RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1990 | December 1
    • The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures inoratidza kuti phroʹne·ma anowanika kana pana VaRoma 8:6, 7, 27 uye kuti revo yake chaiyoyo nguva dzose ndi“kufunga.” Nyanzvi dzechiGiriki Bauer, Arndt, uye Gingrich dzinotsanangura phroʹne·ma se: ‘nzira yokufunga, ndangariro (yakagadzwa), donzo, vavariro, kuvavarira.’—A Greek-English Lexicon of the New Testament and Other Early Christian Literature.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi—1990 | December 1
    • Mukupesana, VaR 8 ndima 27 iri kubata naMwari amene. Tinorava, kuti: “Bva iye [Jehovha] anonzvera mwoyo anoziva iri revo yomudzimu, nemhaka yokuti unoteterera mutsinhirano naMwari nokuda kwavatsvene.” Hungu, “iye” pano ndiJehovha, Munzwi womunyengetero.

      Shoko rokuti phroʹne·ma raigona kuva rakashandurwa VaR 8 mundima 27 sa“kufunga.” Asi mudzimu mutsvene hausati uri munhu anofunga zvomenemene kana kuti une kufunga kwawo umene. Mudzimu isimba rinoshanda raMwari, uyo anoziva kushanda kwomudzimu mutsvene mukuita kuda kwake. Uyezve, revo yeiyi ndima inosiana neiyo yaVaRoma 8:6, 7. Ndima idzodzo dzapakuvamba dzakasimbisa kudikanwa kwokuti vamwe vadzore kufunga kwavo nezviito. Asi Jehovha haafaniri kushanda, kana kuti kuparapatika, kuti azvidzore amene. Iye anoziva chakanyorwa muBhaibheri mufuridziro, zvakadai sokutaura kweBhaibheri kunoratidzira kuda kwake nokuda kwavabatiri vake vapasi. Dr. Heinrich Meyer anotsinhira pana VaRoma 8:27, kuti: “Mwari muchinoitika chiri chose aizoziva donzo roMudzimu.”

      Nokudaro, “revo” yokushandura iri mutsinhirano namashoko akapoteredza kana kuti revo yaVaRoma 8:27, uye kunobvumirwa nechiGiriki. The Translator’s New Testament inorishandura, kuti: “Iye uyo anonzvera mwoyo anoziva chinoreva Mudzimu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe