Akwira naPriska Varoorani Vomuenzaniso
“NDIKWAZISIREI Akwira naPriska, vanobata neni muna Kristu Jesu, vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu hwangu; vandisingaongi ini ndoga, asi nekereke dzose dzavahedheni.”—VaRoma 16:3, 4.
Aya mashoko omuapostora Pauro kuungano yechiKristu muRoma anoratidzira rukudzo rukuru noushamwari zvaaiva nazvo nokuda kwaava varoorani. Akava nechokwadi chokuti akanga asingavafuratiri pakunyorera ungano yavo. Asi ndivanaani vakanga vari ava “vanobata neni” vaPauro, uye nei vakanga vachidiwa kwazvo naye uye neungano?—2 Timotio 4:19.
Akwira akanga ari muJudha wediaspora (vaJudha vakaparadzirwa) uye mugari wePontus, nharaunda iri kuchamhembe kweAsia Minor. Iye nomudzimai wake Priska (Prisira) vakanga vagara muRoma. Kwakanga kwave kune nzanga yakati yechiJudha muguta iroro kubvira panenge pakutapwa kweJerusarema naPompey muna 63 B.C.E., apo nhamba huru yevasungwa yakaendeswa kuRoma sevaranda. Kutaura idi, manyoro eRoma anoratidzira kuvapo kwemasinagogi gumi nemaviri kana kuti anopfuura muguta racho rekare. Vakati vevaJudha vakabva kuRoma vakanga vari muJerusarema paPentekosta ya33 C.E., apo vakanzwa mashoko akanaka. Zvichida shoko rechiKristu roUmambo rakasvika kwenguva yokutanga dzimbahwe reMubatanidzwa weRoma kupfurikidza navo.—Mabasa 2:10.
Zvisinei, vaJudha vakanga vadzingwa muRoma mugore ra49 kana kuti pakuvamba kwa50 C.E. nemurayiro weMutongi Kraudio. Nokudaro, makanga muri muguta rechiGiriki reKorinte umo muapostora Pauro akasangana naAkwira naPriska. Apo Pauro akasvika muKorinte, Akwira naPriska nomutsa vakamupa zvose zviri zviviri mutsa nebasa, nokuti vaigoverana basa rakafanana—kugadzira tende.—Mabasa 18:2, 3.
Vagadziri Vetende
Iri rakanga risiri basa riri nyore. Kugadzira tende kwaibatanidza kucheka nokusonera pamwe chete zvinhu zvakaoma, zvisina kupfava kana kuti dehwe. Maererano nowezvenhau Fernando Bea, rakanga riri “basa raida unyanzvi nengwariro” kuvagadziri vetende avo vaishanda ne“machira asina kupfava, akaomarara, anoshandiswa mukuita misasa pakufamba, kugovera mumvuri pazuva nemvura, kana kuti kurongedza zvinhu mukati mengarava.”
Ikoku kunomutsa mubvunzo. Pauro haana here kutaura kuti akanga ‘adzidziswa patsoka dzaGamarieri,’ nokudaro kuchimugadzirira nzira yokuti aronde basa rine mukurumbira mumakore aizouya? (Mabasa 22:3) Nepo ikoku kuri chokwadi, vaJudha vomuzana rokutanga remakore vaikurangarira kuva kunokudzwa kudzidzisa mukomana basa kunyange kana iye aizogamuchira dzidzo yapamusoro. Naizvozvo kungabvira kuti vose vari vaviri Akwira naPauro vakanga vawana unyanzvi hwavo mukugadzira tende apo vakanga vari vaduku. Ruzivo rwokuzviwanira irworwo rwakabvumikisa kuva runoshanda zvikuru gare gare. Asi sevaKristu, havana kurangarira basa rakadaro rokunyika semugumisiro mariri rimene. Pauro akatsanangura kuti basa raakaita muKorinte pamwe chete naAkwira naPriska rakanga riri bedzi mutoo wokutsigira nawo mubato wake mukuru, uyo wokuzivisa mashoko akanaka pasina ‘kuisa mutoro unodhura pamunhu upi noupi.’—2 VaTesaronika 3:8; 1 VaKorinte 9:18; 2 VaKorinte 11:7.
Sezviri pachena, Akwira naPriska vakafadzwa kuita zvose zvavaigona kuyamura basa roufundisi raPauro. Ndiani anoziva kuti ndikakawanda sei idzi shamwari nhatu dzakamira mukati mebasa radzo kuti dziite kupupura kusina kurongwa kuvatengi kana kuti vapfuuri! Uye kunyange zvazvo basa ravo rokugadzira tende rakanga rakaderera uye rainetesa, vakanga vachifara kuriita, vachishanda kunyange “usiku namasikati” kuitira kuti vasimudzire fariro dzaMwari—seizvo chaizvo vaKristu vakawanda vomuzuva razvino uno vanozvitsigira vamene nebasa renguva isina kuzara kana kuti romwaka kuitira kuti vape yakawanda zvikurusa yenguva yavo inosara kukubetsera vanhu kunzwa mashoko akanaka.—1 VaTesaronika 2:9; Mateo 24:14; 1 Timotio 6:6.
Mienzaniso Yomutsa
Sezvingabvira Pauro akashandisa imba yaAkwira senzvimbo yemibato yake yeufundisi mukati memwedzi 18 yaakagara muKorinte. (Mabasa 18:3, 11) Kunobvira, ipapoka, kuti Akwira naPriska vakava nemufaro wokuvawo naSirasi (Silvanus) naTimotio sevashanyi pakusvika kwavo vachibva kuMakedonia. (Mabasa 18:5) Tsamba mbiri dzaPauro kuVaTesaronika, idzo gare gare dzakava rutivi rwendaza yeBhaibheri, dzingave dzakanyorwa apo muapostora wacho aigara naAkwira naPriska.
Kuri nyore kufungidzira kuti panguva ino musha waPriska naAkwira wakanga uri nzvimbo chaiyo yomubato woumwari. Zvimwe waiwanzoshanyirwa neshamwari dzakawanda dzinodiwa—Stefana nemhuri yake, vaKristu vokutanga muruwa rweAkaya, vakabhabhatidzwa naPauro amene; Tito Justo, uyo akabvumira Pauro kushandisa imba yake kupa hurukuro; uye Krispo, mukuru anotungamirira wesinagogi, uyo akagamuchira chokwadi pamwe chete nemhuri yake yose. (Mabasa 18:7, 8; 1 VaKorinte 1:16) Ipapo kwakanga kuna Fortunato naAkaiako; Gaiosi, ane musha umo misangano yeungano ingave yakaitirwa; Erastosi, muchengeti wemari yeguta; Tertiosi, munyori uyo Pauro akaita kuti anyore tsamba yake kuvaRoma; uye Fibhi, hanzvadzi yakatendeka yeungano yepedyopo yeKenkrea, uyo zvimwe akatakura tsamba yacho achibva kuKorinte kuenda kuRoma.—VaRoma 16:1, 22, 23; 1 VaKorinte 16:17.
Vabatiri vomuzuva razvino uno vaJehovha vakava nomukana wokuratidza mutsa kumushumiri anofambira vanoziva kuti kunogona kuva kunokurudzira nokusingakanganwiki sei. Zvakaitika zvinovaka zvinorondedzerwa panguva dzakadaro zvinogona kuva manyuko chaiwoiwo ezorodzo romudzimu nokuda kwavose. (VaRoma 1:11, 12) Uye, sezvakaita Akwira naPriska, avo vanozarura misha yavo nokuda kwemisangano, zvichida Fundo Yebhuku Yeungano, vane mufaro negutsikano zvokukwanisa kupa muiyi nzira kufambiro mberi yekunamata kwechokwadi.
Ushamwari hwavo hwaiva hukuru kwazvo naPauro zvokuti Akwira naPriska vakaenda naye apo akabva paKorinte muchirimo cha52 C.E., vachimuperekedza kusvika kure seEfeso. (Mabasa 18:18-21) Vakagara muguta iroro ndokuita gadziriro yeshanyo yakatevera yomuapostora wacho. Pakanga pari pano apo ava vadzidzisi vane unyanzvi vemashoko akanaka vakapinza Aporo anotaura zvakanaka “muboka ravo” ndokuva nomufaro wokumubetsera kunzwisisa “nzira yaMwari zvakarurama zvikuru.” (Mabasa 18:24-26, NW) Apo Pauro akashanyirazve Efeso mukati merwendo rwake rwechitatu rwoufundisi, pane imwe nguva muchando cha52/53 C.E., munda wakanga wasakurwa neava varoorani vanoshingaira wakanga watoibvira nokuda kwokukohwa. Kweanenge makore matatu, Pauro akaparidza nokudzidzisa ikoko pamusoro pe“Nzira Iyo” apo ungano yeEfeso yaiva nemisangano mumusha waAkwira.—Mabasa 19:1-20, 26; 20:31; 1 VaKorinte 16:8, 19.
Gare gare, apo dzakadzokera kuRoma, idzi shamwari mbiri dzaPauro dzakapfuurira ku“tevera nzira yomutsa,” dzichiita kuti musha wadzo uwanike nokuda kwemisangano yechiKristu.—VaRoma 12:13, NW; VaR 16:3-5.
Vakaisa ‘Upenyu Hwavo Mungozi’ Nokuda kwaPauro
Zvichida Pauro akagarawo naAkwira naPriska apo akanga ari muEfeso. Akanga achigara navo here panguva yebope revapfuri vesirivha? Maererano nenhoroondo iri pana Mabasa 19:23-31, apo mhizha dzaigadzira zvitemberi dzakamukira kuparidzwa kwemashoko akanaka, hama dzaifanira kudzora Pauro kuti asazviise amene mungozi kupfurikidza nokuenda pamberi pemhomho yacho. Vamwe vatsinhiri veBhaibheri vakarondedzera kuti kungave kwakanga kuri mumamirire ezvinhu akadaro chaizvo ane ngozi ayo Pauro akanzwa ‘asina chokwadi kunyange pamusoro peupenyu hwake amene’ uye apo Akwira naPriska vakapindira munzira yakati, ‘vachiisa upenyu hwavo vamene mungozi’ nokuda kwake.—2 VaKorinte 1:8; VaRoma 16:3, 4.
Apo “bopoto rakati ranyarara,” Pauro nenzira yokuchenjera akabva muguta racho. (Mabasa 20:1) Pasina panikiro Akwira naPriska vakatarisanawo nechishoro uye kutukwa. Zvakadaro zvakavaita vanzwe vaodzwa mwoyo here? Mukupesana, Akwira naPriska neushingi vakapfuurira munhamburiko dzavo dzechiKristu.
Varoorani Vane Ushamwari
Pashure pokunge kutonga kwaKraudio kwaguma, Akwira naPriska vakadzokera kuRoma. (VaRoma 16:3-15) Zvisinei, nguva yokupedzisira yavanodudzwa muBhaibheri, tinovawana vadzoka muEfeso. (2 Timotio 4:19) Zvekare, somudzimwe nongedzero dzose muMagwaro, uyu murume nomudzimai vanodudzwa pamwe chete. Varoorani vane ushamwari nevakabatana zvakadini! Pauro aisagona kufunga nezvehama inodiwa iyoyo, Akwira, pasina kuyeuka batira pamwe yokutendeka yomudzimai wayo. Uye muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwavaroorani vechiKristu nhasi, nokuti kubatsira kwokuvimbika kwemukwanyina akazvipira kunobvumira munhu kuita zvakawanda “[mukubatira] Ishe” uye, padzimwe nguva, kunyange kutopfuura zvingave zvakabvira kuita semunhu asina kuroora.—1 VaKorinte 15:58.
Akwira naPriska vakabatira muungano dzinoverengeka dzakasiyana-siyana. Kufanana navo, vaKristu vakawanda vanoshingaira vemuzuva razvino uno vakazviita vamene vanowanika kutamira uko kune kushaiwa kukuru. Vanowanawo mufaro negutsikano zvinouya nekuona fariro dzoUmambo dzichikura uye mukukwanisa kusakurira ushamwari hwechiKristu hunodziya uye hunokosha.
Kupfurikidza nomuenzaniso wavo wakaisvonaka worudo rwechiKristu, Akwira naPriska vakawana kuonga kwemuapostora Pauro nevamwe. Asi zvinotokosha zvikuru, vakavamba mukurumbira wakanaka naJehovha amene. Magwaro anotivimbisa kuti: “Nokuti haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.”—VaHebheru 6:10.
Tingave tisina mukana wokuzvishandisa timene munzira dzakafanana neidzo Akwira naPriska vakaita, bva tinogona kutevedzera muenzaniso wavo wakaisvonaka. Gutsikano huru ichava yedu sezvo tinopa simba redu neupenyu kubasa rinoyera, tisingatongokanganwi “kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibayiro zvakadai.”—VaHebheru 13:15, 16.