“Batikana Zvikuru” Noushumiri Hwako
1 Patinoverenga kuti muapostora Pauro aishanda basa rokugadzira matende muKorinde, tingabva tati izvi zvaitapudza mikana yake yokuparidza. Zvisinei Mabasa 18:5 inorondedzera kuti: “Pauro akatanga kubatikana zvikuru neshoko, achipupurira kuvaJudha kuti avaratidze kuti Jesu ndiye Kristu.” Nei Pauro aive akabatikana zvakadaro nebasa rokuparidzira? Kunyange zvazvo vakawanda muKorinde vakanga vatova vatendi, Ishe akanga azivisa kuti pakanga pachine vadzidzi vakawanda vaifanira kuitwa muguta iroro. (Mab. 18:8-11) Tine chikonzero chakadaro chokubatikana noushumiri hwedu here? Hungu. Vamwe vanhu vakawanda vanogona kuwanikwa vakadzidziswa chokwadi.
2 Pedzera Nguva Yakawanda Mubasa Muna April: Chingadaro chiri chinangwa chako kugara wakabatikana mukuparidzira mashoko akanaka mwedzi yose. Asi mimwe mwedzi inonyatsokodzera kuti ‘tibatikane zvikuru’ nebasa iri. Iyi inosanganisira mwedzi waApril, pakati chaipo pemwaka weChirangaridzo. Mamiriro ako ezvinhu anokubvumira kuita upiyona hwebetsero kana kuti kuwedzera basa rako muushumiri mwaka uno wechirangaridzo here? Vaparidzi vakawanda vari kudaro vakakomborerwa zvikuru. (2 VaK. 9:6) Kana uri kuita nepaunogona napo, yeuka kuti Jehovha ari kufadzwa nebasa rako romweya wose. (Ruka 21:2-4) Chero mamiriro ako ezvinhu akadii, chiite chinangwa chako kuti uve ‘akabatikana zvikuru’ noushumiri hwako muna April. Uye usakanganwa kuisa mushumo wako webasa romumunda kupera kwemwedzi kuitira kuti zvawakaita zviverengwe pamwe chete nezvevamwe vanhu vose vaJehovha.
3 Shanyira Vatsva Vakapinda Chirangaridzo: Gore rakapera muZimbabwe Chirangaridzo chakapindwa ne70 982. Vachapinda gore rino vachaonekwa kuti vanenge vakawanda zvakadini. Asi mishumo inoratidza kuti zvinobvira kuti pave ‘nokukohwa’ kukuru. (Mat. 9:37, 38) Saka nokukurumidza sezvinobvira, ronga kushanyira vanofarira vakapinda Chirangaridzo kuti uvabatsire mumudzimu. Kuverengera kushanya kwakadaro kungabvumira ‘akaipa kubvuta shoko roumambo rakadyarwa mumwoyo yavo.’ (Mat. 13:19) Kushanya pakarepo kunoratidza kuti ‘wakabatikana zvikuru’ noushumiri hwako.
4 Ramba Uchibatsira Vasingachaiti Basa: Muna March pane zvakatanga kuitwa kubatsira vasingachaiti basa. Kana paine vamwe vasati vashanyirwa kuzofudzwa, vakuru vanofanira kuronga kuvashanyira April asati atombopera. Vakuru vachaedza kuona chikonzero chaicho chechinetso chomunhu iyeye uye nzira yakanakisisa yokumubatsira nayo kushumira Jehovha zvakare. Uku kubatsira kworudo kunoratidza kuti vakuru havaiti zvokutamba nomutoro wavo sevafudzi ve“boka raMwari.” (1 Pet. 5:2; Mab. 20:28) Nharireyomurindi yaSeptember 15, 1993, papeji 22-3, inopa mazano akaisvonaka anogona kushandiswa nevakuru pakubata nechipi nechipi chezvinetso zvinowanzova nevasingachaiti basa. Zvaizova zvakanaka kana vamwe vakabatsirwa kuitazve basa romumunda muna April.
5 Batsira Vakawanda Kuva Vaparidzi Vasina Kubhabhatidzwa: Vana venyu vakatokwanisa here kuva vaparidzi vemashoko akanaka? Zvakadini nevamwe vamuri kudzidza navo Bhaibheri? Kana vakadaro vakatenderwa nevakuru, hamufungi here kuti April ndiwo mwedzi wakanaka wokuti vatange kuparidzira? Kana munhu ari kufambira mberi uye apedza bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo, chidzidzo cheBhaibheri chinogona kupfuudzirwa mune rimwe bhuku rechipiri—ringava rinonzi Shoko raMwari, Rugare Rwechokwadi, kana kuti Vakabatana Mukunamatwa. Chinangwa chako ndechokubatsira mudzidzi wacho kunyatsonzwisisa chokwadi, akwanise kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, achizova Chapupu chaJehovha chakazvitsaurira chakabhabhatidzwa.—VaEf. 3:17-19; 1 Tim. 1:12; 1 Pet. 3:21.
6 Kufarira kusingachinji uye kwechokwadi kwaunoita vaunodzidza navo Bhaibheri kungavabatsira kupedzisira vaita chokwadi chavo pachavo. Mumwe weZvapupu akasangana nevamwe vakaroorana vava vechikuru vakabvuma nomwoyo wose kudzidza Bhaibheri. Asi vaviri vacho vakasundira mberi chidzidzo chacho kwevhiki nhatu dzakatevedzana. Pakupedzisira vakazotanga kudzidza. Vakazotanga kusadzidza pashure pedzinenge vhiki mbiri dzoga dzoga. Zvisinei, pakupedzisira mudzimai wacho akafambira mberi zvokutozobhabhatidzwa. “Abhabhatidzwa,” hama yacho inoyeuka kuti, “maziso ake akazara misodzi yomufaro, zvikaunzawo misodzi yomufaro mumaziso angu neomudzimai wangu.” Hungu, kuva ‘akabatikana zvikuru’ nemashoko akanaka kunounza mufaro mukuru!
7 Uprofita hweBhaibheri nezviitiko zvenyika zvinoratidza kuti tiri kurarama mukati chaimo menguva yomugumo. Ino ndiyo nguva yokuti vanhu vaMwari va‘batikane zvikuru’ nokuita kuti mashoko akanaka azivikanwe nevamwe. Muapostora Pauro anopa vimbiso yokuti basa rakadaro zvechokwadi “harisi pasina munaShe.”—1 VaK. 15:58.