RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Muedzo Wouchokwadi Hworudo Rwedu”
    Nharireyomurindi—1989 | December 1
    • Ko vaKorinte vaizosundwa zvakafanana ku‘wanza mukupa kwomutsa’ here? Pakutanga kushanyira Korinte, Pauro akanga amanikidzirwa kuzvitsigira amene somugadziri wamatende. (Mabasa 18:1-3) Iye akapfuuridzira uyu muitiro wokuzvitsigira kunyange sezvo ungano yakatanga imomo, achirega kushandisa “simba” rake somuparidzi weevhangeri wenguva yakazara kuti agamuchire tsigiro yemari.—1 VaKorinte 9:3-12.

      Mutsinhiri weBhaibheri Thomas Scott anoti: “Zvimwe, iye akanga apupurira zvinhu zvakati muchimiro chendangariro chamaKristu eKorinte, uko kwakatanga kumupesvedzera kuramba kugamuchira tsigiro ipi neipi yakabva kwavari.” Zvichida apesvedzerwa nokudisa zvenyika kwoudyire kwakanga kwakavapoteredza, maKristu akapfuma zvikuru angave zvawo akanga asingadi kuva norupo. Pauro angave akatyawo kuti vaKorinte vairangarira zvokutengeserana vaizopanikira vavariro yake kana iye akagamuchira tsigiro yemari. Kungava kwaitova naavo, kufanana navamwe vaiva muTesaronika, vaiva nyope uye vaida pembedzo yokurarama namaKristu biyavo.—2 VaTesaronika 3:7-12.

      Chipi kana chipi chaiva chinoitika chacho, Pauro navafambidzani vake vakasarudza kuzvitsigira vamene, “kuti tigorega kupa mhinganidzo ipi neipi kumashoko akanaka pamusoro paKristu.” (1 VaKorinte 9:12, NW) Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, Pauro akapinda mumigariro yakaipa yemari, shoko rako rakasvika hama dzaiva varombo dzaigara muFiripi. Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi. Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzakabva Makedhonia [sezviri pachena Firipi]; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, ndicharamba ndichichenjera.”—2 VaKorinte 11:8, 9; enzanisa naVaFiripi 4:15, 16.

  • “Muedzo Wouchokwadi Hworudo Rwedu”
    Nharireyomurindi—1989 | December 1
    • Asi hatifaniri kumirira ngwavaira kubvumikisa rudo rwedu rwouhama. Kana muKristu biyedu akatambura nhamo yemari, tinogona kuziva zvinodikanwa zvake, tichiita zvinopfuura kuti, “Mudziirwe, mugute.” (Jakobho 2:15, 16) Uye zvakadini nezvaavo vari mubasa renguva yakazara vano“rarama kupfurikidza namashoko akanaka.” Kufanana naPauro, vakadaro havarairi kana kuti kukarira rubatsiro rwemari runobva kuavo vanobatira. Kunyanguvezvo, vazhinji vakasundwa kuratidza rupo kuavo vanobishaira kuku‘dyara zvinhu zvomudzimu’ nokuda kwavo.—1 VaKorinte 9:11, 14.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe