Vaverengi Vanobvunza Kuti
Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Testamende Yekare Here?
Zvapupu zvaJehovha zvinoona Bhaibheri seShoko raMwari uye zvinoshandisa Testamende Yekare neTestamende Itsva sezvikamu zvinokosha zveBhaibheri. Zvisinei, zvinoda kushandisa mazita akakodzera okuti “Magwaro echiHebheru” uye “Magwaro echiKristu echiGiriki,” nokuti Testamende Yekare neItsva dzakatanga kunyorwa muchiHebheru uye muchiGiriki.
Asi vamwe vanozviti vaKristu havadi kushandisa Testamende Yekare. Vanoti inotsanangura Mwari somunhu akatsamwa aibvumira hondo, kuponda, uye mabasa asingawirirani nounhu hwaMwari ane rudo, ane unhu hwakanaka anotsanangurwa muTestamende Itsva. Kana kuti vanoti sezvo Testamende Yekare ichinyanya kutaura nezvechitendero chevaJudha, haishandi kuvaKristu. Zvisinei, tichitarisa murayiro waMwari uri pana Dheuteronomio 12:32 wokusawedzera kana kubvisa mashoko aakataura, zvikonzero zvavanopa zvine musoro here kuti tirambe zvikamu 75 muzana zveBhaibheri?
Pane imwe nguva muna 50 C.E. muapostora wechiKristu Pauro ashanyira vanhu vokuTesaronika, kuGirisi, “akakurukurirana navo achishandisa Magwaro, achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakakodzera kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa.” (Mabasa 17:1-3) Vamwe vaive vakamuteerera vakava vaKristu, uye Pauro akazovarumbidza achiti: “Pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari.” (1 VaTesaronika 2:13) Panguva yaakashanya, Evhangeri yaMateu ndiyo chete yakanga yangonyorwa pamabhuku 27 eMagwaro echiKristu echiGiriki. Saka zviri pachena kuti “Magwaro” akashandiswa naPauro paairatidza “nezvakanyorwa” aiva Magwaro echiHebheru.
Kutaura zvazviri, vanyori veMagwaro echiKristu echiGiriki vakatora zvakananga ndima dzeMagwaro echiHebheru kanosvika ka320 uye vakatora zvikamu zvemashoko edzimwe ndima kanoda kusvika ka890. Nei? “Nokuti zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Izvi zvinonyatsoratidza kuti vaya vanoshandisa Bhaibheri rose vari kubatsirwa zvikuru.
Sezvo Magwaro echiHebheru ari chikamu chokutanga cheShoko raMwari, Magwaro echiKristu echiGiriki anongopfuudzira zvine musoro Shoko raMwari nokuti zvinangwa zvake zvakaramba zvichiziviswa. Haatombodzikisiri kukosha kweMagwaro echiHebheru. Herbert H. Farmer, purofesa wedzidzo dzezvitendero paCambridge University, anoti “kuti tinzwisise Evhangeri tinofanirawo kuziva zvakaitika kuvanhu vesungano yekare, sematsanangurirwo azvinoitwa muTestamende Yekare.”
Shoko raMwari harifaniri kuchinjwa. Kunyange zvakadaro, “gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” (Zvirevo 4:18) Paakawedzera Magwaro echiKristu echiGiriki kuti ave chikamu cheBhaibheri, zvishoma nezvishoma Mwari akazivisa kuti chinangwa chake chaizozadzika sei, asingadzikisiri kukosha kweMagwaro echiHebheru. Ose anoumba “shoko raJehovha rinogara nokusingaperi.”—1 Petro 1:24, 25.