Ungararama Makore Akawanda Sei?
“Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.”—JOBHO 33:25.
IMBWA painofa yararama makore 10 kana kuti 20, zvichida inenge yaita zvinhu zvose zvinofanira kuitwa nembwa. Inenge yaita vana, yadzingirira katsi, yaviga mapfupa ainopiwa, uye yadzivirira tenzi wayo. Asi munhu paanofa ararama makore 70 kana kuti 80, anenge angoita zvishoma bedzi pane zvose zvaanofanira kuita. Kana aifarira mitambo, zvichida anenge agona mumwe chete bedzi kana kuti miviri. Kana aifarira mimhanzi, pamwe angangove akakwanisa kuridza chiridzwa chimwe chete kana zviviri. Kana aida kutaura nevanhu nomutauro wavo, angangove akakwanisa kutaura achitsetsenura mitauro miviri kana kuti mitatu bedzi. Angave akaitawo zvakawanda—kusangana nevanhu, kuziva zvinhu zvitsva, uye kuva noushamwari naMwari—ndokunge akararama makore akawanda.
Ungabvunza kuti, ‘Nei Mwari aizosika munhu aine pfungwa dzinofarira kuita zvinhu zvakawanda obva amushungurudza nokungomupa upenyu hupfupi hwokuti aite zvinhu zvishoma kudaro?’ Upenyu hupfupi hwevanhu hauiti sohunoenderana nemasikirwo akaitwa zvinhu anoratidza chinangwa anooneka pazvinhu zvakasikwa. Ungabvunzawo kuti, ‘Nei Mwari aizosika munhu aine unhu hwakanaka hwakadai sokururamisira uye kunzwira tsitsi asi panguva imwe chete omupa dzimwe pfungwa dzokuita zvakaipa?’
Kana ukaona motokari yakanaka iine pakafonyoka, unobva wagumisa kuti ndiwo magadzirirwo ayo here? Chokwadi haudaro! Pasina mubvunzo unotanga kufunga kuti, ‘Motokari iyi haina kugadzirwa yakadai. Inofanira kunge yakanga yakagadzirwa zvakanaka, asi mumwe munhu akazoikanganisa.’ Saizvozvowo, patinofungisisa nhaka youpenyu hwedu, tinogona kungogumisa kuti hatina kusikirwa kurarama sezvatiri kuita iye zvino. Upenyu hwedu hupfupi uye kuda kwedu kuita zvakaipa zvakangofanana nemotokari ine pakafonyoka. Zviri pachena kuti pane mumwe munhu akakanganisa nhaka yevanhu. Ndiani akazviita? Uchapupu hweBhaibheri hunonyatsoratidza munhu wacho.
Kana vanhu vakatanga vachikwanisa kurarama nokusingaperi, ndiani akazokanganisa nhaka yevanhu vose zvavo? Anofanira kunge ari tateguru wokutanga wevanhu vose, kwatakabva tose zvedu. Munhu mumwe chete ndiye bedzi aigona kukanganisa masero okutodza evamwe vanhu—kureva kuti, evazukuru vake pachake. Saka, Shoko raMwari Bhaibheri, rinowirirana nechokwadi chakadai chiri pachena parinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu, munhu wokutanga] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12) Saka Magwaro anoti Adhamu ndiye ane mhosva yokukanganisa nhaka yedu. Upenyu hwevanhu hwaifanira kunge hwakadini pakutanga?
Kunzwisisa Zvaifanira Kunge Zvakaita Upenyu Pakutanga
Parinoti rufu rwa“kapinda munyika,” Bhaibheri riri kureva kuti vanhu vakanga vasingafaniri kufa pakutanga. Kuvanhu, kukwegura nokufa zvinokonzerwa nokupanduka kwakaita munhu wokutanga kuna Mwari. Ukuwo mhuka dzakanga dzisina kusikirwa kurarama nokusingaperi.—Genesisi 3:21; 4:4; 9:3, 4.
Vanhu vakasikwa vakasiyana nemhuka. Tiri zvisikwa zviri pamusoro pemhuka, kungofanana nengirozi zvisikwa zvinopfuura vanhu. (VaHebheru 2:7) Kusiyana nemhuka, munhu akaitwa “nomufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Uyewo kusiyana nemhuka, muBhaibheri, Adhamu anonzi “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Saka tine chikonzero chakanaka chokudavira kuti munhu haana kusikirwa kuti akwegure uye afe. Mwari haafi, uye haanawo kusikira vanakomana vake kuti vafe.—Habhakuki 1:12; VaRoma 8:20, 21.
Zvimwezve zvinoita kuti tinzwisise masikiro akanga aita Mwari vanhu ndezvokuongorora zvinyorwa zvine nhoroondo dzakaitika kare dzevanhu vokutanga. Kare vanhu vairarama mazana emakore vasati vakwegura. Adhamu akararama makore 930. Makore mashomanana gare gare, mwanakomana waNoa Shemu akararama makore 600 chete, uye muzukuru waNoa Apakishadhi akararama makore 438.a (Genesisi 5:5; 11:10-13) Gare gare Abrahamu akararama makore 175. (Genesisi 25:7) Migumisiro yechivi paurefu hwoupenyu iri kuita sokunge iri kutowedzera, ichikonzera kuti upenyu hupfupike sezvo vanhu vachiramba vachiva kure nokukwana kwepakutanga. Asi pakutanga vanhu vakanga vasikirwa kurarama nokusingaperi. Saka, zvinongova zvomuzvarirwo kubvunza kuti, ‘Mwari achiri kuda kuti vanhu vararame nokusingaperi here pasi pano?’
Kusunungurwa Pakukwegura
Sezvo Jehovha Mwari akanga ataura kuti ani naani asingamuteereri aizoripa chivi chake norufu, vazukuru vaAdhamu vakaita sevakanga vasisina tariro. (Genesisi 2:17) Kunyange zvakadaro, Magwaro akafuridzirwa akapa tariro inoratidza kuti mumwe munhu aizobhadhara kuti pasave nokukwegura. Tinoverenga kuti: “Ngaarege kuburukira mugomba! Ndawana rudzikinuro! Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.” (Jobho 33:24, 25; Isaya 53:4, 12) Pano Bhaibheri riri kupa tariro inofadza—yomumwe munhu ari kubhadhara norudzikinuro kuti pasave nokukwegura!
Ndiani aigona kubhadhara rudzikinuro urwu? Mubhadharo wacho wakanga uchikosha kudarika zvinogona kutengwa nemari. Richitaura nezvevanhu vasina kukwana, Bhaibheri rinoti: “Hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura kunyange hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake . . . kuti arambe achirarama nokusingaperi.” (Pisarema 49:7-9) Zvisinei, Jesu Kristu aiva nechimwe chinhu chaikosha zvikuru kudarika mari. Paakanga ari pasi pano, akanga aine upenyu hwakakwana nokuti soMwanakomana waMwari, haana kugara nhaka chivi chaAdhamu. Jesu akataura kuti akauya “ku[zo]pa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” Pane chimwe chiitiko akati: “Ndakauya kuti iwo ave noupenyu uye kuti ave nahwo huri huzhinji.”—Mateu 20:28; Johani 10:10.
Kutarisira kurarama nokusingaperi ndiyo yaiva dzidziso huru pakuparidza kwaJesu. Muteveri wake akatendeka Petro akamboti kwaari: “Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:68) Bhaibheri rinenge richirevei parinotaura nezvoupenyu husingaperi?
Upenyu Husina Mugumo
Vaapostora vaJesu vaitarisira kurarama vasingafi kudenga vari muhurumende yoUmambo hwaJesu. (Ruka 22:29; Johani 14:3) Kunyange zvakadaro, Jesu aiwanzotaura nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika. (Mateu 5:5; 6:10; Ruka 23:43) Saka zvishamiso zvaJesu nedzidziso dzake dzoupenyu husingaperi zvinowirirana ne- zvipikirwa zvaMwari zvaakafanotaura kare achishandisa muprofita Isaya, uyo akanyora kuti: “Achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isaya 25:8) Upenyu hwevanhu hahusi kuzongovawo zvahwo makore mashomanana ouduku anopfuura anozoteverwa nokukwegura.
Munyika itsva yaMwari, vanhu vakatendeka pavachasvika pakukwana, vachasunungurwa pakukwegura. Bhaibheri rinoti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Chimbofungidzira! Vanhu vacharamba vachiwedzera uchenjeri uye ruzivo rwokuita zvinhu. Mazana emakore zvaachapfuura, simba ravo rouduku harizomboperi. Uchararama kuti uzoona izvozvo zvichiitika here?
Uchararama Kwenguva Yakareba Zvakadii?
Maererano naJesu, zuva raMwari rokutonga richaita kuti nyika isare iine vanhu vashoma chaizvo. (Mateu 24:21, 22) Jesu akati: “Mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”—Mateu 7:13, 14.
Kuti uzorarama nevaya vachararama nokusingaperi, unofanira kutsvaka kufarirwa naMwari. Kusvika pakuziva Mwari ndicho chinhu chinonyanya kukosha. Jesu akatsanangura kuti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.” (Johani 17:3) Ichokwadi kuti zvinoda kushanda nesimba kuti unyatsoziva Mwari; kunyange zvakadaro, ukadaro zvichakubatsira. Saizvozvowo, zvinoda kushanda nesimba kuti uwane mari yokudya zuva nezuva. Achienzanisa kuziva Mwari nezvokudya, Jesu akakurudzira kuti: “Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Johani 6:27) Chokwadi hazvikoshi here kuita chimwe chinhu kuti uwane upenyu husingaperi?—Mateu 16:26.
Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Naizvozvo, kuti uchararama kwenguva yakareba sei, zvichaenderana nezvauchaita parudo rwaunoratidzwa naMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanoti makore anotaurwa munhoroondo ino yeBhaibheri anongova mwedzi. Zvisinei, ndima yacho inoti Apakishadhi akabereka Shera ava nemakore 35. Saka kana izvozvi zvichireva mwedzi 35, Apakishadhi akava baba asati asvitsa makore matatu—zvingori pachena kuti hazviiti. Uyezve, zvitsauko zvokutanga zvaGenesisi zvinosiyanisa makore anoverengwa pachishandiswa zuva chairo nemwedzi inoverengwa pachishandiswa mwedzi chaiyo.—Genesisi 1:14-16; 7:11.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
Pashure pemakore 80 okurarama, munhu anenge angoita zvishomanana Chete pane zvose zvaanokwanisa kuita
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
Nemasikirwo avakaitwa, vanhu vanopfuura mhuka
[Mufananidzo uri papeji 23]
Motokari iyi yakagadzirwa iine pakafonyoka here?
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
Shoko raMwari rinotaura kuti vanhu vachadzokera ‘kumazuva esimba rouduku hwavo’