Kusaroora—Suo Kumubato Usina Kutsauswa
“[Iko] kunoreva kumirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka.” —1 VAKORINTE 7:35, NW.
1. Mashokoi anovhiringidza akasvika Pauro pamusoro pevaKristu muKorinte?
MUAPOSTORA Pauro akanga achiitira hanya hama dzake dzechiKristu muKorinte, Girisi. Anenge makore mashanu pakuvamba, akanga avamba ungano yacho muguta iroro rakabudirira rinozivikanwa nokuda kwounzenza hwaro. Zvino, munenge muna 55 C.E., ari muEfeso, muAsia Minor, akagamuchira mishumo inovhiringidza yakabva kuKorinte yemapoka akakamuka uye vakanga vachishivirira mhaka yakashata younzenza. Kupfuurirazve, Pauro akanga agamuchira tsamba yakabva kuvaKristu veKorinte vachikumbira nhungamiro pamusoro pevatano, kusaroora, kuroora, kuparadzana, uye kuroorazve.
2. Unzenza hwakapararira muKorinte nenzira yakajeka hwaitapura sei vaKristu muguta iroro?
2 Unzenza hwakakomba hwakapararira muKorinte hwakaratidzika kuva hwaitapura ungano yomunzvimbomo munzira mbiri. Vamwe vaKristu vakanga vachitera kukuregeredza tsika uye vakanga vachishivirira unzenza. (1 VaKorinte 5:1; 6:15-17) Sezviri pachena vamwe, kupfurikidza nokuramba mifarwa yokunyama yakanga iri kwose kwose muguta racho, vakasvika kukunyanyisa kwokurumbidza kuregwa kwose kwevatano, kunyange nokuda kwavaroorani.—1 VaKorinte 7:5.
3. Inhau dzipi idzo Pauro pakuvamba akabata nadzo mutsamba yake kuvaKorinte?
3 Mutsamba refu yakanyorera Pauro vaKorinte, akatanga kukurukura chinetso chokusanzwana. (1 VaKorinte, ganhuro 1-4) Akavapa zano rokudzivisa kutevera vanhu, kunogona bedzi kutungamirira kumapoka anokuvadza. Vanofanira kubatana se“vashandi biyamwe” vaMwari. Ipapo akavapa mirayiridzo yakananga yokuchengeta ungano yakachena mutsika. (1VaK Maganhuro 5, 6) Muapostora wacho akatevera kutendeukira kutsamba yavo.
Kusaroora Kunorumbidzwa
4. Pauro akarevei apo akataura kuti “zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi”?
4 Akavamba, kuti: “Zvino kana zviri zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.” (1 VaKorinte 7:1) Kutaura kwokuti “arege kubata mukadzi” pano kunoreva kudzivisa batano yomuviri nomukadzi nokuda kwekugutsikana muvatano. Sezvo Pauro akanga atoshora ufeve, akanga zvino ava kunongedzera kuvatano mukati megadziriro yeroorano. Naizvozvo, Pauro zvino akanga achirumbidza kusaroora. (1 VaKorinte 6:9, 16, 18; enzanisa naGenesi 20:6; Zvirevo 6:29.) Gare gare zvishomanene, akanyora kuti: “Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi: Zvakanaka kuti vagare seni.” (1 VaKorinte 7:8) Pauro akanga asina kuroora, zvichida pfunda.—1 VaKorinte 9:5.
5, 6. (a) Nei kwakajeka kuti Pauro akanga asingarumbidzi mararamiro echimongi? (b) Nei Pauro akarumbidza kusaroora?
5 Sezvingabvira vaKristu muKorinte vakanga vava nebatano nouzivi hwechiGiriki, uhwo hwaiva nemapoka akati avanhu vaiva nemufungo wakafanana airumbidza kuzvinyima kwokunyanyisa, kana kuti kuzviramba. Ikoko kungava here kwaiva chikonzero nei vaKorinte vakabvunza Pauro kana kwaizova kwa“kanaka” kuti vaKristu vadzivise vatano yose? Mhinduro yaPauro haina kuratidzira uzivi hwechiGiriki. (VaKorose 2:8) Kusafanana navafundisi vechiKaturike, hapana paakarumbidza upenyu hwokuzvinyima hwoupfunda muimba yamamongi kana kuti munogara manun, sokunge kuti vanhu vasina kuroora vakanga vari vatsvene zvikuru kupfuura vamwe uye vaizobetsera kukuponeswa kwavo vamene kupfurikidza neminyengetero yavo uye mararamiro.
6 Pauro akarumbidza kusaroora “nokuda kwenhamo ino.” (1 VaKorinte 7:26) Angave akanga achinongedzera kunguva dzakaoma idzo vaKristu vakanga vari madziri, dzaigona kuomeswa neroorano. (1 VaKorinte 7:28) Zano rake kuvaKristu vasina kuroora rakanga riri: “Zvakanaka kuti vagare seni.” Kupfunda, akati: “Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi.” Nezvechirikadzi yechiKristu, akanyora, kuti: “Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndine Mweya waMwari.”—1 VaKorinte 7:8, 27, 40.
Hapana Manikidzo Yokuramba Usina Kuroora
7, 8. Chii chinoratidza kuti Pauro akanga asingamanikidzi muKristu upi noupi kuramba asina kuroora?
7 Mudzimu mutsvene waJehovha chokwadika wakanga uchitungamirira Pauro apo akapa iri zano. Kutaura kwake kwose pakusaroora uye roorano kunoratidza dzikamo uye kuzvidzora. Haasati achiita nhau yokutendeka kana kuti kusatendeka. Inhau, panzvimbo pezvo, yechisarudzo chokuzvidira, achirumbidza kusaroora nokuda kwaavo vanokwanisa kuramba vakachena mumugariro iwoyo.
8 Nokukurumidza pashure pokuti “zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi,” Pauro akawedzera, kuti: “Asi nokuda kwoupombwe, murume mumwe nomumwe ngaave nomukadzi wake, nomukadzi mumwe nomumwe ngaave nomurume wake.” (1 VaKorinte 7:1, 2) Pashure pokupa zano vanhu vasina kuroora nechirikadzi kuti “vagare seni,” akakurumidza kuwedzera, kuti: “Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva.” (1 VaKorinte 7:8, 9) Zvakare, zano rake kupfunda raiva: “Usatsvaka mukadzi. Zvino kana wawana, hauna kutadza.” (1 VaKorinte 7:27, 28) Iri zano rakadzikama rinoratidzira rusununguko rwokusarudza.
9. Maererano naJesu uye Pauro, zvose zviri zviviri roorano nokusaroora zvipo sei zvinobva kuna Mwari?
9 Pauro akaratidza kuti zvose zviri zviviri roorano nokusaroora zvipo zvinobva kuna Mwari. “Ndinoda kuti vanhu vose vave seni. Asi munhu mumwe nomumwe une chipiwa chake, chinobva kuna Mwari, mumwe chorudzi urwu, mumwe chorumwe rudzi.” (1 VaKorinte 7:7) Pasina mubvunzo akanga achirangarira izvo Jesu akataura. Pashure pokusimbisa kuti roorano yakabva kuna Mwari, Jesu akaratidza kuti kusaroora kwokuzvidira nokuda kwokubatira fariro dzoUmambo chipo chaicho: “Havasi vanhu vose vanobvuma kutaura kwacho, asi avo bedzi vane chipo chacho. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai, uye kune ngomwa dzakaitwa ngomwa navanhu, uye kune ngomwa dzakazviita dzimene ngomwa nokuda kwoumambo hwamatenga. Uyo anogona kuchibvuma ngaachibvume.”—Mateo 19:4-6, 11, 12, NW.
Kubvuma Chipo Chokusaroora
10. Munhu anogona sei “kubvuma” chipo chokusaroora?
10 Nepo vose vari vaviri Jesu naPauro vakataura nezvekusaroora se“chipo,” hapana akataura kuti iko chipo chinoshamisa icho vamwe bedzi vanacho. Jesu akataura kuti “havasi vanhu vose vanobvuma” chipo ichocho, uye akakurudzira avo vanogona kuita saizvozvo kuchi“bvuma,” uko Jesu naPauro vakaita. Chokwadi, Pauro akanyora, kuti: “Zviri nani kuti vawane pakutsva,” asi akanga achitaura nezvaavo “vasingagoni kuzvidzora.” (1 VaKorinte 7:9) Mumanyoro apakuvamba, Pauro akaratidza kuti vaKristu vanogona kudzivisa kutsva. (VaGaratia 5:16, 22-24) Kufamba nomudzimu kunoreva kurega mudzimu waJehovha uchitungamirira nhanho yedu iri yose. VaKristu vaduku vanogona kuita ikoku here? Hungu, kana vakasanotevera Shoko raJehovha. Wezvemapisarema akanyora, kuti: “Jaya [kana kuti mukadzi] ringaramba richinatsa nzira yaro [kana kuti yake] neiko? Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.”—Pisarema 119:9.
11. Kufamba ‘mutsinhirano nomudzimu’ kunorevei?
11 Ikoku kunobatanidza kudzivisa pfungwa dzemadiro dzinopinzwa nemapurogiramu akawanda eTV, mabhaisikopo, nyaya dzemagazini, mabhuku, uye mashoko enziyo. Pfungwa dzakadaro ndedzenyama. MuKristu muduku wechikomana kana kuti wechisikana anoda kubvuma kusaroora kana kuti kusaroorwa anofanira kuva a“singafambi nenyama, asi [mutsinhirano nomudzimu]. Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama, asi vari vomudzimu vanofunga zvomudzimu.” (VaRoma 8:4, 5, NW) Zvinhu zvomudzimu zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvakanaka. VaKristu, vaduku navakuru, vanoita zvakanaka “kufungisisa izvozvo.”—VaFiripi 4:8, 9.
12. Chii zvikurukuru chinobatanidzwa mukuwana nzvimbo nokuda kwokusaroora?
12 Kubvuma chipo chokusaroora zvikurukuru inhau yokuda zvikuru kwomunhu nharidzano iyoyo uye kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero mukuironda. (VaFiripi 4:6, 7) Pauro akanyora, kuti: “Asi uyo unomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka. Naizvozvo, unomuwanisa unoita zvakanaka; nousingamuwanisi, unoita [zviri nani, NW].”—1 VaKorinte 7:37, 38.
Kusaroora Kune Chinangwa
13, 14. (a) Kuenzanisai uko muapostora Pauro akaita pakati pavaKristu vasina kuroora naavo vakaroora? (b) MuKristu asina kuroora anogona sei kuita “zviri nani” kupfuura avo vakaroora?
13 Kusaroora hakurumbidzwi makuri kumene. Mupfungwai, ipapoka, pakunogona kuva ku“ri nani”? Kwose kunotsamira pamashandisire anoita munhu rusununguko rwakunounza. Pauro akanyora, kuti: “Zvirokwazvo, ndinoda kuti muve vasina funganyo. Murume asina kuroora anofunganya zvinhu zvaShe, kuti angawana sei tendero yaShe. Asi wakaroora unofunganya zvenyika, kuti ungawana sei tendero yomudzimai wake, uye akakamuka. Uyezve, mukadzi asina kuroorwa, uye mhandara, anofunganya zvinhu zvaShe, kuti ave mutsvene muzvose zviri zviviri mumuviri wake uye mumudzimu wake. Zvisinei, mukadzi akaroorwa anofunganya zvenyika, kuti angawana sei tendero yomurume wake. Asi izvi ndinozvitaura nokuda kwokubatsirwa kwenyu kwomunhu oga, kwete kuti ndigokusungai nechishwe, asi kukusundirai kuchakanaka uye icho [chi]noreva kumirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka.”—1 VaKorinte 7:32-35, NW.
14 MuKristu asina kuroora anoshandisa kusaroora kwake kuronda nharidzano dzoudyire haasi kuita “zviri nani” kupfuura vaKristu vakaroora. Ari kuramba asina kuroora, kwete “nokuda kwoumambo,” asi nokuda kwezvikonzero zvomunhu oga. (Mateo 19:12, NW) Murume asina kuroora kana kuti mudzimai asina kuroorwa anofanira ku“funganya zvinhu zvaShe,” kufunganya kuti “angawana [sei] tendero yaShe,” uye mu“kumirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka.” Ikoku kunoreva kupa ngwariro isina kukamuka kukubatira Jehovha naJesu Kristu. Varume vechiKristu vasina kuroora navakadzi vasina kuroorwa vanoita “zviri nani” kupfuura vaKristu vakaroora kupfurikidza bedzi nokuita saizvozvi.
Mubato Usina Kutsauswa
15. Nderipi riri pfundo guru rokurangarira kwaPauro muna 1 VaKorinte ganhuro 7?
15 Kurangarira kwose kwaPauro muiri ganhuro ndouku: Nepo roorano yakarurama uye, mumamwe mamiriro ezvinhu, ine mufungo nokuda kwavamwe, kusaroora nenzira isingarambwi kunobetsera nokuda kwomurume kana kuti mukadzi wechiKristu anoda kubatira Jehovha nezvinotsausa zvishoma. Nepo munhu akaroora “akakamuka,” muKristu asina kuroora akasununguka kupa ngwariro pa“zvinhu zvaShe.”
16, 17. MuKristu asina kuroora kana kuti asina kuroorwa anogona sei kupa ngwariro zviri nani pa“zvinhu zvaShe”?
16 Ndezvipi zviri zvinhu zvaShe izvo muKristu asina kuroora anogona kupa ngwariro yakasununguka zvikuru kupfuura vanhu vakaroorana? Mumamwe mashoko akapoteredza, Jesu akataura nezve“zvinhu zvaMwari”—zvinhu izvo muKristu asingagoni kupa kuna Kesari. (Mateo 22:21) Izvi zvinhu zvikurukuru zvine chokuita neupenyu hwomuKristu, kunamata, uye ushumiri.—Mateo 4:10; VaRoma 14:8; 2 VaKorinte 2:17; 3:5, 6; 4:1.
17 Vanhu vasina kuroora kazhinji kazhinji vakasununguka zvikuru kupa nguva kubasa raJehovha, uko kunogona kuvaka umudzimu hwavo uye ukuru hwoushumiri hwavo. Vanogona kupedzera nguva yakawanda pafundo yomunhu oga uye fungisiso. VaKristu vasina kuroora vanogona kazhinji kazhinji kuisa kurava kwavo Bhaibheri murudungwe rwavo zviri nyore zvikuru kupfuura izvo vakaroora vanogona. Vangagadzirira zviri nani misangano uye basa romumunda. Kwose ikoku ndokwe“betserwo [yavo] yomunhu oga.”—1 VaKorinte 7:35.
18. Hama dzakawanda dzisina kuroora dzinogona sei kuratidza kuti dzinoda kubatira Jehovha “pasina kutsauka”?
18 Hama dzakawanda dzisina kuroora dziri kutobatira savabatiri vanoshumira dzakasununguka kutaura kuti kuna Jehovha: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Vanogona kukumbira kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri, icho chakachengeterwa vabatiri vanoshumira navakuru vasina kuroora vakasununguka kubatira kune kushayiwa kukuru. Kunyange hama dzisina kusununguka kusiya ungano dzadzo dzinogona kuzviita dzimene dzinowanika kuti dzibatire hama dzadzo sevabatiri vanoshumira kana kuti vakuru.—VaFiripi 2:20-23.
19. Hanzvadzi dzakawanda dzisina kuroorwa dzinokomborerwa sei, uye munzira ipi madzinogona kuva chikomborero kuungano?
19 Hanzvadzi dzisina kuroorwa, dzisina murume wokubvunza uye kuvimba naye, dzingava dzinoda zvikuru ku‘kandira mitoro yadzo pana Jehovha.’ (Pisarema 55:22; 1 VaKorinte 11:3) Ikoku kunokosha zvikuru nokuda kwehanzvadzi idzo nemhaka yokuda Jehovha dzisina kuroorwa. Kana pashure penguva yakati dzikaroorwa, kwaizova bedzi “munaShe,” ndiko kuti, kumumwe munhu bedzi akazvitsaurira kuna Jehovha. (1 VaKorinte 7:39, NW) Vakuru vanoonga kuva nehazvadzi dzisina kuroorwa muungano dzavo; idzi kazhinji kazhinji dzinoshanyira uye kubetsera vanorwara navakura. Ikoku kunounza mufaro kuvose vanobatanidzwa.—Mabasa 20:35.
20. VaKristu vakawanda vari kuratidza sei kuti vari “kumirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka”?
20 VaKristu vaduku vakawanda vakaronga zvinhu zvavo kuti vave vano“mirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka.” (1 VaKorinte 7:35, NW) Vari kubatira Jehovha savashumiri mapiyona enguva yakazara, vafundisi, kana kuti paimwe yehofisi ramapazu eWatch Tower Society. Uye iboka rinofara zvakadini! Kuvapo kwavo kunozorodza sei! Chokwadi, mukuona kwaJehovha naJesu, ivo i“dova.”—Pisarema 110:3.
Hapana Mhiko Yokusaroora Kusingagumi
21. (a) Nei kwakajeka kuti Pauro haana kukurudzira kuita mhiko yokusaroora? (b) Akarevei paakataura nezveku“tokura hake”?
21 Pfundo guru muzano raPauro nderokuti vaKristu vanga“ita zvakanaka” kubvuma muupenyu hwavo kusaroora. (1 VaKorinte 7:1, 8, 26, 37) Zvisinei, haatongovakumbiri kuita mhiko yokusaroora. Mukupesana, akanyora, kuti: “Kana munhu achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zviri nani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawaniswe havo.” (1 VaKorinte 7:36) Shoko rimwe rechiGiriki (hy·peʹra·kmos) rinoshandurwa kuti “atokura hake” chaizvoizvo rinoreva ku“pfuura pakakwirira zvikurusa” uye rinonongedzera kupfuura sundo hurusa yechishuvo chevatano. Naizvozvo avo vakapedza makore anoverengeka vasina kuroora uye pakupedzisira vanonzwa kuti vanofanira kuroora vakasununguka chose chose kuroora mutendi biyavo.—2 VaKorinte 6:14.
22. Nei kuchibetsera mumurangariro uri wose kuti muKristu asaroora kana kuroorwa ari mudukusa?
22 Makore ayo muKristu muduku anopedza achibatira Jehovha pasina kutsauka kushandisa kwokuchenjera. Anomubvumira kuwana uchenjeri hunoshanda, ruzivo rwokuzviwanira, uye nzwisiso. (Zvirevo 1:3, 4) Munhu akaramba asina kuroora kana kuti asina kuroorwa nokuda kwoUmambo ari munzvimbo iri nani zvikuru gare gare, kana akasarudza kudaro, yokutarisira mabasa oupenyu hweroorano uye zvichida oubereki.
23. Chii chingarangarira vamwe vari kufunga roorano, asi mubvunzoi ucharangarirwa munyaya dzinotevera?
23 Vamwe vaKristu vakapedza makore anoverengeka vachibatira Jehovha nguva yakazara vasina kuroora kana kuti kuroorwa nenzira yokungwarira vanosarudza mukwanyina wavo wenguva yemberi nomurangariro wokupfuurira muchimiro chakati chebasa renguva yakazara. Ikoku zvirokwazvo kunorumbidzwa zvikurusa. Vamwe vangatorangarira kuroora vane pfungwa yokusabvumira kuroora kana kuti kuroorwa kwavo kudzivisa basa ravo munzira ipi neipi. Asi muKristu ari muroorano anofanira here kunzwa akasununguka kupa ngwariro pabasa rake kuna Jehovha seapo iye akanga asina kuroora kana kuti kuroorwa? Uyu mubvunzo ucharangarirwa munyaya dzinotevera.
Nokuhwirudzira
◻ Nei muapostora Pauro akanzwa kudikanwa kwokunyorera ungano yomuKorinte?
◻ Nei tichiziva kuti Pauro akanga asingarumbidzi muraramiro wechimongi?
◻ Munhu anogona sei “kubvuma” kusaroora kana kuti kusaroorwa?
◻ Hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinogona sei kubetserekana mukusaroorwa kwadzo?
◻ Munzirai umo hama dzisina kuroora dzinogona kushandisa rusununguko rwadzo kubatira Jehovha “pasina kutsauka”?