripa.—21:15–26:32.
Vasingatyiswi nemiedzo, vabatiri vaJehovha vanoramba vachiparidzira. Ikoku zvirokwazvo kwakanga kuri kwechokwadi nezvaPauro. Nemhaka yokukwirira kwake kuna Kesari, muapostora anoenda kuRoma naRuka munenge muna 58 N.V. PaMira muRikia, ivo vanochinjira kuchimwe chikepe. Kunyange zvazvo ivo vachipunzikirwa nechikepe ndokusvika pachitsuwa cheMerita, gare gare chimwe chikepe chinovaendesa Itaria. Kunyange achichengetwa navarwi muRoma, Pauro anopinza vanhu uye anozivisa mashoko akanaka kwavari. Mukati mouku kuiswa mutorongo, iye anonyorera vaEfeso, vaFiripi, vaKorose, vaFiremoni, uye vaHebheru.—27:1–28:31.
VANOFAMBIRA MBERI NGUVA DZOSE
Bhuku raMabasa rinoratidzira kuti basa rakavambwa noMwanakomana waMwari rakapfuuridzirwa mukutendeka nezvapupu zvaJehovha zvomuzana rokutanga ramakore. Hungu, musimba raMwari romudzimu mutsvene, ivo vakapupurira nokushingaira.
Nemhaka yokuti vateveri vapakuvamba vaJesu vaivimba nokunyengetera naMwari, ruoko Rwake rwaiva navo. Zviuru nokudaro zvakava vatendi, uye ‘mashoko akanaka akaparidzirwa muchisiko chose pasi pedenga.’ (VaKorose 1:23) Zvamazvirokwazvo, pose pari paviri panguva iyeyo uye zvino, maKristu echokwadi akabvumikisa kuva zvapupu zvinoshingaira zvaJehovha zvinofambira mberi!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
KORNERIO MUKURU WAVARWI ZANA: Kornerio akanga ari mukuru wehondo, kana kuti mukuru wavarwi zana. (10:1) Mibairo yegore negore yomukuru wavarwi zana yaipfuura nakanenge kashanu iya yomurwi anofamba netsoka, kana kuti madhenari 1 200, asi yaigona kuva yakakwira zvikuru. Pakurega basa, iye aigamuchira tuso mumari kana kuti nyika. Chipfeko chake chehondo chakanga chakaisvonaka, kuvambira pangowani yesirivha kusvika kunguvo yakafanana nenguvo yakaisvonaka yamakushe, uye magobhazi akanyerenyetedzwa. Boka romukuru wavarwi zana sezvinorondedzerwa raiva navarume 100, asi padzimwe nguva paiva ne 80 bedzi kana kupfuura. Vakumbaniri ve“boka reItaria” sezviri pachena vaibva pakati pavagari vemo veRoma navanhu vakasununguka vomuItaria.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
MUNYENGETERO PAMUSORO PEMBA: Petro akanga asingaganzi apo akanyengetera ari oga ari pamusoro pemba. (10:9) Rumhanda padenga rakati sandara sezviri pachena rwakamuvanza kuti asaoneka. (Dheuteronomio 22:8) Denga rakanga ririwo nzvimbo yokuzororera nokunzvenga mheremhere yomumugwagwa mumadekwana.
[Bhokisi riri papeji 25]
VANOFUNGIDZIRWA KUVA VANAMWARI MUCHIMIRO CHAVANHU: Kuporesa kwaPauro chirema kwakaita vagari veRistria vafunge kuti vamwari vakanga vaoneka savanhu. (14:8-18) Zeus, mwari mukuru wechiGiriki, aiva netembere paguta iroro, uye mwanakomana wake Hermes, nhume yavamwari, akanga akakurumbira nokuda kwokutaura zvakanaka. Sezvo vanhu vakafunga kuti Pauro akanga ari Hermes nemhaka yokuti aitungamirira mukutaura, vakarangarira Bharnabhasi saZeus. Kwakanga kuri muitiro kupfekedza korona zvidhori zvavamwari venhema nemidungiro yamaruva kana mashizha omusipresi kana mupaini, asi Pauro naBharnabhasi vakaramba kubatwa kwokunamata zvidhori kwakadaro.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
MURINDI WETORONGO ANOTENDA: Apo kudengenyeka kwapasi kwazarura masuo etorongo ndokusunungura zvisungo zvavasungwa, murindi wetorongo weFiripi akanga achizozviparadza amene. (16:25-27) Neiko? Nemhaka yokuti mutemo weRoma wakaraira kuti murindi wetorongo aifanira kutakura chirango chomupukunyuki. Murindi wetorongo sezviri pachena akada zvake kufa nokuzviuraya panzvimbo pokuwana rufu nokutambudzwa, uko zvimwe kwakamirira vamwe vavasungwa. Zvisinei, iye akagamuchira mashoko akanaka, uye “iye nevake vakabhapatidzwa pasina kunonoka.”—16:28-34, NW.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
KUKWIRIRA KUNA KESARI: Somugari wemo weRoma kuvambira pakuberekwa, Pauro aiva namaruramiro okukwirira kuna Kesari ndokutongerwa muRoma. (25:10-12) Mugari wemo weRoma aisafanira kusungwa, kurohwa, kana kuti kurangwa pasina kutongwa.—16:35-40; 22:22-29; 26:32.
[Kwazvakatorwa]
Musei Capitolini, Roma
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
MURINDI WETEMBERE WAARTEMIS: Agumburwa nokuparidza kwaPauro, Dhemetrio mupfuri wesirivha akanyandura bope. Asi munyori weguta akaparadzira boka. (19:23-41) Vapfuri vesirivha vaiita nzvimbo tsvene dzesirivha rutivi rwunoyera zvikurusa rwetembere umo mufananidzo wamwari woruzvaro ane mazamu akawanda Artemis aiiswa. Maguta aiitirana makwikwi orukudzo rwokuva ne·o·koʹros wake, kana kuti “murindi wetembere.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]
NHAMO MUGUNGWA: Apo chikepe chakatakura Pauro charohwa nemhepo ine simba inonzi Euroaquilo, ‘ivo havana kutongokwanisa kusunga igwa duku.’ (27:15, 16) Igwa duku raiwazodhonzwa nechikepe. Chikepe chaitakura tambo dzaigona kusunga muviri weigwa kurisimbisa ndokuridzivisira kudhonza kwaiparirwa nokushanda kwamachira mukati mamadutu. (27:17) Ava vafambi vomugungwa vakakanda zvibatiso zvina ndokusunungura tambo dzechifambiso, kana kuti zvaishandiswa kuchaira chikepe. (27:29, 40) Ngarava yeAreksandria yaiva nomufananidzo wa“Vanakomana vaZeus”—Castor naPollux, vairangarirwa savatsigiri vavakwasvi.—28:11.