Jehovha Ngaafarire Kuzvidavirira Kwako
“Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichi . . . Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.”—NEHEMIA 13:22, 31.
1. Chii chinobetsera avo vakazvitsaurira kuna Mwari kupa kuzvidavirira kwakaisvonaka kuna Jehovha?
VABATIRI vaJehovha vane betsero yose inodiwa yekupa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwaari. Nei? Nemhaka yekuti vane ukama hwapedyo naMwari serutivi rwesangano rake rapasi. Akazivisa zvinangwa zvake kwavari, uye akavapa betsero nenzwisiso yomudzimu kupfurikidza nemudzimu mutsvene wake. (Pisarema 51:11; 119:105; 1 VaKorinte 2:10-13) Mukurangarira mamiriro aya ezvinhu chaiwo, Jehovha norudo anokumbira vabatiri vake vapasi kuti vamupe kuzvidavirira kwavo vamene nokuda kwezvose zviri zviviri zvavari uye nokuda kwezvavanoita musimba rake uye nebetsero yomudzimu mutsvene wake.
2. (a) Nehemia akapa kuzvidavirira kwakanaka kwake amene kuna Mwari munzirai? (b) Nehemia akagumisa bhuku reBhaibheri rine zita rake nechikumbiroi?
2 Mumwe murume akapa kuzvidavirira kwakanaka kwake amene kuna Mwari akanga ari Nehemia, mudiri waMambo wePersia Artashasta (Longimanus). (Nehemia 2:1) Nehemia akava gavhuna wevaJudha ndokuvakazve rusvingo rweJerusarema pasinei zvapo nevavengi nengozi. Nekushingairira kunamata kwechokwadi, akaita kuti Mutemo waMwari uteererwe uye akaratidza kuitira hanya vaidzvinyirirwa. (Nehemia 5:14-19) Nehemia akakurudzira vaRevhi kuzvichenesa vamene nguva dzose, kurinda masuo, uye kutsvenesa zuva reSabata. Naizvozvo aigona kunyengetera, kuti: “Ndirangarirei henyu nokuda kwechinhu ichiwo, Mwari wangu, mundinzwire tsitsi nenyasha dzenyu huru.” Nenzira yakakodzerawo, Nehemia akagumisa bhuku rake rakafuridzirwa naMwari nechikumbiro: “Ndirangarirei henyu, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka.”—Nehemia 13:22, 31.
3. (a) Ungarondedzera sei munhu anoita zvakanaka? (b) Kurangarira upenyu hwaNehemia kungatiparira kuzvibvunza timene mibvunzoi?
3 Munhu anoita zvakanaka akanaka uye anoita zviito zvakarurama izvo zvinobetsera vamwe. Nehemia akanga ari munhu akadaro. Aitya Mwari nokuremekedza uye aishingairira zvikuru kunamata kwechokwadi. Uyezve, aionga ropafadzo dzake mubasa raMwari uye akapa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwake amene kuna Jehovha. Kurangarira upenyu hwake kungasanotiparira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndinorangarira sei ropafadzo dzangu nemitoro zvakapiwa naMwari? Rudzii rwekuzvidavirira rwandiri kupa nezvangu kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu?’
Zivo Inoita Kuti Tizvidavirire
4. Ibasai iro Jesu akapa vateveri vake, uye avo vakanga “vakatarirwa upenyu husingaperi” vakaitei?
4 Jesu akapa vateveri vake basa iri: “Endai . . . mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze . . . ; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Mateo 28:19, 20) Vadzidzi vakanga vachizoitwa kupfurikidza nokuvadzidzisa. Ivavo nokudaro vaidzidzisa uye vakanga “vakatarirwa upenyu husingaperi” vaizobhapatidzwa, sezvakaita Jesu. (Mabasa 13:48; Marko 1:9-11) Chishuvo chavo chokuchengeta zvinhu zvose zvaakanga arayira chaizobva mumwoyo. Vaizosvika papfundo rekuzvitsaurira kupfurikidza nokupinza uye kushandisa zivo yakarurama yeShoko raMwari.—Johane 17:3.
5, 6. Tinofanira kunzwisisa sei Jakobho 4:17? Enzanisira kushanda kwayo.
5 Kana zivo yedu yeMagwaro yakakura zvikuru, hwaro hwekutenda kwedu hunova nani zvikuru. Panguva imwe cheteyo, kuzvidavirira kwedu kuna Mwari kunova kukuru zvikuru. Jakobho 4:17 inoti: “Unoziva kuita zvakanaka, akasazviita, iye une zvivi.” Uku kutaura sezviri pachena imhedziso yeizvo mudzidzi Jakobho akanga achangobva kutaura pamusoro pekuganza panzvimbo pekutsamira chose chose pana Mwari. Kana munhu achiziva kuti haagoni kuita chinhu chinogara asina betsero yaJehovha asi asingaiti nenzira inowirirana, ichochi chivi. Asi mashoko aJakobho anogonawo kushanda kuzvivi zvekuregeredza. Mumufananidzo waJesu wemakwai nembudzi, somuenzaniso, mbudzi dzinopiwa mhosva, kwete nokuda kwezviito zvakashata, asi nokuda kwekusabetsera hama dzaKristu.—Mateo 25:41-46.
6 Mumwe murume akanga achiitiswa fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha akanga achiita fambiro mberi duku yomudzimu, sezviri pachena nemhaka yekuti haana kurega kusvuta, kunyange zvazvo aiziva kuti aifanira kuita saizvozvo. Mumwe mukuru akamukumbira kurava Jakobho 4:17. Pashure pekutsinhira pamusoro perevo yerugwaro urwu, mukuru wacho, akati: “Kunyange zvazvo usina kubhapatidzwa, unozvidavirira uye unofanira kuva nemutoro wakazara nokuda kwechisarudzo chako.” Nenzira inofadza, murume wacho akaita chimwe chinhu, akarega kusvuta, uye akakurumidza kukwaniriswa nokuda kwerubhapatidzo mukuratidzira kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha Mwari.
Kuzvidavirira Nokuda Kweushumiri Hwedu
7. Ndeipi iri imwe nzira yokuratidzira nayo kuonga kwedu “kuziva Mwari kumene”?
7 Chishuvo chedu chemwoyo wose chinofanira kuva chokufadza Musiki wedu. Imwe nzira yokuratidzira nayo kuonga kwedu “kuziva Mwari kumene” ndeyekuita basa rokuita vadzidzi veMwanakomana wake, Jesu Kristu. Iyiwo inzira yokuratidza nayo kuda kwedu Mwari nemuvakidzani wedu. (Zvirevo 2:1-5, NW; Mateo 22:35-40) Hungu, kuziva kwedu Mwari kunotiita vanozvidavirira kwaari, uye tinofanira kurangarira vanhu biyedu sevadzidzi vanobvira.
8. Nei tichigona kutaura kuti Pauro akanzwa achizvidavirira kuna Mwari nokuda kweushumiri hwake?
8 Muapostora Pauro aiziva kuti kugamuchirwa kwemwoyo wose nekuteerera mashoko akanaka kunoguma neruponeso, nepo kurambwa kwawo kuchigona kuunza ruparadziko. (2 VaTesaronika 1:6-8) Naizvozvo akanzwa achizvidavirira kuna Jehovha nokuda kweushumiri hwake. Kutaura idi, Pauro nevasonganiri vake vaionga ushumiri hwavo zvikuru kwazvo zvokuti vaidzivisa nokungwarira kunyange kupa chitarisiko chokuita mhindu yemari mahuri. Uyezve, mwoyo waPauro wakamusunda kuti: “Nokuti kana ndichiparidza Evhangeri, handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.”—1 VaKorinte 9:11-16.
9. Mungavai unokosha uyo vaKristu vose vanofanira kuripa?
9 Sevabatiri vakazvitsaurira vaJehovha, ‘tinomanikidzwa kuzivisa mashoko akanaka.’ Ibasa redu kuparidza shoko roUmambo. Takagamuchira mutoro iwoyo apo takazvitsaurira timene kuna Mwari. (Enzanisa naRuka 9:23, 24.) Kupfuurirazve, tine mungava wokuripa. Pauro akati: “Ndine ngava kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera navasina kuchenjera. Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraiwo Evhangeri, imi muri paRoma.” (VaRoma 1:14, 15) Pauro akanga ane mungava nemhaka yekuti aiziva kuti rakanga riri basa rake kuparidza kuitira kuti vanhu vagogona kunzwa mashoko akanaka ndokuponeswa. (1 Timotio 1:12-16; 2:3, 4) Iye naizvozvo akashanda kuti aite basa rake ndokuripa mungava wake kuvanhu biyake. SavaKristu, isuwo tine mungava wakadaro wokuripa. Kuparidza Umambo inzirawo huru yokuratidzira nayo kuda Mwari, Mwanakomana wake, uye vavakidzani vedu.—Ruka 10:25-28.
10. Vamwe vakakudza ushumiri hwavo kupfurikidza nokuitei?
10 Imwe nzira yokupa nayo kuzvidavirira kunogamuchirika kuna Mwari ndeyekushandisa mano edu kukudza ushumiri hwedu. Kuenzanisira: Kwave kune kupinda kwevanhu vemapoka mazhinji emarudzi muBritain mumakore achangobva kupfuura. Kuti asvike vanhu vakadaro nemashoko akanaka, mapiyona anopfuura 800 (vaparidzi veUmambo venguva yakazara) uye mazana ezvimwe Zvapupu vari kudzidza mitauro yakasiyana-siyana. Ikoku kwakaguma nekunyandurwa kwakaisvonaka kweushumiri. Mumwe piyona ari kudzidzisa kirasi yechiChinese akati: “Handina kutongofunga kuti ndaizombodzidzisa zvimwe Zvapupu mutauro wangu, kuti zvigoverane zvokwadi nevamwe nenzira iyi. Kunogutsa kwazvo!” Ungagona kukudza ushumiri hwako nenzira yakafanana here?
11. Chii chakava mugumiriso apo mumwe muKristu akapupura nenzira isina kurongwa?
11 Sezvingabvira, mumwe nomumwe wedu taizoita zvatingagona kuti tiponese munhu ari kunyura. Vabatiri vaJehovha nenzira yakafanana vanodisa kushandisa mano avo kupupura pamukana uri wose. Chimwe Chapupu munguva pfupi yapfuura chakagara pedyo nemumwe mukadzi mubhazi ndokutaura kwaari pamusoro peMagwaro. Afadzwa nezvaakanzwa, mukadzi wacho akabvunza mibvunzo mizhinji. Apo Chapupu chacho chakanga chodokuburuka mubhazi, mukadzi wacho akachikumbira kuuya kumusha wake panzvimbo pezvo, sezvo akanga achine mibvunzo mizhinji. Chapupu chacho chakabvuma. Mugumisiro wacho? Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye mwedzi mitanhatu gare gare mukadzi wacho akava muparidzi weUmambo asina kubhapatidzwa. Nokukurumidza akanga ava kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha nhanhatu dzake amene. Ituso inofadza zvakadini yekushandisa mano omunhu mubasa roUmambo!
12. Mano edu savashumiri anogona sei kushandiswa zvakanaka mubasa remumunda?
12 Mano edu sevashumiri anogona kushandiswa nenzira inobudirira mumunda kupfurikidza nokushandisa zvinyorwa zvakadai sebhuku rine mapeji 192 raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Pakasvika April wa1996, Dare Rekunyora reMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha rakanga ratendera kubudiswa kwebhuku raZivo mumitauro 140, uye panguva iyoyo makopi 30 500 000 aro akanga atodhindwa mumitauro 111. Bhuku iri rakanyorwa nechinangwa chekubetsera vadzidzi veBhaibheri kudzidza zvakakwana pamusoro peShoko raMwari nezvinangwa kuti vazvitsaurire kuna Jehovha ndokubhapatidzwa. Sezvo vaparidzi veUmambo vasati vachizoitisa fundo yeBhaibheri yepamusha mudzidzi mumwe cheteye kwemakore mazhinji, vanogona kuitisa fundo vanhu vazhinji kana kuti kuwedzera kugoverana kwavo mubasa rapaimba neimba nezvimwe zvimiro zveushumiri. (Mabasa 5:42; 20:20, 21) Vachiziva kuzvidavirira kwavo kuna Mwari, vanonangidzira ngwariro kunyevero dzoumwari. (Ezekieri 33:7-9) Asi fariro yavo huru ndeyekukudza Jehovha ndokubetsera vakawanda sevanobvira kudzidza pamusoro pemashoko akanaka munguva pfupi yasara yetsika ino yakaipa yezvinhu.
Kupa Kuzvidavirira Kwakaisvonaka Semhuri
13. Nei mhuri dzeumwari dzichifanira kuva nefundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose?
13 Munhu mumwe nomumwe nemhuri vanogamuchira chiKristu chechokwadi vanozvidavirira kuna Mwari uye naizvozvo vanofanira ku“fambira mberi kukura mumudzimu” ndokuva “vakasimba mukutenda.” (VaHebheru 6:1-3; 1 Petro 5:8, 9, NW) Somuenzaniso, avo vakafunda bhuku raZivo ndokubhapatidzwa vanofanira kuita kuti kuziva kwavo Magwaro kukwane kupfurikidza nokupinda misangano nguva dzose pamwe chete nokurava Bhaibheri nezvimwe zvinyorwa zvechiKristu. Mhuri dzoumwari dzinofanirawo kuva nefundo yemhuri yenguva dzose, nokuti iyoyo inzira inokosha yoku“ramba takasvinura, takamira zvakasimba mukutenda, kupfuurira savarume, kusimba.” (1 VaKorinte 16:13, NW) Kana uri musoro wemhuri, unozvidavirira zvikuru kuna Mwari kuti uve nechokwadi chokuti mhuri yako inodyiswa zvakanaka mumudzimu. Kungofanana nezvokudya zvokunyama zvinovaka mumuviri zvinotsigira utano hwemuzvarirwo, naizvozvo zvokudya zvomudzimu zvakawanda uye zvenguva dzose zvinodikanwa kana iwe nemhuri yako muchizoramba maka“simba mukutenda.”—Tito 1:13, NW.
14. Chii chakabva muuchapupu hwakapiwa nemumwe musikana wechiIsraeri akadzidziswa zvakanaka?
14 Kana mune vana mumhuri yenyu, Mwari achagamuchira kuzvidavirira kwenyu nokuda kwokuvapa murayiridzo wakanaka womudzimu. Kudzidzisa kwakadaro kuchavabetsera, sezvakwakaita mumwe musikana muduku weIsraeri akatapwa navaSiria mumazuva emuporofita waMwari Erisha. Akava murandasikana wemudzimai wemukuru weuto reSiria akanga ane maperembudzi, Naamani. Kunyange zvazvo musikana wacho akanga ari muduku, akaudza tenzikadzi wake, kuti: “Dai ishe wangu aiva kumuporofita uri paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake.” Nemhaka yeuchapupu hwake, Naamani akaenda kuIsraeri, pakupedzisira akabvumirana nenhungamiro yaErisha yokugeza kanomwe muRwizi rwaJoridhani, uye akacheneswa maperembudzi. Uyezve, Naamani akava munamati waJehovha. Ikoko kunofanira kuva kwakafadza sei musikana muduku iyeye!—2 Madzimambo 5:1-3, 13-19.
15. Nei kuchikosha kuti vabereki vape vana vavo rovedzo yakaisvonaka yemudzimu? Enzanisira.
15 Hakusi nyore kurera vana vanotya Mwari munyika ino isina tsika iri musimba raSatani. (1 Johane 5:19) Kubva paucheche hwaTimotio, zvisinei, ambuya vake Roisi naamai vake, Juniki, vakamudzidzisa Magwaro nenzira inobudirira. (2 Timotio 1:5; 3:14, 15) Kufunda Bhaibheri navana venyu, kuvaendesa kumisangano yechiKristu nguva dzose, uye pakupedzisira kuvaita kuti vakuperekedzei muushumiri zvose rutivi rwemutoo werovedzo yamunofanira kupa kuzvidavirira nokuda kwayo kuna Mwari. Mumwe muKristu ari muWales, zvino ari mumakore ake epakati pema80, anoyeuka kuti pakuvamba kwema1920, baba vake vakaenda naye apo vakafamba makiromita 10 vachikwira gomo (rwendo rwekuenda nokudzoka rwemakiromita 20) kuti vanoparadzire maturakiti eBhaibheri kuvagari vemisha vaiva mumupata waitevera. “Makanga muri mukati mekufamba ikoko umo baba vangu vakaroverera zvokwadi mumwoyo wangu,” anodaro nokuonga.
Vakuru Vanopa Kuzvidavirira—Sei?
16, 17. (a) Iropafadzoi dzakafarikanywa nevarume vakuru vakakura mumudzimu muna Israeri wakare? (b) Kuchienzaniswa nemamiriro ezvinhu muna Israeri wakare, nei zvizhinji zvichidikanwa kuvakuru vechiKristu nhasi?
16 “Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama,” akadaro murume akachenjera Soromoni. (Zvirevo 16:31) Asi harisi zerawo zvaro romuviri rinoshongedza munhu nokuda kwemutoro muungano yevanhu vaMwari. Varume vakuru vakakura mumudzimu muna Israeri wakare vakabatira savatongi nevakuru nokuda kwekuitwa kweruramisiro uye kuchengetwa kwerugare, runyararo, uye kusimba mumudzimu. (Dheuteronomio 16:18-20) Kunyange zvazvo zvimwe chetezvo zviri zvechokwadi nezveungano yechiKristu, zvakawanda zvinodikanwa kuvakuru sezvo mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu unoswedera pedyo. Nei?
17 VaIsraeri vakanga vari ‘rudzi rwakasarudzwa’ urwo Mwari akanunura muEgipita yakare. Sezvo vakagamuchira Mutemo kupfurikidza nomurevereri wavo, Mosesi, vazukuru vavo vakaberekerwa murudzi rwakatsaurirwa uye vakanga vakarovedzana nemirayiro yaJehovha. (Dheuteronomio 7:6, 11) Zvisinei, hapana munhu anoberekerwa murudzi rwakadaro rwakatsaurirwa nhasi, uye vashomanene zvikuru vanokurira mumhuri dzoumwari dzakanyatsorovedzana nezvokwadi yeMagwaro. Avo vakatanga ku“famba muzvokwadi” munguva pfupi yapfuura vanoda zvikuru murayiridzo pamusoro penzira yokurarama nayo maererano nenheyo dzepaMagwaro. (3 Johane 4) Mutoro wakadini naizvozvo une vakuru vakatendeka sezvavano‘batisisa mutoo wemashoko akanaka’ ndokubatsira vanhu vaJehovha!—2 Timotio 1:13, 14.
18. Rudzii rwerubatsiro urwo vakuru veungano vanofanira kuva vakagadzirira kupa, uye nei?
18 Mwana muduku ari kudzidzira kufamba angagumburwa ndokuwa. Anonzwa asina kuchengeteka uye anoda betsero yevabereki nekurudziro. Munhu akazvitsaurira kuna Jehovha nenzira yakafanana angagona kugumburwa kana kuti kuwa mumudzimu. Kunyange muapostora Pauro akakuwana kuri madikanwa kurwisa kuita zvakanga zvakarurama kana kuti zvakanaka mukuona kwaMwari. (VaRoma 7:21-25) Vafudzi veboka raMwari vanofanira kupa rubatsiro rwerudo kuvaKristu vakakanganisa asi vanopfidza zvirokwazvo. Apo vakuru vakashanyira mumwe mukadzi akazvitsaurira uyo akanga aita chikanganiso chakakomba, akati murume wake akazvitsaurira aripo: “Ndinoziva kuti muchandidzinga!” Asi akatanga kuchema apo akaudzwa kuti vakuru vaida kuziva betsero yaidiwa kudzorera umudzimu hwemhuri. Vachiziva kuti vanofanira kuzvidavirira, vakuru vakafara kubatsira mutendi biyavo anopfidza.—VaHebheru 13:17.
Ramba Uchipa Kuzvidavirira Kwakaisvonaka
19. Tinogona sei kuramba tichipa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwedu timene kuna Mwari?
19 Vakuru veungano nevamwe vabatiri vose vaMwari vanofanira kuramba vachipa kuzvidavirira kwakaisvonaka kwavo vamene kuna Jehovha. Ikoku kunobvira kana tikanamatira kuShoko raMwari ndokuita kuda kwake. (Zvirevo 3:5, 6; VaRoma 12:1, 2, 9) Tinoda zvikuru kuita zvakanaka kune avo vane ukama nesu mukutenda. (VaGaratia 6:10) Zvisinei, kukohwa kuchiri kukuru, uye vashandi vanoramba vari vashoma. (Mateo 9:37, 38) Naizvozvo ngatiitirei vamwe zvakanaka kupfurikidza nokuzivisa nokushingaira shoko roUmambo. Jehovha achafarira kuzvidavirira kwedu kana tikaita kuzvitsaurira kwedu, kuita kuda kwake, uye kuzivisa mashoko akanaka nokutendeka.
20. Chii chatinodzidza mukurangarira upenyu hwaNehemia?
20 Naizvozvo ngatipfuurire kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe. (1 VaKorinte 15:58) Uye tinoita zvakanaka kurangarira Nehemia, uyo akavakazve rusvingo rweJerusarema, akaita kuti Mutemo waMwari uteererwe, uye nokushingaira akatsigira kunamata kwechokwadi. Akanyengetera kuti Jehovha Mwari amuyeuke nokuda kwezvakanaka zvaakanga aita. Bvumikisa kuva akazvipira zvakafanana kuna Jehovha, uye ngaafarire kuzvidavirira kwako.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Muenzanisoi wakagadzwa naNehemia?
◻ Nei zivo ichiita kuti tizvidavirire kuna Mwari?
◻ Tinogona sei kupa kuzvidavirira kunogamuchirika kuna Jehovha muushumiri hwedu?
◻ Mhuri dzinogona kuitei kuti dzipe kuzvidavirira kwakaisvonaka kuna Mwari?
◻ Vakuru vechiKristu vanopa sei kuzvidavirira?
[Mifananidzo iri papeji 18]
SaPauro, tinogona kupa kuzvidavirira kwakaisvonaka kuna Mwari sevazivisi veUmambo
[Mufananidzo uri papeji 19]
Vana vako vakasimba mukutenda semusikana muduku weIsraeri aiva mumusha waNaamani here?