Chikonzero Nei Chirairo chaShe Chine Revo nokuda Kwako
JESU KRISTU akavamba Chirairo chaShe pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwohunhu. Ichocho chakanga chiri China madekwana, March 31, uye Jesu akafa paChishanu masikati, April 1. Sezvo mazuva ekarenda yechiJudha aivambira pamadekwana ezuva rimwe kusvikira kuayo erinotevera, Chirairo chaShe norufu rwaJesu zvose zviri zviviri zvakaitika pana Nisani 14, 33 N.V.
Neiko Jesu akavamba ichi chidyo? Chii chiri revo yechingwa newaini zvaakashandisa? Ndivanaani vanofanira kudya? Ichi chidyo chinofanira kuchengetwa kazhinji sei? Uye chinogona sei kuva nerevo nokuda kwako?
Neiko Chakavambwa?
Pamusoro peChirairo chaShe, Jesu akaudza vaapostora vake, kuti: “Rambai muchiita ikoku mukundirangarira.” Mukuwirirana neimwe shanduro, iye akati: “Itai ikoku sechirangaridzo changu.” (1 VaKorinte 11:24; The New English Bible) Kutaura idi, Chirairo chaShe chinowanzonongedzerwa kwachiri seChirangaridzo chorufu rwaKristu.
Jesu akafa somutsigiri anochengeta perero wouchangamire hwaJehovha uye nokudaro akabvumikisa Satani kuva mushori anoreva nhema nokuda kwokutaura kuti vanhu vakarurama vanobatira Mwari nevavariro dzoudyire bedzi. (Jobho 2:1-5) Rufu rwake rwakafadza mwoyo waMwari.—Zvirevo 27:11.
Kupfurikidza norufu rwake somunhu akakwana, Jesu ‘akapa[wo] mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.’ (Mateo 20:28) Mukutadzira Mwari, murume wokutanga akarasikirwa noupenyu hwakakwana hwohunhu nekariro dzahwo. Asi “Mwari akada nyika [yorudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16, NW) Hungu, “mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”—VaRoma 6:23.
“Ndakagamuchira kunaShe”
Anojekesa kuchengetwa kworufu rwaKristu mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Nokuti ini ndakagamuchira kunaShe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, wakatora chingwa; akati aonga, achimedura, akati: ‘Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.’ Saizvozvowo, vakati vapedza kuraira, akatora mukombe, akati: ‘Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.’ Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaKorinte 11:23-26.
Sezvo Pauro akanga asipo naJesu navaapostora 11 pana Nisani 14, 33 N.V., aya mashoko sezviri pachena aka“gamuchirwa kunaShe” kupfurikidza nechizaruro chakafuridzirwa. Jesu akavamba Chirangaridzo “usiku hwaakapandukirwa” naJudhasi kuvavengi vorudzidziso vechiJudha, avo vakaita kuti vaRoma varovere Kristu. Avo vane maruramiro okudya chingwa newaini zvokuratidzira vaizoita saizvozvo mukumurangarira.
Kuchichengeta Kazhinji Kazhinji Sei?
Chii chinorehwa namashoko aPauro, okuti: “Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe, kusvikira achiuya”? MaKristu akatendeka akazodzwa aizodya zviratidziro zveChirangaridzo “nguva dzose” kutozosvikira afa, gare gare kuzomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Pamberi paMwari nenyika, iwo nokudaro aizozivisa kazhinji kazhinji kutenda kwawo mugadziriro yaJehovha yechibairo chaJesu. Kwenguva yakareba sei? “Kusvikira achiuya,” akadaro Pauro, sezviri pachena achireva kuti uku kuchengeta kwaizopfuurira kutozosvikira pakusvika kwaJesu kuzogamuchira vateveri vake vakazodzwa mudenga kupfurikidza norumuko mukati mo“kuvapo” kwake. (1 VaTesaronika 4:14-17, NW) Ikoku kuri mutsinhirano namashoko aKristu kuvaapostora vakavimbika 11, anoti: “Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.”—Johane 14:3.
Ko rufu rwaKristu runofanira kuchengetwa zuva nezuva kana kuti zvichida vhiki nevhiki here? Eya, Jesu akavamba Chirairo chaShe uye akaurawa paPaseka, iyo yaichengeta kununurwa kwaIsraeri muusungwa hweEgipita. Kutaura idi, iye anonzi “Kristu paseka yedu” nemhaka yokuti iye ndiye Gwaiana rakabairwa nokuda kwamaKristu. (1 VaKorinte 5:7, NW) Paseka yaiitwa kamwe bedzi pagore, pana Nisani 14. (Eksodho 12:6, 14; Revhitiko 23:5) Ikoku kunokarakadza kuti rufu rwaJesu runofanira kuchengetwa bedzi kazhinji kazhinji sezvaiitwa Paseka—gore negore, kwete zuva nezuva kana kuti vhiki nevhiki.
Kwamazana amakore anoverengeka vakawanda vaizviti maKristu vaichengeta rufu rwaJesu kamwe pagore. Nemhaka yokuti vaiita saizvozvo pana Nisani 14, vainzi vaQuartodecimans, kureva kuti “vachengeti vezuva regumi nerechina.” Pamusoro pavo, wezvenhau J. L. von Mosheim akanyora, kuti: “MaKristu eAsia Minor akanga akajaira kuchengeta aya madyo anoyera, anochengeta kuvambwa kwechirairo chaShe, uye rufu rwaJesu Kristu, panguva imwe cheteyo apo vaJudha vaidya gwaiana ravo rePaseka, ndiko kuti pamadekwana ezuva regumi nerechina romwedzi wokutanga [Nisani]. . . . Ivo vairangarira muenzaniso waKristu kuva une simba romutemo.”
Revo yeZviratidziro
Pauro akataura kuti Jesu “wakatora chingwa; akati aonga, akachimedura.” Chingwa ichocho chakaomarara chakabikwa noupfu nemvura pasina mbiriso (kana kuti, mbidzo) chaifanira kumedurwa kuti chidyiwe. Mukutaura nokufananidzira kweBhaibheri, mbiriso inoratidzira chivi kana kuti ushati. Achikurudzira maKristu eKorinte kudzinga murume ane utere muungano, Pauro akati: “Ko hamuzivi kuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose here? Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa. Nokuti Paseka yedu, yakatibairwa ndiKristu; saka ngatiite mutambo tisingaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi nechingwa chisina kuviriswa chokururama nezvokwadi.” (1 VaKorinte 5:6-8) Sezvo mbiriso shomanene ichivirisa bundu rose, kana kuti mukanyiwa, wechingwa, naizvozvo ungano yaizova isina kuchena mumeso aMwari kana pesvedzero inoshatisa yomurume anotadza isina kubviswa. Ivo vaifanira kubvisa “mbiriso” pakati pavo, sezvo vaIsraeri vaigona kusava nembiriso mudzimba dzavo mukati moMutambo weZvingwa Zvisina Kuviriswa uyo wakatevera Paseka.
Pamusoro pechingwa chisina kuviriswa cheChirangaridzo, Jesu akati: “Ichi ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi.” (1 VaKorinte 11:24) Chingwa chinomirira muviri wenyama wakakwana waJesu, pamusoro pawo Pauro akanyora kuti: “Pakusvika kwake [Jesu] panyika, unoti: ‘“Chibairo nechipo makazviramba, asi makandigadzirira muviri; hamuna kuda zvibairo zvinopiswa, nezvibairo zvezvivi;” Zvino ndikati: “Tarirai, ndauya, (pabhuku yakapetwa pakanyorwa zvangu) kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’” . . . Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibairo chomuviri waJesu Kristu, chakabairwa kamwe chete.” (VaHebheru 10:5-10) Muviri wohunhu wakakwana waJesu wakanga usina chivi uye wakabatira sechibairo chorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu.—VaHebheru 7:26.
Pashure pokunyengetera pamusoro pomukombe wewaini tsvuku isina kushatiswa, Jesu akati: “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu.” (1 VaKorinte 11:25) Imwe shanduro ndeiyi: “Mukombe uyu unoreva sungano itsva yakasimbiswa neropa rangu.” (Moffatt) Sezvo ropa remikono nembudzi zvaibairwa rakasimbisa sungano yoMutemo pakati paMwari norudzi rwaIsraeri, naizvozvo ropa raJesu rakadururwa murufu rakasimbisa sungano itsva. Kududzwa kwesungano iyoyo kunotibetsera kuzivisa vadyi vane maruramiro vezviratidziro zveChirangaridzo.
Ndivanaani Vanofanira Kudya?
Vateveri vakazodzwa vaJesu, avo vari musungano itsva, vanodya nenzira yakarurama zviratidziro zveChirangaridzo. Iyi sungano inoitwa pakati paMwari naIsraeri womudzimu. (Jeremia 31:31-34; VaGaratia 6:16) Asi sungano itsva pakupedzisira ichaunza zvikomborero kurudzi rwose rwomunhu runoteerera, uye iwe unogona kuva pakati pavagamuchiri vezvikomborero izvozvo.
Vadyi vezviratidziro zveChirangaridzo vanofanira kuva musungano yomunhu oga yoUmambo iyo Jesu akaita. Pakuvamba ichi chidyo, Jesu akaudza vaapostora vake vakavimbika, kuti: “Ndinoita sungano nemi, sezvo Baba vangu vakaita sungano neni, youmambo.” (Ruka 22:29, NW) Sungano yoUmambo yakaitwa naMwari naMambo Dhavhidhi yakanongedzera mberi kukuuya kwaJesu, uyo aizotonga nokusingaperi muUmambo hwokudenga. VaIsraeri vomudzimu vane 144 000, avo vachagoverana kutonga naye, vanoratidzirwa savamire paGomo reZioni rokudenga neGwaiana, Jesu Kristu. Pakumutswa, ivo vachatonga naKristu samadzimambo biyake navaprista. (2 Samueri 7:11-16; Zvakazarurwa 7:4; 14:1-4; 20:6) Avo bedzi vari musungano itsva uye vari musungano yomunhu oga naJesu vanodya zviratidziro nenzira yakarurama zveChirairo chaShe.
Mudzimu waMwari unopupurirana nomudzimu wavakazodzwa kuti ivo vana Vake uye vadyi venhaka pamwe chete naKristu. Pauro akanyora, kuti: “Mudzimu umene unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Kana, ipapoka, tiri vana, tiriwo vadyi venhaka: vadyi venhaka zvamazvirokwazvo vaMwari, asi vadyi venhaka pamwe chete naKristu, chero bedzi tikatambura pamwe chete kuti tigorumbidzwawo pamwe chete.” (VaRoma 8:16, 17, NW) Mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, unovamba mukati mavakazodzwa vimbiso yokuti vane chokwadi choupenyu hwokudenga. Ivo vanorangarira sechinonangidzirwa kwavari chinhu chiri chose Magwaro anotaura pamusoro poupenyu hwokudenga uye vanodisa kurega zvinhu zvose zvapasi, kubatanidza upenyu hwohunhu. Kunyange zvazvo upenyu muParadhiso yapasi hwaizova hunoshamisa, ivo havana tariro iyoyo. (Ruka 23:43) Tariro yechokwadi neisingachinjiki yokudenga isina kuvakirwa pamirangariro yorudzidziso rwenhema inovapa maruramiro okudya zviratidziro zveChirangaridzo.
Jehovha aisazofadzwa kana munhu akazviratidzira amene somunhu akadanwa kuva mambo wokudenga nomuprista apo iye akanga asina kudanidza kwakadaro. (VaRoma 9:16; Zvakazarurwa 22:5) Mwari akauraya Kora nokuda kwokutsvaka uprista nenzira yokuzvitutumadza. (Eksodho 28:1; Numeri 16:4-11, 31-35) Naizvozvo, zvakadiniko kana mirangariro yakaipa kana kuti pfungwa dzekare dzorudzidziso zvakaita mumwe munhu kuti adye zviratidziro zveChirangaridzo nenzira isina kururama? Ipapo iye anofanira kurega kudya ndokunyengetera nokuzvininipisa kanganwiro yaMwari.—Pisarema 19:13.
Kutapurwa Kwaunoitwa
Munhu haasati achidikanirwa kudya zviratidziro zveChirangaridzo kuti afukidzwe nechibairo chorudzikinuro chaJesu ndokugamuchira upenyu husingagumi pasi pano. Somuenzaniso, Bhaibheri haripi ratidziro yokuti vanhu vanotya Mwari vakafanana naAbrahama, Sara, Isaka, Rabheka, Bhoazi, Rute, uye Dhavhidhi vachazombodya izvi zviratidziro. Asi ivo navamwe vose vanoshuva upenyu husingagumi papasi rino vachafanira kushandisa kutenda muna Mwari naKristu nomugadziriro yaJehovha yechibairo chorudzikinuro chaJesu. (Johane 3:36; 14:1) Kuchengetwa kwegore negore kworufu rwaKristu kunobatira sechiyeuchidzo chechibairo chikuru ichocho.
Ukoshi hwechibairo chaJesu hwakaratidzwa apo muapostora Johane akati: “Ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.” (1 Johane 2:1, 2) MaKristu akazodzwa anogona kutaura kuti Jesu “mudzikinuri wezvivi” zvawo. Zvisinei, iye chibairowo chezvivi zvenyika yose, kuchiita kuti upenyu husingagumi hubvirire rudzi rwomunhu runoteerera muParadhiso yapasi zvino yava pedyo kwazvo!
Kupfurikidza nokuvapo nokuda kwokuchengetwa kworufu rwaKristu, iwe uchabetserwa nehurukuro yeBhaibheri inonyandura mufungo. Iwe uchayeuchidzwa nezvokuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira zvakawanda sei. Kuchava kunotusa mumudzimu kuungana naavo vane ruremekedzo rukuru nokuda kwaMwari naKristu uye nokuda kwechibairo chorudzikinuro chaJesu. Nguva yacho ingasanosimbisa chishuvo chako chokuva mugamuchiri womutsa usakafanirwa waMwari, kuchitungamirira kuupenyu husingagumi. Isu tinokukoka nomwoyo wose kuti usangane neZvapupu zvaJehovha pashure pokuvira kwezuva pana April 6, 1993, kuzochengeta rufu rwaJesu Kristu nemhaka yokuti Chirairo chaShe chinogona kuva nerevo huru nokuda kwako.