Bhuku Rechisiko neBhaibheri
“Nyika yose inondishamisa! Handigoni kufungidzira kuti ‘wachi’ yakadaro inogona kuvapo pasina kuva noMugadziri wewachi.”
—Voltaire, muzivi weFrance womuzana ramakore rechi 18.
WACHI yakarurama inoyandura kuyemurwa kwounyanzvi noumhizha zvomugadziri wayo. Asi zvakadiniko nezvenyika yakatipoteredza? Ko iyo inogona here kuzivisa, kusvikira pamwero wakati, hunhu hwoMusiki wayo?
Anodokusvika makore 2 000 apfuura, muapostora Pauro, mumwe wavanyori veBhaibheri, akapa mhinduro kuuyu mubvunzo: “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake [zvaMwari] zvisingaoneki, iro simba rake risingaperi noumwari hwake, zvinooneka kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.” (VaRoma 1:20) Naizvozvo, chii chatinogona kudzidza mukucherechedza iri bhuku rechisiko?
Izvo Wachi Inotidzidzisa Pamusoro Pomugadziri Wewachi
Bopomo rakaisvonaka, gungwa mukati medutu, denga rakajeka rousiku rakazadzwa nezviuru zvenyeredzi—izvozvi ndizvimwe zvinhu zvinotiita kuti tifunge nezvoMusiki ane simba. Kururama kwokutenderera kwenyika dzomudenga kunogona kutiyeuchidzawo, sezvakwakayeuchidza Voltaire, kuti Musiki anofanira kuva Murongi Akaisvonaka, Mugadziri weWachi Mukuru.—Pisarema 104:1.
Mhatsa yezvibereko zvapasi—michero nemirivo zvatinogamuchira zvakawanda—zvinopupurirawo rupo rwaMwari. Pauro akapupurira ikoku paakazivisa kuti Mwari “haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.
Izvo Wachi Isingatiudzi
Kunzverwazve kwebhuku rechisiko kungatidzidzisa pamusoro pamamwezve mavara aMwari. Asi kana tikavimba chose chose nezvatinodzidza muchisiko, zivo yedu yaMwari nguva dzose ichava yakaganhurirwa. Munyori weFrance Robert Lenoble anotsanangura ikoku mubhuku rake Esquisse d’une histoire de l’idée de Nature, (An Outline History of the Idea of Nature), kuti: “Munhu nguva dzose achatendeudzira ngwariro yake kuChisiko kuti apinde muchakavanzika macho ndokuwana chakavandika chacho, chakavandika chisati chichizotongobuda murabhoratori.” Inopfuura hafu yavanhu veFrance vakabvunzurudzwa nepepanhau rezuva nezuva reKaturike La Croix—kana vaiva vatendi kana kuti vasingatendi kuvapo kwaMwari—inobvumirana naikoku ndokubvuma kuti “sayenzi haisati ichizotongokwanisa kupa kutsanangurwa kwakakwana kwenyika, sezvo zvinhu zvakawanda zviri zvorutivi rworuzivo kana kuti rworudzidziso.”
Anenge makore 3 500 apfuura, Jobho akatendeka akasvika pamhedziso imwe cheteyo. Iye akamutsa mubvunzo, unoti: “Asi uchenjeri huchawanikepiko? Kunzwisisa kunogarepi?” Ko uchenjeri ihwohwu huchawanwa mubhuku rechisiko here? “Pakadzika panoti: ‘Hauzi mandiri;’ negungwa rinoti, ‘Hauzi mandiri.’ Zvawakavanzirwa meso avapenyu vose, nokudzitirirwa shiri dzokudenga.”—Jobho 28:12, 14, 21.
Ndokupi, ipapoka, kwatinofanira kuenda kuti tiwane uchenjeri ihwohwu? Bhuku rimwe chetero rinopindura, kuti: “Mwari unonzwisisa nzira yahwo, ndiye unoziva kwahunobva.” (Jobho 28:23) Uye Mwari akagoverana uchenjeri hwake norudzi rwomunhu nenzira inoshamisa kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri.
Zivo Yechienzi Inobva muBhaibheri
Bhaibheri rinotipa nzwisiso yechienzi mumviromviro yorudzi rwomunhu. Iro rinotiudza kuti Mwari akagadzirira pasi uye ipapo akaisapo vaviri vokutanga vohunhu. Vabereki vedu vokutanga vaigona kuva vakararama nokusingagumi muzvakapoteredza zvakakwana. Asi ivo vakapandukira, uye kupfurikidza nechivi chavo vakazarurira nzira zvakaipa zvose—kubatanidza chivi norufu—izvo zvakarwadza rudzi rwomunhu.—Genesi, ganhuro 1 kusvikira ku 3; VaRoma 5:12-21.
Bhaibheri rinotiudzawo muudzame nhanho dzakaitwa naMwari dzokururamisa mugariro wacho. Zviuru zvamakore pashure paAdhama naEvha, Mwanakomana waMwari amene, Jesu, akauya kupasi kuzopa rudzi rwomunhu banza rokuyananiswa naMwari. Kristu nokudaro akapa vanhu vaizoshandisa kutenda maari uye vaizoziva ukoshi hwechibairo chake tariro youpenyu husingagumi papasi raizoshandurwa kuva paradhiso.—Ruka 23:43; Johane 3:16.
Iyi tariro inopiwa kuno mumwe nomumwe wedu. Kuti tiiwane tinofanira kuwana ‘zivo [yakarurama] yaMwari wechokwadi bedzi neyouyu iye akatuma, Jesu Kristu.’ Tinofanirawo kurarama mutsinhirano netariro iyoyo. Iyi zivo yakarurama inowanwa muBhaibheri.—Johane 17:3; NW; Jakobho 2:24-26.
Iwe ungada here kuva nemhinduro ino udzame kumibvunzo yakadai seiyi, Munhu akabvepi? Chii chinoitika pashure porufu? Zvii zviri zvisakiso zvezvinetso zvorudzi rwomunhu? Pane tariro ipi neipi here yokuti izvo zvichapedzwa pazuva rakati? Mwari achaparira migariro yakakwana nokuda kwavanhu rini uye sei? Kana kwakadaro, tinokukurudzira kunzvera Bhaibheri, bhuku bedzi richakupa mhinduro dzinobva kuna Mwari wenyika yose uye bhuku bedzi rine “hwaro hwetariro youpenyu husingaperi.” Kukubetsera kuwana idzi mhinduro muBhaibheri rako ndiko donzo rezvinyorwa zveWatchtower Sosaiti.—Tito 1:1, 2.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Nyika inozivisa mativi ohunhu hwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 6]
Bhaibheri bedzi rinogona kutiudza pamusoro pamadonzo aMwari kumunhu napasi