-
‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
13. Pauro akatsanangura kuti zvinhu zvese zvakabva kupi, uye mashoko ake airevei?
13 Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. Pauro akati: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi ndiye Ishe wedenga nenyika, saka haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko.”d (Mab. 17:24) Zvinhu hazvina kungovapo zvega. Mwari wechokwadi ndiye Musiki wezvinhu zvese. (Pis. 146:6) Changamire Ishe wedenga nenyika haakwani mutemberi dzakavakwa nevanhu sezvaiita vanamwari vakadai saAthena nevamwe vaitofanira kuvakirwa temberi neatari kuti vakudzwe. (1Mad. 8:27) Mashoko aPauro akanga akajeka: Mwari wechokwadi mukuru uye anoshamisa kupfuura zvidhori zvese zvakagadzirwa nevanhu zvaiwanikwa mutemberi dzakaitwa nevanhu.—Isa. 40:18-26.
-
-
‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
d Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “nyika” ndikoʹsmos, raishandiswa nevaGiriki kureva zvinhu zvese zvinooneka panyika nemudenga. Pauro anogona kunge akashandisa shoko iri richireva izvozvo achiitira kuti arambe achinzwisisana nevateereri vake.
-