Makasunungurwa Nemutsa Usina Kukodzera Kuwanwa
“Chivi hachifaniri kuva tenzi pamuri, [zvamuri] pasi pomutsa usina kukodzera kuwanwa.”—VAR. 6:14.
NZIYO: 2, 61
1, 2. Nei VaRoma 5:12 ichishandiswa chaizvo neZvapupu zvaJehovha?
NGATITI unoda kunyora pasi mavhesi eBhaibheri anozivikanwa uye anoshandiswa chaizvo neZvapupu zvaJehovha. Waizonyora VaRoma 5:12 pane ekutanga acho here? Funga kuti wakataura kangani nezvemashoko evhesi iyoyo, ayo anoti: “Saka, chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”
2 Vhesi iyoyo inoshandiswa kakawanda mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Paunenge uchidzidza bhuku iri nevana vako kana kuti nevamwe vanhu, kazhinji kacho munoverenga VaRoma 5:12 pamunenge muchikurukura nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika, rudzikinuro, uye kuti vakafa vari kupi, muzvitsauko 3, 5, ne6. Asi kangani paunoyeuka VaRoma 5:12 uchifunga nezveukama hwako naJehovha, zvaunoita, uye ramangwana rako?
3. Ichokwadi chipi chatinofanira kubvuma nezvechivi?
3 Tese zvedu tinofanira kubvuma chokwadi chekuti tiri vatadzi. Tinokanganisa mazuva ese. Kunyange zvakadaro, tine chivimbo chekuti Mwari anoyeuka kuti tiri ivhu, uye anoda kutinzwira ngoni. (Pis. 103:13, 14) Mumunyengetero wake wemuenzaniso, Jesu akataura kuti tikumbire Mwari tichiti: “Tikanganwirei zvivi zvedu.” (Ruka 11:2-4) Saka hatina chikonzero chekuramba tichizvidya mwoyo nezvezvikanganiso zvatakatoregererwa naMwari. Kunyange zvakadaro, tinogona kubatsirwa nekufunga kuti anotiregerera sei.
KUREGERERWA PACHISHANDISWA MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA
4, 5. (a) Chii chinotibatsira kunzwisisa mashoko ari pana VaRoma 5:12? (b) Mutsa usina kukodzera kuwanwa unotaurwa pana VaRoma 3:24 unorevei?
4 Bhuku raVaRoma, kunyanya chitsauko 6, rinotibatsira kunzwisisa mashoko ari pana VaRoma 5:12. Kunzwisisa mashoko iwayo kunotibatsira kuziva kuti Jehovha anotiregerera sei zvivi zvedu. Muchitsauko 3, tinoverenga kuti: “Vanhu vose vakatadza . . . , uye vari kunzi vakarurama pachishandiswa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa nokusunungurwa norudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.” (VaR. 3:23, 24) Pauro airevei paakati ‘mutsa usina kukodzera kuwanwa’? Akashandisa shoko rechiGiriki rinotsanangurwa nerimwe bhuku seshoko rine pfungwa ‘yekuitira nyasha pachena, usingatarisiri kuwana chimwe chinhu.’
5 Mumwe muongorori weBhaibheri ainzi John Parkhurst akati: “Richishandiswa kutaura zvakaitwa naMwari kana kuti Kristu, [shoko racho rechiGiriki] rinowanzoreva nyasha dzepachena dzisina kukodzera kuwanwa kana kuti mutsa wepachena usina kukodzera kuwanwa wavakaratidza pakudzikinura uye kuponesa vanhu.” Saka mashoko akashandiswa muShanduro yeNyika Itsva ekuti “mutsa usina kukodzera kuwanwa,” anobudisa pfungwa yacho. Asi Mwari akaratidza sei mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa? Uye mutsa wacho unobatana papi netariro yako uye neukama hwako naye? Ngationei.
6. Mumwe nemumwe wedu anobatsirwa sei nemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?
6 Adhamu ndiye “munhu mumwe chete” akaita kuti chivi nerufu ‘zvipararire kuvanhu vose.’ Saka “rufu rwakava mambo . . . nokudarika kwomunhu mumwe chete.” Pauro akawedzera kuti “kuwanda kwomutsa usina kukodzera kuwanwa [waMwari]” kwakavapo “nokuda kwomunhu mumwe chete, iye Jesu Kristu.” (VaR. 5:12, 15, 17) Uye mutsa iwoyo wakaita kuti zvinakire vanhu vese. “Nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete [Jesu] vazhinji vachaitwa vakarurama.” Chokwadi, mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoita kuti “pave noupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu.”—VaR. 5:19, 21.
7. Nei rudzikinuro rwatakapiwa naMwari uri mutsa usina kukodzera kuwanwa?
7 Jehovha akanga asingasungirwi kutumira Mwanakomana wake panyika kuzotidzikinura. Vanhu vane chivi vaisakodzera zvavakaitirwa naMwari naJesu zvekupiwa rudzikinuro kuti vakwanise kukanganwirwa. Saka kuregererwa kwezvivi zvedu uye kupiwa kwatakaitwa tariro yekurarama nekusingaperi kuratidzwa kwemutsa usina kukodzera kuwanwa. Tinofanira kuonga chaizvo chipo chaMwari chemutsa usina kukodzera kuwanwa, tozviratidza nemararamiro atinoita.
KUONGA MUTSA USINA KUKODZERA KUWANWA WAMWARI
8. Maonero api akaipa anogona kuva nevamwe pamusoro pezvivi zvavo?
8 Sezvo tiri vana vaAdhamu, tinotadza. Kunyange zvakadaro, kunenge kuri kukanganisa kwakakura kuona sekuti Mwari achangotiratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa. Semuenzaniso, munhu anogona kufunga kuti: ‘Kunyange kana ndikaita zvakaipa, zvinoonekwa naMwari sezvivi, handifaniri hangu kunetseka. Jehovha achandiregerera.’ Vamwe vaKristu vaiva nemafungiro akadaro, kunyange vamwe vaapostora pavakanga vachiri vapenyu. (Verenga Judha 4.) Isu pachedu tinogona kusabudisa maonero akadaro pane zvatinotaura; asi anogona kudyarwa nevamwe matiri, otanga kukura.
9, 10. Pauro nevamwe vaKristu vakasunungurwa sei kubva muchivi nerufu?
9 Pauro akanyatsojekesa kuti tinofanira kuramba zvachose mafungiro ekuti: ‘Haa, Mwari anonzwisisa. Kana ndikaita zvakaipa, achangosiya zvakadaro.’ Nei tichifanira kuaramba? Nekuti, sezvakanyorwa naPauro, vaKristu ‘vakafa kuchivi.’ (Verenga VaRoma 6:1, 2.) Nei vainzi ‘vakafa kuchivi’ asi ivo vakanga vachiri kurarama panyika?
10 Mwari akaita kuti Pauro nevamwe vanhu vemunguva yake vabatsirwe nerudzikinuro. Saka Jehovha akavaregerera zvivi zvavo, akavazodza nemudzimu mutsvene, uye akavadana kuti vave vanakomana vake. Vakabva vava netariro yekuenda kudenga. Kuramba vakatendeka kwaizoita kuti vararame vachitonga pamwe chete naKristu kudenga. Asi Pauro aigona kutaura nezvavo sekuti ‘vakafa kuchivi,’ kunyange zvazvo vakanga vachiri vapenyu vachishumira Mwari vari panyika. Akashandisa muenzaniso waJesu, uyo akafa ndokuzomutswa ava mudzimu usingafi kudenga. Rufu rwakanga rusisiri tenzi pana Jesu. Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo kuvaKristu vakazodzwa, avo vaigona kuzviona ‘sevakafa kuchivi asi vari vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.’ (VaR. 6:9, 11) Mararamiro avo akanga asiyana neekare. Vakanga vasingachaiti zvaidiwa nemiviri yavo inotadza. Vakanga vafa pamararamiro avaimboita.
11. VaKristu vemazuva ano ‘vakafa kuchivi’ mupfungwa ipi?
11 Ko isu vaKristu vemazuva ano? Patakanga tisati tava vaKristu, taiita zvivi kakawanda, pamwe tisingatombozivi kuti zvataiita zvakanga zvakaipa zvakadii mumaziso aMwari. Takanga takaita ‘sevaranda vokusachena nokusateerera mutemo.’ Zvinogona kunzi taiva “varanda vechivi.” (VaR. 6:19, 20) Takazoziva chokwadi cheBhaibheri, tikachinja upenyu hwedu, tikazvitsaurira kuna Mwari, ndokubhabhatidzwa. Kubvira ipapo, chido chedu chakabva chava ‘chekuteerera zvichibva pamwoyo’ dzidziso dzaMwari uye zvaanoda kuti tiite. ‘Takasunungurwa kubva muchivi’ uye ‘takava varanda vokururama.’ (VaR. 6:17, 18) Saka nesuwo tinogona kunzi ‘takafa kuchivi.’
12. Mumwe nemumwe wedu anogona kusarudzei?
12 Chifunga nezvako pachako uchienzanisa nemashoko aPauro ekuti: “Musarega chivi chichiramba chichiva mambo mumiviri yenyu inofa kuti muteerere kuchiva kwayo.” (VaR. 6:12) Kana tichiita chero zvinodiwa nemuviri wedu, tinenge ‘tichirega chivi chichiramba chichiva mambo.’ Sezvo tichikwanisa ‘kurega’ chivi chichiva mambo kana kuramba kuti chive mambo, mubvunzo ndewekuti, Tinombonyatsodei mumwoyo medu? Zvibvunze kuti: ‘Dzimwe nguva ndinomboita zvinhu zvakaipa zvinenge zvichidiwa nemuviri wangu une chivi kana kuti nepfungwa dzangu here? Kana kuti ndakafa kuchivi here? Ndiri mupenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu here?’ Kana tichionga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari, tichaita zvese zvatinogona kuti timufadze.
UNOGONA KUKUNDA CHIVI
13. Chii chinotipa chivimbo chekuti tinogona kusiya zvivi?
13 Vamwe vanhu vaJehovha vakasiya ‘chibereko chavaiva nacho’ pavakanga vasati vava kuziva Mwari, kumuda uye kumushumira. Mararamiro avo anogona kunge aisanganisira ‘zvinhu zvavava kunyara nazvo,’ izvo zvaigona kuita kuti vakodzere kufa. (VaR. 6:21) Asi vakachinja. Izvi ndizvo zvakaitwa nevakawanda vaiva muKorinde vakanyorerwa tsamba naPauro. Vamwe vavo vaimbova vanamati vezvidhori, mhombwe, ngochani, mbavha, uye zvidhakwa. Asi ‘vakagezwa vakachena’ uye ‘vakatsveneswa.’ (1 VaK. 6:9-11) Vamwe vaiva muungano yeRoma vanogona kunge vakachinjawo saizvozvo. Pauro akafemerwa kuti avanyorere kuti: “Uyewo musaramba muchipa nhengo dzenyu kuchivi sezvombo zvokusarurama, asi imi zvipei kuna Mwari sevaya vari vapenyu kubva kune vakafa, uyewo nhengo dzenyu kuna Mwari sezvombo zvokururama.” (VaR. 6:13) Pauro aiva nechokwadi chekuti vaigona kuramba vakachena pakunamata, voramba vachibatsirwa nemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.
14, 15. Tinofanira kuzvibvunza kutii panyaya ‘yekuteerera zvichibva pamwoyo’?
14 Ndizvo zviri kuitikawo mazuva ano. Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kunge dzairarama sezvaiita vanhu vemuKorinde. Asi dzakachinjawo. Dzakasiya zvivi uye ‘dzakagezwa dzikachena.’ Pasinei nekuti waimborarama upenyu hwakadii, ukama hwako naMwari hwakamira sei panguva ino? Sezvo uchikwanisa kuregererwa naMwari achishandisa mutsa usina kukodzera kuwanwa, wakatsunga ‘kusaramba uchipa nhengo dzako kuchivi’ here? ‘Uchazvipa kuna Mwari semupenyu kubva kune vakafa’ here?
15 Kuti tikwanise kudaro, tinofanira kudzivisa zvachose kuita zvivi zvakakura zvaiitwa nevamwe vaiva muKorinde. Izvozvo zvinokosha kana tichizotaura kuti takagamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari uye kuti ‘chivi hachisi tenzi patiri.’ Asi takatsungawo here ‘kuteerera zvichibva pamwoyo’ kuburikidza nekuita zvose zvatinogona kuti tidzivise zvivi zvinoonekwa nevamwe sezvidiki?—VaR. 6:14, 17.
16. Tinoziva sei kuti tinofanira kudzivisa zvivi zvisingataurwi pana 1 VaKorinde 6:9-11?
16 Funga nezvemuapostora Pauro. Tinogona kuva nechokwadi chekuti aisaita zvivi zvakakura zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 6:9-11. Kunyange zvakadaro, akareurura kuti akanga achiri nechivi. Akanyora kuti: “Ini ndiri wenyama, ndakatengeswa kuti ndive muranda wechivi. Nokuti handizivi zvandiri kuita. Nokuti zvandinoda, handizviiti; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.” (VaR. 7:14, 15) Izvi zvinoratidza kuti pane zvimwe zvinhu zvaionekwa naPauro sezvivi, uye akanga achirwisa kuti asaita zvinhu izvozvo. (Verenga VaRoma 7:21-23.) Ngatiitewo saizvozvo, tichiedza chaizvo ‘kuteerera zvichibva pamwoyo.’
17. Nei uchida kuva munhu akatendeka?
17 Semuenzaniso, funga nezvenyaya yekuva vanhu vakatendeka. Kutendeka ndicho chimwe chezvinhu zvinokosha kuvaKristu. (Verenga Zvirevo 14:5; VaEfeso 4:25.) Satani ndiye ‘baba venhema.’ Ananiyasi nemudzimai wake vakafa nemhaka yekureva nhema. Hatidi kutevedzera vanhu vakadaro, saka tinodzivisa kureva nhema. (Joh. 8:44; Mab. 5:1-11) Asi kutendeka kwedu hakungogumiri pakudzivisa kureva nhema. Kunofanira kuratidza kuti tinoonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.
18, 19. Kuva vanhu vakatendeka kunorevei?
18 Kureva nhema kutaura chimwe chinhu chisiri chechokwadi. Jehovha anoda kuti vanhu vake vagare vachitaura chokwadi chakakwana. Akaudza vaIsraeri vekare kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.” Akabva ataura mienzaniso inoratidza utsvene. Mwari akati: “Musaba, musanyengera, uye ngaparege kuva nomunhu anonyengedza mumwe wake.” (Revh. 19:2, 11) Asi munhu anenge atsidza mumwoyo make kuti haasi kuzomboreva nhema anogona kunyengera vamwe.
19 Semuenzaniso, mumwe murume anoudza maneja wake kana vaanoshanda navo kuti mangwana haakwanisi kuuya kubasa kana kuti achafanira kukurumidza kupedza basa nekuti anofanira “kunoona chiremba.” Asi “kuona chiremba” kwaari kutaura ndekwekuti achangopfuura nepakemesiti achitenga mishonga kana kuti achangopfuura nekwachiremba achibhadhara chikwereti. Chikonzero chake chaicho chekusava pabasa ndechekuti anoda kuwana nguva yekugadzirira rwendo rwekunofara nemhuri yake. Panogona kunge paine kachokwadi pakutaura kuti ari kuda “kunoona chiremba,” asi ungati akatendeka here kana kuti ari kunyengera? Unogona kunge uchitoziva zvimwe zvinoitwa nevanhu vachinyengera. Dzimwe nguva vanozviitira kuti vasarangwa kana kuti vawane zvavanoda. Kunyange zvazvo pasina nhema dziri pachena dzinenge dzataurwa, funga nezvemurayiro waMwari wekuti: “Musanyengera.” Fungawo nezvaVaRoma 6:19, iyo inoti: “Chipai nhengo dzenyu kuti dzive varanda vokururama kunotungamirira kuutsvene.”
20, 21. Tinofanira kuitei kana tichionga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?
20 Nyaya iripo ndeyekuti kuonga kwatinoita mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari hakungorevi kudzivisa upombwe, udhakwa, kana kuti zvimwe zvivi zvaiitwa nevamwe vaiva muKorinde. Kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari hakungorevi kudzivisa unzenza hwepabonde asi kunoreva kuti munhu anofanirawo kurwisa chido chekuvaraidzwa nezvinhu zvinonyadzisira. Kupa nhengo dzedu sevaranda vekururama kuchaita kuti tirege kudhakwa uyewo kuchaita kuti tisanwa zvekusvika pedyo nekudhakwa. Zvingada kuti tirwise chaizvo kuti tisaita zvinhu zvakadaro zvakaipa; asi tinogona kukunda.
21 Chinangwa chedu chinofanira kuva chekudzivisa zvivi zvakakura uye zvikanganiso zvinoita sezvisina kunyanya kuipa. Hatizonyatsokwanisi hedu kudzivisa zvivi zvose. Zvisinei, tinofanira kuedza kudaro, sezvakaita Pauro. Akaudza hama dzake kuti: “Musarega chivi chichiramba chichiva mambo mumiviri yenyu inofa kuti muteerere kuchiva kwayo.” (VaR. 6:12; 7:18-20) Sezvatinorwisa kuti tisaita chivi chero chipi zvacho, tinoratidza kuti tinoonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari waakaratidza achishandisa Kristu.
22. Vaya vanoratidza kuti vanoonga mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari vachawanei?
22 Takaregererwa zvivi zvedu pachishandiswa mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari uye ticharamba tichiregererwa. Kuratidza kuti tinoonga mutsa iwoyo, ngatishandei nesimba kuti tirwise chido chekuita zvivi zvinoonekwa nevamwe sezvidiki. Pauro akataura nezvemubayiro watichawana achiti: “Zvino, nokuti makasunungurwa pachivi mukava varanda vaMwari, muri kuwana chibereko chebasa renyu munzira youtsvene, uye mugumo wacho upenyu husingaperi.”—VaR. 6:22.