Bhuku reBhaibheri Nhamba 46—1 VaKorinte
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Efeso
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 55 C.E.
1. Korinte rakanga riri guta rorudzii mumazuva aPauro?
KORINTE rakanga riri “guta rakakurumbira neremifarwa, umo tsika dzakashata dzokuMabvazuva nokuMadokero dzaisangana.”a Riri panyika nhete iri pakati pePeloponnesus nenyika yeGirisi, Korinte raidzora nzira iri panyika inoenda kunyika huru. Mumazuva omuapostora Pauro, vagari vemo varo vanenge 400 000 vaipfuurwa bedzi neRoma, Alexandria, uye Antiokia yeSiria. Kumabvazuva kweKorinte kwaiva neGungwa reAegean, uye kumadokero, Gulf of Corinth neGungwa reIonia. Naizvozvo Korinte, dzimbahwe reruwa rweAkaya, nezviteshi zvaro zvengarava zviviri zveKenkrea neLechaeum, raiva nenzvimbo youkoshi hukuru mune zvokutengeserana. Rakanga ririwo nzvimbo yokudzidza chiGiriki. “Pfuma yaro,” kwakataurwa kudaro, “yakanga ichitanhamariswa kwazvo kuti rive rakakurumbira; ndizvo zvakanga zvakaitawo tsika dzakashata nounzenza zvavagari vemo varo.”b Pakati pemiitiro yaro yorudzidziso yechihedheni pakanga pane kunamatwa kwaAphrodite (mubiyake waVenus weRoma). Kudisa mifarwa yenyika kwakanga kuri chibereko chokunamata kweKorinte.
2. Ungano yeKorinte yakatangwa sei, uye nokudaro yakanga ine chisungoi naPauro?
2 Kwakanga kuri kuiri guta guru rinobudirira asi rakaipa mutsika renyika yeRoma uko muapostora Pauro akaenda munenge muna 50 C.E. Mukati mokugara kwake kwemwedzi 18, ungano yechiKristu yakatangwa imomo. (Mabasa 18:1-11) Pauro akanzwa rudo rwakadini kuava vatendi avo akanga atanga kuendesera mashoko akanaka pamusoro paKristu! Kupfurikidza netsamba akavayeuchidza nezvechisungo chomudzimu chaivako, achiti: “Kunyange maiva navadzidzisi vane zviuru zvine gumi muna Kristu, hamuna madzibaba mazhinji; nokuti muna Jesu Kristu imi ndakakuberekai neEvhangeri.”—1 VaK. 4:15.
3. Chii chakasunda Pauro kunyora tsamba yake yokutanga kuvaKorinte?
3 Itiro hanya huru nokuda kwegarikano yavo yomudzimu yakasunda Pauro kunyora tsamba yake yokutanga kuvaKristu veKorinte apo akanga ari murwendo rwake rwechitatu rwoufundisi. Makore mashomanene akanga apfuura kubvira apo akanga agara muKorinte. Zvino akanga ava anenge 55 C.E., uye Pauro akanga ari muEfeso. Sezviri pachena akanga agamuchira tsamba yakabva kuungano itsva zvikuru muKorinte, uye yaida mhinduro. Kupfuurirazve, mishumo inokangaidza yakanga yasvika Pauro. (7:1; 1:11; 5:1; 11:18) Iyoyi yakanga ichitambudza kwazvo zvokuti muapostora haana kunyange kunongedzera kutsamba yavo yokubvunza kutozosvikira kundima yokutanga yeganhuro 7 yetsamba yake. Pauro akanzwa achimanikidzwa kunyorera vaKristu biyake muKorinte zvikurukuru nemhaka yemishumo yaakanga agamuchira.
4. Chii chinobvumikisa kuti Pauro akanyora bhuku raVaKorinte Wokutanga ari muEfeso?
4 Asi tinoziva sei kuti Pauro akanyora VaKorinte Wokutanga ari muEfeso? Kutanga, mukugumisa tsamba yacho nekwaziso, muapostora anobatanidza idzo dzaAkwira naPrisika (Prisira). (16:19) Bhuku raMabasa 18:18, 19 rinoratidza kuti vakanga vatama kubva Korinte vachienda kuEfeso. Sezvo Akwira naPrisira vakanga vachigara ikoko uye Pauro akavabatanidza mukwaziso dzokupedzisira dzaVaKorinte Wokutanga, iye anofanira kuve akanga ari muEfeso apo akanyora tsamba yacho. Rimwe pfundo risingasiyi kusava nechokwadi, zvisinei, kutaura kwaPauro kuri pana 1 VaKorinte 16:8, kunoti: “Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPentekosta.” Naizvozvo VaKorinte Wokutanga akanyorwa naPauro ari paEfeso, sezviri pachena pedyo nomugumo wokugara kwake ipapo.
5. Chii chinobvumikisa uchokwadi hwetsamba kuvaKorinte?
5 Uchokwadi hwaVaKorinte Wokutanga, uyewo hwaVaKorinte Wechipiri, hahupanikirwi. Idzi tsamba dzakanzi dzakanyorwa naPauro ndokugamuchirwa sedzemundaza yamanyoro matsvene navaKristu vapakuvamba, avo vakadzibatanidza mumiunganidzwa yavo. Kutaura idi, kunotaurwa kuti tsamba yaVaKorinte Yokutanga inonongedzerwa kwairi uye inonokorwa mashoko kanenge katanhatu mune imwe tsamba yakabva Roma ichienda kuKorinte yomunenge muna 95 C.E. uye inonzi First Clement. Nokunongedzera kuri pachena kubhuku raVaKorinte Rokutanga, munyori akakurudzira vagamuchiri veiyi tsamba ku“gamuchira tsamba yaPauro muapostora akakomborerwa.”c Bhuku raVaKorinte Rokutanga rinonokorwawo mashoko nenzira yakananga naJustin Martyr, Athenagoras, Irenaeus, uye Tertullian. Kune ufakazi hwakasimba hwokuti manyoro, kana kuti muunganidzwa, wetsamba dzaPauro, kubatanidza VaKorinte Wokutanga noWechipiri, “wakaumbwa ndokubudiswa mumakore gumi okupedzisira ezana rokutanga ramakore.”d
6. Zvinetsoi zvaivako muungano yeKorinte, uye Pauro aifarirei zvikurukuru?
6 Tsamba yokutanga yaPauro kuvaKorinte inotipa mukana wokutarira mukati meungano yeKorinte imene. Ava vaKristu vakanga vane zvinetso zvokutarisana nazvo, uye vakanga vane mibvunzo yaifanira kupedzwa. Makanga mune mapoka mukati meungano, nokuti vamwe vakanga vachitevera vanhu. Mhaka inokatyamadza youtere yakanga yamuka. Vamwe vakanga vari kugara mumhuri dzakakamukana mune zvorudzidziso. Vanofanira kuramba vaine vakwanyina vavo vasingatendi kana kuti kuparadzana here? Uye zvakadiniko nokudya nyama yakabayirwa kuzvidhori? Vanofanira kuidya here? VaKorinte vaida zano pamusoro pokuitiswa kwemisangano yavo, kubatanidza kuchengetwa kweChirairo chaShe. Ndeipi inofanira kuva nzvimbo yavakadzi muungano? Ipapowo kwakanga kune pakati pavo avo vairamba rumuko. Zvinetso zvakanga zvakawanda. Kunyange zvazvo zvakadaro, muapostora akanga achifarira zvikurukuru kuparira dzorerwo yomudzimu yavaKorinte.
7. Tinofanira kurangarira VaKorinte Wokutanga nechimiroi chendangariro, uye neiko?
7 Nemhaka yokuti mamirire ezvinhu mukati meungano nemhoteredzo kunze muKorinte yakare, nokubudirira kwayo nounzenza, zvine wirirano dzazvino uno, zano rakaisvonaka raPauro rakanyorwa mufuridziro youmwari rinoda ngwariro yedu. Izvo Pauro akataura zvakazara kwazvo nerevo nokuda kwezuva redu timene zvokuti kurangarirwa kwokufungisisa kwetsamba yake yokutanga kuhama dzake nehanzvadzi dzinodiwa dzeKorinte kuchabvumikisa kuva kunobetsera zvirokwazvo. Yeuka zvino mudzimu wenguva yacho nenzvimbo. Nyatsofungisisa, sezvinofanira kuve zvakaita vaKristu veKorinte, apo tinenge tichihwirudzura mashoko akafuridzirwa okunzwisisa, anonyandura, aPauro kuvatendi biyake muKorinte yekare.
ZVIRI MUBHUKU RAVAKORINTE ROKUTANGA
8. (a) Pauro anoratidzira sei ufuza hwokuva nemasekete muungano? (b) Pauro anoratidza kuti chii chiri madikanwa kuti tinzwisise zvinhu zvaMwari?
8 Pauro anofumura kuva nemasekete, anokurudzira chinzwano (1:1–4:21). Pauro ane zvishuvo zvakanaka nokuda kwavaKorinte. Asi zvakadiniko namapoka, magakava, zviri pakati pavo? “Kristu wakaparadzaniswa.” (1:13) Muapostora anoonga kuti akabhapatidza vashomanene kwazvo vavo, naizvozvo havagoni kuti vakabhapatidzwa muzita rake. Pauro anoparidza Kristu akarovererwa. Ichi chigumbuso kuvaJudha noufuza kumarudzi. Asi Mwari akasarudza zvinhu zvoufuza nezvisina simba zvenyika kuti anyadzise vakachenjera navakasimba. Naizvozvo Pauro haashandisi kutaura kusina mwero asi anoita kuti hama dzione mudzimu nesimba zvaMwari kupfurikidza namashoko ake, kuti kutenda kwavo kugorega kuva muuchenjeri hwavanhu asi musimba raMwari. Tinotaura zvinhu zvakaziviswa nomudzimu waMwari, Pauro anodaro, “nokuti [mudzimu, NW] unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.” Izvozvi hazvigoni kunzwisiswa nomunhu wenyama asi bedzi nomunhu womudzimu.—2:10.
9. Pauro anoratidza kuti hapana munhu anofanira kuganza navanhu kupfurikidza nechibvumikisoi?
9 Vari kutevera vanhu—vamwe Aporo, vamwe Pauro. Asi ivava ndivanaani? Vashumiri bedzi avo vaKorinte vakava vatendi kupfurikidza navo. Avo vanosima nokudiridza havasi chinhu chipi nechipi, nokuti “Mwari wakameresa,” uye ivo “vabati pamwe chete” vake. Muedzo womwoto uchabvumikisa kuti mabasa aani anogarisa. Pauro anovaudza kuti, “muri tembere yaMwari,” umo mudzimu Wake unogara. “Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.” Nokudaro, ngakurege kuva nomunhu anoganza navanhu, nokuti zvirokwazvo zvinhu zvose ndezvaMwari.—3:6, 9, 16, 19.
10. Neiko kuganza kwavaKorinte kusina kufanira, uye inhanoi idzo Pauro ari kuita kuti agadzirise mamirire ezvinhu?
10 Pauro naAporo vatariri vanozvininipisa vezvakavanzika zvinoyera zvaMwari, uye vatariri vanofanira kuwanwa vakatendeka. Hama dziri paKorinte ndivanaani kuti dziganze, uye chii chadzinacho chadzisina kugamuchira? Dzapfuma, dzavamba kutonga samadzimambo, uye dzava dzakachenjera kwazvo nedzakasimba, nepo vaapostora, avo vazova chinhu chinoshamisa kuvose vari vaviri ngirozi nokuvanhu, vachiri mafuza navasina simba, marara ezvinhu zvose here? Pauro ari kutuma Timotio kuti avabetsere kuyeuka mitoo yake pamusoro paKristu ndokuva vatevedzeri vake. Kana Jehovha achida, Pauro amene achauya nokukurumidza ndokusvika pakuziva, kwete chete kutaura kwaavo vanozvikudza, asi simba ravo.
11. Unzenzai hwakamuka pakati pavo, chii chinofanira kuitwa pamusoro pahwo, uye neiko?
11 Pamusoro pokuchengeta ungano yakachena (5:1–6:20). Mhaka inokatyamadza younzenza yakashumwa pakati pavaKorinte! Mumwe murume akatora mudzimai wababa vake. Anofanira kugamuchidzwa kuna Satani nemhaka yokuti mbiriso shoma inovirisa bundu rose. Vanofanira kurega kuvhengana muboka nomunhu upi noupi anonzi hama uyo ari akaipa.
12. (a) Pauro anotaurei pamusoro pokuendesana kudare? (b) Neiko Pauro achitaura kuti, “Tizai upombwe”?
12 Chokwadi, vaKorinte vave vachiendesana kudare! Kwaisazova kuri nani here kuzvirega vamene vachikorovherwa? Sezvo vachizotonga nyika nengirozi, havagoni kuwana mumwe munhu pakati pavo kuti atonge pakati pehama here? Kupfuura izvozvo, vanofanira kuva vakachena, nokuti zvifeve, vanonamata zvidhori, uye vakafanana havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari. Izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita vamwe vavo, asi vakashambidzwa ndokuchena ndokutsveneswa. “Tizai upombwe,” anodaro Pauro. “Nokuti makatengwa nomutengo; naizvozvo kudzai Mwari mumuviri wenyu.”—6:18, 20.
13. (a) Neiko Pauro achipa zano vamwe kuti varoore kana kuti kuroorwa? Asi kana vangoroora kana kuti kuroorwa bedzi, vanofanira kuitei? (b) Munhu asina kuroora kana kuti kuroorwa anoita sei “zvinopfuura nokunaka”?
13 Zano pamusoro pokusaroora kana kuti kusaroorwa neroorano (7:1-40). Pauro anopindura mubvunzo pamusoro peroorano. Nemhaka yokupararira kwoufeve, kungava kwakafanira kuti murume aroore kana kuti mukadzi aroorwe, uye avo vakaroorana havafaniri kunyimana zvakafanira zveroorano. Kwakanaka kuti vasina kuroora kana kuti kuroorwa nechirikadzi vagare vari vasina kuroora kana kuti kuroorwa, kufanana naPauro; asi kana vasingazvidzori, ngavaroore kana kuti kuroorwa. Kana vangoroora kana kuti kuroorwa bedzi, vanofanira kuramba vari pamwe chete. Kunyange kana mukwanyina womumwe ari asingatendi, mutendi haafaniri kuenda, nokuti nenzira iyoyo mutendi angaponesa mukwanyina asingatendi. Pamusoro pokudzingiswa nouranda, mumwe nomumwe ngaagutswe nokuramba ari mumugariro waakadanirwa mauri. Pamusoro pomunhu akaroora kana kuti kuroorwa, iye akakamurwa nemhaka yokuti anoda kuwana tendero yomukwanyina wake, nepo munhu asina kuroora kana kuti kuroorwa anofunganya bedzi zvinhu zvaShe. Avo vanoroora kana kuti kuroorwa havatadzi, asi avo vasingaroori kana kuti vasingaroorwi “[va]noita zvinopfuura nokunaka.”—7:38.
14. Pauro anotaurei pamusoro pa“vamwari” na“madzishe,” bva ndirini apo kuri nani kurega zvokudya zvakapirwa kuzvidhori?
14 Kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka (8:1–9:27). Zvakadiniko nezvokudya zvakabayirwa kuzvidhori? Chidhori hachizi chinhu! Kune “vamwari” vakawanda na“madzishe” munyika, asi nokuda kwomuKristu kunongova na“Mwari mumwe bedzi, ndivo Baba” na“Ishe mumwe, Jesu Kristu.” (8:5, 6) Bva mumwe munhu angagumburwa kana akakucherekedza uchidya nyama yakabayirwa kuchidhori. Muaya mamirire ezvinhu, Pauro anopa zano kuti, uzvirege kuti usagumbusa hama yako.
15. Pauro anozvibata amene sei muushumiri?
15 Pauro anozvinyima amene zvinhu zvakawanda nokuda kwoushumiri. Somuapostora, iye ane kodzero yokuti “ararame neEvhangeri,” asi akarega kuita saizvozvo. Zvisinei, musengwa wakaiswa paari kuti aparidze; kutaura idi, iye anoti: “Ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.” Naizvozvo akazviita amene muranda kuna vose, achiva “zvose kuvanhu vose” kuti a“ponese vamwe,” achiita zvinhu zvose “nokuda kweEvhangeri.” Kuti akunde makwikwi nokuwana korona isingaori, iye anorwadzisa muviri wake kuti pashure pokuparidza kuvamwe, iye amene a“rege kuva wakarashwa.”—9:14, 16, 19, 22, 23, 27.
16. (a) VaKristu vanofanira kuwana nyeveroi ku“madzibaba”? (b) Pamusoro pokunamata zvidhori, vaKristu vangaita sei zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari?
16 Nyevero pamusoro pezvinhu zvinokuvadza (10:1-33). Zvakadiniko na“madzibaba”? Iwaya akanga ari pasi pegore uye akabhapatidzwa muna Mosesi. Vakawanda zvikurusa vavo havana kuwana tendero yaMwari asi vakaparadzwa murenje. Neiko? Vaishuva zvinhu zvinokuvadza. VaKristu vanofanira kuwana nyevero muna ikoku ndokurega kunamata zvidhori noufeve, kuedza Jehovha, uye kunyunyuta. Uyo anofunga kuti akamira anofanira kungwarira kuti arege kuwa. Muedzo uchauya, asi Mwari haasati achizorega vabatiri vake vachiedzwa kupfuura zvavanogona kutsungirira; iye achagovera nzira yokubuda nayo kuti vagone kuutsungirira. “Naizvozvo,” anonyora kudaro Pauro, “tizai kunamata zvifananidzo.” (10:1, 14) Hatigoni kuva vanodyira patafura yaJehovha napatafura yamadhemoni. Zvisinei, kana uchidya mumumwe musha, usabvunza pamusoro pokwakabva nyama yacho. Kana mumwe munhu akakuzivisa kuti yakabayirwa kuzvidhori, zvisinei, rega kudya nemhaka yehana yomunhu iyeyo. “Itai zvose kuti Mwari akudzwe,” anonyora kudaro Pauro.—10:31.
17. (a) Pauro anoratidza nheyoi ine chokuita noumusoro? (b) Anobatanidza sei nhau yokukamukana muungano nekurukurirano yeChirairo chaShe?
17 Umusoro; Chirairo chaShe (11:1-34). “Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu,” anozivisa kudaro Pauro, uye ipapo anopfuurira kuratidza nheyo youmwari youmusoro: Musoro womukadzi murume, musoro womurume ndiKristu, musoro waKristu ndiMwari. Naizvozvo, mukadzi anofanira kuva ne“chiratidzo chesimba” pamusoro wake apo anonyengetera kana kuti anoporofita muungano. Pauro haagoni kurumbidza vaKorinte, nokuti mapoka aripo pakati pavo apo vanoungana pamwe chete. Muaya mamirire ezvinhu, vanogona sei kudya Chirairo chaShe nenzira yakafanira? Iye anohwirudzura zvakaitika apo Jesu akatanga Chirangaridzo chorufu rwake. Mumwe nomumwe anofanira kuzvinzvera amene asati adya, kutyira kuti anounza rutongeso paari amene nokuda kwokukundikana kunzwisisa “muviri.”—11:1, 10, 29.
18. (a) Nepo kune mhatsa dzezvipo noushumiri, neiko kusingafaniri kuva nokukamukana mumuviri? (b) Neiko rudo rwakatanhamara?
18 Zvipo zvomudzimu; rudo nokurondwa kwarwo (12:1–14:40). Kune mhatsa dzezvipo zvomudzimu, bva mudzimu mumwe chetewo; mhatsa dzoushumiri namabasa, bva Ishe mumwe cheteyo naMwari mumwe cheteyo. Nenzira yakafanana kune mitezo yakawanda mumuviri mumwe wakabatana waKristu, mutezo mumwe nomumwe uchida mumwe, somumuviri womunhu. Mwari akaisa mutezo uri wose uri mumuviri seizvo Iye anoda, uye mumwe nomumwe une basa rawo rokuita, naizvozvo “pamuviri parege kuva nokupesana.” (12:25) Vashandisi vezvipo zvomudzimu havasati vari chinhu vasina rudo. Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa, haruna godo, harutsamwi. Runofarira bedzi zvokwadi. “Rudo harutongoperi.” (13:8) Zvipo zvomudzimu, zvakadai sokuporofita uye ndimi, zvichabviswa, asi kutenda, tariro, uye rudo zvinogara. Pana izvozvi, chikurusa ndirwo rudo.
19. Pauro anopa zanoi nokuda kwokuvaka ungano uye nokuda kwokurongwa kune nhevedzano kwezvinhu?
19 “Teverai rudo,” Pauro anorayira kudaro. Zvipo zvomudzimu zvinofanira kushandiswa murudo nokuda kwokuvakwa kweungano. Nokuda kwechikonzero ichochi, kuporofita kunofanira kudikanwa kupfuura kutaura nendimi. Angasva hake ataura mashoko mashanu nenzwisiso kuti adzidzise vamwe kupfuura zviuru gumi mumutauro usingazivikanwi. Ndimi dziri nokuda kwechiratidzo kuvasingatendi, asi kuporofita kuri nokuda kwevatendi. Havafaniri kuva “vana” mukunzwisisa kwavo idzi nhau. Kana vari vakadzi, vanofanira kuzviisa pasi muungano. “Zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirayiro yazvo.”—14:1, 20, 40.
20. (a) Pauro anopa ufakazii pamusoro porumuko rwaKristu? (b) Ndeipi iri nhevedzano yorumuko, uye vavengii vachaparadzwa?
20 Uchokwadi hwetariro yorumuko (15:1–16:24). Kristu akamutswa akaoneka kuna Kefasi, kuvane 12, kuhama dzinopfuura 500 panguva imwe chete, kuna Jakobho, kuvaapostora vose, uye wokupedzisira wavose kuna Pauro. ‘Kana Kristu asina kumutswa,’ anonyora kudaro Pauro, ‘kuparidza kwedu nokutenda hazvina maturo.’ (15:14) Mumwe nomumwe anomutswa munhevedzano yake amene, Kristu chibereko chokutanga, ipapo pashure pacho avo vari vake mukati mokuvapo kwake. Pakupedzisira anogamuchidza Umambo kuna Baba vake pashure pokunge vavengi vose vaiswa pasi petsoka dzake. Kunyange rufu, muvengi wokupedzisira, ruchaparadzwa. Zvinobetsereiko kuti Pauro atarisane nengozi dzorufu nguva dzose kana kusina rumuko?
21. (a) Avo vachagara nhaka Umambo hwaMwari vanomutswa seiko? (b) Pauro anozivisa chakavanzikai chinoyera, uye chii chaanotaura pamusoro pokukunda rufu?
21 Asi vakafa vachamutswa seiko? Kuti muviri wemuti ukure, mbeu inodyarwa inofanira kufa. Zvakafanana norumuko rwavakafa. “Unodzvarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. . . . Nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari.” (15:44, 50) Pauro anotaura chakavanzika chinoyera: Havasati vari vose vachavata murufu, asi mukati mehwamanda yokupedzisira, vachachinjwa mukubwaira kweziso. Apo ichi chinofa chinopfeka kusafa, rufu ruchamedzwa nokusingaperi. “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” Nomwoyo wose Pauro anokuwa, kuti: “Mwari ngaaongwe, uyo unotipa kukunda naShe wedu, Jesu Kristu.”—15:55, 57.
22. Izanoi rokupedzisa nekurudziro izvo Pauro anopa?
22 Mumhedziso Pauro anopa zano pamusoro pokuva nenhevedzano mukuunganidza mipiro yokutumira kuJerusarema kuti iyamure hama dzinoshayiwa. Iye anotaura nezveshanyo yake inouya achipfuura nekuMakedhonia uye anoratidzira kuti Timotio naAporo vangashanyawo. “Rindai,” Pauro anorayira kudaro. “Mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.” (16:13, 14) Pauro anotumira kwaziso dzakabva kuungano dziri muAsia, uye ipapo anonyora kwaziso yokupedzisira noruoko rwake amene, achitumira rudo rwake.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
23. (a) Pauro anoenzanisira sei migumisiro ine ngwavaira yechishuvo chakaipa nokuzvivimba? (b) Pauro anonongedzera kuchiremerai mukupa zano pamusoro peChirairo chaShe nezvokudya zvakafanira?
23 Iyi tsamba yomuapostora Pauro inobetsera zvikurusa mukukudza kunzwisisa kwedu Magwaro echiHebheru, mainoita kunokora mashoko kwakawanda. Muganhuro rechigumi, Pauro anoonesa kuti vaIsraeri vachitungamirirwa naMosesi vakanwa paruware rwomudzimu, urwo rwaireva Kristu. (1 VaK. 10:4; Num. 20:11) Ipapo anopfuurira kunongedzera kumigumisiro ine ngwavaira yokushuva zvinhu zvinokuvadza, sezvakaenzanisirwa navaIsraeri vachitungamirirwa naMosesi, uye anowedzera, kuti: “Zvino, izvi zvakavawira, kuti vave zviratidzo; zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, tasvikirwa nokuguma kwenyika.” Ngatisatongove vanozvivimba, tichifunga kuti hatigoni kuwa! (1 VaK. 10:11, 12; Num. 14:2; 21:5; 25:9) Zvakare, anotora muenzaniso muMutemo. Anonongedzera kuzvibayiro zvokuyanana muna Israeri kuratidza kuti vadyi veChirairo chaShe vanofanira kudya sei nenzira yakafanira patafura yaJehovha. Ipapo, kuti atsigire chibvumikiso chake chokuti kwakafanira kudya chinhu chiri chose chinotengeswa panotengeswa nyama, iye anonokora mashoko Pisarema 24:1, achiti: “Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo.”—1 VaK. 10:18, 21, 26; Eks. 32:6; Revh. 7:11-15.
24. Pauro anoita dzimwe nongedzeroi kuMagwaro echiHebheru mukutsigira zvibvumikiso zvake?
24 Mukuratidza ukuru hwe“zvinhu izvo Mwari akagadzirira avo vanomuda” uye kusava namaturo kwe“ndangariro dzavakachenjera” venyika ino, Pauro zvakare anoshandisa Magwaro echiHebheru. (1 VaK. 2:9, NW; 3:20; Isa. 64:4; Pis. 94:11) Sechiremera chemirayiridzo yake iri muganhuro 5 pamusoro pokudzinga mutadzi, iye anonokora mashoko mutemo waJehovha woku‘bvisa chakashata pakati penyu.’ (Dheut. 17:7) Mukukurukura kodzero yake yokurarama kupfurikidza noushumiri, Pauro zvakare anonongedzera kuMutemo waMosesi, uyo waitaura kuti mhuka dzinoshanda hadzifaniri kusungwa muromo kudzivisa kudya kwadzo uye kuti vaRevhi mubasa repatembere vaifanira kugamuchira chikamu chavo paatari.—1 VaK. 9:8-14; Dheut. 25:4; 18:1.
25. Ndeapi ari mamwe amapfundo akatanhamara omurayiridzo unobetsera ari mubhuku raVaKorinte Wokutanga?
25 Ibetsero dzakadini dzomurayiridzo wakafuridzirwa dzatagamuchira mutsamba yokutanga yaPauro kuvaKristu veKorinte! Fungisisa pamusoro pezano rinopiwa pamusoro pamapoka nokutevera vanhu. (Maganhuro 1-4) Yeuka mhaka younzenza uye kuti Pauro akasimbisa sei kudikanwa kworunako norucheno mukati meungano. (Maganhuro 5, 6) Rangarira zano rake rakafuridzirwa rine chokuita nokuva asina kuroora kana kuti asina kuroorwa, roorano, uye kuparadzana. (Ganhuro 7) Funga nezvekukurukura kwomuapostora wacho nezvezvokudya zvinopiwa kuzvidhori pamwe chete nokuti kudikanwa kwokudzivisa kugumbura vamwe nokuwira mukunamata zvidhori kwakatanhamariswa nesimba kwazvo sei. (Maganhuro 8-10) Zano pamusoro pokuzviisa pasi kwakafanira, kurangarirwa kwezvipo zvomudzimu, kurukurirano iya inoshanda zvikurusa pamusoro pokuisvonaka kwevara rinogarisa, risingaperi rorudo—zvinhu izvozviwo zvakahwirudzurwa. Uye muapostora akasanosimbisa sei kudikanwa kwokuva nenhevedzano mumisangano yechiKristu! (Maganhuro 11-14) Kudzivirirwa kunoshamisa zvakadini kworumuko kwaakanyora achifuridzirwa! (Ganhuro 15) Zvose izvozvi nezvimwe zvakava muchiono—uye zvinokosha kwazvo kuvaKristu muzuva redu!
26. (a) Kristu akamutswa anoita basai rakafanotaurwa kare kare apo anotonga saMambo? (b) Pahwaro hwetariro yorumuko, ikurudziroi ine simba iyo Pauro anopa?
26 Iyi tsamba inowedzera zvikuru kukunzwisisa kwedu musoro une mbiri weBhaibheri woUmambo hwaMwari. Inopa nyevero yakakomba yokuti vanhu vasina kururama havasati vachizopinda muUmambo, uye inoronga dzakawanda dzetsika dzakashata dzaizoita kuti munhu asakwanirise. (1 VaK. 6:9, 10) Asi chinokosha zvikurusa, inotsanangura kuwirirana kuri pakati porumuko noUmambo hwaMwari. Inoratidza kuti Kristu, “chibereko chokutanga” chorumuko, anofanira “kubata ushe, kusvikira [Mwari] aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake.” Ipapo, apo anenge aparadza vavengi vose, kubatanidza rufu, “achazopa Mwari, Baba, ushe, . . . kuti Mwari ave zvose kuna vose.” Pakupedzisira, mukuzadzikwa kwechipikirwa choUmambo chakaitwa muEdheni, kupwanyiwa chose kwomusoro weNyoka kunoitwa naKristu, pamwe chete nehama Dzake dzomudzimu dzakamutswa. Zvirokwazvo, kariro yorumuko yaavo vachagoverana kusaora naKristu Jesu muUmambo hwokudenga yakaisvonaka. Pauro anorayira pahwaro hwetariro yorumuko, kuti: “Saka, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.”—1 VaK. 15:20-28, 58; Gen. 3:15; VaR. 16:20.
[Mashoko Omuzasi]
a Halley’s Bible Handbook, 1988, H. H. Halley, peji 593.
b Dictionary of the Bible raSmith, 1863, Vhor. 1, mapeji 353.
c The Interpreter’s Bible, Vhor. 10, 1953, peji 13.
d The Interpreter’s Bible, Vhor. 9, 1954, peji 356.