-
Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano NomudzimuNharireyomurindi—2011 | November 15
-
-
8 Mutemo, pamwe nemirayiro yawo yakawanda, waipa vatadzi mhosva. Uyezve, vapristi vakuru vevaIsraeri vainge vasina kukwana uye vaisagona kupa chibayiro chaigona kubvisa chivi zvachose. Saka Mutemo “wakanga usina simba nokuda kwenyama.” Asi “nokutuma kwaakaita Mwanakomana wake . . . ari muchimiro chakafanana nenyama inotadza” uye kumupa kwaakaita sorudzikinuro, Mwari “akapa mhosva chivi chiri munyama,” zvikaita kuti agadzirise ‘zvaisakwaniswa noMutemo.’ Izvi zvinoita kuti vaKristu vakazodzwa vanzi vakarurama nemhaka yokutenda kwavo muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. Vanokurudzirwa kufamba “maererano nomudzimu, kwete maererano nenyama.” (Verenga VaRoma 8:3, 4.) Chokwadi, kuti vapiwe “korona youpenyu” vanofanira kuramba vachidaro kusvika vapedza upenyu hwavo hwepasi pano.—Zvak. 2:10.
-
-
Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano NomudzimuNharireyomurindi—2011 | November 15
-
-
10. Tiri pasi pomutemo wechivi noworufu pakudini?
10 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Tose zvedu tiri pasi pomutemo wechivi noworufu nokuti tiri vazukuru vaAdhamu. Muviri wedu une chivi unogara uchitikurudzira kuita zvinhu zvisingafadzi Mwari, zvichizongoguma norufu. Mutsamba yaakanyorera vaGaratiya, Pauro akadana zvinhu zvakadaro kuti “mabasa enyama.” Akabva awedzera kuti: “Vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaG. 5:19-21) Vanhu vakadai vakafanana nevaya vanofamba maererano nenyama. (VaR. 8:4) ‘Zvinonzi nemwoyo yavo ndizvo zvinofanira kuitwa’ uye ‘mararamiro avo’ ndezvenyama chete. Asi vanoita ufeve, vanonamata zvidhori, vanoita zvemidzimu, kana kuti vanoita zvimwe zvivi zvakakura, ndivo chete vanofamba maererano nenyama here? Kwete, nokuti mabasa enyama anosanganisirawo tunhu tunganzi nevamwe tutsika tusina kunaka, twakadai segodo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, uye shanje. Ndiani angati haachatombofambi maererano nenyama?
-
-
Kuti Uwane Upenyu Norugare, Famba Maererano NomudzimuNharireyomurindi—2011 | November 15
-
-
12 Takaita somunhu ari kurapwa chirwere chingangomuuraya. Kana tichida kunyatsopora, tinofanira kuita zvatinoudzwa nachiremba. Kunyange zvazvo kutenda chibayiro kuchigona kutisunungura pamutemo wechivi noworufu, tichiri vanhu vasina kukwana uye vane chivi. Pane zvimwe zvinodiwa kuti tive noukama hwakanaka naMwari, kuti atifarire uye atikomborere. Panyaya yokuzadzisa “chinodiwa chakarurama choMutemo,” Pauro anotaurawo nyaya yokufamba maererano nomudzimu.
Ungafamba Sei Maererano Nomudzimu?
13. Zvinorevei kufamba maererano nomudzimu?
13 Patinofamba, tinenge tichibva pane imwe nzvimbo tichienda kune imwe. Saka kana munhu achifamba maererano nomudzimu anenge achifambira mberi pakunamata, zvisingarevi hazvo kuti haachakanganisi. (1 Tim. 4:15) Zuva rega rega, tinofanira kuedza nepatinokwanisa napo kufamba kana kuti kurarama maererano nezvinodiwa nomudzimu mutsvene. ‘Kufamba maererano nomudzimu’ kunoita kuti tifarirwe naMwari.—VaG. 5:16.
-