RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/1 pp. 3-4
  • Namata Mwari Upi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Namata Mwari Upi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kumuka Kwavamwari Venhema
  • Mhaka Yedare Yenyika Yose Iyo Inokubatanidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Iwe Uchava Chapupu chaMwari Wechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • NdiMwari Upi Waunofanira Kunamata?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • NdiMwari Upi Waunonamata?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/1 pp. 3-4

Namata Mwari Upi?

KUSAFANANA nemhuka, isu vanhu tine mano okunamata. Irworwu rutivi rwomugadzirirwo wedu kuvambira pakuberekwa. Tinewo pfungwa yetsika, hana yokutitungamirira pamusoro pechiri chakarurama nechiri chisina kururama. Munzira dzakasiana-siana tose zvedu tinotevera hana iyoyo, uye mukuita saizvozvo, vazhinji vanotarira kuna mwari kana kuti vamwari nokuda kwenhungamiro.

Mukati mezana ramakore rapfuura kana kuti maviri, vamwe vangwaru venyika vakaramba kuvapo kwaMwari wamasimba ose noMusiki. Muna 1844, Karl Marx akazivisa rudzidziso kuva “mushonga unokotsirisa wavanhu.” Gare gare, Charles Darwin akabudisa rondedzero yemhindumupindu. Ipapo kwakauya pandukiro yaBolshevik. MuEastern Europe kusatenda kuvapo kwaMwari kwakava muitiro wapamutemo wehurumende, uye kwakataurwa kuti rudzidziso rwaizofa nechizvarwa cha 1917. Asi vasingatendi kuvapo kwaMwari ivavo vaisagona kuchinja nzira yakaitwa nayo vanhu. Ikoku kunoratidzirwa mukumuka kworudzidziso muEastern Europe panguva ino.

Zvisinei, sezvinotaura Bhaibheri, kune vazhinji “vanonzi ‘vamwari,’ mungava mudenga kana kuti pasi pano, sezvo kune ‘vamwari’ vazhinji na‘madzishe’ mazhinji.” (1 VaKorinte 8:5, NW) Mumazera ose rudzi rwomunhu rwakanamata vamwari vazhinji. Kwave kuna vamwari voruzvaro, vorudo, vehondo, uye vewaini nomufaro woupengo. Murudzidziso rweHindu moga, vamwari vanosvika mumamirioni.

Utatu hwavamwari hwakawedzera muBhabhironi, Asiria, uye Egipita, pamwe chete nomunyika dzechiBuddha. ChiKristudhomuwo chine Utatu hwacho “hutsvene.” ChiIslam, chichiramba Utatu, icho “hachina mwari asi Allah.” Kupfuurirazve, kunyange avo vanonyomba murangariro waMwari asingaoneki, wamasimba ose vane vamwari vavo vamene. Somuenzaniso, pana VaFiripi 3:19, Bhaibheri rinotaura nezvavanhu vanosungwa muzvinorondwa zvokudisa zvenyika, kuti: “Mwari wavo idumbu ravo.”

Vanhu vazhinjisa vanonamata mwari kana kuti vamwari venyika kana kuti nzanga mavakaberekerwa. Ikoku kunomutsa mibvunzo. Ko zvimiro zvose zvokunamata zvinotungamirira kunzvimbo imwe cheteyo here—kufanana nemigwagwa inokwira pamusoro pegomo? Kana kuti ko yakawanda yemigwagwa yakavanzika yorudzidziso inotungamirira kungwavaira—kufanana nenzira dzinotungamirira kumawere here? Ko kune nzira dzakafanira dzakawanda dzokunamata kana kuti kunongova neimwe chete here? Ko kuna vamwari vazhinji vanorumbidzwa kana kuti kunongova naMwari mumwe bedzi Wamasimba ose akafanirwa nokuzvipira kwedu kwachose chose nokunamata here?

Kumuka Kwavamwari Venhema

Mibvunzo iri pamusoro apa yakafanirwa nokusanonzvera kwedu. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti chiremera chekaresa chakanyorwa parudzidziso, Bhaibheri, chinorondedzera kuti mwari wenhema, achishanda kupfurikidza nenyoka, akanyengera sei vakare vedu vokutanga kupinda munzira ine ngwavaira. Tiri kutambura miuyo inotambudza yegadziriro yake kusvikira kuzuva rino. (Genesi 3:1-13, 16-19; Pisarema 51:5) Jesu, “Mwanakomana waMwari,” akataura nezvamwari iyeyo anopandukira so“mutongi wenyika ino.” Mumwe wavaapostora vaJesu akamudana kuti “mwari wetsika ino yezvinhu.” (Johane 1:34; 12:31; 16:11; 2 VaKorinte 4:4, NW) Pana Zvakazarurwa ganhuro 12, ndima 9, iye anorondedzerwa se“nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose.” Umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema huri muudzori hwaSatani.

Satani ndiye munyengeri mukuru. (1 Timotio 2:14) Iye anoshandisa zvisakafanira chishuvo chokuberekwa nacho chorudzi rwomunhu chokunamata kupfurikidza nokusimudzira marudzi akawanda avamwari—midzimu yavakare, zvidhori, mifananidzo, vanaMadonna. Iye anototsigira kunamatwa kwavamwari vohunhu, vakadai savatongi vane simba, vatungamiriri vehondo vanokunda, uye nyanzvi dzomumabhaisikopo nemitambo. (Mabasa 12:21-23) Tinoita zvakanaka kuramba takamuka, takasarudza kutsvaka ndokunamata Mwari wechokwadi bedzi, uyo chaizvoizvo “asiri kure nomumwe nomumwe wedu.”—Mabasa 17:27.

Ndoupi, ipapoka, ari uyu Mwari wechienzi watinofanira kunamata? Makore 3 000 apfuura, wezvamapisarema weBhaibheri akamurondedzera so“Wokumusorosoro . . . , Wamasimba ose . . . , Mwari wangu, wandichavimba naye,” uye akamudana nezita rake rine mbiri rokuti—“Jehovha.” (Pisarema 91:1, 2, NW) Pamberi pezvi, Mosesi akanga ati nezvake: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.” (Dheuteronomio 6:4) Uye muporofita Isaya akanokora mashoko Mwari amene saanoti: “Ndini Jehovha, ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isaya 42:8.

Jehovha Mwari anoronga kubvisira zita rake ruzvidzo rwose urwo mwari wenhema Satani akazora pariri. Iye akaenzanisira nzira yaaizoita nayo ikoku mugore ra 1513 P.N.V., apo akashandisa muporofita wake Mosesi kununura vanhu vaIsraeri mudzvinyiriro yeEgipita. Panhambo iyoyo, Mwari akabatanidza zita rake Jehovha namashoko, anoti: “Ndichabvumikisa kuva wandichabvumikisa kuva.” (Eksodho 3:14, 15, NW) Iye aizozvireverera amene mukurwisana naFarao weEgipita, asi kutanga akaudza mutongi akaipa iyeyo, kuti: “Ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.”—Eksodho 9:16.

Mugariro wacho wakafanana nhasi. Kufanana naFarao wekare, mwari wenyika ino, Satani, anozvidza Jehovha Mwari uye anopfuuridzira namanomano hondo yomudzimu navanhu vaye vanoda kururama nezvokwadi. (VaEfeso 6:11, 12, 18) Zvakare, Mwari akaronga kukudza zita rake mukutarisana nechishoro chaSatani. Zvisinei, asati aratidza simba rake kupfurikidza nokuparadza Satani namabasa ake ose, Jehovha anotuma vanamati vake kundozivisa zita Rake mupasi rose. Uku kupupurira zita rake rutivi runokosha rwokunamata kwechokwadi.

Nenzira yakafanira, Mwari amene akataura kuti ava vanamati vaizova zvapupu zvake, Zvapupu zvaJehovha, “ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.” (Isaya 43:10-12, 21) Ivo vanoparidza sei kurumbidzwa kwaJehovha? Ivo vanoparidzira ndokudzidzisa pachena napaimba neimba, vachizivisa mashoko akanaka okuti Umambo hwaJehovha, hunotongwa noMwanakomana wake, Jesu Kristu, huchaunza zvikomborero zvisingagumi kurudzi rwomunhu runoteerera papasi rino. Nokudaro, ivo vanonamata Mwari “vasingaregi,” sezvakaita maKristu echokwadi muzana rokutanga ramakore. (Mabasa 5:42; 20:20, 21, NW) Ko ivo vakafarikanya chikomborero choumwari muna ikoku here? Mapeji anotevera achapindura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe