RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • 17, 18. Nei vanhu vachifanira kuswedera pedyo naMwari, uye tingadzidzei panzira yakashandiswa naPauro kuti anyatsobatsira vateereri vake?

      17 Vanhu vakasikwa vachifanira kuswedera pedyo naMwari. Pauro akati Mwari “ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” Vamwe vaongorori vanoti Pauro aishandisa mashoko emudetembi wekuKrete anonzi Epimenides, akararama mazana emakore akanga apfuura uye “aikosheswa zvikuru panyaya dzechitendero nevaAtene.” Pauro akapa chimwe chikonzero nei vanhu vachifanira kuswedera pedyo naMwari paakati: “Sezvakatotaurwa nevamwe vadetembi venyu kuti, ‘Nekuti tiri vana vakewo.’” (Mab. 17:28) Vanhu vanofanira kunzwa vari pedyo naMwari nekuti ndiye akavasika vachibva pamunhu mumwe chete. Pauro akatora mashoko pazvinyorwa zvechiGiriki zvairemekedzwa nevateereri vake achida kuti mashoko acho anyatsoti dyoo paaida.e Isuwo tinogona kutevedzera zvakaitwa naPauro, nekutora mamwe mashoko mumabhuku ekunyika, maduramanzwi, nemamwewo avanoremekedza, asi tisingazonyanyisi. Tikatora mashoko mune rimwe bhuku rinoremekedzwa tinogona kubatsira mumwe munhu asiri Chapupu kunzwisisa kuti zvimwe zvinhu zvinoitwa mune zvimwe zvitendero zvakabva mudzidziso dzenhema.

  • ‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • e Pauro akatora mashoko kubva munhetembo yainzi Phaenomena, yakanyorwa nemudetembi wechiStoiki ainzi Aratus. Mamwe mashoko akafanana neiwayo anowanika mune mamwe mabhuku echiGiriki, kusanganisira rinonzi Hymn to Zeus, rakanyorwa naCleanthes munyori wechiStoiki.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe