Kuvaka Hunhu hwechiKristu Muvana Vedu
AMAI vaWanda, avo vane murume akanga avasiya, vakashanda zvakaoma kuvaka mavara echiKristu mumwanasikana wavo. Apo Wanda akanga ava namakore 12, iyi rovedzo yakaedzwa. Panguva iyoyo, Wanda, pamwe chete nehanzvadzi duku nomunun’una, akamanikidzirwa kusiya amai vake ndokugara kwenguva yakati nababa vake. Baba vake vakanga vasiri mutendi, naizvozvo Wanda aizoita sei apo amai vake vakanga vasipo kuti vaone?
Mugumo unouya kuvabereki vose vechiKristu inguva apo vana vavo vanofanira kuita zvisarudzo vari voga, zvinoedza kutenda kwavo vamene. Vana vangaparadzaniswa navabereki vavo vechiKristu, sezvakaitwa Wanda. Ivo vangatarisana nedzvinyiriro yavaenzani kuchikoro yokuita chakaipa. Kana kuti vangatarisana nemiedzo ine simba. Vabereki vechiKristu vanokarira uye vanonyengetera kuti apo nguva iyoyo inosvika, vana vavo vachava nohunhu hwechiKristu hwakasimba zvakakwana kukurira muedzo.
Vabereki vanogona sei kuvaka mavara akasimba echiKristu muvana vavo? Tisati tawana chakaitika kuna Wanda, ngationei kuti Bhaibheri rinotibetsera sei kupindura mubvunzo iwoyo. Hwaro hwemhinduro yacho hunowanwa muaya mashoko omuapostora Pauro kumaKristu aiva paKorinte: “Nokuti hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu. Zvino kana munhu achivaka pamusoro penheyo idzi, ndarama, kana sirvheri, kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga; basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomwoto; mwoto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.”—1 VaKorinte 3:11-13.
Nheyo
Neiko Pauro akanyora aya mashoko? Iye akanga atanga gadziriro yokuvaka hunhu hwechiKristu muKorinte, asi gadziriro yacho yakanga yapinda muzvinetso. Chokwadika, gadziriro yokuvaka yaPauro haina kubatanidza vana vake amene vokunyama. Iyo yakabatanidza avo vakava maKristu kupfurikidza nokuparidzira kwake. Asi akafunga nezvaivava savana vomudzimu, uye chaakataura ndechoukoshi kuvaberekiwo.—1 VaKorinte 4:15.
Pauro akanga auya kuKorinte nguva yakati pamberi pezvi uye akanga atanga ungano yechiKristu imomo. Avo vakanga vagamuchira kuparidzira kwake vakanga vaita chinjo huru muhunhu hwavo. Vamwe vaichimbova vanhu voutere, mbavha, vanamati vezvidhori, uye zvidhakwa. (1 VaKorinte 6:9-11) Asi vakakwanisa kuita chinjo yacho kukufunga kwechiKristu nemhaka yokuti Pauro akanga avanzarika nheyo yakanaka, sokunge zvakadaro. Chii chakanga chiri nheyo iyoyo? “Nokuti hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.”—1 VaKorinte 3:11.
Pauro akavanzarika sei iyi nheyo sezvaaidzidzisa ava vatendi vatsva muKorinte? Iye anotiudza, kuti: “Zvino ini, hama dzangu, pakuuya kwangu kwamuri, handina kuuya ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri. Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroverwa.” (1 VaKorinte 2:1, 2; Mabasa 18:5) Haana kunangidzira ngwariro kwaari amene kana kuti kuvandudza zvokwadi kuti aipe kufadza kwoungwaru kwapamusoro. Panzvimbo pezvo, akanangidzira ngwariro kuna Jesu Kristu nenzira iyo iyeyu akanga ashandiswa nayo naMwari.
Kutaura idi, Jesu inheyo yakasimba zvakaisvonaka yokuvaka kwechiKristu. Iye akagovera chibairo chorudzikinuro. Iye zvino ndiMambo wokudenga uye saakadaro achakurumidza kuparadza vavengi vaMwari paArmagedhoni. Ipapo achashandisa ruramisiro yaMwari mukati mokutonga kwamakore ane chiuru, uye soMuprista Mukuru waMwari, achasvitsa pashoma napashoma dzinza romunhu kukukwana. Ndiimwe nheyoi ingagona kuda munhu?
Nokudaro, mukuvaka hunhu hwechiKristu muvana vedu, tinoita zvakanaka kutevedzera Pauro ndokuva nechokwadi chokuti vanonzwisisa aya maidi anokosha. Kuvambira paucheche hwavo, tinofanira kudzidzisa vana vedu kuda Jesu nokuda kwezvaakaita uye achiri kutiitira.—1 Petro 1:8.
Kuvaka
Zvisinei, nepo Pauro akanga avanzarika iyi nheyo yakaisvonaka, basa rokuvaka rakatambura mhinganidzo pashure pokunge abva. (1 VaKorinte 3:10) Chinetso chacho chakanga chisiri chisina kufanana neizvo vabereki vazhinji vanowana nhasi. Ivo vanorerera vana vavo mukutenda kwechiKristu ndokunzwa vane chokwadi chokuti vana vanonzwisisa chiri zvokwadi. Asi apo vanokura, vana vanobva kana kuti vanoramba kutenda. Neiko kuchidaro? Kazhinji kazhinji imhaka yezvivakiso zvinoshandiswa.
Pauro akataura kuti hunhu hunogona kuvakwa nezvinhu zvinokosha: ndarama, sirivha, uye mabwe anokosha. Kana kuti hunogona kuvakwa nezvinhu zvenhando: matanda, uswa, uye mashanga. (1 VaKorinte 3:12) Zvino, kana muvaki achishandisa ndarama, sirivha, uye mabwe anokosha, anofanira kuva achimisa rudzi rwakaisvonaka rwechivako, choukoshi hwakatanhamara. Asi muvaki anoshandisa matanda, uswa, uye mashanga ari kungovaka zvake chimwe chinhu chiri chitumba, chechinguvana, uye chenhando.
Kunoratidzika kuti zvinhu zvenhando zvomudzimu zvakanga zvichishandiswa muKorinte. Vamwe vakanga vatevera kuvanzarika nheyo kwomuapostora Pauro vakanga vachivaka zvisina kutsarukana, vasingavaki zvivako zvakasimba, zvinogara. VaKorinte vakanga vatanga kutarira kuvanhu, uye kwakanga kune kusanzwana, godo, uye gakava pakati pavo. (1 VaKorinte 1:10-12; 3:1-4) Ikoku kwaigona sei kuva kwakadziviswa? Kupfurikidza nokushandisa kwavo zvinhu zviri nani, zvinogara.
Izvozvi zvinomirira mavara aye anokosha ayo ari rutivi runokosha rwohunhu hwomuKristu. Mavaraiko? Muapostora Petro akadudza rimwe: “Vara rakaedzwa rokutenda kwenyu, roukoshi hukuru zvikuru kupfuura ndarama.” (1 Petro 1:6, 7, NW) Mambo Soromoni akadudza mamwe maviri: uchenjeri nenzwisiso, kuva nazvo “kuri nani kupfuura kuva nesirivha semhindu.” (Zvirevo 3:13-15) Uye Mambo Dhavhidhi akatiyeuchidza kuti kutya Jehovha nokunzwisiswa kwemirairo yake “zvinofanira kushuviwa zvikuru kupfuura ndarama.”—Pisarema 19:9, 10, NW.
Izvozvi nezvimwe zvinhu zvinokosha zvinogona kuvakwa muhunhu hwechiKristu kubetsera vana vedu kupukunyuka miedzo. Kunyanguvezvo, tinogona sei kuva nechokwadi chokuti tiri kuvaka nezvinhu zvakadaro? Kupfurikidza nokupa ngwariro kumwoyo, yose iri miviri yavana vedu nowedu timene.
Basa Rokuvaka Rinobudirira
Rutivi runoita mwoyo womubereki muiri basa rokuvaka runoonwa mumurairo wakapiwa naJehovha kuvabereki murudzi rwakare rwaIsraeri: “Mashoko aya andinokuraira nhasi anofanira kubvumikisa kuva pamwoyo wako.” Ipapo akapfuurira kuti: “Uye unofanira kuaroverera mumwanakomana wako.” (Dheuteronomio 6:6, 7, NW) Nokudaro, tisati tagona kuvaka vamwe, tinofanira kuzvivaka timene. Vana vedu vanofanira kuona muzvinhu zvatinotaura ndokuita kuti hunhu hwedu hwakaitwa nezvinhu zvakarurama.—VaKorose 3:9, 10.
Ipapo, kudzidzisa kwedu kunofanira kusvika mwoyo wavo. Jesu, muvaki anobudirira zvikurusa wohunhu hwechiKristu, akasvika mwoyo kupfurikidza nokushandisa mienzanisiro nemibvunzo. (Mateo 17:24-27; Marko 13:34) Vabereki vanowana kuti unyanzvi humwe chete ihwohwu hwokudzidzisa hunobudirira zvikuru. Ivo vanoshandisa mienzanisiro kuita kuti zvokwadi dzechiKristu dzifadze kumwoyo yavana vavo vaduku, uye ivo vanoshandisa mibvunzo yakasanofungwa kuti vanzwisise izvo vana vavo vakura vari kufunga chaizvoizvo, nzira yavari kurangarira nayo mumwoyo yavo.—Zvirevo 20:5.
Apo Mosesi akanga achiedza kuvaka muvaIsraeri chishuvo chokuramba vakatendeka, akati: “Chengetai mirairo yaJehovha nemirau yake . . . nokuda kwenakirwo yenyu.” (Dheuteronomio 10:13, NW) Nenzira yakafanana, vabereki vanoita zvakanaka kusangotsanangura bedzi zvakajeka kuvana vavo iri mipimo yaMwari asiwo kuratidza nenzira inopwisa chikonzero nei zvinhu zvakadai sokutendeseka, rucheno rwetsika, uye songaniro yakanaka zviri nokuda kwenakirwo yavo.
Pakupedzisira, Jesu akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyouyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Apo vana vanosvika pakuziva Jehovha somunhu oga pazera rapakuvamba, vanodzidza kutaura naye pamusoro pezvinetso zvavo, uye vanova nechinoitika chokupindura kwake minyengetero yavo, vanotanga rutivi runokosha zvikurusa rwohunhu hwechiKristu: ukama hwomunhu oga noMusiki wavo.
Mwoto
Pauro akawana kuti apo basa rokuvaka muKorinte rakanga risina kuitwa zvakafanira, mavara enyika, akadai samasekete nekakavadzano, zvakasimba. Ikoku kwakanga kune ngozi nemhaka yokuti, sezvaakatsanangura, “mwoto uchaidza basa romumwe nomumwe kuti rakadini.”—1 VaKorinte 3:13.
Mwoto chii? Ungava muedzo upi noupi uyo Satani anounza pamuKristu. Ingava dzvinyiriro yavaenzani, muedzo wokunyama, kudisa zvenyika, chitambudzo, kunyange pesvedzero inoparadza yepanikiro. Miedzo yakadaro ine chokwadi chokuuya. “Basa romumwe nomumwe richaonekwa; nokuti zuva iro richazvibudisa pachena, nokuti richaratidzwa nomwoto.” Vabereki vakachenjera vanovaka hunhu hwavana vavo vachikarira kuti vana vachaedzwa. Asi ivo vane chivimbo chokuti nebetsero yaJehovha, vana vavo vanogona kupukunyuka kuedzwa kwacho. Kana vabereki vane ichi chimiro, vachakomborerwa zvikuru.
Tuso
Pauro akati: “Kana basa romunhu raakavaka pamusoro padzo, richigara, uchapiwa mubairo.” (1 VaKorinte 3:14) Muapostora Pauro akagamuchira tuso. KumaKristu aiva muguta reTesaronika, umo akanga aitawo basa rokuvaka, akanyora, kuti: “Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paShe wedu Jesu pakuuya kwake? Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.”—1 VaTesaronika 2:19, 20.
Amai vaWanda vakava neiyi tuso. Apo Wanda ane makore 12 okukura akazviwana amene aparadzaniswa naamai vake, akachema ari oga kusvikira avata pakutanga. Ipapo akayeuka zano raamai vake rokukurukura zvinetso zvake naJehovha mumunyengetero. Akanyengetera uye nokukurumidza akava nepfungwa yokutarira mubhuku rorunhare kuti aone kana kwaiva navapi navapi veZvapupu zvaJehovha pedyo. Akazviwana ndokuziva kuti imwe mhuri yaigara pazasi chaipo pomugwagwa kubva paimba yababa vake. “Ndakafara!” anodaro Wanda.
Nekurudziro yeiyi mhuri, Wanda akaronga kuti hanzvadzi yake duku nomunun’una vadzokere mumubato wechiKristu. “Ndaiva nomutoro wokuzvigadzirira timene nokuda kwemisangano,” anotsanangura kudaro. “Ndaifanira kugeza hembe dzedu, kukama vhudzi redu, uye kuva nechokwadi chokuti takanga takachena uye taiva nechitarisiko chakanaka.” Rakanga riri basa rakaoma nokuda kwomusikana muduku, asi akariita. Imwe nguva baba vake vakaedza kumisa kupinda kwavo misangano, asi vana vakavateterera, uye vakavarega vachienda.
Gare gare, vana vacho vakabatanidzwazve naamai vavo. Apo Wanda akanga ava namakore 15 okukura, akava muKristu akabhapatidzwa, uye pakupedzisira akataura chishuvo chake chokuva mufundisi. Hungu, basa raamai vaWanda rakakunda muedzo. Ivo vakafarikanya tuso yokuona mwanasikana wavo achimira akasimba ari oga zvake nokuda kwezvokwadi. Vabereki vose vechiKristu ngavave nebudiriro yakafanana sezvavanoshanda kuvaka hunhu hwechiKristu muvana vavo.
[Bhokisi riri papeji 27]
Nepo, sezvinoratidza nyaya ino, vabereki vachiedza zvakaoma kuvaka hunhu hwechiKristu muvana vavo, vana vamenewo vane mutoro. Ivo, kufanana namaKristu ose, vanofanira kuita basa rokuvaka mavari vamene. (VaEfeso 4:22-24) Kunyange zvazvo vabereki vane banza rinoshamisa rokubetsera muna ikoku, pakupedzisira munhu mumwe nomumwe anofanira kuita chisarudzo chake amene chokubatira Jehovha.