RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvatinodzidza Mukubvumira kwaMwari Uipi
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
    • 8. Pauro anotikurudzira kufunga nezvezvinhu zvipi?

      8 Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro anomutsa mubvunzo wokuti:“Mwari haana kururamisira here?” Anopindura zvine simba kuti: “Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro!” Ipapo anosimbisa ngoni dzaMwari otaura nezvezvakataura Jehovha nezvokubvumira Farao kurarama kwenguva yakati rebei. Pauro anoratidzawo kuti isu vanhu takaita sevhu riri mumamaoko omuumbi wehari. Anobva ataura kuti: “Zvino, kana Mwari, kunyange aida kuratidzira hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, akashivirira nemwoyo murefu zvikuru midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa, kuti azivise pfuma yembiri yake pamidziyo yengoni, yaakafanogadzira nokuda kwembiri, isusu, vaakadana kwete bedzi kubva pakati pevaJudha asiwo kubva pakati pemamwe marudzi, zvakadini izvozvo?”—VaRoma 9:14-24.

  • Zvatinodzidza Mukubvumira kwaMwari Uipi
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
    • 10. Nei Jehovha akashivirira vakaipa kwemakore 1 900 akapfuura?

      10 Mumakore anopfuura 1 900 kubvira pakamutswa Jesu, Jehovha akashivirirazve “midziyo yokuitirwa hasha,” achimira kuiparadza. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti akanga achigadzirira vaya vachava vaina Jesu Kristu muUmambo hwake hwokudenga. Ivava i144 000, uye “midziyo yengoni” yakataurwa nomuapostora Pauro. Vakatanga kukokwa kuti vaumbe boka rokudenga, vanhu vaibva muvaJudha. Mwari akazokoka vanhu vakabva mune Vemamwe Marudzi. Jehovha haana kumanikidza ani naani wavo kumushumira. Asi pakati pevakaonga urongwa hwake hworudo, akapa vamwe ropafadzo yokuva vatongi pamwe chete noMwanakomana wake muUmambo hwokudenga. Kuunganidzwa kweboka iroro rokudenga kwava kuda kutopera.—Ruka 22:29; Zvakazarurwa 14:1-4.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe