MaKristu—Akasimba Bva Akapfava
MUOUKI mukuru chiratidzo chimene chesimba. Apo mhepo dzine simba dzinovhuvhuta, iwo kazhinji kazhinji une chinetso chiduku chokudzidzivisa. Nepo muouki wakasimba uchipukunyuka madutu mazhinjisa nemhaka yesimba rawo uye kutsiga kana kuti kusimba kwakaenzana, ruswa ruduku runopukunyukawo asi nokuda kwechikonzero chakasiana chose. Chakavanzika charwo? Kupfava. Irwo rwunotepuka asi haruguki nesimba remhepo.
Kupfava kana kuti kutsiga—ndechipi, ipapoka, chinokosha zvikuru? Zvomenemene, muKristu anoda muvhenganiswa wezvose zviri zviviri. Bva, dzikamo yokusimba nokupfava pane dzimwe nguva ingave ichishaika kunyange pakati pavamwe vavanhu vaMwari. Ivo vane nheyo dzakakwirira, asi vashomanene vanokombamira kuva vasingateri. Vamwe vakati fananei ne‘rutsanga runovhuvhutwa nemhepo.’ (Mateo 11:7) Ivo vanotera kudzvinyiriro nepesvedzero zvenyika ino yakaipa. Kana kuti ivo vangava vanoshivirira kusvikira papfundo rokubvumira madiro.
Soromoni akati: “Kune nguva yakagadzwa yechinhu chiri chose.” (Muparidzi 3:1, NW) Ndirini, naizvozvo, pakuri nguva yokuoma uye ndirini pakuri nguva yokupfava?
Nguva Yokusimba
Pane imwe nguva, Mambo Sauro waIsraeri akarairwa zvakajeka, kuti: “Zvino chienda kundokunda vaAmareki [rudzi muvengi], uparadze chose zvose zvavanazvo, usavarega; asi uuraye varume navakadzi vose, navacheche navanonwa, nen’ombe, namakwai, namakamera nembongoro.” (1 Samueri 15:3) VaAmareki vaiva nenhau yokushora vose vari vaviri Mwari navanhu vake uye nokudaro vakanga vakafanirwa nokuparadzanywa. (Dheuteronomio 25:17-19) Zvisinei, “asi Sauro navanhu vakarega Agagi [mambo waAmareki] namakwai akaisvonaka . . . , vakaramba kuzviparadza chose.” Kusateerera mitemo kwaSauro hakuna kugamuchirika kuna Jehovha. “Tarira,” akazivisa kudaro muporofita Samueri, “Kuteerera kunokunda zvibairo.”—1 Samueri 15:9-22.
Chifundo muna ikoku chakajeka: Hakugoni kuva nokupfava pakunouya kukuteerera Mwari. “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo,” akadaro muapostora Johane, “kuti tichengete mirairo [yaMwari]; mirairo yake hairemi.” (1 Johane 5:3) Chinoitika chaShadraki, Mishaki naAbhedhinego chinoenzanisira kuti chaizvo vabatiri vaMwari vanofanira kudisa kusvika kure kwakadini mukuratidza uku kuteerera. Ivo vakaramba kunamata chifananidzo icho mambo weBhabhironi Nebhukadnezari akamisa. Neiko? Nemhaka yokuti mutemo waMwari wakashurikidza zvakajeka kunamata zvidhori. (Eksodho 20:4-6) Ivo havana kurangarira kuti migariro yaida kusateerera uyu murairo woumwari. Panzvimbo pezvo, ivo vakada zvavo rufu nenzira yokusabvumirana pane zvisina kufanira panzvimbo pokusateerera.—Dhanieri 3:16-18.
MaKristu mazhinjisa ane chinetso chiduku chokuteerera mitemo yeBhaibheri iyo inorondedzerwa nenzira yakajeka. Asi maKristu anoudzwa, kuti: “Teererai avo vanotungamirira pakati penyu.” (VaHebheru 13:17, NW) Vakuru veungano vangasarudza nguva chaidzo dzokuti ungano isangane nokuda kwebasa romumunda. Kana kuti ivo vangataura kuti mudziyo weHoro yoUmambo unofanira kushandiswa nenzira yakati. Chokwadi, hapana rugwaro rweBhaibheri rwunorondedzera kuti thermostat inofanira kugadziridzwa sei kana kuti ndiani anofanira kuita kugadziridza kwakadaro. Bva, apo vakuru vanoita zvisarudzo zvakadaro, hachizi chinhu chakaisvonaka here kubatira pamwe?
Nenzira yakafanana, murume angaita zvisarudzo zvakasiana-siana nokuda kwemhuri yake. Mudzimai wechiKristu angasabvumirana hake nechisarudzo chake murutivi rwakati, asi iye anotsvaka kuteerera “mutemo womurume wake.” (VaRoma 7:2) Kuteerera vakuru, varume, vabereki, uye vashandirwi hakufaniri kurerutswa muzita rokupfava.—VaKorose 3:18-24.
Nguva Yokupfava
Kunyanguvezvo, kunewo nguva yokupfava. Muapostora Pauro akaratidzira ikoku paakati: “Kuva nomufungo kwenyu ngakuzivikanwe navanhu vose.” (VaFiripi 4:5, NW) Shoko rechiGiriki Pauro akashandisa pano rinoreva “kusaomerera pazvinoreva mutemo chaizvoizvo; iro rinoratidzira kurangarira kuya kunotarira ‘nomutsa uye nenzira ine mufungo pamaidi enhau.’” (W. E. Vine, An Expository Dictionary of New Testament Words) Kuva nomufungo kazhinji kazhinji inhau yokuva anodisa kuchinjira kumigariro iripo.
Somuenzaniso, mufundisi ari kubatira munyika yokumwe angakurumidza kuziva kuti mitemo yomunzvimbomo yomufambiro wakanaka yakasiana neiyo yenyika umo iye akarererwa. Asi kana iye akashora nzira dzavanhu vomunzvimbomo uye akaramba kuita chinjo, ushumiri hwake huchava hunobudirira sei? Naizvozvo iye nenzira yokuchenjera anochinjira kunzira dzinobetsera dzeshambidziko itsva.—1 VaKorinte 9:19-23.
Nenzira inofadza, pashure chaipo pokududza vakadzi vaviri vaiva muungano vakanga vachiva nezvitambudzo zvomunhu oga, Pauro akakurudzira maKristu eFiripi kuva nomufungo. (VaFiripi 4:2-5) Kunyange zvazvo Pauro asina kutiudza rudzi rwegakava ravo, kushaikwa kwokuva nomufungo kazhinji kazhinji kuri pakati poukama hwakakuvadzwa. Hakuna munhu akasununguka ane mumwe munhu anotsoropodza kana kuti anonyanyoraira. “Usava munhu akaisvorurama,” Soromoni anonyevera kudaro, “usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?”—Muparidzi 7:16.
MaKristu anofanira kubvumira kusakwana kwavamwe. Kwakaisvonaka sei apo tinoedza kutarira zvinhu mumurangariro womumwe munhu! Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, mamwe maKristu aiva muKorinte yakare akanga achiitira hanya kwazvo “maruramiro” avo omunhu oga zvokuti akatotendeukira kukuendesa vatendi biyavo kudare. Kupfurikidza nokutaura zvinetso zvavo pamberi pavasingatendi, ivo havana kungounza bedzi ruzvidzo paungano asi ivo vakakudzawo gakava pakati pavo vamene.—1 VaKorinte 6:1-6.
Pauro naizvozvo akakurudzira maKristu eKorinte akagumburwa kuva nechimiro chokutera. Iye akakurudzira, kuti: “Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregerereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama? Munoregerereiko kutenda kubirwa?” (1 VaKorinte 6:7) MuKristu anokurangarira kuva mhindu kuchengeta ukama hwakanaka nehama dzake dzomudzimu nehanzvadzi.
Kuva nomufungo kwakakodzera zvikuru nokuda kwaavo vanoshandisa chiremera. Somuenzaniso, vabereki vangagadza nguva apo vanakomana vavo navanasikana vanofanira kuva pamusha mumadekwana. Asi ngatitii mwana anokumbira kuregererwa pamutemo wacho pane imwe nhambo? Hakungavi kwakafanira here kurangarira migariro chaiyo inobatanidzwa? Uye zvakadiniko navakuru vechiKristu? Ko kuva nomufungo hakuzi chimwe chezvikwaniriso zvavo here? (1 Timotio 3:3) Hungu. Asi ivo vanofanira kuratidzira iri vara rini uye sei?
Vakuru—Vakasimba Bva Vakapfava
Muapostora Petro akambosianisa vanhu “vane mufungo” naavo “vakaoma kufadza.” (1 Petro 2:18, NW) Mukuru angapa zvikarakadzo zvokubetsera hama kuvandudza mano ayo okutaura. Asi kana mukuru achishandisa mupimo wakaoma zvikuru uye achikundikana kurangarira dzidzo, mano, uye migariro zvehama yacho, chii chingagona kuitika? Hama ingashatirirwa zano racho kana kuti ingava inoodzwa mwoyo zvikuru, ichigumisa kuti vakuru vaka“oma kufadza” zvikuru.
Vakuru vanofanira kuvawo vakapfava pamusoro pokushandisa mitemo yakasiana-siana muungano. Ivo havatongofaniri kubvumira mitemo ‘kuita kuti shoko raMwari rive risina maturo’ kupfurikidza nokupa mitemo yakadaro uremu hukuru zvikuru kupfuura nheyo dzakakwana dzeShoko raMwari.—Mateo 15:6; 23:23.
Kwakafanira kuti vakuru vave vakapfava apo nheyo dzapaMagwaro dzinenge dzisingapunzwi nokupfava kwakadaro. Somuenzaniso, ivo vangacherechedza kuti pakokorodzano huru, dzakawanda vanhu, kuchengetwa kwezvigaro hakukurudzirwi zvakasimba. Asi mutemo wakadaro unofanira kushandiswa here muungano duku umo zvigaro zvakawanda? Kana kuti vakuru vangarangarira kuti kazhinji kazhinji chimiro chakati chomupfekero—zvakadai sebhachi netayi nokuda kwavarume—chakafanira nokuda kwokuparidzira pasuo nesuo. Kwakadaro kwakanga kuri chinoitika muimwe ungano munyika yeSouth America. Kunyanguvezvo, mumwe mukuru ikoko akaziva kuti rimwe jaya rakanga richirega kugoverana mashoko akanaka navamwe. Chikonzero chacho? Iro raisagona kutenga bachi netayi. Mukuru akagumisa kuti kupfava kwakanga kwakafanira uye naizvozvo akakurudzira jaya racho kuvamba kugoverana kutenda kwaro navamwe.
Kupfava kunofanira kuratidzwawo mukutarisira nhau dzokutonga muungano. Kunyange zvazvo chakaipa chingagona kuda kudzingwa kwomuiti wechakaipa, zvakadiniko kana rupfidzo rwukaratidzwa? Jehovha akagadza mutoo wakafanira mukubata kwake navanhu veNinevhe. Mwari akanga audza Jona, kuti: “Kwasara mazuva ane makumi mana, ipapo Ninevhe richaparadzwa.” Bva, apo vanhu vakaratidzira rupfidzo, Jehovha haana kuomerera pakuita ruparadziko rwakaziviswa. Iye akaziva kuti migariro yakanga yachinja. (Jona 3:4, 10) Nenzira yakafanana, vakuru vanofanira kufarira ‘kukanganwira zvikuru’ uko kune hufakazi hwakajeka hworupfidzo rwechokwadi.—Isaya 55:7.
Kuchengeta dzikamo pakati pokusimba nokupfava hakusi nyore. Vanhu vasina kukwana nenzira yomuzvarirwo vanoratidzika kuva vanokombamira kukunyanyisa. Asi maKristu anovavarira kuva akatsiga bva akapfava achatuswa zvikuru kwazvo. Nemhaka yokuti anoedza kuva akapfava, iwo achafarikanya ukama huri nani navamwe uye achadzivisa kangaidziko huru yendangariro. Uyezve, nemhaka yokuti vakuru vakagadzwa vakasimba, vakatsiga mumabasa akanaka savachengeti veperero, ivo vanogadza muenzaniso uyo unowana chivimbo nebatira pamwe zveungano yose, sezvo vose vanofambira pamberi pamwe chete netariro youpenyu husingaperi.—Isaya 32:2; 1 VaKorinte 15:58.