RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri
    Nharireyomurindi—2011 | June 15
    • 7, 8. Mararamiro evanhu vaviri vakakwana akaguma sei zvakasiyana?

      7 Jehovha akaratidza rudo nokuita urongwa hwokuti vanhu vakunde chivi chavanozvarwa nacho. Pauro akatsanangura kuti izvi zvakaitwa pachishandiswa mumwe munhu akakwana akazovapo, angatonzi Adhamu wechipiri. (1 VaK. 15:45) Mararamiro akaita murume wokutanga akaita kuti zvinhu zviipe, asi wechipiri akaita kuti zvinake. Zvakadaro sei?—Verenga VaRoma 5:15, 16.

      8 “Hazvina kudaro nechipo sezvazvakanga zvakaita nokudarika,” akanyora kudaro Pauro. Adhamu aiva nemhosva yokudarika ikoko, uye akatongerwa rufu, izvo zvaienderana nokutadza kwake. Asi handiye chete akafa. Tinoverenga kuti: “Vazhinji vakafa nokuda kwokudarika kwomunhu [iyeye] mumwe chete.” Maererano nomutongo wakakodzera wakapiwa Adhamu, vana vake vose vakanga vasina kukwana, kusanganisira isu, vaitofanira kufa. Kunyange zvakadaro, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti munhu akakwana, Jesu, aigona kuita kuti zvinhu zvinake. Sei? Tinoona mhinduro yacho pamashoko aPauro okuti “nokuda kwokururamisa kumwe chete, vanhu vemarudzi ose vanonzi vakarurama nokuda kwoupenyu.”—VaR. 5:18.

      9. Sezvinotaurwa pana VaRoma 5:16, 18, vanhu pavanonzi vakarurama naMwari, chii chiri kurehwa?

      9 Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “kunzi vakarurama” uye “vanonzi vakarurama” anombova nepfungwa ipi? Mumwe mushanduri weBhaibheri akanyora nezvawo kuti, “Mashoko aya idimikira romutauro unoshandiswa pakutonga nyaya. Rinotaura nezvokuchinja kwemaonerwo anenge achiitwa munhu naMwari, kwete kuti munhu wacho pachake ndiye anenge achinja . . . Dimikira racho rinoita sokuti riri kutaura nezvaMwari somutongi asarudza zvakanakira ari kupomerwa, anga aunzwa pamberi pedare raMwari achipomerwa mhosva yokuita zvisina kururama. Asi Mwari anomuti haana mhosva.”

  • Mwari Anoratidza Rudo Rwake Kwatiri
    Nharireyomurindi—2011 | June 15
    • 14, 15. Vaya vakanzi naMwari vakarurama vaizopiwa mubayiro wei, asi pasinei naizvozvo vaifanira kuitei?

      14 Funga kuti chipo chakadini kuti Wemasimbaose akanganwire munhu chivi chakabva kuvabereki vake uye zvaakatadzawo iye pachake! Haugoni kuverenga kuwanda kwezvivi zvakaitwa nomunhu asati ava muKristu; asi pachishandiswa rudzikinuro, Mwari anogona kuzvikanganwira. Pauro akanyora kuti: “Chipo chakabva mukudarika kuzhinji chakaguma nokunzi vakarurama.” (VaR. 5:16) Vaapostora nevamwe vaigamuchira chipo ichi (chokunzi vakarurama) vaifanira kuramba vachinamata Mwari wechokwadi nokutenda. Vachizopiwa mubayiro wei? “Vaya vanogamuchira kuwanda kwomutsa usina kukodzera kuwanwa nokwechipo chepachena chokururama vachava madzimambo zvikuru sei muupenyu nokuda kwomunhu mumwe chete, iye Jesu Kristu.” Zvechokwadi, chipo chokururama chinoshanda zvakasiyana nezvakaitwa naAdhamu. Chipo chacho chinoita kuti pave noupenyu.—VaR. 5:17; verenga Ruka 22:28-30.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe