Nyika Isina Chivi—Sei?
KUZHWIRIRIKA nokuda kwebetsero kwakaparadza runyararo rwamaawa apakuvamba amangwanani enguva yechando munharaunda ino rugare yeTokyo. Kwamaminiti anovambira pamashanu kusvikira kugumi, vanhu gumi navaviri vakanzwa mhere dzokupererwa nezano dzomumwe mukadzi anofambisa mapepanhau aitandaniswa achibaiwa-baiwa. Hakuna munhu mumwe akaitira hanya zvakakwana kuwana chakanga chichiitika. Iye akafa nokunyanyorasikirwa neropa. “Kudai mumwe waava vanhu akanga ashuma chinoitika chacho kumapurisa nokukurumidza sezvavakamunzwa achiridza mhere,” akadaro muongorori, “upenyu hwake hwaigona kuva hwakaponeswa.”
Kunyange zvazvo avo vakanga vanzwa mukadzi anofa vasina kuita chinhu chakaipa zvikuru kupfuura kungomufuratira, vaigona nenzira yakarurama here kutaura kuti vakanga vasina mhaka? “Hana yangu yakanditambudza zuva rose Chishanu pashure pokunge ndaziva kuuraya kwacho,” akadaro mumwe murume uyo akanga anzwa kuchema kwake. Ikoku kunotiita tishamisike kuti, Chivi chii chaizvoizvo?
Chivi Chii?
Achinongedzera kukuziva chivi, Hideo Odagiri, mutsoropodzi wamabhuku napurofesa akarega basa paHosei University muTokyo, Japan, akati, sezvakanokorwa mashoko mupepanhau reAsahi Shimbun: “Handigoni kudzinga yeuko dzakajeka dzandinadzo dzokuziva zvivi, zvakadai sokuzvitutumadza kwakaipa kuripo mumwana, godo rinonyadzisa, kushambadzwa pachivande. Uku kuziva kwakarovererwa pandangariro yangu apo ndakanga ndiri mupuraimari uye kuchiri kundirwadza.” Wati wambotambura mirangariro yakadaro here? Une here inzwi romukati rinokushurikidza kana ukaita chimwe chinhu chaunoziva kuti chakaipa? Zvichida hapana mhaka yakaparwa, asi murangariro usina kunaka unogara kwenguva refu uyo unoremera zvikuru ndangariro yako. Iyoyi ihana yako iri kushanda, uye Bhaibheri rinonongedzera kwairi muchikamu chamashoko chinotevera: “Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vava murairo wavo vamene; nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.” (VaRoma 2:14, 15) Hungu, kupfurikidza nomusikirwo vanhu vazhinjisa vanonzwa vachivhiringidzwa namabasa akadai soupombwe, kuba, uye kureva nhema. Hana yavo inopupurira chivi.
Zvisinei, apo inzwi rehana rinofuratirwa rafuratirwazve, harisati richabatira senhungamiro yakachengeteka. Inogona kuva yakaoma neyakasvibiswa. (Tito 1:15) Kuziva chiri chakashata kunorasika. Kutaura idi, nhasi hana yavanhu vazhinjisa yakafa kana toreva nezvechivi.
Ko hana ndiyo chiyero bedzi chechivi here, kana kuti pane here chimwe chinhu chinogona kubatira somupimo wakakwana pamusoro pechinoumba chivi nechisati? Anopfuura makore 3 000 akapfuura, Mwari akapa vanhu vake vakasarudzwa bumbiro remitemo, uye kupfurikidza nouyu Mutemo, chivi chakasvika pakuva “chinozivikanwa sechivi.” (VaRoma 7:13, New International Version) Kunyange mufambiro uyo waichimbova unonzi gamuchirwei zvino wakaziviswa nokuda kwezvawakanga uri—chivi. Vanhu vakasarudzwa vaMwari, vaIsraeri, vakaratidzirwa savatadzi uye savakadaro vakanga vakatukwa.
Zvii zviri izvi zvivi hana yedu inoita kuti tizive nezvazvo uye izvo Mutemo waMosesi wakadudza ndokuronga? Mukushandisa kweBhaibheri shoko racho, chivi chinoreva kupotsa chiratidzo pamusoro poMusiki. Chinhu chipi nechipi chisiri mutsinhirano nohunhu hwake, mipimo, nzira, uye kuda chivi. Iye haagoni kupa kuvapo kunopfuurira kuchisikwa chipi nechipi chinokundikana kusvika pachiratidzo icho akatanga. Naizvozvo nyanzvi yomutemo yomuzana ramakore rokutanga yakanyorera maKristu eHebheru, kuti: “Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.” (VaHebheru 3:12) Hungu, kushaikwa kwokutenda muMusiki kunoumba chivi chikuru. Nokudaro, ukuru hwechivi sohunotsanangurwa muBhaibheri hwakafara zvikuru kupfuura chinowanzorangarirwa kuva chivi. Bhaibheri rinototaura, kuti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.
Mavambo Echivi
Ikoko kunoreva here kuti munhu akasikwa ari mutadzi? Aiwa, Jehovha Mwari, Muvambi woupenyu hwomunhu, akaita murume wokutanga chisikwa chakakwana. (Genesi 1:26, 27; Dheuteronomio 32:4) Zvisinei, vaviri vokutanga vohunhu vakapotsa chiratidzo apo ivo vakazvidza rambidzo bedzi Mwari akanga aita, apo ivo vakadya pa“muti wezivo yechakanaka nechakaipa” wakarambidzwa. (Genesi 2:17, NW) Kunyange zvazvo vakasikwa vakakwana, ivo zvino vakapotsa chiratidzo cheteerero yakakwana kuna Baba wavo, vakava vatadzi, uye nenzira inowirirana vakashurikidzwa kuti vafe.
Iyi nhau yakare inei chokuita nechivi nhasi? Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti ivo vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Pasina anosiiwa tose zvedu tiri vatadzi kupfurikidza nokugara nhaka; nokudaro, takapinda mushurikidzo yorufu.—Muparidzi 7:20.
Nhamburiko Dzomunhu Dzokubvisa Chivi
Adhama akapfuudza chivi kuvana vake, asi iye akapfuudzawo mano akapiwa naMwari ehana. Chivi chingaparira kunzwa kusina kunaka. Sezvadudzwa kare, vanhu vakaronga gadziriro dzakasiana-siana dzokuderedza mirangariro yakadaro. Dzinobudirira chaizvoizvo here, zvisinei?
Mabvazuva naMadokero, vanhu vakaedza kubata nomuuyo wechivi kupfurikidza nokuchinja mipimo yavo kana kuti kupfurikidza nokuramba kuvapo kumene kwechivi. (1 Timotio 4:1, 2) Mugariro wokutadza worudzi rwomunhu ungafananidzwa nouyo womurwere ane fivha. Chivi chingaenzaniswa noutachiona hunoparira zviratidzo zvacho, nepo hana yakavhiringidzwa yakaenzana nefivha isina kunaka. Kupunza chokuyera nacho tembiricha hakuchinji idi rokuti murwere ane fivha huru. Kurasa mipimo yetsika, seizvo vazhinji vomuchiKristudhomu vakaita, uye kufuratira chipupuriro chehana yomunhu amene hakusi betsero mukudzima chivi chimene.
Mumwe munhu angashandisa pakiti rine zvidimbu zveaizi kuti aderedze fivha yake. Ikoko kwakafanana nokuedza kuderedza kurwadza kwehana kupfurikidza nokungoitawo miitiro yokuchenesa yeShinto. Pakiti rine zvidimbu zveaizi ingatonhodza kwechinguvana nyajambwa wefivha, asi haisati ichibvisa chisakiso chefivha. Vaprista navaporofita vomuzuva raJeremia vakaedza kuporesa kwakafanana nokuda kwavaIsraeri venguva iyoyo. Ivo vakaporesa “zvishomanene” maronda omudzimu neetsika avanhu, vachiti, “Zvose zvakanaka, zvose zvakanaka.” (Jeremia 6:14; 8:11, An American Translation) Kungoitawo miitiro yorudzidziso nokuimba chimwe chinhu chakafanana nokuti “zvose zvakanaka” hakuna kuporesa kupunzika kwetsika dzavanhu vaMwari, uye miitiro yokuchenesa haichinji tsika dzavanhu nhasi.
Kupfurikidza nokushandisa mishonga yokurapa fivha munhu ane fivha angaparira fivha yake kuderera, asi utachiona huchiri mumuviri wake. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nenzira yaConfucius yokubata nayo nezvakaipa kupfurikidza nedzidzo. Nechapamusoro ingabetsera vanhu kubva pane zvakaipa, asi kushandisa li kunongodzvinyirira bedzi mufambiro wokutadza uye hakubvisiri munhu kombamiro yake yokutadza yokuberekwa nayo, chisakiso chikuru chomufambiro wakaipa.—Genesi 8:21.
Zvakadiniko nezvedzidziso yechiBuddha yokupinda muNirvana kuti munhu azvibvisire amene kombamiro dzokutadza? Mugariro weNirvana, unotaurwa kureva “kudzima,” unofungidzirwa kuva usingarondedzereki, kuparadzwa kwechido chose nechishuvo. Vamwe vakataura kuti kumira kwokuvapo kwomunhu. Ikoko hakusati kuchinzwika here sokwakafanana nokuudza munhu anorwara nefivha kufa kuti awane zororo? Kupfuurirazve, kuwana mugariro weNirvana kunorangarirwa kuva kwakaoma zvikuru, kunyange kusingabviri. Ko iyi dzidziso inonzwika kuva inobetsera here nokuda kwomunhu anotambudzwa nehana?
Rusununguko Muchivi
Kwakajeka kuti uzivi hwavanhu paupenyu nekombamiro dzokutadza hunogona, zvikurukuru, kungonyaradza bedzi hana yomunhu. Hazvisati zvichibvisa mugariro wokutadza. (1 Timotio 6:20) Pane nzira ipi neipi here yokuita ikoku? MuBhaibheri, bhuku rakare rakanyorwa muNear East, tinowana nhungamiro kurusununguko muchivi. “Kunyange zvivi zvenyu zvakaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; . . . Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika.” (Isaya 1:18, 19) Pano Jehovha akanga achitaura kuvaIsraeri, avo, kunyange zvazvo vakanga vari vanhu vake vakasarudzwa, vakanga vapotsa chiratidzo cheperero kwaari. Nheyo imwe cheteyo, zvisinei, inoshanda kurudzi rwomunhu rwose zvarwo. Kuratidza kudisa kuteerera mashoko oMusiki ndicho chinhu chikuru kuita kuti zvivi zvomunhu zvicheneswe, zvibviswe, sokunge zvakadaro.
Chii icho Shoko raMwari rinotiudza pamusoro pokubviswa kwezvivi zvorudzi rwomunhu? Kungofanana sezvo kupfurikidza nechivi chomunhu mumwe rudzi rwose rwomunhu rwakava vatadzi, kupfurikidza neteerero yakakwana yomumwe munhu kuna Mwari, rudzi rwomunhu runoteerera ruchasunungurwa munhamo yavo, rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 5:18, 19) Seiko? “Mwari unoratidza rudo rwake pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.” (VaRoma 5:8) Jesu Kristu, akaberekwa somunhu akakwana naasina chivi, muenzani waAdhama wapakuvamba iyeyu asati atadza, aikwanisa kubvisa zvivi zvorudzi rwomunhu. (Isaya 53:12; Johane 1:14; 1 Petro 2:24) Kupfurikidza nokuurawa padanda rokutambudzira sokunge tsotsi, Jesu akasunungura rudzi rwomunhu muusungwa kuchivi norufu. “Nokuti, zvamazvirokwazvo,” akatsanangura kudaro Pauro kumaKristu aiva muRoma, “Kristu, apo takanga tichiri vasina simba, akafira vanhu vasina umwari panguva yakagadzwa. . . . Sezvo chivi chakatonga samambo norufu, saizvozvowo mutsa usakafanirwa ungatonga samambo kupfurikidza nokururama noupenyu husingaperi muchiono kupfurikidza naJesu Kristu Ishe wedu.”—VaRoma 5:6, 21, NW.
Kufa kwaKristu nokuda kworudzi rwose rwomunhu nokudzikamisa zviyero zvakakanganiswa naAdhama kunonzi gadziriro yo“rudzikinuro.” (Mateo 20:28) Kungafananidzwa nomushonga unorwisana noutachiona hunoparira fivha. Kupfurikidza nokushandisa ukoshi hwechibairo chaJesu kurudzi rwomunhu, mugariro wokurwara worudzi rwomunhu wakaparirwa nechivi—kubatanidza rufu rumene—zvinogona kurapwa. Uyu muitiro wokuporesa unorondedzerwa nenzira yokufananidzira mubhuku rokupedzisira reBhaibheri: “Kumativi maviri orwizi kwakanga kuno muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.” (Zvakazarurwa 22:2) Fungidzira! Rwizi rwokufananidzira rwemvura youpenyu runoyerera pakati pemiti youpenyu namashizha ayo, zvose nokuda kwokuporeswa kworudzi rwomunhu. Izvi zviratidzo zvakafuridzirwa nenzira youmwari zvinomirira gadziriro yaMwari yokudzorera rudzi rwomunhu kukukwana pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu.
Zviono zvouporofita zvebhuku raZvakazarurwa zvichakurumidza kuva chinhu chaichoicho. (Zvakazarurwa 22:6, 7) Ipapo, nokushandiswa kwakakwana kwoukoshi hwechibairo chorudzikinuro chaJesu kurudzi rwomunhu, vose vane mwoyo wakarurama vachava vakakwana uye “vachasunungurwa mukuiswa muuranda kukuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21, NW) Zadziko yamauporofita eBhaibheri inoratidzira kuti urwu rusununguko rune mbiri rwava pedyo. (Zvakazarurwa 6:1-8) Nokukurumidza Mwari achabvisa mupasi uipi, uye vanhu vachafarikanya upenyu husingagumi muparadhiso yapasi. (Johane 3:16) Iyoyo zvamazvirokwazvo ichava nyika isina chivi!
[Mufananidzo uri papeji 7]
Chibairo chorudzikinuro chaJesu chichagonesa mhuri dzakafanana neiyi kufarikanya mufarwa usingagumi