CHITSAUKO 21
“Ndakachena Paropa Revanhu Vese”
Kushingaira kwaPauro muushumiri uye kurayira kwaanoita vakuru
1-3. (a) Tsanangura kuti zvakafamba sei kuti Yutiko azofa. (b) Pauro akaita sei, uye izvozvo zvinoratidzei nezvake?
PAURO ari muimba yepamusoro yakazara nevanhu muTroasi. Anotaura nehama kwenguva yakareba, sezvo ari manheru ake ekupedzisira ainavo. Pava pakati peusiku. Mune marambi akati wandei zvichiita kuti mubve mawedzera kupisa uye pamwe utsi hwakazara. Rimwe jaya rinonzi Yutiko rakagara nechepahwindo. Pauro achitaura kudaro, Yutiko anobatwa nehope obva adonha nepahwindo kubva panhurikidzwa yechitatu!
2 Sachiremba, Ruka anogona kunge ari pakati pevanhu vakatanga kumhanyira panze kunoona kuti mukomana mupenyu here. Hapana chavachiri kukwanisa kumuita. Yutiko ‘akanga atofa.’ (Mab. 20:9) Asi panozoitika chishamiso. Pauro anozviwisira pamusoro pejaya racho obva ati kuvanhu: “Regai kuita mheremhere nekuti ava mupenyu.” Pauro amutsa Yutiko!—Mab. 20:10.
3 Chiitiko ichocho chinoratidza simba rine mweya mutsvene waMwari. Pauro aisagona kunzi ndiye akaita kuti Yutiko azofa. Kunyange zvakadaro, akanga asingadi kuti rufu rwejaya iri rukanganise chiitiko ichi chinokosha kana kuti rukanganise kutenda kwevamwe. Kumutsa kwaakaita Yutiko kwakaita kuti ungano isare yanyaradzwa uye yawedzerwa simba rekuti ienderere mberi neushumiri. Zviri pachena kuti Pauro akaratidza kuti aikoshesa upenyu hwevamwe. Zvinobva zvatiyeuchidza mashoko ake ekuti: “Ndakachena paropa revanhu vese.” (Mab. 20:26) Ngationei kuti maonero aiita Pauro panyaya iyi angatibatsira sei.
“Akabva Apinda Munzira Akananga kuMakedhoniya” (Mabasa 20:1, 2)
4. Pauro akapinda nemudambudziko rakakura zvakadini?
4 Sezvakakurukurwa muchitsauko chakapfuura, Pauro akanga achangobva munguva yakaoma. Ushumiri hwake hwemuEfeso hwakanga hwamutsa mhirizhonga. Vapfuri vesirivha vaiwana mari kubva pakunamatwa kwaAtemisi ndivo vakanga vamumutsira mhirizhonga iyi! Mabasa 20:1 inoti: “Mheremhere payakanga yapera, Pauro akatumira shoko kuti vadzidzi vauye, uye akavakurudzira ndokuvaoneka, akabva apinda munzira akananga kuMakedhoniya.”
5, 6. (a) Pauro anogona kunge akagara muMakedhoniya kwenguva yakadii, uye hama dzakanzwa sei nekuvapo kwake? (b) Pauro aigara achiona sei hama dzake?
5 Ari munzira kuenda kuMakedhoniya, Pauro akamboti mirei pachiteshi chengarava cheTroasi. Aitarisira kuti Tito, uyo akanga atumwa kuKorinde, aizosangana naye ipapo. (2 VaK. 2:12, 13) Asi paakazoona kuti Tito akanga asiri kuuya, akapfuurira kuMakedhoniya, kwaakanoita rinenge gore rese achitaurira veko “mashoko akawanda ekukurudzira.”a (Mab. 20:2) Tito akazosvikawo kuMakedhoniya, akabatana naPauro, ndokumuudza zvakanaka zvakanga zvaitwa nevaKorinde pashure pekunge vagamuchira tsamba yake yekutanga. (2 VaK. 7:5-7) Izvi zvakabva zvaita kuti Pauro avanyorere imwe tsamba, yatava kuziva sa2 VaKorinde.
6 Cherechedza kuti Ruka anoshandisa shoko rekuti “akavakurudzira” nerekuti “ekukurudzira” achitaura zvaiitwa naPauro paaishanyira hama dzekuEfeso nedzekuMakedhoniya. Mashoko aya anonyatsoratidza maonero aiita Pauro hama dzake! Pauro aiona makwai aMwari sevamwe vake vaanoshanda navo, asingaiti sevaFarisi avo vaitarisira vamwe vanhu pasi. (Joh. 7:47-49; 1 VaK. 3:9) Pauro airamba achiona vanhu saizvozvo kunyange paaiona kuti pane pavanofanira kutsiurwa.—2 VaK. 2:4.
7. Mazuva ano vatariri vechiKristu vanotevedzera sei Pauro?
7 Mazuva ano vakuru veungano nevatariri vematunhu vanoedza kutevedzera Pauro. Kunyange pavanotsiura munhu, chinangwa chavo ndechekumusimbisa. Vatariri vanoedza kunzwisisa kuti mumwe munhu ari kunzwa sei pane kumupa mhosva. Mumwe mutariri wedunhu agara nebasa akataura kuti: “Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzine chido chekuita zvakanaka, asi dzinowanzokurirwa nekuora mwoyo, kutya, uye kutadza kuziva kuti dzoita zvipi.” Vatariri vanogona kusimbisa vanhu vakadaro.—VaH. 12:12, 13.
“Vakanga Vamurongera Zvakaipa” (Mabasa 20:3, 4)
8, 9. (a) Chii chakavhiringa urongwa hwaPauro hwekuenda kuSiriya? (b) Nei vaJudha vaivenga Pauro?
8 Achibva kuMakedhoniya, Pauro akaenda kuKorinde.b Pashure pemwedzi mitatu ari ikoko, aida kupfuurira kuKenkreya, kwaaida kuzokwirira chikepe chekuSiriya. Aida kuzobva kuSiriya achienda kuJerusarema nemipiro yekubatsira hama dzaishayiwa.c (Mab. 24:17; VaR. 15:25, 26) Asi pane zvakabva zvaitika zvakachinja urongwa hwaPauro. Mabasa 20:3 inoti: “VaJudha vakanga vamurongera zvakaipa”!
9 VaJudha vaiona Pauro semunhu akapanduka kubva muchitendero chavo, saka hazvishamisi kuti vaimuvenga. Nguva yakanga yapfuura akanga aita kuti Krispo, mumwe murume aiva akakurumbira musinagogi yekuKorinde, atendeuke. (Mab. 18:7, 8; 1 VaK. 1:14) Uye vaJudha vemuKorinde vakanga vambomupomera pamberi paGariyo, gavhuna weAkaya. Asi Gariyo akati nyaya yavaimupomera yakanga isina musoro, zvikatsamwisa vavengi vaPauro zvisingaiti. (Mab. 18:12-17) VaJudha vekuKorinde vanogona kunge vaiziva, kana kuti vaifungira kuti Pauro achaenda kuKenkreya kunokwirira chikepe ikoko, saka vakaenda kunomuhwandira ikoko kuti vamuuraye. Pauro aizoita sei?
10. Nei tingati kurega kwakaita Pauro kuenda nekuKenkreya hwakanga husiri ugwara? Tsanangura.
10 Achityira kuti angangourayiwa kana kubirwa mari yaakanga abatiswa, Pauro akasarudza kusaenda kuKenkreya ndokudzokera nekuMakedhoniya. Hazvirevi hazvo kuti kufamba nemumugwagwa kwakanga kusinawo ngozi. Mumigwagwa yakare maiwanzozara makororo. Kunyange dzimba dzaibhadharwa kuti munhu arare kana ari parwendo dzakanga dzisina kumira zvakanaka. Asi Pauro akatoona kuti njodzi idzi dzaiva nani pane dzaaizosangana nadzo kuKenkreya. Zvakanga zvakanakira pakuti aisazofamba ega. Parwendo rwake urwu, Pauro aiva naAristako, Gayo, Sekundo, Sopata, Timoti, Trofimo naTikiko.—Mab. 20:3, 4.
11. VaKristu vanoita sei kuti vazvidzivirire, uye Jesu pachake aiita sei?
11 VaKristu mazuva ano vanotevedzerawo Pauro nekutora matanho ekuzvidzivirira pavanenge vari muushumiri. Mune dzimwe nzvimbo, vanofamba vakawanda kana kuti vari vaviri vaviri, panzvimbo pekuti munhu afambe ari ega. Ko kana vachitambudzwa? VaKristu vanoziva kuti vachatotambudzwa. (Joh. 15:20; 2 Tim. 3:12) Asi havazvipinzi mumatambudziko vachiziva. Funga zvaiitwa naJesu. Mumwe musi ari kuJerusarema, vavengi vake pavakatanga kunhonga matombo vachida kumutema, “Jesu akahwanda, akabuda mutemberi.” (Joh. 8:59) VaJudha pavakanga vava kuronga kumuuraya, “Jesu akanga asingachafambi achionekwa nevanhu vese pakati pevaJudha, asi akabva ikoko, akaenda kunharaunda yaiva pedyo nerenje.” (Joh. 11:54) Jesu akaita zvese zvaaigona kuti azvidzivirire paaiona kuti zvakanga zvisingapesani nekuda kwaMwari. Ndizvo zviri kuitwawo nevaKristu mazuva ano.—Mat. 10:16.
“Vakanyaradzwa Kwazvo” (Mabasa 20:5-12)
12, 13. (a) Kumutswa kwaYutiko kwakaita kuti vanhu vemuungano vanzwe sei? (b) Mazuva ano, itariro ipi yemuBhaibheri inonyaradza vaya vakafirwa?
12 Pauro nevamwe vake vakafamba vese nemuMakedhoniya uye kunenge kuti vakazoti paradzanei. Vanofanira kunge vakazosangana kuTroasi.d Nyaya yacho inoti: “Takasvika kuTroasi kwavaiva, taita mazuva mashanu tichifamba.”e (Mab. 20:6) Ndiko kwakazomutswa mukomana uya Yutiko, sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino. Fungidzira kuti hama dzakanzwa sei kuona mumwe wavo Yutiko amutswa! Nyaya yacho inoti “vakanyaradzwa kwazvo.”—Mab. 20:12.
13 Zvishamiso zvakadaro hazvichaitiki hazvo mazuva ano. Kunyange zvakadaro, vaya vakafirwa nevanhu vavanoda ‘vanonyaradzwa kwazvo’ netariro yerumuko inowanikwa muBhaibheri. (Joh. 5:28, 29) Tinoziva kuti Yutiko akazongofa zvakare nekuti aingovawo nechivi sezvatakaita. (VaR. 6:23) Asi vaya vachamutswa munyika itsva yaMwari vachatarisira kuzorarama nekusingaperi! Kana vari vaya vanomutswa kuti vanotonga naJesu kudenga vanopfekedzwa kusafa. (1 VaK. 15:51-53) Mazuva ano vaKristu, vangave vakazodzwa kana kuti ‘vemamwe makwai’ ‘vanonyaradzwa kwazvo’ netariro iyi.—Joh. 10:16.
“Paruzhinji Nepaimba Neimba” (Mabasa 20:13-24)
14. Pauro akaudza vakuru vekuEfeso kutii paakasangana navo kuMireto?
14 Pauro nevamwe vake vakabva kuTroasi ndokuenda kuAsosi, ndokuzoenda kuMitirene, Kiyosi, Samosi uye kuMireto. Chinangwa chaPauro chaiva chekusvika kuJerusarema panguva yeMutambo wePendekosti. Ndosaka akazosarudza chikepe chaisapfuura nekuEfeso. Asi sezvo aida kutaura nevakuru vekuEfeso, akavakumbira kuti vaite zvekusangana naye kuMireto. (Mab. 20:13-17) Pavakasvika, Pauro akati kwavari: “Munonyatsoziva kuti ndakazvibata sei pakati penyu kubvira pazuva rekutanga randakapinda munharaunda yeEzhiya, ndichishandira Ishe semuranda nekuzvininipisa, nemisodzi yaikonzerwa nemiedzo yaibva kuvaJudha vaindirongera zvakaipa, asi ndisingaregi kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai paruzhinji nepaimba neimba. Asi ndakapa uchapupu hwakasimba kuvaJudha nevaGiriki nezvekupfidza zvivi pamberi paMwari uye kutenda munaShe wedu Jesu.”—Mab. 20:18-21.
15. Kuparidza paimba neimba kwakanakirei?
15 Pane nzira dzakawanda dzekushandisa pakuparidzira vanhu mashoko akanaka mazuva ano. Tinoedza kuenda kunenge kuchiwanika vanhu sezvaiita Pauro, kungava kuzviteshi zvemabhazi, mumigwagwa inofamba vanhu vakawanda, kana kuti mumisika. Asi kuenda paimba neimba ndiyo nzira huru inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pakuparidza. Nei zvakadaro? Chimwe chikonzero ndechekuti kuenda paimba neimba kunopa munhu wese mukana wakanyatsorongeka wekuti agare achinzwa shoko reUmambo, zvichiratidza kuti Mwari haasaruri. Kunoitawo kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanyatsobatsirwa zvinoenderana nezvavari. Uyezve, ushumiri hwepaimba neimba hunosimbisa kutenda uye kutsungirira kwevaya vanohuita. Chokwadi ndechekuti kuparidza “paruzhinji nepaimba neimba” ndicho chinhu chinozivikanwa nacho vaKristu vechokwadi mazuva ano.
16, 17. Pauro akaratidza sei kuti akanga asingatyi, uye vaKristu vanomutevedzera sei mazuva ano?
16 Pauro akaudza vakuru vekuEfeso kuti akanga asingazivi kuti aizosangana nematambudziko akadii kuJerusarema. Kunyange zvakadaro, akavaudza kuti: “Handioni upenyu hwangu sehunokosha kwandiri kana ndisina kupedza nhangemutange yangu neushumiri hwandakapiwa naShe Jesu, kuti ndipe uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka enyasha dzaMwari.” (Mab. 20:24) Pauro hapana chaaisiya chichimutadzisa kuita ushumiri hwake zvizere, kungava kupikiswa zvakanyanya kana utano husina kunaka.
17 Mazuva ano vaKristu vanotsungirirawo matambudziko akasiyana-siyana. Vamwe vanorambidzwa kuita basa ravo kana kutambudzwa nehurumende. Vamwe vari kurwisana nezvirwere zvinotambudza. VaKristu vechidiki vanorwisana nemuedzo wekufurirwa nevamwe vezera ravo. Chero chii zvacho chavanosangana nacho, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichitsungirira sezvaiitwa naPauro. Zvinoramba zvichipa “uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka.”
“Zvichengetedzei Imi, Pamwe Neboka Rese Remakwai” (Mabasa 20:25-38)
18. Pauro akaita sei kuti asava nemhosva yeropa, uye vakuru vekuEfeso vaigona sei kumutevedzera?
18 Pauro akazokurudzira zvakajeka vakuru vekuEfeso kuti vatevedzere zvaaiita iye. Akatanga avaudza kuti pamwe vaisazomuona zvakare, ndokuzoti: “Ini ndakachena paropa revanhu vese . . . nekuti handina kumborega kukuudzai zvinhu zvese nezvechinangwa chaMwari.” Vakuru vemuEfeso vaizotevedzera sei Pauro, pakuramba vasina mhosva yeropa? Akavaudza kuti: “Zvichengetedzei imi, pamwe neboka rese remakwai ramakagadzwa pakati paro nemweya mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari, yaakatenga neropa reMwanakomana wake.” (Mab. 20:26-28) Pauro akavanyevera nezvevanhu vaakafananidza ‘nemhumhi dzinotyisa’ vaizopinda pakati pemakwai votaura “zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” Vakuru vanofanira kuita sei? Pauro akavaudza kuti: “Rambai makamuka, muchiyeuka kuti kwemakore matatu, siku nesikati, handina kurega kurayira mumwe nemumwe wenyu nemisodzi.”—Mab. 20:29-31.
19. Chii chakatanga kuitika makore 60 pashure pekufa kwaJesu, uye zvaiitika izvi zvakazowedzera sei nekupindana kwemakore?
19 “Mhumhi dzinotyisa” dzakatanga kuonekwa anenge makore 60 pashure perufu rwaJesu. Muapostora Johani akanyora munenge muna 98 C.E., kuti: “Iye zvino patova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji . . . Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu; nekuti kudai vaiva vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu.” (1 Joh. 2:18, 19) Pakazosvika makore ekuma200 C.E, kutsauka pakutenda kwakanga kwakura zvekuti pakanga pava neboka revafundisi vaizviti vaKristu, uye muna300 C.E, Mambo Constantine akaita kuti “chiKristu” ichi chakaora chitorwe sechechi yenyika. Vatungamiriri vechiKristu chenhema ava vakatanga kutaura “zvinhu zvisina kururama” pavakaita kuti tsika dzechihedheni dziite sedzechiKristu. Zvakatangwa ipapo zvichiri kuonekwa padzidziso dzemachechi anozviti ndeechiKristu uye patsika dzavo.
20, 21. Pauro akaratidza sei kuti aiva munhu anozvipira, uye vakuru vechiKristu vangamutevedzera sei?
20 Pauro akanga akasiyana zvachose nevanhu ava vakazotanga kudzvinyirira makwai. Aizvishandira kuti awane chekurarama nacho asingaremedzi ungano. Zvaaiitira ungano aisazviita nechinangwa chekuwana chimwe chinhu. Pauro akakurudzira vakuru vekuEfeso kuti vavewo vanhu vanozvipira kubatsira vamwe. Akavaudza kuti: “Munofanira kubatsira vaya vasina simba uye kuyeuka mashoko aShe Jesu, paakati: ‘Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.’”—Mab. 20:35.
21 Vakuru vechiKristu vemazuva ano vanozvipira sezvaiita Pauro. Vaya vakapiwa basa ‘rekufudza ungano yaMwari’ vanoita basa ravo vasingatarisiri kuwana chimwe chinhu, sezvinoita vatungamiriri vemachechi anozviti ndeechiKristu avo vanoda kutopfumiswa nevanhu vavanotungamirira. Muungano yechiKristu hamuna nzvimbo yevanhu vanozvikudza uye vanoda zvigaro, nekuti vaya ‘vanozvitsvagira kukudzwa’ vanozopedzisira vadonha. (Zvir. 25:27) Kuzvikudza kunotoita kuti upedzisire usisaremekedzwi.—Zvir. 11:2.
22. Chii chaiita kuti Pauro adiwe nevakuru vekuEfeso?
22 Rudo rwechokwadi rwaiva naPauro rwaiita kuti adiwe zvikuru nehama dzake. Paakanga ava kuvaoneka, “vese vakatanga kuchema chaizvo vachimbundira Pauro nekumutsvoda.” (Mab. 20:37, 38) VaKristu vanoda uye vanokoshesa hama dzinozvipira kuvashumira dzisingatarisiri kuwana chimwe chinhu. Pataongorora zvakaitwa naPauro, haubvumiwo here kuti akanga asingawedzeredzi kana kuzvikudza paakataura kuti: “Ini ndakachena paropa revanhu vese”?—Mab. 20:26.
a Ona bhokisi rakanzi “Tsamba Dzakanyorwa naPauro Ari kuMakedhoniya.”
b Pauro angangodaro akanyora tsamba yake kuvaRoma panguva iyi yaaiva kuKorinde.
c Ona bhokisi rakanzi “Pauro Anoendesa Zvipo Zvekuyamura”.
d Matauriro anoita Ruka pana Mabasa 20:5, 6 anoratidza kuti anofanira kunge akazobatanazve naPauro kuFiripi pashure pekunge amboparadzana naye.—Mab. 16:10-17, 40.
e Rwendo rwekubva kuFiripi kuenda kuTroasi rwakatora mazuva mashanu. Kungangodaro kwaiva nemhepo yaitadzisa chikepe kufamba zvakanaka, nekuti rwendo rumwe chete irworwo rwakanga rwamboita mazuva maviri chete.—Mab. 16:11.