RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ramba Uchikunda Zvakaipa” Nokudzora Hasha
    Nharireyomurindi—2010 | June 15
    • 10. VaKristu vanofanira kuona sei nyaya yokutsiva?

      10 Zvakaitika kuna Simiyoni naRevhi uye kuna Dhavhidhi naAbhigairi zvinoratidza zviri pachena kuti Jehovha haafariri hasha dzisina muganhu nokurwa uye kuti anokomborera vanhu vanoedza kuva norunyararo. “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose,” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’ Asi, ‘kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.’ Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaR. 12:18-21.a

  • “Ramba Uchikunda Zvakaipa” Nokudzora Hasha
    Nharireyomurindi—2010 | June 15
    • a “Marasha anopisa” ari kurehwa inzira yaishandiswa makarekare kunyungudutsa dombo rinenge racherwa kuti vabudise rinokosha vachiisa marasha pasi nepamusoro paro. Kana tikaratidza mutsa kuvanhu tinogona kuvapfavisa vozoratidza unhu hwakanaka.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe