-
Mwari Ndiani?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
4. Jehovha anoda kuti uzive uye ushandise zita rake
Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kuti uzive zita rake? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Unofunga kuti Jehovha anoda kuti vanhu vazive zita rake here? Nei uchidaro?
Jehovha anoda kuti vanhu vashandise zita rake. Verengai VaRoma 10:13, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Nei zvichikosha kushandisa zita raMwari rekuti Jehovha?
Unonzwa sei kana mumwe munhu akakuyeuka okushevedza nezita rako?
Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paunoshandisa zita rake?
-
-
Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri IzvoRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
1. Dzidziso dzezvitendero zvenhema dzinoita sei kuti Mwari aonekwe zvisiri izvo?
Machechi enhema akaita kuti “chokwadi chaMwari chive nhema.” (VaRoma 1:25) Akawanda acho haadzidzisi vanhu zita raMwari. Asi Bhaibheri rinoti tinofanira kushandisa zita raMwari. (VaRoma 10:13, 14) Kana pakaitika zvinhu zvakaipa, vamwe vafundisi vanoti kuda kwaMwari. Asi idzodzo inhema. Mwari haakonzeri zvinhu zvakaipa. (Verengai Jakobho 1:13.) Zvinorwadza ndezvekuti nhema dzinodzidziswa nezvitendero, dzakaita kuti vanhu vabve pana Mwari.
-