Zvinotaura Bhaibheri
Unokosha Mumeso aMwari!
“NDAKATAMBURA NOKUNZWA NDISINGAKOSHI KAZHINJI MUUPENYU HWANGU,” AKANYORA KUDARO MUMWE MUKADZI WECHIKRISTU. “PASINEI ZVAPO NOKUTI NDINODA JEHOVHA ZVAKADINI KANA KUTI NDINOEDZA ZVAKADINI KUMUBATIRA, NDINOGARONZWA KUTI HAZVINA KUNYATSOKWANA.”
UNOZIVA mumwe munhu anoparapatika nekunzwa kwakadzama kwekusakwanisa kana kwekusakosha here? Kana kuti iwe pachako unombonzwa saizvozvo here? Kunzwa kwakadaro hakushamisi, kunyange pakati pavanamati vaMwari vakatendeka. Hapana asingatapurwi nemigumisiro yokurarama mu“nguva dzokutambudzika.” Vazhinji vakatambura kuregeredzwa uye kubatwa zvakashata navanhu avo “vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka”—unhu uhwo hwakapararira mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5) Zviitiko zvinorwadza zvakadaro zvingasiya mavanga okurwadziwa mupfungwa, zvichikonzera kunzwa kwekusakosha kukuru.
Mune zvimwe zviitiko, pfungwa dzakaipa dzingava dzichikonzerwa nokuti vanhu vanovavarira zvinhu zvakanyanyisa. Kukundikana kusvitsa zvavanovavarira izvi kunosimbisa kunzwa kwokuti havana kutombonaka. Chipi nechipi chingava chikonzero, avo vanotambura nekunzwa vasingakoshi vangawana zvakaoma kuona kuti nei Mwari—kana kuti upi noupi zvake, panyaya iyoyo—achivada. Chokwadika, vangatodavira kuti havagoni kudiwa.
Asi handiwo manzwire anoita Jehovha Mwari! MuShoko rake, Jehovha anotiyambira kuti tidzivise “manomano okunyengera” eMuvengi wake mukuru, Satani Dhiyabhorosi. (VaEfeso 6:11, Jewish New Testament) Satani anoshandisa manomano ake okunyengera kuti aedze kutiregedzesa kunamata Mwari wedu. Nechinangwa ichocho, Satani anokurudzira kunzwa kwekuti hatikoshi, kwekuti Jehovha haambofi akanzwa kutida. Asi Satani nde“wenhema”—kutaura chokwadi, “baba vadzo.” (Johane 8:44) Naizvozvo, hatifaniri kunyengedzwa nemanomano ake! MuBhaibheri, Jehovha anotaura pachake, achitivimbisa nezvekukosha kwedu mumeso ake.
Maonere ari Pakati Nepakati Ekukosha Kwedu
Bhaibheri rinoyambira nezvemigumisiro isina kunaka yatingava nayo ichiparirwa nokuora mwoyo. Zvirevo 24:10 inoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Kunzwa kusina kunaka kwenguva refu matiri kunogona kutibira simba, kuchiita kuti tinzwe tisina simba uye tisina kudzivirirwa. Unogona kuva nechokwadi chokuti Satani anonyatsozviziva. Zvakatooma zvikuru kana mwoyo wedu wakaora nekunzwa kwekusakosha. Zvisinei, Satani paanoedza kushandisa zvakaipa kunzwa kwakadaro, zvinoita kuti mamiriro acho ezvinhu atonyanya kurema.
Saka, zvinokosha kuti tive nemaonere ari pakati nepakati, akanaka ekukosha kwedu. “Ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu,” akakurudzira kudaro muapostora Pauro, “kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera.” (VaRoma 12:3) Imwe shanduro inoshandura mashoko aya ichiti: “Ndingataura kune mumwe nomumwe wenyu kuti asazvifunga kupfuura kukosha kwake chaikoiko, asi kuti azviyere zvakafanira.” (Charles B. Williams) Saka rugwaro rwunotikurudzira kuti tizvione zviri pakati nepakati. Neimwe nzira, tinofanira kudzivisa kuzvikudza; uyewo, tinofanira kuedza kusanyanyozvideredza, nokuti Pauro anoreva kuti kuva nokufunga kwakachenjera, zvinokosha kuti tizvifungire chimwe chinhu. Hungu, achifuridzirwa naMwari Pauro akaratidza kuti mumwe nomumwe wedu anokosha mumeso aJehovha.
Pfungwa iri pakati nepakati yokuzvikoshesa yakajekawo mumashoko aJesu paakati: “Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.” (Mateo 22:39) Mashoko okuti “sezvaunozvida” anoratidza kuti tinofanira kunzwa kuti tinoti koshei, kana kuzviremekedza. Chokwadi, tine zvatinotadza uye tinokanganisa. Asi patinoedza kufadza Mwari, tine urombo nokuda kwezvatinokanganisa, uye patinotsvaka kukanganwirwa naye, tinogona kuramba tiine kuzvikoshesa kwakati. Mwoyo yedu inotsoropodza dzimwe nguva ingasimbirira nokunzwa kwakasiyana, asi yeukai, “Mwari mukuru kumwoyo yedu.” (1 Johane 3:20) Namamwe mashoko, Jehovha anotiona nenzira ingave yakasiyana zvikuru pane kuzviona kwatinoita.
Mwoyo Yakaputsika, Mudzimu Wakapwanyika
Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika, anoponesa vane [mudzimu] wakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Richitsinhira rugwaro urwu, Matthew Henry’s Commentary on the Whole Bible rinoti: “Unhu hwevakarurama . . . kuti ndeve mwoyo wakaputsika uye mudzimu unonzwira urombo, ndiko kuti, nemhaka yechivi vanozvininipisa, uye vasina pfungwa yokuzvikoshesa; vakaderera mumeso avo pachavo, uye havavimbi nezvakafanirwa zvavo.”
Avo vane “mwoyo yakapwanyika” kana kuti ‘mudzimu wakapwanyika’ vanganzwa kuti Jehovha ari kure uye kuti havanyatsokosha kuna Jehovha kuti avatarisire. Asi handizvo. Mashoko aDhavhidhi anotivimbisa kuti Jehovha haasiyi avo “vakaderera mumeso avo pachavo.” Mwari wedu ane tsitsi anoziva kuti panguva dzakadaro tinomuda kwazvo, uye ari pedyo.
Chimbofunga mumwe muenzaniso. Makore akati apfuura vamwe mai vakamhanya nemwanakomana wavo aiva nemakore maviri kuchipatara nemhaka yokuti akanga achitambudzika nechikosoro chakaipa zvikuru. Pashure pekuongorora mukomana wacho, vanachiremba vakaudza mai vacho kuti vaizomuchengeta muchipatara usiku hwose. Mai vacho vakapedzera usiku hwacho kupi? Pacheya mukamuri romuchipatara, pedyo nemubhedha wemwanakomana wavo. Kakomana kavo kairwara, uye vaitofanira kuva pedyo nako. Zvechokwadi tingatotarisira zvizhinji kubva kuna Baba vedu vanodiwa vokudenga, avo takaitwa mumufananidzo wavo! (Genesi 1:26; Isaya 49:15) Mashoko anoorora ePisarema 34:18 anotivimbisa kuti patinenge tine “mwoyo yakaputsika,” Jehovha, semubereki ane rudo, “ari pedyo”—anogara achititarisira, achititeerera, uye akagadzirira kutibetsera.—Pisarema 147:1, 3.
“Munopfuura Shiri Zhinji”
Mukati meushumiri hwake hwapasi, Jesu akazivisa zvizhinji pamusoro pepfungwa nekunzwa zvaJehovha, kubatanidza manzwire anoita Jehovha pamusoro pevabatiri Vake vapasi. Kanopfuura kamwe, Jesu akavimbisa vadzidzi vake nezvekukosha kwavo mumeso aJehovha.—Mateo 6:26; 12:12.
Somuenzaniso, achiratidzira kukosha kwemumwe nomumwe wevadzidzi vake, Jesu akati: “Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu. Kana muri imi, nebvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.” (Mateo 10:29-31) Chimbofunga kuti mashoko iwayo anofanira kuve akarevei kuvateereri vaJesu vemuzana rokutanga ramakore.
Shiri duku sezviri pachena dzaiva pakati peshiri dzakachipa dzaidyiwa. Idzi shiri duku dzaiwanzoundurwa, dzobayirwa pazvimiti, dzogochwa senhindi dzenyama. Pasina mubvunzo Jesu akanga aona vakadzi varombo pamusika vachiverenga mapeni avo kuti vaone kuti ishiri duku ngani dzavaigona kutenga. Shiri dzacho dzairangarirwa sedzaikosha zvishoma kwazvo zvokuti nokuda kwepeni rinokosha zvishoma (chaizvoizvo, assarion, yaikosha zviri pasi pemasendi mashanu), munhu aigona kutenga shiri duku mbiri.
Jesu akataurazve uyu muenzaniso imwe nguva gare gare—asi wakatisiyanei. Maererano naRuka 12:6, Jesu akati: “Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here?” Funga nezvazvo. Nokuda kwepeni rimwe chete raikosha zvishoma, mutengi aiwana shiri duku mbiri. Asi kana akanga akagadzirira kupedzera mapeni maviri, aisawana shiri duku ina asi shanu. Shiri yomuraudzo yaingopiwa sokunge kuti yaiva isingakoshi zvachose. “Hakuna imwe yadzo” akadaro Jesu, kunyange iya yaipiwa pasina mutengo “inokanganikwa pamberi paMwari.” Achishandisa muenzaniso wacho, Jesu akagumisa achiti: “Munopfuura shiri zhinji.” (Ruka 12:7) Mashoko iwayo anofanira kuve akakurudzira sei vateereri vake!
Wawana zvinoreva muenzaniso waJesu unonyevenutsa mwoyo here? Kana Jehovha achifunga kunyange shiri duku kuva dzinokosha, vabatiri vake vepasi vanofanira kuva vanodiwa zvakanyanya sei! NaJehovha, hapana mumwe wedu anorasika muboka. Mumwe nomumwe wedu anokosha zvakadaro kuna Jehovha zvokuti anoona kunyange zvinhu zvidukusa nokuda kwedu—bvudzi remisoro yedu chairo rakaverengwa rose.
Chokwadika, Satani achapfuurira kushandisa “manomano okunyengera” ake—akadai sokushandisa zvisina kufanira kunzwa kwokusakosha—kuti atidzivise kubatira Jehovha. Asi usarega Satani achikunda! Yeuka mukadzi wechiKristu ataurwa pakutanga. Akabetserwa nenyaya yaive mumagazini yeNharireyomurindi iyo yaiyambira nezvekuedza kwaSatani kushandisa zvisina kufanira kunzwa kwedu.a Akati: “Handina kumboziva kuti Satani anoedza kushandisa kunzwa kwangu kuti andiodze mwoyo. Kuziva izvi kunondipa simba rokurwisa kunzwa uku. Zvino ndinogona kudzivisa uku kudenha kwaSatani, ndiine chivimbo.”
Jehovha “anoziva zvose.” (1 Johane 3:20) Hungu, anoziva zvatiri kutsungirira zvino. Anozivawo zvakaitika kwatiri nguva dzakapfuura izvo zvingadai zvakaputsa kuzviremekedza kwedu. Yeuka, maonere anotiita Jehovha ndiwo anokosha! Hazvinei hazvo nokuti tingafunga kuti hatidiwi kana kuti hatikoshi sei, Jehovha anotivimbisa kuti mumwe nomumwe wevabatiri vake anokosha kwaari. Tinogona kuvimba neshoko raJehovha, nokuti, kusiyana neMuvengi wake mukuru, Mwari ha“atongorevi nhema.”—Tito 1:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Unokosha Mumeso aMwari!” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaApril 1, 1995, mapeji 10-15.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Somubereki ane rudo, Jehovha ari pedyo naavo vakaora mwoyo
[Mifananidzo iri papeji 13]
Kana Jehovha asingakanganwi shiri duku, angakukanganwa sei?
[Kwazvakatorwa]
Lydekker
Illustrated Natural History