RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vakuru vechiKristu ‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’
    Nharireyomurindi—2013 | January 15
    • 6, 7. (a) Ndeipi imwe nzira iyo vakuru vangatevedzera Jesu, Pauro, uye vamwe vashumiri vaMwari? (b) Nei kuyeuka mazita ehama dzedu kuchiwedzera mufaro wadzo?

      6 Vakawanda pahama nehanzvadzi dzedu vanoti mufaro wavo unowedzera vakuru pavanoratidza kuvafarira. Imwe nzira inokosha iyo vakuru vanoita izvozvo ndeyokutevedzera Dhavhidhi, Erihu, uye Jesu pachake. (Verenga 2 Samueri 9:6; Jobho 33:1; Ruka 19:5.) Mumwe nomumwe wevashumiri ava vaJehovha akanyatsoratidza kufarira mumwe munhu nokushandisa zita romunhu wacho. Pauro ainzwisisawo kukosha kwokuyeuka uye kushandisa mazita evaainamata navo. Akagumisa imwe yetsamba dzake nokukwazisa hama nehanzvadzi dzinopfuura 25 nemazita adzo, kusanganisira Pesisi, muKristu waakati nezvake: “Kwazisai Pesisi anodiwa wedu.”—VaR. 16:3-15.

  • Vakuru vechiKristu ‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’
    Nharireyomurindi—2013 | January 15
    • 8. Pauro akatevedzera Jehovha naJesu pachinhu chipi chinokosha?

      8 Pauro akaratidzawo kunyatsofarira vamwe nokuvarumbidza, uye iyoyo ndiyo imwe nzira inokosha yokuwedzera nayo mufaro wehama dzedu. Saka mutsamba imwe chete iyoyo maakataura nezvechido chake chokushanda kuti hama dzake dzifare, Pauro akanyora kuti: “Ndinozvirumbidza kwazvo pamusoro penyu.” (2 VaK. 7:4) Mashoko iwayo okurumbidza anofanira kuva akafadza chaizvo hama dzemuKorinde. Pauro akaudza dzimwe ungano mashoko akada kudaro. (VaR. 1:8; VaF. 1:3-5; 1 VaT. 1:8) Pashure pokunge ataura zita raPesisi mutsamba yaakanyorera ungano yekuRoma, Pauro akawedzera kuti: “Akaita mabasa mazhinji munaShe.” (VaR. 16:12) Mashoko iwayo okurumbidza anofanira kuva akafadza chaizvo hanzvadzi iyoyo yakatendeka! Pauro aitevedzera Jehovha naJesu pakurumbidza vamwe.—Verenga Mako 1:9-11; Johani 1:47; Zvak. 2:2, 13, 19.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe