RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Pisai Nomudzimu”
    Nharireyomurindi—2009 | October 15
    • 9. Nei Pauro achifananidza vaKristu vakaberekwa nomudzimu nenhengo dzomuviri?

      9 Verenga VaRoma 12:4, 5, 9, 10. Pauro anofananidza vaKristu vakazodzwa nenhengo dzomuviri sezvavanoshanda vakabatana pasi paKristu, musoro wavo. (VaK. 1:18) Anoyeuchidza vaKristu vakaberekwa nomudzimu kuti muviri une nhengo dzakawanda dzinoshanda zvakasiyana-siyana, asi ‘kunyange dziri zhinji, muviri mumwe chete uri pamwe naKristu.’ Panyaya yakafanana neiyi, Pauro anorayira vaKristu vakazodzwa vari muEfeso kuti: “Ngatikurei norudo muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro. Kubva kwaari, muviri wose uchinyatsobatanidzwa pamwe chete uye uchiitwa kuti ushandire pamwe chete pachishandiswa mapfundo ose anopa zvinodiwa, maererano nokushanda kwenhengo imwe neimwe mumwero wakakodzera, unoita kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.”—VaEf. 4:15, 16.

  • “Pisai Nomudzimu”
    Nharireyomurindi—2009 | October 15
    • 11. Chii chinoita kuti tibatane, uye Pauro akapa rimwe zano ripi?

      11 Kubatana kwakadai kunobva parudo, runova “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:14) Muna VaRoma chitsauko 12, Pauro anosimbisa izvi, achiti rudo rwedu “ngarurege kuva nounyengeri” uye “pakudanana sehama” tinofanira ‘kudanana kwazvo.’ Izvi zvinoita kuti tiremekedzane. Muapostora wacho anoti: “Pakukudzana, tungamiriranai.” Asika hatifaniri kufunga kuti kungonzwira munhu tsitsi ndiko kunoratidza rudo. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti ungano igare yakachena. Paaipa zano panyaya yorudo, Pauro akawedzera kuti: “Semai zvakaipa, namatirai kune zvakanaka.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe