Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
“Uno mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake.”—PISAREMA 146:5.
1, 2. Chii chakataurwa pamusoro perondedzerwo yomufarwa, uye chii chinoreva mufarwa nokuda kwavanhu vakawanda nhasi?
CHII chiri mufarwa? Vanyori vemaduramashoko, vazivi, uye vafundisi vave vachiedza kuurondedzera kwamazana amakore. Asi havana kugovera rondedzero inotenderwa navose. Encyclopædia Britannica inobvuma, kuti: “‘Mufarwa’ ndirimwe ramashoko asinganzwisisiki zvikurusa.” Mufarwa sezviri pachena unoreva zvinhu zvakasiana-siana kuvanhu vakasiana-siana, kuchitsamira pamurangariro wavo paupenyu.
2 Nokuda kwavanhu vakawanda mufarwa uri pautano hwakanaka, zvinhu zvokunyama, uye ushamwari hunofadza. Bva, kune vanhu vane zvose izvozvo asi vasingafari. Nokuda kwavarume navakadzi vakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari, Bhaibheri rinogovera mufungo womufarwa uyo wakasiana kwazvo nomurangariro wavose.
Murangariro Wakasiana Womufarwa
3, 4. (a) Ndivanaani avo Jesu akati vanofara? (b) Chii chinogona kucherekedzwa pamusoro pezvinhu zvomufarwa izvo Jesu akadudza?
3 MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu Kristu haana kutaura kuti mufarwa unotsamira pautano hwakanaka, zvinhu zvokunyama, uye zvakafanana. Iye akati vanofara zvirokwazvo avo “vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu” uye avo “vane nzara nenyota zvokururama.” Kune chokuita neizvi zvinhu zviviri zvinodikanwa nokuda kwomufarwa wechokwadi kutaura kwaJesu kunoratidzika kuva kwakapesana, kunoti: “Vanofara avo vanochema, sezvo vachanyaradzwa.” (Mateo 5:3-6, NW) Sezviri pachena, Jesu akanga asingatauri kuti vanhu vaizongoerekana vava vanofara apo vanorasikirwa nomudiwa wavo. Panzvimbo pezvo, aitaura nezvaavo vanochema mugariro wavo wokutadza nemiuyo yawo.
4 Muapostora Pauro akataura nezvechisiko chohunhu chinogomera muchivi pahwaro hwetariro yokuti chaizo“sunungurwawo pauranda hwokuora.” (VaRoma 8:21, 22) Vanhu vanogamuchira gadziriro yaJehovha yokuyananisira chivi kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaKristu uye avo vanoita kuda kwaMwari vanonyaradzwa zvirokwazvo uye vanoitwa vanofara. (VaRoma 4:6-8) MuMharidzo yapaGomo, Jesu akatiwo vanofara “vanyoro,” “vane ngoni,” “vakachena pamwoyo,” uye “vane rugare.” Iye akapa vimbiso yokuti kunyange zvazvo vachitambudzwa, vanyoro vakadaro havaizorasikirwa nomufarwa wavo. (Mateo 5:5-11) Kunofadza kuziva kuti izvi zvinhu zvakakwirira zvomufarwa zvinoisa vapfumi navarombo panzvimbo yakaenzana.
Hwaro Hwomufarwa Chaiwoiwo
5. Chii chiri hwaro hwomufarwa wavabatiri vakazvitsaurira vaMwari?
5 Manyuko omufarwa wechokwadi haawanwi mupfuma yokunyama. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.” (Zvirevo 10:22) Nokuda kwezvisikwa zvinobvuma uchangamire hwapose pose hwaJehovha, mufarwa une chokuita nenzira isingaparadzaniswi nechikomborero chaMwari. Munhu akazvitsaurira ane uye anonzwa chikomborero chaJehovha chiri paari anofara zvirokwazvo. Kukarangarirwa nenzira yeBhaibheri, mufarwa unobatanidza pfungwa yokudekara, gutsikano, uye kugutswa mubasa raJehovha.
6. Chii chinodikanwa kuvanhu vaJehovha kuti vave vanofara zvirokwazvo?
6 Mufarwa wechokwadi unotsamira paukama hwakarurama naJehovha. Wakavakirwa pakuda Mwari nokutendeka kwaari. Vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha vanobvumirana nomwoyo wose namashoko aPauro, anoti: “Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira iye oga, . . . tinoraramira [Jehovha, NW] . . . tiri va[Jehovha, NW].” (VaRoma 14:7, 8) Naizvozvo, mufarwa wechokwadi haugoni kuwanwa pasina kuteerera Jehovha uye kuzviisa pasi pokuda kwake nomufaro. Jesu akati: “Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari ndokurichengeta!”—Ruka 11:28, NW.
Zvinhu Zvomufarwa Zvinochinja
7, 8. (a) Zvinhu zvomufarwa zvingarongwa sei? (b) Chii chinogona kutaurwa nezveroorano nokubereka vana?
7 Zvinhu zvomufarwa zvichangobva kududzwa zvinganzi “hwaro,” kana kuti “zvisingachinji,” nemhaka yokuti zvakasimba nokuda kwavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha panguva dzose. Mukuwedzera, kune zvinganzi zvinochinja, zvinhu zvingaguma nomufarwa panguva imwe asi mushoma kana kuti kusavapo kwawo pane imwe nguva. Munhambo dzamadzitateguru namaKristu apakuvamba, roorano nokubereka vana zvairangarirwa sezvinokosha nokuda kwomufarwa. Ikoku kunoratidzirwa muchikumbiro chinosiririsa chaRakeri kuna Jakobho, chinoti: “Ndipe vana; kana usingandipi, ndichafa.” (Genesi 30:1) Ichi chimiro kukubereka vana chakakodzera donzo raJehovha nokuda kwenhambo iyoyo.—Genesi 13:14-16; 22:17.
8 Roorano nokubereka vana zvairangarirwa kuva zvikomborero zvinopiwa naMwari pakati pavanhu vaJehovha vomunguva dzapakuvamba. Zvisinei, nhamo yaibatanidzwa naizvozvi nemimwe migariro mukati menhambo dzine ngwavaira munhau yavo. (Enzanisa Mapisarema 127, 128 naJeremia 6:12; 11:22; Mariro 2:19; 4:4, 5.) Kwakajeka, naizvozvo, kuti roorano nokubereka vana hazvisi zvinhu zvomufarwa wechigarire.
Mufarwa Pasina Roorano Munguva Dzakare
9. Neiko mwanasikana waJefta akagamuchira rumbidzo yegore negore?
9 Vabatiri vakawanda vaMwari vakawana mufarwa wechokwadi vasina roorano. Nokuda kwokuremekedza mhiko yababa vake, mwanasikana waJefta akaramba asina kuroorwa. Kwenguva yakati iye navamwe vasikana shamwari dzake vakachema umhandara hwake. Asi mufaro wakadini waakava nawo achibatira nguva yakazara paimba yaJehovha, zvichida pakati pa“vakadzi vaishandira pamukova wetente rokusongana”! (Eksodho 38:8) Nokuda kwaikoku, iye aigamuchira rumbidzo yegore negore.—Vatongi 11:37-40.
10. Jehovha akadei kuna Jeremia, uye kunooneka saakararama upenyu hwokusafara somuuyo here?
10 Nemhaka yenguva dzinoshamisa umo muporofita Jeremia akararama, Mwari akada kuti iye arege kuroora uye kurera vana. (Jeremia 16:1-4) Asi Jeremia akawana huchokwadi hwamashoko aMwari, anoti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake.” (Jeremia 17:7) Muanopfuura makore 40 ebasa rouporofita, Jeremia akabatira Mwari nokutendeka somurume asina kuroora. Sokuziva kwatinoita, haana kutongoroora uye kuva navana. Bva, ndiani anogona kupanikira kuti Jeremia akanga achifara, kufanana naakasarira wechiJudha akatendeka uyo ‘akava anopenya pamusoro porunako rwaJehovha’?—Jeremia 31:12.
11. Ndeipi iri mienzaniso yapaMagwaro yavabatiri vakatendeka vaJehovha avo vakafara kunyange zvazvo ivo vakanga vasina kuva nomukwanyina weroorano?
11 Vamwe vanhu vakawanda vakabatira Jehovha nomufaro vasina mukwanyina weroorano. Vaiva zvichida vasina kuroora, chirikadzi, kana kuti tsvimborume. Pakati pavo pakanga pane muporofitakadzi Ana; zvimwe Dhorkasi, kana kuti Tabhita; muapostora Pauro; uye muenzaniso mukurusa wavose—Jesu Kristu.
Vasina Kuroora Asi Vanofara Nhasi
12. Vamwe vavabatiri vanofara, vakazvitsaurira vaJehovha vakawanirei nzvimbo nhasi, uye nei?
12 Nhasi, zviuru zveZvapupu zvaJehovha zviri kubatira Mwari nokutendeka zvisina mukwanyina weroorano. Vamwe vakakwanisa kugamuchira kokero yaJesu, yokuti: “Ungagamuchira shoko iri [chipo chokusaroora], ngaarigamuchire.” Vakaita ikoku “nokuda kwoushe hwokudenga.” (Mateo 19:11, 12) Ndiko kuti, vakashandisa zvakanaka rusununguko rwavo rwakapiwa naMwari kupfurikidza nokupa nguva yakawanda uye simba kukusimudzira fariro dzoUmambo. Vakawanda vavo vari kubatira samapiona, vafundisi, kana kuti mitezo yemhuri yeBheteri padzimbahwe renyika reWatch Tower Society kana kuti rimwe ramapazu ayo.
13. Mienzanisoi inoratidza kuti muKristu anogona kuva asina kuroora uye anofara?
13 Imwe hanzvadzi yakura inodiwa yakapa nhau youpenyu hwayo musoro unoratidzira unoti “Ndisina Kuroorwa Uye Ndichifara Sapiona.” (Nharireyomurindi, September 15, 1985, mapeji 25-27) Imwe hanzvadzi isina kuroorwa iyo yakapedza anopfuura makore 50 ichibatira paBheteri yakati: “Ndinogutswa zvizere noupenyu hwangu nebasa rangu. Ndakabatikana zvikuru zvino kupfuura nakare kose mubasa randinoda zvikuru. Handizvidembi. Ndaizoita chisarudzo chimwe chetecho zvakare.”—Nharireyomurindi, December 15, 1982, peji 17.
14, 15. (a) Mukuwirirana nomuapostora Pauro, chii chiri madikanwa kuti urambe usina kuroora? (b) Neiko Pauro achitaura kuti munhu asina kuroora anoita “zviri nani” uye “anofara zvikuru”?
14 Cherekedza shoko iroro “chisarudzo.” Pauro akanyora, kuti: “Asi uyo unomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamusoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka. [Iyewo anopa umhandara hwake muroorano anoita zvakanaka, asi asingahupi muroorano achaita zviri nani, NW].” (1 VaKorinte 7:37, 38) Neiko “zviri nani”? Pauro akatsanangura, kuti: “Ndinoda kuti imi muve musitongorina funganyo. Murume asina kuroora anoitira hanya zvinhu zvaShe, mawanire aangaita tendero yaShe. . . . Uyezve, mukadzi asina kuroorwa, uye mhandara, anoitira hanya zvinhu zvaShe . . . Asi izvi ndinozvitaura nokuda kwokubetserwa kwenyu kwomunhu oga, . . . kukuswededzai kune checho chiri chakafanira nechecho chiri chinoreva kubatira Ishe nguva dzose pasina chinotsausa.”—1 VaKorinte 7:32-35, NW.
15 Ko “kubatira Ishe nguva dzose pasina chinotsausa” nomurangariro woku‘wana tendero yaShe’ kune chokuita nomufarwa here? Sezviri pachena Pauro akafunga saizvozvo. Achitaura nezvechirikadzi yechiKristu, iye akati: “Iye asununguka kuti aroorwe newaanoda, munaShe bedzi. Asi anofara zvikuru kana iye akaramba ari sezvaakaita, mukuwirirana nomufungo wangu. Zvamazvirokwazvo ini ndinofunga kuti ndinewo mudzimu waMwari.”—1 VaKorinte 7:39, 40, NW.
Betsero Dzomugariro Wokusaroora
16. Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzinofarikanywa neZvapupu zvisina kuroora zvaJehovha?
16 MuKristu angave asina kuroora kupfurikidza nechisarudzo chomunhu oga kana kuti nemanikidziro yemigariro, mugariro wokusaroora unounza betsero dzomunhu oga dzakawanda. Vanhu vasina kuroora kazhinji kazhinji vane nguva yakawanda yokufunda Shoko raMwari uye kufungisisa pariri. Kana ivo vakashandisa uyu mugariro, umudzimu hwavo hunokudzwa. Vasina mukwanyina weroorano wokugoverana naye zvinetso zvavo, vakawanda vanodzidza kutsamira zvakasimba zvikuru pana Jehovha uye kutsvaka nhungamiro yake muzvinhu zvose. (Pisarema 37:5) Ikoku kunoparira ukama hwapedyo zvikuru naJehovha.
17, 18. (a) Mabanzai omunda mukuru webasa anowanika nokuda kwavabatiri vaJehovha vasina kuroora? (b) Vabatiri vakati vaJehovha vasina kuroora vakarondedzera sei mufarwa wavo?
17 MaKristu asina kuroora ane mabanza omunda mukuru webasa kurumbidzo yaJehovha. Rovedzo chaiyo zvino iri kupiwa paChikoro Chokurovedza Vashumiri yakaganhurirwa kuhama dzisina kuroora kana kuti tsvimborume. Hanzvadzi dzisina kuroorwawo dzakasununguka zvikuru kusvasvavirira ropafadzo mubasa raMwari. Hanzvadzi yakura yadudzwa pakuvamba yakazvipira kubatira munyika yeAfrica apo, kuinokora mashoko, yaiva “mukadzi akati netei ane makore anopfuura 50 ezera.” Uye yakagara ikoko, kunyange mukati mechirambidzo, apo vafundisi vose vakadzingwa. Ichiri kubatira ikoko sapiona, kunyange zvazvo zvino yava naanopfuura makore 80 ezera. Inofara here? Munhau youpenyu hwayo yakanyora, kuti: “Ndakakwanisa kushandisa rusununguko rwomuraudzo nokufamba-famba izvo kusaroorwa kunopa kuti ndirambe ndakabatikana muushumiri, uye ikoku kwakandiunzira mufarwa mukuru. . . . Mumakore ose apfuura ukama hwangu naJehovha hwakakura. Somukadzi asina kuroorwa munyika yeAfrica, ndakamuona soMudziviriri.”
18 Anokoshawo, mashoko eimwe hama yakabatira padzimbahwe reWatch Tower Society kwamakumi amakore. Yaifara, kunyange zvazvo isina kutongoroora uye kunyange zvazvo yaiva netariro yokudenga isina kariro yeroorano. Pazera ramakore 79, akanyora, kuti: “Zuva riri rose ndinokumbira Baba vedu vanodiwa vokudenga mumunyengetero nokuda kwebetsero nouchenjeri kuti ndizvichengete ndimene ndakasimba mumudzimu pamwe chete nomumuviri kuti ndirambe ndichiita kuda kwake kutsvene. Mukati maaya makore makumi mana namapfumbamwe akapfuura mubasa raJehovha ndakafarikanya zvamazvirokwazvo nzira inofadza, inotusa uye yakakomborerwa youpenyu. Uye nomutsa usakafanirwa waJehovha ndiri kutarira mberi kubasa rinopfuuridzirwa kukukudzwa kwake nembiri uye kukukomborerwa kwavanhu vake. . . . Mufaro waJehovha unondibetsera kuchengeta kurwa kwakanaka kwokutenda, kutarira mberi kunguva apo vavengi vaJehovha vasati vachizotongovapozve uye pasi rose razadzwa nembiri yake.”—Numeri 14:21; Nehemia 8:10; Nharireyomurindi yechiNgezi, November 15, 1968, mapeji 699-702.
Mufarwa Wechokwadi Unotsamira Pachii?
19. Pachii apo mufarwa wedu nguva dzose uchatsamira?
19 Ukama hwedu hunokosha naJehovha, tendero yake, uye chikomborero chake—izvi ndizvo zvinhu zvichatiunzira mufarwa wechokwadi mukusingagumi mose. Neichi chiono chakafanira pachinoparira mufarwa wechokwadi, kunyange vabatiri vakaroora vaJehovha vanoziva kuti roorano yavo haisati iri chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavo. Vanoteerera zano romuapostora Pauro, rinoti: “Zvino ndinotaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave savasina.” (1 VaKorinte 7:29) Ikoku hakusati kuchireva kuregeredza vadzimai vavo. Varume vechiKristu vakakura mumudzimu vanoisa basa raJehovha pakutanga, uye ndozvinoitawo vadzimai vavo voumwari, vane rudo, uye vanotsigira, vamwe vachitobatira mubasa renguva yakazara seshamwari dzavarume vavo.—Zvirevo 31:10-12, 28; Mateo 6:33.
20. Chimiroi chakafanira icho maKristu akawanda anacho pamusoro peropafadzo dzeroorano yavo?
20 Hama dzakaroora idzo dziri vatariri vanofambira, vazvipiri vapaBheteri, vakuru veungano—zvamazvirokwazvo, maKristu ose akaroora ayo anoisa fariro dzoUmambo pakutanga—havasati ‘vachishandisa nyika zvakazara’; vanoshanda kuti vapinze ropafadzo dzeroorano yavo muupenyu hwavo hwakatsaurirwa hwebasa kuna Jehovha. (1 VaKorinte 7:31) Bva, ivo vanofara. Neiko? Nemhaka yokuti chikonzero chikuru chomufarwa wavo hachisati chiri roorano yavo asi basa ravo kuna Jehovha. Uye varume navadzimai vakawanda vakatendeka—hungu, uyewo vana vavo—vanofara kuti kuve kwakadaro.
21, 22. (a) Pahwaro hwaJeremia 9:23, 24, chii chinofanira kutizadza nomufarwa? (b) Zvinhui zvomufarwa zvinodudzwa pana Zvirevo 3:13-18?
21 Muporofita Jeremia akanyora, kuti: “‘Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pouchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakapfuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pepfuma yake; asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi’—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 9:23, 24.
22 Tingave tisina kuroora kana kuti takaroora, manyuko edu makurusa omufarwa inofanira kuva zivo yedu yaJehovha uye kupwiswa kuti tine chikomborero chake nemhaka yokuti tiri kuita kuda kwake. Tinofarawo kuva nenzwisiso muchinoumba mwero wechokwadi wezvinokosha, zvinhu zvinofarira Jehovha. Mambo Soromoni akaroora zvikuru haana kurangarira roorano sechinokosha bedzi kumufarwa. Iye akati: “Munhu, wawana uchenjeri, uno mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirvheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; mumwe nomumwe unohubata uno mufaro.”—Zvirevo 3:13-18.
23, 24. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti vose vavabatiri vakatendeka vaJehovha vachava vanofara mutsika itsva yezvinhu?
23 Avo vedu vakaroora ngavawane mufaro usingagumi mukuita kuda kwoumwari. Uye hama dzedu dzinodiwa nehanzvadzi vasina kuroora kupfurikidza nechisarudzo kana kuti nemanikidziro yemigariro ngavatsungirire miedzo yavo yose ndokuwana mufarwa negutsikano mukubatira Jehovha zvino nokusingaperi. (Ruka 18:29, 30; 2 Petro 3:11-13) Mutsika yaMwari iri kuuya yezvinhu, “mipumburu yamanyoro” ichazarurwa. (Zvakazarurwa 20:12, NW) Iyoyi ichava nemirairo mitsva nemitemo zvinofadza zvinobetsera kumufarwa worudzi rwomunhu runoteerera.
24 Zvirokwazvo, tinogona kunzwa tine chivimbo chokuti “Mwari [wedu] anofara” akatichengetera zvinhu zvakanaka zvinoshamisa izvo zvichaguma nomufarwa wedu wakakwana. (1 Timotio 1:11, NW) Mwari achapfuurira ku‘tadzanura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’ (Pisarema 145:16) Hakushamisi kuti kune uye kuchava nguva dzose nomufarwa wechokwadi mukubatira Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chiri hwaro hwomufarwa wavabatiri vakazvitsaurira vaJehovha?
◻ Munguva dzeBhaibheri, ndivanaani vaiva vamwe vavabatiri vaJehovha vasina kuroora vaifara?
◻ Neiko Pauro akarumbidza kusaroora, uye mamwe maKristu akawana sei ikoku kuva upenyu hunofadza?
◻ Pachii apo mufarwa wedu nguva dzose unotsamira?
◻ Neiko tichifanira kuva nechivimbo chokuti vose vakatendeka mutsika itsva yezvinhu vachafara?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Hanzvadzi dzakawanda dzisina kuroorwa dzinobatira Jehovha nomufaro savashumiri venguva yakazara
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kubatira fariro dzaJehovha ndiwo manyuko makuru omufarwa