Kufanotaura nezvaMesiya
VACHIZIVA zvaiva zvakanyorwa naIsaya nevamwe vaprofita pamusoro paMesiya, vaJudha vakanguri vatarisira kuuya kwake. Kutaura zvazviri, pakazouya Jesu vaJudha vakawanda “vakanga vachitarisira” kuti Mesiya aizouya nokukurumidza. (Ruka 3:15) Sezvineiwo, uprofita hweBhaibheri hune mashoko anodonongodza upenyu hwaMesiya. Hakuna munhuwo zvake aigona kufanotaura kuitika kwezvinhu zvakadaro kana kuti aigona kuronga kuti Jesu azviite.
Mashoko Aiva Nechokuita Nokuberekwa kwaJesu. Isaya akafanotaura kuti Mesiya, kana kuti Kristu, aizoberekwa nemhandara. Apedza kurondedzera nezvokuberekwa kwaizoitwa Jesu nechishamiso, muapostora Mateu akanyora kuti: “Chokwadi izvi zvose zvakaitika kuti zviya zvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa muprofita wake zvizadzike, achiti: ‘Tarira! Mhandara ichava nepamuviri uye ichabereka mwanakomana.’” (Mateu 1:22, 23; Isaya 7:14) Isaya akafanotaura kuti Kristu aizoberekerwa mudzinza raDhavhidhi, uye akanyatsotaura nezvaJese baba vaDhavhidhi. Chokwadi Jesu akaberekwa mudzinza raDhavhidhi. (Mateu 1:6, 16; Ruka 3:23, 31, 32) Saka, Jesu asati aberekwa, ngirozi Gabrieri yakaudza amai vaJesu, Mariya kuti: “Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi.”—Ruka 1:32, 33; Isaya 11:1-5, 10; VaRoma 15:12.
Mashoko Aiva Nechokuita Noupenyu hwaMesiya. Ari musinagogi yokuNazareta, Jesu akaverenga zvainzwika uprofita hwaIsaya, hunosanganisira mashoko aya okuti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.” Achiratidza kuti mashoko aya aishanda kwaari, Jesu akati: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.” (Ruka 4:17-21; Isaya 61:1, 2) Isaya akafanotaurawo kuti Jesu aizoratidza mutsa, aizova munyoro uye aizobatsira nokuzvininipisa vaida kurapwa. Mateu anonyora kuti: “Vazhinji vakamuteverawo, uye akavarapa vose, asi akavarayira zvakasimba kuti vasaita kuti azivikanwe; kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya . . . ‘Haazokakavari, kana kushevedzera . . . Hapana tsanga yakakuzvuka yaachapwanya.’”—Mateu 8:16, 17; 12:10-21; Isaya 42:1-4; 53:4, 5.
Mashoko Aitaura Nezvokutambura kwaMesiya. Isaya akaprofita kuti Mesiya aisazogamuchirwa nevazhinji muIsraeri asi kuti aizova “dombo rokugumbura” kwavari. (1 Petro 2:6-8; Isaya 8:14, 15) Uye chokwadi, pasinei nezvishamiso zvakawanda zvakaitwa naJesu, vanhu “vakanga vasingatendi maari, zvokuti shoko romuprofita Isaya rakazadzika raakati: ‘Jehovha, ndiani akatenda chinhu chatakanzwa?’” (Johani 12:37, 38; Isaya 53:1) Dzidziso yenhema yainge yakakurumbira yokuti Mesiya aizokurumidza kuparadza umambo hweRoma oita kuti umambo hwakazvimiririra hwaDhavhidhi hutongezve pasi pano, ndiyo yakaita kuti vaJudha vasatenda. Nokuti Jesu akatambura ndokufa, vaJudha vakawanda havana kubvuma kuti aiva Mesiya. Asi, Isaya akanga afanotaura kuti Mesiya aizotambura asati ava Mambo.
Mesiya achiprofita mubhuku raIsaya, anoti: “Ndakapa varovi musana wangu . . . Handina kuvanzira chiso changu zvinhu zvinonyadzisa uye kupfirwa mate.” Mateu anotaura zvakaitika paitongwa Jesu achiti: “Vakabva vamupfira mate kuchiso, vakamurova nezvibhakera. Vamwe vakamurova nembama kuchiso.” (Isaya 50:6; Mateu 26:67) Isaya akanyora kuti, “Akabvuma kutambudzwa; asi iye aisashama muromo wake.” Saka paaibvunzwa naPirato nezvokupomerwa kwaaiitwa nevaJudha, Jesu “haana kumupindura, aiwa, kana shoko rimwe chete zvaro, zvokuti gavhuna wacho akashamisika kwazvo.”—Isaya 53:7; Mateu 27:12-14; Mabasa 8:28, 32-35.
Mashoko Orufu rwaMesiya. Uprofita hwaIsaya hwakapfuurira kuzadzika parufu rwaJesu uye pashure pacho. Isaya akafanotaura kuti: “Achaita kuti guva rake rive pamwe chete nevakaipa, uye achava pamwe chete nevapfumi pakufa kwake.” (Isaya 53:9) Uprofita uhwu hunoita sehunopikisana hwaizozadzika sei? Pakafa Jesu, akarovererwa padanda ndokuiswa pakati pemakororo maviri. (Mateu 27:38) Asi gare gare mumwe mupfumi wokuArimatiya ainzi Josefa akaviga mutumbi waJesu muguva idzva raakanga achera padombo. (Mateu 27:57-60) Pakupedzisira, rufu rwaJesu rwakazadzisa chimwe chinhu chinokosha zvikuru muuprofita hwaIsaya. Achitaura nezvaMesiya, Isaya anoti: “Munhu akarurama, mushumiri wangu, achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama; uye achava nemhosva yokukanganisa kwavo.” Chokwadi, rufu rwaJesu rwakava rudzikinuro kuitira kuti vanhu vose vakatendeka varege kuremerwa nechivi.—Isaya 53:8, 11; VaRoma 4:25.
Uprofita Hwatiine Chokwadi Chokuti Huchazadzika
Kuti varatidze aiva Mesiya vachishandisa Magwaro, vaapostora naJesu pachake vaigara vachitora mashoko muuprofita hwaIsaya kupfuura mamwe mabhuku api zvawo omuBhaibheri. Kunyange zvakadaro, bhuku raIsaya harisi iro chete rakafanotaura remangwana. Humwe uprofita hwakawanda hweMagwaro echiHebheru hwakazadzika pana Jesu, Umambo hwake, uye zvinhu zvakanaka zvahuchaita mune remangwana.a (Mabasa 28:23; Zvakazarurwa 19:10) Zvii zvinonyatsoratidza kuti uprofita uhwu hwaizozadzika? Jesu akaudza vaJudha vakanga vakamuteerera kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Mutemo kana kuti Zvakanyorwa nevaprofita [kureva Magwaro echiHebheru]. Handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa; nokuti chokwadi ndinoti kwamuri nokukurumidza denga nenyika zvingapfuura, pane kuti bhii rimwe chete duku pane ose kana kuti kachikamu kebhii kapfuure paMutemo zvinhu zvose zvisina kuitika.”—Mateu 5:17, 18.
Jesu akataurawo nezvokuzadzika kwouprofita hweBhaibheri hwaiva nechokuita naye uye nezvinhu zvaizoitika. (Dhanieri 9:27; Mateu 15:7-9; 24:15) Uyezve, Jesu nevadzidzi vake vakafanotaura zvinhu zvaizoitika ivo vasisipo, kusanganisira zvatiri kuona nhasi. Nyaya inotevera ichakurukura nezvazvo uye kuzadzika kuchaita humwe uprofita hweBhaibheri mune remangwana.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko anotaura nezvouprofita hwakazadzika hunotaura nezvaJesu, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? papeji 200, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 4]
“Mhandara . . . ichabereka mwanakomana”
[Mufananidzo uri papeji 5]
“Handina kuvanzira chiso changu zvinhu zvinonyadzisa”