RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kufarira Tariro Yedu
    Nharireyomurindi—2012 | March 15
    • 10, 11. (a) Mamwe makwai ane tariro yei? (b) Kuzadziswa kwetariro yepasi pano kwakabatana papi nebasa raKristu uye no“kuratidzwa kwevanakomana vaMwari”?

      10 Muapostora Pauro akanyora nezvetariro yakazonaka ye“vanakomana vaMwari” vakaberekwa nomudzimu, yokuva “vagari venhaka” pamwe naKristu. Akabva ataurawo nezvetariro yakazonaka, inopiwa vemamwe makwai naJehovha achiti: “Zvisikwa [kureva vanhu] zviri kumirira nomwoyo wose zvichitarisira kuratidzwa kwevanakomana vaMwari [kureva vakazodzwa]. Nokuti zvisikwa zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira, kwete nokuti ndizvo zvazvaida asi nokuna iye akaita kuti zvidaro, nokuda kwetariro yokuti zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:14-21.

  • Kufarira Tariro Yedu
    Nharireyomurindi—2012 | March 15
    • 12. Kuratidzwa kwevakazodzwa kuchaunzira vanhu makomborero api akazonaka?

      12 “Zvisikwa” kana kuti vanhu, vachanzwa vanyatsozorora muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru! Panguva iyoyo, “vanakomana vaMwari” ‘vacharatidzwazve’ pavachashanda sevapristi naKristu, vachiita kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu chibatsire vanhu. Vanhu vacho pavanenge vava kutongwa noUmambo hwokudenga, vachatanga kusunungurwa panhamo dzinokonzerwa nechivi norufu. Zvishoma nezvishoma, vanhu vanoteerera vachasunungurwawo “muuranda hwokuora.” Kana vakaramba vakatendeka kuna Jehovha muMakore Ane Chiuru, uye mumuedzo wokupedzisira uchauya panopera makore acho, mazita avo achanyorwa zvokusazombodzimwa mu“mupumburu woupenyu.” Vachapinda mu“rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (Zvak. 20:7, 8, 11, 12) Iyoyo itariro yakazonaka!

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe