Unofanira Kubhadhara Mitero Yako Here?
“Ipa munhu wose zvinhu zvake: Kana uine chikwereti chemitero, ibhadhare; kana uri mutero wemari yaunotambira, ubhadhare; kana kuri kuremekedza, ibva wamuremekedza; kana kuri kukudza, mukudze.”—VaRoma 13:7, New International Version.
MUKUTARISANA nemitero iri kuramba ichikwira, zano riri pamusoro apa ringaita serakaoma kuteerera. Zvisinei, iwayo mashoko omuapostora Pauro, uye akanyorwa muBhaibheri. Hapana mubvunzo kuti unoremekedza Bhaibheri. Asi ungashamisika kuti, ‘VaKristu vanofanira chaizvoizvo kubhadhara mitero yose—kusanganisira iya iyo vamwe vangafunga kuti haina musoro kana kuti kururamisira here?’
Funga izvo Jesu akakurudzira vadzidzi vake. Aiziva kuti vaJudha vairwadziwa nemitero yavaibhadhariswa neRoma. Pasinei neizvi, Jesu akakurudzira kuti: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mako 12:17) Zvinoshamisa kuti Jesu aitsigira kubhadhara mitero yehurumende chaiyo yaizomuuraya nguva pfupi yaizotevera.
Makore mashomanana gare gare, Pauro akapa zano rataurwa kwokutanga. Akakurudzira kubhadhara mitero, pasinei nokuti mari yakawanda yemitero yaishandiswa kutsigira mauto eRoma uye kutsigira upenyu hwounzenza nohwemadiro hwemadzimambo eRoma. Nei Pauro akava nemafungiro iwayo aiva asina vazhinji?
Vane Simba Zvikuru
Chimbofunga nezvemashoko akapoteredza mashoko aPauro. Pana VaRoma 13:1, akanyora kuti: “Mweya yose ngaizviise pasi pevane simba zvikuru, nokuti hapana simba risina kubvumirwa naMwari; vane simba vose varipo vakaiswa munzvimbo yavo ine mwero naMwari.” Apo rudzi rwaIsraeri rwaiva nevatongi vaitya Mwari, zvaiva nyore kuona kutsigira rudzi rwacho nemari sebasa raiitirwa vanhu vose uye rechitendero. Asi vaKristu vaifanira kuramba vachibhadhara mitero here apo vatongi vacho vaiva vanamati vezvidhori vasingatendi? Chokwadi vaifanira kudaro! Mashoko aPauro anoratidza kuti Mwari akanga apa vatongi “simba” rokutonga.
Hurumende dzinoita basa guru kuchengetedza kurongeka. Izvi zvinobvumira vaKristu kuita mabasa avo okunamata akasiyana-siyana. (Mateu 24:14; VaHebheru 10:24, 25) Ndosaka Pauro akataura maererano nehurumende dziripo dzine simba kuti: “Mushumiri waMwari kwauri kuti zvikunakire.” (VaRoma 13:4) Pauro pachake akashandisa zvakanaka kudzivirira kwaipiwa nehurumende yeRoma. Somuenzaniso, paakazviwana ava kuda kurohwa nemhomho, akadzivirirwa nevarwi veRoma. Gare gare akakwirira nyaya yacho kudare revaRoma kuitira kuti arambe achishumira somumishinari.—Mabasa 22:22-29; 25:11, 12.
Naizvozvo Pauro akapa zvikonzero zvitatu zvokubhadhara mitero. Kutanga, akataura nezve“hasha” dzehurumende mukuranga vatyori vemitemo. Chechipiri, akatsanangura kuti hana yomunhu waMwari haizonzwi zvakanaka kana akabiridzira mitero yake. Chokupedzisira, akaratidza kuti mitero inowanira mari mabasa anoitwa nehurumende se‘vashandi vevanhu vose.’—VaRoma 13:1-6.
Vamwe vaKristu vakateerera mashoko aPauro aya here? Zviri pachena kuti vakadaro, nokuti munyori aizviti muKristu womuzana remakore rokutanga Justin Martyr (munenge muna 110 kusvika kuna 165 C.E.) akataura kuti vaKristu vaibhadhara mitero yavo “nenguva chaizvo kudarika vamwe vanhu vose.” Nhasi, hurumende padzinenge dzichida kubhadharwa, nemari kana kuti nenguva, vaKristu vanoramba vachiteerera nechido.—Mateu 5:41.a
Zvechokwadi, vaKristu vakasununguka kushandisa zvakanaka chero mitero ipi neipi inoderedzwa zvapamutemo. Mune zvimwe zviitiko, vangave vachikwanisa kushandisa mikana yakanaka yokusabhadhara mitero pamari inopiwa kune vaya vanopa mari kumasangano ezvitendero. Kunyange zvakadaro, vachiteerera Shoko raMwari, vaKristu vechokwadi havaregi kubhadhara mitero. Vanobhadhara mitero yavo, vachisiyira vane simba kuti vazvitakurire mutoro wavo zvizere wemashandisiro avanoita mari yacho.
Kubhadharisa mitero yakanyanya kukwirira inongova imwe nzira iyo “munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Zvapupu zvaJehovha zvinonyaradzwa nechipikirwa chiri muBhaibheri chokuti nokukurumidza kururamisira kuchavapo muhurumende yaMwari—hurumende isingazomboremedzi vanhu nemitero isina kururamisira.—Pisarema 72:12, 13; Isaya 9:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Zano raJesu rokubhadhara “zvinhu zvaKesari kuna Kesari” rakanga risingangorevi kubhadhara mitero chete. (Mateu 22:21) Bhuku rinonzi Critical and Exegetical Hand-Book to the Gospel of Matthew, raHeinrich Meyer, rinotsanangura kuti: “Nemashoko okuti [zvinhu zvaKesari] . . . hatifaniri kufunga kuti ungori mutero unoitirwa vanhu vose chete, asi zvinhu zvose izvo Kesari akapiwa pamusana pokutonga kwake kwepamutemo.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
VaKristu vekare vaibhadhara mitero yavo “nenguva chaizvo kudarika vamwe vanhu vose.”—JUSTIN MARTYR
[Mufananidzo uri papeji 10]
VaKristu vechokwadi vanoteerera mitemo yemitero
[Mufananidzo uri papeji 11]
Jesu akati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
© European Monetary Institute