Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri
“Mutsa usina kukodzera kuwanwa [uchava] mambo nokuda kwokururama kuti pave noupenyu husingaperi.”—VAR. 5:21.
1, 2. Ndezvipi zvipo zviviri zvatingafunga nezvazvo, uye ndechipi chinonyanya kukosha?
MUMWE muzvinadzidzo wokuUniversity of Melbourne, kuAustralia, David J. Williams, akanyora kuti mitemo yoUmambo hweRoma inhaka kana kuti chipo chine ukoshi husingaperi pakuvandudzika kwemararamiro evanhu. Asi pane chipo chinokosha nokure kupfuura mitemo iyoyo. Chipo ichi inzira yaMwari yokuti vanhu vave noukama hwakanaka naye uye vave netariro yokuzoponeswa vachiwana upenyu husingaperi.
2 Tingati zvakaitwa naMwari kuti chipo ichi chivepo zvakati fananei nezvinoitwa panotongwa nyaya. Asi muchitsauko 5 chaVaRoma, muapostora Pauro haana kuzvitaura achiita sokuti Mwari anongoomerera pamitemo yakanyorwa. Akatanga nevimbiso iyi inofadza: “Zvatakanzi takarurama nokuda kwokutenda, ngativei norugare naMwari nokunaShe wedu Jesu Kristu.” Vaya vanogamuchira chipo chaMwari vanobva vamudawo. Pauro aiva mumwe wavo. Akanyora kuti: “Rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nomudzimu mutsvene, watakapiwa.”—VaR. 5:1, 5.
3. Zvakaitwa naMwari zvinoita kuti tive nemibvunzo ipi?
3 Asi nei Mwari aifanira kupa vanhu chipo ichi chinoratidza rudo rwake? Aizochipa sei nenzira yakanakira munhu wose? Mumwe nomumwe anofanira kuitei kuti achiwane? Ngationei mhinduro dzacho dzinogutsa toonawo kuratidza kwadzinoita rudo rwaMwari.
Rudo rwaMwari Pavatadzi
4, 5. (a) Jehovha akaratidza rudo rwake munzira ipi yakakura? (b) Tinofanira kuziva zvinhu zvipi zvakaitika kuti tinzwisise VaRoma 5:12?
4 Achiratidza rudo rukuru, Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti abatsire vanhu. Pauro akataura nezvazvo achiti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:8) Funga nezvechimwe chokwadi chataurwa murugwaro urwu: “Takanga tichiri vatadzi.” Vanhu vose vanofanira kuziva kuti takava sei vatadzi.
5 Pauro akatsanangura nyaya yacho, achitanga nechokwadi ichi: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Izvi tinozvinzwisisa nokuti Mwari akaita kuti nhoroondo yokutanga kweupenyu hwevanhu inyorwe. Jehovha akasika vanhu vaviri, Adhamu naEvha. Sezvo Musiki akakwana, vabereki vedu vokutanga vakanga vakakwanawo. Mwari akavapa mutemo mumwe chete akavaudza kuti vaizotongerwa rufu kana vakasauteerera. (Gen. 2:17) Zvisinei vakasarudza kuita zvakaipa nokutyora mutemo waMwari usina kuoma, saka vakaramba kuti ave Changamire wavo uye kuti avape mitemo.—Dheut. 32:4, 5.
6. (a) Chii chaiita kuti vazukuru vaAdhamu vafe, uye Mutemo waMosesi wakagadzirisa mamiriro acho ezvinhu here? (b) Chii chingafananidzwa nechirwere chokuzvarwa nacho?
6 Adhamu akazobereka vana atotadza, saka akapfuudza kwavari vose chivi nematambudziko ose achinokonzera. Ivo havana kutyora mutemo waMwari sezvakaitwa naAdhamu, saka havana kunzi ndivo vakanga vaita chivi chacho; uyewo panguva iyoyo bumbiro romutemo rakanga risati ravapo. (Gen. 2:17) Kunyange zvakadaro, chivi chakapfuudzirwa kuvana vaAdhamu. Saka chivi norufu zvakatonga kusvika panguva yakapiwa vaIsraeri bumbiro romutemo naMwari, iro rairatidza pachena kuti vaiva vatadzi. (Verenga VaRoma 5:13, 14.) Chivi chatinoberekwa nacho chingafananidzwa nezvimwe zvirwere zvatingawana kuvabereki. Kunyange zvazvo vamwe vana mumhuri vangasarwara zvinooneka, vanenge vaine chirwere chacho muropa. Chivi chinoita zvinopfuura ipapo. Chivi chakabva kuna Adhamu hachina munhu wachakasiya, saka nemhaka yaizvozvo tose tinofa. Dambudziko iroro raizokundwa sei?
Zvatakaitirwa naMwari Achishandisa Jesu Kristu
7, 8. Mararamiro evanhu vaviri vakakwana akaguma sei zvakasiyana?
7 Jehovha akaratidza rudo nokuita urongwa hwokuti vanhu vakunde chivi chavanozvarwa nacho. Pauro akatsanangura kuti izvi zvakaitwa pachishandiswa mumwe munhu akakwana akazovapo, angatonzi Adhamu wechipiri. (1 VaK. 15:45) Mararamiro akaita murume wokutanga akaita kuti zvinhu zviipe, asi wechipiri akaita kuti zvinake. Zvakadaro sei?—Verenga VaRoma 5:15, 16.
8 “Hazvina kudaro nechipo sezvazvakanga zvakaita nokudarika,” akanyora kudaro Pauro. Adhamu aiva nemhosva yokudarika ikoko, uye akatongerwa rufu, izvo zvaienderana nokutadza kwake. Asi handiye chete akafa. Tinoverenga kuti: “Vazhinji vakafa nokuda kwokudarika kwomunhu [iyeye] mumwe chete.” Maererano nomutongo wakakodzera wakapiwa Adhamu, vana vake vose vakanga vasina kukwana, kusanganisira isu, vaitofanira kufa. Kunyange zvakadaro, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti munhu akakwana, Jesu, aigona kuita kuti zvinhu zvinake. Sei? Tinoona mhinduro yacho pamashoko aPauro okuti “nokuda kwokururamisa kumwe chete, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.”—VaR. 5:18.
9. Sezvinotaurwa pana VaRoma 5:16, 18, vanhu pavanonzi vakarurama naMwari, chii chiri kurehwa?
9 Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “kunzi vakarurama” uye “vanonzi vakarurama” anombova nepfungwa ipi? Mumwe mushanduri weBhaibheri akanyora nezvawo kuti, “Mashoko aya idimikira romutauro unoshandiswa pakutonga nyaya. Rinotaura nezvokuchinja kwemaonerwo anenge achiitwa munhu naMwari, kwete kuti munhu wacho pachake ndiye anenge achinja . . . Dimikira racho rinoita sokuti riri kutaura nezvaMwari somutongi asarudza zvakanakira ari kupomerwa, anga aunzwa pamberi pedare raMwari achipomerwa mhosva yokuita zvisina kururama. Asi Mwari anomuti haana mhosva.”
10. Jesu akaitei, izvo zvakaita kuti vanhu vazonzi vakarurama?
10 “Mutongi wenyika yose” akarurama aizokwanisa sei kuti munhu asina kururama haana mhosva? (Gen. 18:25) Achigadzirira kuti izvi zvikwanisike, Mwari akaratidza rudo nokutitumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga. Jesu akaita kuda kwaBaba vake asingatsaudziri, zvisinei nemiedzo, kushorwa zvakanyanya, uye kuitirwa zvakaipa. Akaramba akaperera kuna Mwari kusvika pakutofira padanda rokutambudzikira. (VaH. 2:10) Nokubayira kwaakaita upenyu hwake hwakakwana, Jesu akapa rudzikinuro rwaigona kusunungura vana vaAdhamu muchivi norufu.—Mat. 20:28; VaR. 5:6-8.
11. Kuenzanirana kwerudzikinuro kuri papi?
11 Pauro akadana zvakaitwa izvi kuti “rudzikinuro runoenzanirana navose.” (1 Tim. 2:6) Kuenzanirana kwacho kwaiva papi? Adhamu akaunza kusakwana norufu kumabhiriyoni evana vake. Ichokwadi kuti Jesu, somunhu akakwana, aigona kudai akabereka mabhiriyoni evana vakakwana.a Saka, taimbova nepfungwa yokuti upenyu hwaJesu pamwe nohwevana vose vakakwana vaaigona kuva navo hwaiita kuti pave nechibayiro chaienzanirana noupenyu hwaAdhamu nehwevana vake vasina kukwana. Zvisinei, Bhaibheri haritauri kuti chero vana avo Jesu aigona kuva navo vaibatsirawo pakuva rudzikinuro. VaRoma 5:15-19 inotaura pfungwa yokuti rufu rwo“munhu mumwe chete” ndirwo rwakaita kuti vanhu vasunungurwe. Chokwadi, upenyu hwakakwana hwaJesu ndihwo hwaienzanirana nohwaAdhamu. Saka Jesu Kristu ndiye chete anopa rudzikinuro rwacho. Vanhu vemarudzi ose vanokwanisa kuwana chipo chepachena noupenyu pamusana po“kururamisa kumwe chete” kwaJesu, kunoreva mararamiro ake okuteerera uye kuperera kuna Mwari kusvika pakufa. (2 VaK. 5:14, 15; 1 Pet. 3:18) Izvozvo zvakaitika sei?
Kusunungurwa Pachishandiswa Rudzikinuro
12, 13. Nei dziri ngoni dzaMwari nerudo kuti ashandise rudzikinuro rwake pavanhu?
12 Jehovha Mwari akagamuchira chibayiro chorudzikinuro chakapiwa neMwanakomana wake. (VaH. 9:24; 10:10, 12) Kunyange zvakadaro, vadzidzi vaJesu vaiva pasi pano, kusanganisira vaapostora vake vakatendeka, vakaramba vaine chivi. Kunyange zvazvo vaiedza kusaita zvisina kururama, pamwe pacho vaikundikana. Nei vaikundikana? Nemhaka yechivi chokuzvarwa nacho. (VaR. 7:18-20) Asi Mwari aigona kugadzirisa nyaya yacho uye akatoigadzirisa. Akabvuma “rudzikinuro runoenzanirana” uye aida kurushandisa pavashumiri vake vepasi pano.
13 Hakusi kuti Mwari akashandisa rudzikinuro pavaapostora nevamwe achivabhadhara zvakanaka zvavakanga vaita. Asi Mwari akarushandisa pavari nemhaka yengoni dzake uye rudo rwake rukuru. Akasarudza kubvisira vaapostora nevamwe mutongo wavo, achivaona sevasisina mhosva yokuzvarwa nayo. Pauro akajekesa izvozvo paakati: “Chokwadi, imi makaponeswa nokutenda pachishandiswa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa; uye izvi hazvina kuitika nokuda kwenyu, iwo chipo chaMwari.”—VaEf. 2:8.
14, 15. Vaya vakanzi naMwari vakarurama vaizopiwa mubayiro wei, asi pasinei naizvozvo vaifanira kuitei?
14 Funga kuti chipo chakadini kuti Wemasimbaose akanganwire munhu chivi chakabva kuvabereki vake uye zvaakatadzawo iye pachake! Haugoni kuverenga kuwanda kwezvivi zvakaitwa nomunhu asati ava muKristu; asi pachishandiswa rudzikinuro, Mwari anogona kuzvikanganwira. Pauro akanyora kuti: “Chipo chakabva mukudarika kuzhinji chakaguma nokunzi vakarurama.” (VaR. 5:16) Vaapostora nevamwe vaigamuchira chipo ichi (chokunzi vakarurama) vaifanira kuramba vachinamata Mwari wechokwadi nokutenda. Vachizopiwa mubayiro wei? “Vaya vanogamuchira kuwanda kwomutsa usina kukodzera kuwanwa nokwechipo chepachena chokururama vachava madzimambo zvikuru sei muupenyu nokuda kwomunhu mumwe chete, iye Jesu Kristu.” Zvechokwadi, chipo chokururama chinoshanda zvakasiyana nezvakaitwa naAdhamu. Chipo chacho chinoita kuti pave noupenyu.—VaR. 5:17; verenga Ruka 22:28-30.
15 Vaya vanogamuchira chipo ichocho chokunzi vakarurama, vanova vanakomana vaMwari vomudzimu. Sevagari venhaka pamwe chete naKristu, vanotarisira kumutswa vachienda kudenga sevanakomana vomudzimu kuti vanotonga semadzimambo pamwe chete naJesu Kristu.—Verenga VaRoma 8:15-17, 23.
Rudo rwaMwari Kuvamwe Vanhu
16. Vaya vane tariro yokurarama pasi pano vangawana chipo chei?
16 Havasi vose vanotenda uye vanoramba vachishumira Mwari vanotarisira ‘kuva madzimambo’ naKristu kudenga. Vakawanda vane tariro yomuBhaibheri seyaiva nevashumiri vaMwari vakararama chiKristu chisati chavapo. Vanotarisira kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Kunyange iye zvino vanogona here kugamuchira chipo ichi chaMwari chorudo vonzi vakarurama kuti vazowana upenyu pasi pano? Tichifunga zvakanyorwa naPauro kuvaRoma, mhinduro inonyaradza ndeyokuti hongu!
17, 18. (a) Mwari aiona sei Abrahamu nemhaka yokutenda kwake? (b) Jehovha aigona sei kuti Abrahamu akanga akarurama?
17 Pauro akataura nezvemuenzaniso wakanaka waAbrahamu, murume aiva nokutenda akararama Jehovha asati apa Mutemo kuvaIsraeri uye nguva refu Kristu asati azarura nzira yokuenda kuupenyu hwokudenga. (VaH. 10:19, 20) Tinoverenga kuti: “Abrahamu kana vana vake havana kuva nechipikirwa chokuti aifanira kuva mugari wenhaka yenyika nokuda kwomutemo, asi vakava nacho nokuda kwokururama kwakavapo nokuda kwokutenda.” (VaR. 4:13; Jak. 2:23, 24) Saka Mwari aiona Abrahamu akatendeka seakarurama.—Verenga VaRoma 4:20-22.
18 Izvozvo hazvirevi kuti paaishumira Jehovha kwemakumi emakore, Abrahamu akanga asina chivi. Handizvo zvinorehwa nokuti akanga akarurama. (VaR. 3:10, 23) Asi, achishandisa uchenjeri hwake husina pahunogumira, Jehovha akafunga nezvekutenda kunoshamisa kwaAbrahamu uye mabasa akabva pakutenda kwacho. Akanyanya kuratidza kutenda kwacho panyaya ye“mwana” akapikirwa aizouya nomudzinza rake. Mwana iyeye akazova Mesiya, kana kuti Kristu. (Gen. 15:6; 22:15-18) Saizvozvowo, pachishandiswa “rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu,” Mwari anogona kukanganwira zvivi zvakaitwa munguva yakapfuura. Saka, Abrahamu nevamwe varume vaiva nokutenda vakararama chiKristu chisati chavapo vakamirira kuzomutswa.—Verenga VaRoma 3:24, 25; Pis. 32:1, 2.
Iva Noukama Hwakanaka naMwari Iye Zvino
19. Nei maonero aiita Mwari Abrahamu achifanira kukurudzira vakawanda mazuva ano?
19 Pfungwa yokuti Mwari worudo akati Abrahamu akanga akarurama inofanira kukurudzira chaizvo vaKristu vechokwadi mazuva ano. Jehovha haana kumuti akanga akarurama sezvaanoita vaya vaanozodza nomudzimu kuti vave “vagari venhaka pamwe chete naKristu.” Vose veboka iroro duku “vakadanwa kuti vave vatsvene” uye vanogamuchirwa se“vanakomana vaMwari.” (VaR. 1:7; 8:14, 17, 33) Kusiyana naivavo, Abrahamu akasvika pakunzi “shamwari yaJehovha,” uye izvozvo zvakataurwa chibayiro chorudzikinuro chisati chapiwa. (Jak. 2:23; Isa. 41:8) Ko zvakadini nevaKristu vechokwadi vanotarisira kurarama munyika inenge yavazve Paradhiso?
20. Mazuva ano, Mwari anotarisira kuti vaya vaanoti vakarurama sezvaakaita Abrahamu vaitei?
20 Ava havana kugamuchira “chipo chepachena chokururama” kuti vawane upenyu hwokudenga pachishandiswa “rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.” (VaR. 3:24; 5:15, 17) Kunyange zvakadaro, vane kutenda kwakasimba muna Mwari uye urongwa hwake, uye vanoratidza kutenda kwavo nemabasa akanaka. Rimwe remabasa akadaro nderokuparidza ‘umambo hwaMwari uye kudzidzisa zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu.’ (Mab. 28:31) Saka Jehovha anogona kuona ava sevakarurama sezvaakaita Abrahamu. Chipo chinogamuchirwa neava, chokuva shamwari dzaMwari, chakasiyana ne“chipo chepachena” chinowanikwa nevakazodzwa. Kunyange zvakadaro, icho chipo chavanoonga zvikuru.
21. Rudo rwaJehovha nokutonga zvakarurama zvakaita kuti pave nezvinhu zvipi zvinobatsira?
21 Kana uchitarisira kuwana upenyu husingaperi pasi pano, unofanira kuziva kuti hauna kuwana mukana uyu pamusana pokungosarudzwawo zvako nomutongi wepano panyika. Asi mukana wacho unoratidza chinangwa chokuchenjera chaChangamire wezvinhu zvose. Jehovha akatora matanho zvishoma nezvishoma kuti chinangwa ichi chizadziswe. Matanho aya anoenderana nokutonga kwakarurama. Chinopfuura izvozvo ndechokuti anoratidza rudo rukuru rwaMwari. Ndokusaka Pauro akati: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.”—VaR. 5:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, pfungwa iyi iri muna Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 736, ndima 4 ne5.
Unoyeuka Here?
• Vana vaAdhamu vakagara nhaka chii, zvikakonzerei?
• Rudzikinuro runoenzanirana rwakapiwa sei, uye kuenzanirana kwacho kwaiva papi?
• Chipo chokunzi wakarurama chakakupa tarisiro yei?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Murume akakwana Adhamu akaita chivi. Murume akakwana Jesu akapa “rudzikinuro runoenzanirana”
[Mufananidzo uri papeji 15]
Aya mashoko akanaka zvechokwadi, kuti pachishandiswa Jesu tinogona kunzi takarurama!