RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Kukura Uye Kukunda’ Pasinei Nekupikiswa
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • 15. Tingatevedzera sei vaEfeso kana taiita kana kuti tiine zvinhu zvine chekuita nechidhimoni?

      15 Kunyadziswa kwakaitwa vanakomana vaSkevha kwakaita kuti vanhu vakawanda vatye Mwari, zvikaita kuti vakawanda vave vatendi uye vasiye kuita zvemidzimu. Vanhu vekuEfeso vakanga vakanyura mune zvemashiripiti. Kutsingana uye kushandisa mazango, nemashoko ekupanana munyama ainge akaita zvekunyorwa mumabhuku, zvakanga zvakazara. Pavakaona izvi vaEfeso vakawanda vakauya nemabhuku avo emashiripiti ndokuapisa pamberi pevanhu vese, kunyange zvazvo mabhuku acho aidhura zvikuru.d Ruka anoti: “Saka shoko raJehovha rakaramba richikura zvine simba uye richikunda.” (Mab. 19:17-20) Uku kwaiva kukundwa kunoshamisa kwedzidziso dzenhema nechidhimoni! Zvakaitwa nevanhu ivavo vakatendeka zvinotidzidzisawo mazuva ano. Tinoraramawo munyika yakanyura munyaya dzemadhimoni. Tikangoziva kuti pazvinhu zvatiinazvo pane chimwe chinhu chakabatana nechidhimoni, tinofanira kuchirasa pakarepo sezvakaitwa nevaEfeso! Kunyange zvingareva kurasikirwa nechimwe chinhu, ngatiitei zvese zvatinogona kuti titambire kure nemaitiro akadaro anosemesa.

  • ‘Kukura Uye Kukunda’ Pasinei Nekupikiswa
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • d Ruka anoti mabhuku acho aiva neukoshi hwemasirivha 50 000. Kana aireva dhinari, zvinoreva kuti munhu aizoshanda mazuva 50 000, kana kuti makore 137, kuti awane mari iyoyo, achishanda mazuva ese pavhiki.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe