CHITSAUKO 19
“Ramba Uchitaura Uye Usaramba Wakanyarara”
Pauro anoshanda kuti awane cheuviri uku achiisa ushumiri hwake pekutanga
1-3. Muapostora Pauro avingei kuKorinde, uye anosangana nematambudziko api?
GORE ra50 C.E. rava kunopera. Muapostora Pauro ari muKorinde, guta rakapfuma panyaya dzekutengeserana, rine vanhu vakawanda vechiGiriki, vaRoma, nevaJudha.a Pauro haana kuuya kuno kuzotenga kana kutengesa zvinhu, kana kuti kuzotsvaga basa. Akauya kuzoita basa rinokosha rekupupura pamusoro peUmambo hwaMwari. Kunyange zvakadaro, Pauro anodawo pekugara, uye haasi kuda kuremedza vamwe panyaya dzemari. Haasi kuda kuti vamwe vafunge kuti ari kushandisa shoko raMwari kuti awane mari. Saka achaita sei?
2 Pauro ane basa raanoziva, rekugadzira matende. Iri harisi basa riri nyore, asi iye chaari kuda kushanda nemaoko ake kuti awane cheuviri. Achawana basa here muguta iri rine vanhu vanongogara vachimhanya mhanya kutsvaga mari? Achawana pekugara pakakodzera here? Kunyange zvazvo ari kufanira kugadzirisa nyaya idzi, Pauro haabvisi pfungwa dzake pabasa rake rinokosha, ushumiri.
3 Pauro akatozogara muKorinde kwenguva refu, uye ushumiri hwake hwakatova nezvibereko zvakawanda. Tingadzidzei pane zvakaitwa naPauro muKorinde zvingatibatsira kupa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari mundima yedu?
“Vaiita Basa Rekugadzira Matende” (Mabasa 18:1-4)
4, 5. (a) Pauro aigara kupi paaiva muKorinde, uye aiita basa rei kuti awane cheuviri? (b) Pauro angave akadzidzira sei kugadzira matende?
4 Paakasvika kuKorinde, Pauro akazosangana neimwe mhuri yaiva nerudo zvikuru yaAkwira murume wechiJudha nemudzimai wake, Prisira, kana kuti Priska. Mhuri yacho yakatamira kuKorinde nekuti Mambo Kraudhiyo “akanga ataura kuti vaJudha vese vabve muRoma.” (Mab. 18:1, 2) Akwira naPrisira vakaita kuti Pauro agare navo uye ashande navo pabhizimisi ravaiita. Bhaibheri rinoti: “Sezvo vaishanda mabasa akafanana, akagara pamba pavo vachishanda vese, nekuti vaiita basa rekugadzira matende.” (Mab. 18:3) Kumba kwemhuri iyi yaiva nerudo ndiko kwakaramba kuchigarwa naPauro paaiita ushumiri hwake muKorinde. Pauro angangodaro akanyora dzimwe tsamba dziri muBhaibheri paaigara naAkwira naPrisira.b
5 Ko Pauro murume akadzidza “patsoka dzaGamarieri,” akadzidza sei basa rekugadzira matende? (Mab. 22:3) Kunenge kuti vaJudha vepanguva iyoyo vakanga vasingaoni zvichishoreka kuti vana vawane rimwe basa remaoko ravanodzidza kunyange zvazvo vaizowana imwe dzidzo yekuwedzera. Sezvo aibva kuTaso muKirikiya, nzvimbo yaizivikanwa nekugadzira jira rinonzi cilicium raigadziriswa matende, Pauro anogona kunge akadzidza basa iri achiri mudiki. Tende raigadzirwa sei? Basa racho raigona kusanganisira kugadzira jira racho rakaomarara, kuricheka kana kurisona kuti rive tende. Basa racho rakanga rakaoma.
6, 7. (a) Pauro aiona sei basa rekugadzira matende, uye chii chinoratidza kuti ndiwo maonero aiitawo Akwira naPrisira? (b) Vakristu mazuva ano vanotevedzera sei Pauro, Akwira naPrisira?
6 Pauro akanga asingatori basa rekugadzira matende sekunge ndiro raaitoraramira. Aiita basa iri kuti angokwanisa kuita ushumiri hwake “pasina mutengo,” waaibhadharisa vaanoparidzira. (2 VaK. 11:7) Ko Akwira naPrisira vaionawo sei basa ravo? Sezvo vaiva vaKristu, vairiona semaonerwo araiitwa naPauro. Pakabva Pauro kuKorinde muna 52 C.E., Akwira naPrisira vakatobatanawo naye vakananga kuEfeso, uye pamba pavo ikoko pakatozoshandiswa kuitira misangano neungano. (1 VaK. 16:19) Pave paya, vakadzokera kuRoma, ndokuzodzokerazve kuEfeso. Mhuri iyi yaiisa Umambo pakutanga uye yakanga yakagadzirira kubatsira vamwe, zvekuti “ungano dzese dzemamwe marudzi” dzaitenda zvavaidziitira.—VaR. 16:3-5; 2 Tim. 4:19.
7 VaKristu vemazuva ano vanotevedzerawo zvaiitwa naPauro, Akwira naPrisira. Vashumiri vanoshingaira vanoshanda nesimba ‘kuti varegedze kuremedza vamwe.’ (1 VaT. 2:9) Zvinofadza kuti vazivisi veUmambo vakawanda venguva yakazara vanotsvaga mabasa ekupota vachiita kuti vazvitsigire pavanenge vachiita basa ravo guru, ushumiri hwechiKristu. Vashumiri vakawanda vane rudo vanotevedzera Akwira naPrisira nekugamuchira vatariri vematunhu mudzimba dzavo. Vaya ‘vanogara vachigamuchira vaenzi zvakanaka’ vanoziva kuti zvinovapa mukana wekukurudzirana nekuvakana nevamwe.—VaR. 12:13.
“VaKorinde Vakawanda . . . Vakatanga Kutenda” (Mabasa 18:5-8)
8, 9. Pauro akaita sei paakapikiswa nevaJudha, uye akazoenda kunoparidzira ari kupi?
8 Pauro akazoratidza kuti basa rekugadzira matende handiro rake chairo pakasvika Sirasi naTimoti nezvipo vachibva kuMakedhoniya. (2 VaK. 11:9) “Pauro akabva anyura mubasa rekuparidza shoko.” (Mab. 18:5) Asi akabva angotanga kupikiswa nevaJudha. Pauro akazunza guruva pazvipfeko zvake achiratidza vaJudha ava vaimupikisa kuti yakanga isiri mhosva yake kuramba kwavaiita kugamuchira mashoko aizovaponesa pamusoro paKristu, ndokuvaudza kuti: “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu. Ini ndakachena. Kubva iye zvino ndichaenda kuvanhu vemamwe marudzi.”—Mab. 18:6; Ezek. 3:18, 19.
9 Saka Pauro aizoparidzira kupi? Mumwe murume ainzi Titiyo Justo, uyo anofanira kunge aiva munhu akatendeukira kuchiJudha, akagamuchira Pauro mumba make. Imba yemurume uyu yakanga yakabatana nesinagogi, saka Pauro akabva pasinagogi akanopinda mumba maJusto. (Mab. 18:7) Pauro akaramba achigara mumba maAkwira naPrisira paaiva muKorinde, asi aishandisa imba yaJusto pabasa rake rekuparidza.
10. Chii chinoratidza kuti Pauro akanga asingarevi kuti aizoparidzira vanhu vemamwe marudzi chete?
10 Mashoko aPauro ekuti kubvira ipapo aizoenda kuvanhu vemamwe marudzi aireva here kuti akanga asisaparidzire vaJudha vese nevamwe vakanga vakatendeukira kuchiJudha, kunyange vaya vaida havo kuteerera? Handizvo zvaaireva. “Krispo, mukuru aitungamirira sinagogi, akatenda munaShe, pamwe neimba yake yese.” Zvinoita sekuti vamwe vaiva musinagogi irori vakazobatanawo naKrispo, nekuti Bhaibheri rinoti: “VaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mab. 18:8) Saka imba yaTitiyo Justo ndiyo yakazotanga kusanganira ungano yeKorinde yakanga ichangotangwa. Kana zviitiko izvi zviri muna Mabasa zvakanyorwa zvichitevedzana sezvaiwanzoitwa naRuka, zvinoreva kuti vaJudha nevaya vakanga vakatendeukira kuchiJudha vakava vaKristu pashure pekunge Pauro azunza guruva pazvipfeko zvake. Izvi zvinonyatsoratidza kuti Pauro aiva munhu akanga akagadzirira kuchinja kuitira mamiriro ezvinhu anenge avapo.
11. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera sei Pauro mazuva ano pazvinoparidzira vaya vari mumachechi anozviti ndeechiKristu?
11 Munyika dzakawanda, machechi anozviti ndeechiKristu akadzika midzi uye ane simba risingaiti pavateveri vawo. Mune dzimwe nyika nezvitsuwa, mamishinari avo akatendeutsa vanhu vakawanda. Vanhu vemachechi aya anozviti ndeechiKristu vanowanzonyura mutsika dzavakangowana dzichiitwa mumachechi iwayo, sezvaiita vaJudha vaiva muKorinde. Saka isu Zvapupu zvaJehovha tinoparidzira vanhu vakadaro sezvaiitwa naPauro, tichishandisa karuzivo kavangave vainako keMagwaro. Kunyange kana vakatipikisa kana kuti vatungamiriri vavo vakatitambudza, hatiori mwoyo. Kune vanhu “vanoshingaira kushumira Mwari, asi havazviiti vachinyatsomuziva zvakarurama.” Pakati pevanhu vakadaro panogona kutova nevamwe vanyoro vatinofanira kutsvaga tovawana.—VaR. 10:2.
“Ndine Vanhu Vakawanda Muguta Rino” (Mabasa 18:9-17)
12. Pauro akavimbiswa chii muchiratidzo?
12 Kana Pauro aisava nechokwadi kuti oramba achipupurira muKorinde here, pfungwa iyoyo inofanira kunge yakapera paakaona Ishe Jesu achizviratidza kwaari usiku, ndokumuudza kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe uye hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” (Mab. 18:9, 10) Chiratidzo ichi chinofanira kunge chakamukurudzira zvikuru! Ishe pachake akavimbisa Pauro kuti hapana zvaaizoitwa uye kuti muguta racho makanga muchiine vakawanda vakakodzera. Pauro akaita sei nezvaakaratidzwa? Nyaya yacho inoti: “Saka akagara imomo kwegore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.”—Mab. 18:11.
13. Pauro angangodaro aifunga nezvechiitiko chipi paaisvika pedyo nechigaro chekutonga chebeʹma, asi nei akanga asingafaniri kutya?
13 Pashure pegore ari muKorinde, pane zvakaitika zvakaratidza Pauro kuti Ishe aive naye. “VaJudha vakabatana pakurwisa Pauro, vakamuendesa kuchigaro chekutonga,” chinonzi beʹma. (Mab. 18:12) Vamwe vanofunga kuti beʹma chaiva chikuva chakakwirira chakagadzirwa nematombo anokosha, chinofungidzirwa kuti chaiva nechepakati pemusika weKorinde. Pamberi pebeʹma paiva nenzvimbo yakakura yaigona kuungana vanhu. Zvakawanikwa nevamwe vanochera matongo zvinoratidza kuti chigaro chemutongi chinofanira kunge chaiva pedyo nesinagogi, izvo zvinoreva kuti chaiva pedyo neimba yaJusto. Pauro paaisvika pedyo nebeʹma angangodaro akatanga kufunga nezvekutemwa nematombo kwakaitwa Stefani, uyo anowanzonzi ndiye muKristu wekutanga kuurayirwa kutenda. Pauro, uyo aizivikanwa saSauro panguva iyoyo, “aivapowo achibvumirana nekupondwa kwake.” (Mab. 8:1) Ndizvo zvava kuda kuitikawo kwaari iye here? Kwete. Nekuti akavimbiswa kuti: “Hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze.”—Mab. 18:10.
14, 15. (a) VaJudha vakapomera Pauro mhosva yei, uye nei Gariyo akaramba kuitonga? (b) Sositenesi akaitwa sei, uye izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti aite sei?
14 Chii chakaitika pakasvika Pauro pamberi pechigaro chemutongi? Mutongi akanga akagara ipapo ndiye aiva gavhuna weruwa rweAkaya; ainzi Gariyo, mukoma waSeneca wekuRoma. VaJudha vakapomera Pauro vachiti: “Murume uyu ari kufurira vanhu kuti vanamate Mwari zvinopesana nemutemo.” (Mab. 18:13) VaJudha vaireva kuti Pauro akanga achitendeutsa vanhu zvisiri pamutemo. Asi Gariyo akaona kuti pakanga pasina “chinhu chakanganiswa” naPauro uye kuti hapana “mhosva yakakura yaparwa.” (Mab. 18:14) Gariyo akanga asingadi kupindira munharo dzaiitiranwa nevaJudha. Akatoramba kutonga nyaya yacho Pauro asati atomboti bufu! Izvi zvakagumbura vaimupomera vacho. Vakabva vapedzera shungu dzavo pana Sositenesi, uyo anofanira kunge ari iye akatsiva Krispo mutungamiriri wesinagogi. Vakabata Sositenesi “vakatanga kumurova vari pamberi pechigaro chekutonga.”—Mab. 18:17.
15 Gariyo akavasiyirei vachirova Sositenesi asingavarambidzi? Pamwe akafunga kuti Sositenesi ndiye aitungamirira mhomho yakanga ichipomera Pauro, saka zvakanga zvamupindukira. Kunyange kana asiri iye akanga atungamirira mhomho iyi, zvakaitika zvakazoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. Mutsamba yake yekutanga yaakanyorera ungano yeKorinde papfuura makore anoverengeka, Pauro akanyora nezveimwe hama yainzi Sositenesi. (1 VaK. 1:1, 2) Kuti angave ndiye Sositenesi uya wekurohwa here? Kana ari iye, chiitiko ichi chinofanira kunge chakaita kuti azova muKristu.
16. Mashoko aIshe ekuti, “ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe,” anofanira kuita kuti tiite sei ushumiri hwedu?
16 Yeuka kuti vaJudha pavakaramba zvavaiudzwa naPauro ndipo paakazoudzwa naIshe Jesu kuti: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, nekuti ndinewe.” (Mab. 18:9, 10) Tinofanira kuramba tichiyeuka mashoko iwayo, kunyanya shoko redu parinorambwa. Usambokanganwa kuti Jehovha anoona zviri mumwoyo uye ndiye ari kukwevera kwaari vanhu vane mwoyo yakatendeseka. (1 Sam. 16:7; Joh. 6:44) Izvi zvinotikurudzira kuti tirambe tichishingaira muushumiri! Gore negore mazana ezviuru anobhabhatidzwa, mazana nemazana pazuva. Jesu anovimbisa vanhu vari kuteerera murayiro wekuita “kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi,” kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:19, 20.
“Kana Jehovha Achida” (Mabasa 18:18-22)
17, 18. Pauro angangodaro aifunga nezvei paaienda kuEfeso nechikepe?
17 Hatizivi kuti mabatiro akaita Gariyo nyaya yaPauro nevanhu vaimupomera akaita kuti ungano yechiKristu yakanga ichangotangwa muKorinde imbova nerugare here. Asi “pashure pemazuva akawanda,” Pauro akazooneka hama dzake dzekuKorinde. Nechepakati pegore ra52 C.E., akaronga kuenda nechikepe kuSiriya achibva pachiteshi cheKenkreya, makiromita anenge 11 kumabvazuva kweKorinde. Asi asati asimuka kuKenkreya, akaita kuti “bvudzi rake ridimburirwe” nekuti akanga aita mhiko.c (Mab. 18:18) Akabva atora Akwira naPrisira ndokuyambuka Gungwa reAegean nechikepe vachienda kuEfeso muAsia Minor.
18 Pauro angangodaro aifunga zvakanga zvaitika kuKorinde paakanga ari mugungwa achibva kuKenkreya. Pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvakanga zvaitika kuKorinde zvaaiyeuka, saka anofanira kunge aifara zvechokwadi. Ushumiri hwaakaita kwemwedzi 18 hwakanga hwaita zvibereko. Kwakanga kwava neungano yekutanga kuKorinde, ichisangana pamba paJusto. Pakati pevakava vatendi paiva naJusto, Krispo neimba yake, nevamwe vakawanda. Aida vadzidzi vatsva ivavo zvikuru nekuti akanga avabatsira kuti vave vaKristu. Akazovanyorera achitaura nezvavo setsamba yekurumbidza yakanyorwa mumwoyo make. Isuwo tinonzwa tiri pedyo zvikuru nevaya vatakabatsira kuti vagamuchire kunamata kwechokwadi. Kuona ‘tsamba dzekurumbidza’ dzakadaro kunoita kuti tigutsikane zvikuru!—2 VaK. 3:1-3.
19, 20. Pauro akaita sei paakasvika kuEfeso, uye tinodzidzei pane zvaakaita nezvekuzadzisa zvinangwa zvedu panyaya dzekunamata?
19 Achingosvika kuEfeso, Pauro akabva angotanga basa. “Akapinda musinagogi, akakurukura nevaJudha.” (Mab. 18:19) Rwendo rwuno haana kunyanya kugara muEfeso. Kunyange zvazvo akanyengetedzwa kuti agare, “akaramba.” Paakanga ava kuoneka VaEfeso akavaudza kuti: “Ndichadzokazve kwamuri, kana Jehovha achida.” (Mab. 18:20, 21) Pauro anofanira kunge aiziva kuti pakanga pachiine basa rakakura rekuparidza muEfeso. Akaronga kuti aizodzoka, asi akasarudza kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. Nesuwo tinofanira kutevedzera zvaakaita. Tinogona kutora matanho ekuti tizadzise zvinangwa zvedu panyaya dzekunamata. Asi nguva dzese tinofanira kubvuma kutungamirirwa naJehovha uye kuita zvinoenderana nezvaanoda.—Jak. 4:15.
20 Pauro akasiya Akwira naPrisira kuEfeso, ndokuenda nechikepe kuKesariya. Kunenge kuti “akakwidza” kuJerusarema kuti akwazise ungano dzaiva ikoko. (Mab. 18:22, mashoko emuzasi) Achibva ikoko akabva aenda kumusha kwake kuAndiyoki yekuSiriya. Rwendo rwake rwechipiri rweumishinari rwakanga rwapera zvakanaka. Ko rwendo rwake rwechitatu rwaizofamba sei?
a Ona bhokisi rakanzi “Korinde, Guta Rakakombwa Nemakungwa Maviri”.
b Ona bhokisi rakanzi “Tsamba Dzakafemerwa Dzaikurudzira”.
c Ona bhokisi rakanzi “Mhiko yaPauro”.