Tinogona Sei Kugamuchira Rudo rwaMwari Nenzira Isina Udyire?
“Kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.”—1 JOHANE 4:11.
1, 2. Chii chinodikanwa kwatiri kuti tigamuchire kuratidziro dzorudo rwaMwari nenzira isina udyire?
JEHOVHA munhu amene anotaurwa sorudo. Zvamazvirokwazvo, munyaya yakapfuura, takaona kuri ratidziro dzorudo rwake izhinji sei zvomenemene. Takacherechedzawo nzira iyo Mosesi, Dhavhidhi, uye Jesu Kristu vakagamuchira nayo nenzira isina udyire ratidziro idzodzo dzorudo. Mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha haafaniri kuda kuita zvimwe chetezvo here? Zvirokwazvo!
2 Chii chinodikanwa kana tichizogamuchira ratidziro dzorudo rwaMwari nenzira isina udyire? Kutanga, tinofanira kumupa nzvimbo yokutanga muupenyu hwedu, kumuda nomwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:29, 30) Ikoko kunoreva kuda Mwari, kuva noukama hwoushamwari hwomunhu oga naJehovha. Tinoshuva kutaura kuna Baba vedu vokudenga mumunyengetero here? Tinonyengetera nguva dzose ndokupfuurira mumunyengetero here? Kana kuti tinokurumidza muminyengetero yedu, padzimwe nguva kunyange kuva vakabatikana zvikuru zvokusagona kunyengetera here? (VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Tinonangidzira ngwariro kuna Jehovha, tichimupa iye nesangano rake mbiri nokuda kwezvatingave tapedza here? (1 VaKorinte 3:7; 4:7) Zvamazvirokwazvo, tinonzwa sezvakaita wezvamapisarema here? NezvaMwari, iye akati: “Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva.”—Pisarema 119:164.
3. Patinova pamwe chete mukufambidzana, tingaratidza sei kuti tiri kugamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire?
3 Kana tiri kugamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire kana kuti kwete kungaratidzirwa zvakanaka patinova pamwe chete nokuda kwenguva yakanaka mukufambidzana. Kurukurirano yedu panguva iyeyo inova panhau dzenyika kana kuti pazvinhu zvomudzimu here? Hakusi kuti tinoda kuva nefundo yeBhaibheri yakakomba nguva iri yose yatinova pamwe chete namaKristu biyedu. Asi zvirokwazvo tinogona kuwana zvinhu zvinofadza zvomudzimu zvokubatanidza mukurukurirano yedu. Zvakadiniko nokurondedzera zvinoitika zvomumunda, kukurukura rugwaro rwatinoda zvikurusa rweBhaibheri, kutaura kuti takadzidza sei zvokwadi, kana kuti kududza ufakazi hwetarisiro yorudo yaMwari nechikomborero?
4. Tinofanira kurangarira sei nhau kana tikaodzwa mwoyo pamusoro peropafadzo yebasa?
4 Mumwe mugariro ungazivisa mwero wokuonga kwedu rudo rwaMwari ndipo apo tinofuratirwa pamusoro peropafadzo yakati yebasa musangano raJehovha. Tinoita sei? Kana tichiitira hanya zvikuru kukudza Jehovha, tichabvuma kuti sezvingabvira zvikurusa Mwari achakudzwa zvakanaka zvakaenzana naani naani ane ropafadzo yacho yebasa. (Enzanisa naRuka 9:48.) Asi kana tichiitira hanya zvisakafanira betsero dzedu timene kana kuti zita, tichatambudzika kuti takafuratirwa, sezvatingafunga kudaro. Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anotida uye angatoziva kuti pari zvino hatigoni kutakura kurema kwomutoro wakati woubati ushe hwaMwari. Iye angave achitikomborera zvikuru mudzimwe nzira, uye ratidzirwo dzakadaro dzorudo rwake dzinofanira kutibetsera kuchengeta dzikamo yedu yomudzimu.—Zvirevo 10:22.
Kuda Kururama, Kuvenga Kusateerera Mutemo
5. Ratidziro dzorudo rwaMwari dzinofanira kuva nomuuyoi pamufambiro wedu?
5 Ratidzirwo dzorudo rwaMwari kwatiri dzinofanira kutisunda kutevedzera Kristu mukuda kururama uye kuvenga kusateerera mutemo. (VaHebheru 1:9) Chokwadi, hatigoni kuita ikoku nenzira yakakwana, sezvakaita Jesu. Bva, tinogona kuiita nharidzano yedu kuti tive vatsvene, vakatendeseka, uye vanochengeta mutemo sezvinobvira mumugariro wedu usina kukwana. Kuti tiite ikoku, hatifaniri bedzi kutanga rudo rwezvinhu zvakarurama uye zvakanaka asiwo kusakurira ruvengo, kusema, kusemburwa, kwechiri chakaipa. Muapostora Pauro akataura, kuti: “Vengai zvakaipa, namatirai zvakanaka.” (VaRoma 12:9) “Vengai” ishoko rakasimba zvikuru, rinoreva “kurangarira nokusemeswa kukuru.”—Webster’s New Collegiate Dictionary.
6. Chii chichatibetsera kudzivisa miedzo inoiswa munzira yedu nenyika, nyama yedu inotadza, uye Dhiabhorosi?
6 Chii chichatibetsera kudzivisa simba remiedzo iri munzira yedu inoiswa nenyika, nyama yedu timene inotadza, uye Dhiabhorosi? Ruvimbiko kuna Jehovha Mwari. Iye anotikumbira, kuti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Hungu, ruvimbiko kuna Jehovha ruchatisunda kuti titore nzira yokuchenjera yokuvenga chaanovenga. Uyezve, hazvinei hazvo nokuti kuputswa kwomumwe wemitemo yaMwari kungaratidzika kuva kunofadza sei kana kuti kunonakidza, tinofanira kuramba tichizviudza timene kuti kuita saizvozvo hakuna kukufanira chaizvo. (VaGaratia 6:7, 8) Mwoyo womunhu unonyengera, unotsausa, unonyengedza, kunyange sezvatinoyeuchidzwa pana Jeremia 17:9. Mwoyo womuKristu unoda zvinhu zvakanaka, zvakaisvonaka, zvakachena. Asi padzimwe nguva kombamiro dzokutadza dzinouita kuti ushuvewo chakashata. Kufanana nemwoyo yavaIsraeri vainamata Jehovha bva vachichengeta “nzvimbo dzakakwirira” dzavo dzokunamata zvidhori, naizvozvo mwoyo wedu timene ungava une udyire nounonyengera. (1 Madzimambo 22:43; Dheuteronomio 12:2) Mwoyo wedu usina kukwana ungaedza kuwana pembedzo dzokutiisa munzira yemiedzo. Ungaedza kudukupisa kukomba kwechakaipa chatiri kuedzwa nacho. Kana kuti mwoyo wedu ungaedza kutipwisa kuti chirango chipi nechipi chichangova zvacho chechinguvana.
7. Neiko tichifanira kudzivisa kupanga chakaipa?
7 Nokuda kwokuonga rudo rwaMwari, tinofanira kudzivisa kupanga chakaipa, zvakadai sokukombamira kuutere hwevatano, tingave tisina kuroora kana kuti kuroorwa. Nguva nenguva, yakatanga senyengano inoratidzika seisingakuvadzi yakaguma nokuva kwamaKristu maviri anobatanidzwa mundangariro nomumwe nomumwe zvokuti vakashandisa chivi uye vakadzingwa. Kunyange vakuru, avo vanofanira kuva mienzaniso isina chainopomerwa kuboka, vakasvika panhamo muidzi nhau!—Enzanisa na 1 Madzimambo 15:4, 5.
8. Muenzanisoi unonyevera uyo muapostora Pauro anotipa, uye chinetso chakadaro chingaenzanisirwa sei?
8 Rangarira muapostora Pauro, uyo akakomborerwa nezviono zvinopfuura zvomuzvarirwo namasimba uye nechipo chefuridziro youmwari. Kuti abudirire mukurwisana kwake nekombamiro dzokutadza, aifanira kurwadzisa—hungu, kurova zvakakomba—muviri vake. Tinotsunga kuzvigutsa timene nokuita zvishomanene here? (VaRoma 7:15-25; 1 VaKorinte 9:27) Zvakaita sokunge tiri muigwa duku rinokwasviwa riri murwizi runoyerera nokukurumidza uye tiri kukweverwa kumapopomo arwo. Kuti tidzivise ngwavaira, tinofanira kukwasva nesimba tichikwira norwizi tichirwisana napanoyerera nesimba. Tingasaratidzika sokunge tiri kuita fambiro mberi huru, asi chero bedzi tichiramba tichizvishandisa timene nesimba, hatisati tichizowira pamapopomo kukuparadzwa kwedu. Zvirokwazvo, ratidziro dzorudo rwaJehovha Mwari kwatiri dzinofanira kutiparira kuzvishandisa timene nesimba kuti tive vakavimbika kwaari kupfurikidza nokuvenga kusateerera mutemo nokuda kururama.
Ratidzira Rudo Rwouhama
9. Izanoi iro muapostora Johane anopa pamusoro pokuda hama dzedu?
9 Ratidziro dzorudo rwaMwari dzinofanirawo kutisunda kuti tide hama dzedu sokuda kunoita Jesu Kristu vadzidzi vake. (Johane 13:1) Nenzira yakakodzera zvikurusa, muapostora Johane anoti: “Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.” (1 Johane 4:10, 11) Kutaura idi, Jesu akataura kuti nzira iyo vateveri vake vechokwadi vanogona kuzivikanwa nayo iri kupfurikidza norudo rwavanarwo pakati pavo vamene.—Johane 13:34, 35.
10, 11. Ndidzimwei nzira umo tinogona kuratidzira namo rudo rwouhama?
10 Tinoziva kuti maKristu anofanira kuratidza rudo rwouhama. Asi hakuna kuipa kuzviyeuchidza timene nezvenzira dzakasiana-siana umo tinogona kuratidza namo rudo urwu rwakafanana norwaKristu nokuda kwomumwe nomumwe. Rudo rwakadaro ruchatibetsera kufuratira misiano yedzinza, rudzi, dzidzo, tsika, uye mwero wezvemari. Uyezve, rudo rwouhama ruchatisunda kuungana pamwe chete mumisangano. Kana tichida hama dzedu zvirokwazvo, hatizoregi mugariro wokunze wakashata kana kuti kurwara mumuviri kushomanene zvichititorera mufaro wokusonganirana navo nokugoverana mutsinhano yekurudzirano. (VaRoma 1:11, 12) Kupfuura izvozvo, rudo rwouhama ruchatiita kuti tigadzirire zvakanaka nokuda kwemisangano yedu ndokutora rutivi rwokushingaira mairi zvokuti tinogona kukurudzirana kurudo namabasa akaisvonaka.—VaHebheru 10:23-25.
11 Zvakadiniko nokubetsera hama dzedu muushumiri hwomumunda? Kwakacherechedzwa kuti vakuru navabatiri vanoshumira vanowanzopinda muushumiri hwapaimba neimba nomumwe nomumwe kana kuti vari voga apo vaigona, nokuronga kuduku, kukoka vaparidzi voUmambo vanoda betsero muushumiri kuvaperekedza. Kuratidza rudo neiyi nzira kuchaita kuti basa romumunda ravakuru navabatiri vanoshumira rive rinotusa ruviri. Uye zvakadini nokuenda nomuparidzi mutsva pafundo yeBhaibheri yapamusha?—VaRoma 15:1, 2.
12. Tinofanira kunzwisisa sei 1 Johane 3:16-18?
12 Rudo ruchatiparirawo kubetsera hama dzedu dzingava dzichishaiwa chaizvoizvo zvokunyama. Muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa upenyu hwake; nesuwo tinofanira kupa hama upenyu hwedu. Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari? Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nezvokwadi.” (1 Johane 3:16-18) Tingasakumbirwa zvino kupa upenyu hwedu nokuda kwavo, asi padzimwe nguva tine mabanza okuratidzira rudo nokuda kwavo mudzimwe nzira, kwete mushokowo zvaro kana kuti norurimi asiwo nezviito. Hapana chakaipa nokuda hama dzedu neshoko, asi hatidi kuganhurira rudo rwedu kuna ikoku pavanenge vachishaiwa zvinhu zvokunyama. Kutaura kwaJesu kwokuti “kupa kuno mufaro zvikuru kupfuura kugamuchira” kunoshandawo kukugovera betsero yokunyama.—Mabasa 20:35.
13. (a) Ndedzipi dziri dzimwe zvokwadi dzehwaro dzatakadzidza nebetsero yesangano rinooneka raJehovha? (b) Ipfundoi rinokosha iro Charles Taze Russell akataura?
13 Tine banza rokuratidza rudo nokuda kwehama dzedu dzinotungamirira muungano kana kuti mubatano nesangano raJehovha rinooneka munyika yose. Ikoku kunobatanidza kuva akavimbika ku“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Ngatitarisanei neidi rokuti pasinei zvapo nokuti tingave takarava Bhaibheri zvikuru sei, tingadai tisina kutongodzidza zvokwadi tiri toga. Tingadai tisina kutongowana zvokwadi pamusoro paJehovha, madonzo namavara ake, revo noukoshi hwezita rake, Umambo, rudzikinuro rwaJesu, musiano pakati pesangano raMwari neraSatani, kana kuti chikonzero nei Mwari akabvumidza uipi. Zvakangoita chaizvo sokunyora kwakaita purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Charles Taze Russell, muna 1914, kuti: “Hatisi vanhu vakakomborerwa, vanofara here? Mwari wedu haana kutendeka here? Kana mumwe upi noupi achiziva chinhu chipi nechipi chiri nani, ngaachigamuchire. Kana upi noupi wenyu akambowana chinhu chipi nechipi chiri nani, tinokarira kuti muchatiudza. Hapana chatinoziva chiri nani kana kuti chiri hafu yezvakanaka zvatakawana muShoko raMwari. . . . Hapana rurimi kana chinyoreso chinogona kutaura rugare, mufaro nechikomborero izvo zivo yakajeka yaMwari wechokwadi yakapinza mumwoyo wedu noupenyu. Nhau yoUchenjeri hwaMwari, Ruramisiro, Simba uye Rudo inogutsa zvizere kupanga kwezvose zviri zviviri musoro wedu nomwoyo wedu. Hatisati tiri kutsvakazve. Hapana chimwe chinhu chinofanira kushuviwa chinopfuura kuwana iyi Nhau inoshamisa zvakajeka zvikuru pamberi pendangariro yedu.” (The Watch Tower, December 15, 1914, mapeji 377-8) Ndeechokwadi sei mashoko iwayo akanyorwa zvakanaka!
Kutarisira Avo Vari Kunze
14. Ratidziro dzorudo rwaMwari dzinofanira kutisunda kuita sei kuvari kunze?
14 Ratidziro dzorudo rwaMwari dzatakafarikanya dzinofanira kutisunda kuratidza rudo rwomuvakidzani kuavo vari kunze kweungano. Tingaita sei ikoku? Migariro ingaratidzira kuti tinogona kubetsera vavakidzani vedu munzira yokunyama. Asi, zvinokosha zvikuru, tinogona kuratidza rudo rwomuvakidzani kupfurikidza nokuunzira vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kubetsera vadi vokururama kuva vadzidzi vaJesu Kristu. Tinopinda nguva dzose muuhu ushumiri hwapachena, kana kuti tiri kuhuregeredza here? Razova basa romuitirowo zvawo kana kuti chimiro chachero chebasa here? Kana kuti tinosundwa zvirokwazvo norudo rwomuvakidzani here? Tinoratidza tsitsi here? Tinoshivirira, tichimirira kuti vanhu vapindure here? Tinokurudzira vanasaimba kutaura ivo vamene here? Hungu, panzvimbo pokuita kutaura kwose, ngatibvumire rudo rwomuvakidzani kuti rutisunde kuteerera uye kuva nekurukurirano dzeBhaibheri dzinotusa navanhu vatinosangana navo muushumiri hwedu.
15. (a) Nei “kupupurira kwamasanga” riri shoko riri nani kupfuura “kupupurira kwechivhundumukira”? (b) Nei tichifanira kushandisa mabanza okupupurira nenzira yamasanga?
15 Tinosvinurira sezvatingava here kuti tishandise mabanza okupupurira nenzira? Kunofanira kucherechedzwa kuti ikoku hakusati kuri kupupurira kwokuvhundumukirawo zvako, kunokarakadza mubato usina kurongwa kana kuti woukoshi huduku. Kupupurira kwamasanga kunokosha zvikuru, uye rudo nokuda kwavanhu biyedu ruchatisunda kuti tidisise kuita mabanza okutora rutivi makuri. Kupupurira kwakadaro kunowanzova kunobudirira sei! Somuenzaniso, ichipinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha kuchamhembe kweItaly, imwe hama yakaenda kugaraji kundoita kuti getsi guru remotokari remberi riiswe. Ichimirira, yakapupurira kuavo vakamupoteredza ndokuvapa mahendibhiri ichivakokera kuhurukuro yavose yeBhaibheri paSvondo. Pakokorodzano yamarudzi ose muRoma gore rimwe gare gare, imwe hama yaasina kuziva yakamukwazisa nenzira inodziya. Hama iyi yaiva ani? Chokwadi, yaiva mumwe wavarume vaye vayakanga yapa hendibhiri pagaraji gore rapfuura! Murume wacho akanga aenda kuzonzwa hurukuro yavose uye akanga apa zita rake nokuda kwefundo yeBhaibheri. Zvino vose vari vaviri iye nomudzimai wake Zvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha. Hapana panikiro kuti kupupurira kwamasanga kunogona kuva kunotusa zvikuru!
Ramba Uchigamuchira Rudo rwaMwari
16. Mibvunzoi yatingaita zvakanaka kuzvibvunza timene?
16 Jehovha zvirokwazvo ave ano rupo mukuratidzira rudo nokuda kwezvisikwa zvake. Sezvatacherechedza, Magwaro anotipa mienzaniso yakaisvonaka yaavo vakagamuchira ratidziro dzorudo rwaMwari nenzira isina udyire. Nenzira yakakodzera zvikurusa, wezvamapisarema akafuridzirwa akataura, kuti: “Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu.” (Pisarema 107:8, 15, 21, 31) Tichatsunga kugamuchira mutsa usakafanirwa waMwari ndokupotsa donzo rawo here? Ikoko ngakurege kutongoitika! (2 VaKorinte 6:1) Naizvozvo mumwe nomumwe wedu somunhu oga ngatizvibvunze timene kuti: ‘Ndinoonga chaizvoizvo ratidziro dzorudo rwaMwari dzandakatofarikanya ndokukarira nechivimbo kufarikanya dzimwe munguva yemberi here? Dziri kundisunda kuda Jehovha nomwoyo wangu wose, mweya, ndangariro, uye simba here? Ndinoda Mwari here? Ndinoda kururama ndokuvenga kusateerera mutemo here? Ndiri kuratidza rudo rwouhama here? Uye ndiri kusanoedza sei kufamba munhano dzaJesu kana toreva nezvoushumiri hwangu?’
17. Chii chichava muuyo kana tikagamuchira ratidziro dzorudo dzaJehovha Mwari nenzira isina udyire?
17 Zvirokwazvo, kune nzira dzakawanda dzokuratidza nadzo kuonga kwedu kwechokwadi nokuda kweratidziro dzose dzorudo rwaMwari dzatakawana. Kupfurikidza nokushandisa zvakazara mabanza okuratidzira kuonga kwakadaro, tichifadza mwoyo waBaba vedu vokudenga, kuva chikomborero kuvamwe, uye kugamuchira mufaro, rugare, uye gutsikano isu timene. Naizvozvo ngatipfuurirei kugamuchira ratidziro dzorudo rwaMwari nenzira isina udyire.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chinodikanwa kuti tigamuchire rudo rwaMwari nenzira isina udyire?
◻ Tinogona sei kudzivisa miedzo?
◻ Ndidzimwe nzirai dzokuratidza nadzo rudo rwouhama?
◻ Ratidziro dzorudo rwaJehovha dzinofanira kutisunda kuita sei kuvavakidzani vedu?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Tinofanira kurwisana nekombamiro dzokutadza kudzivisa ngwavaira
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakuru vanoratidza rudo rwouhama kupfurikidza nokuperekedza vamwe muushumiri hwoUmambo
[Mufananidzo uri papeji 19]
Charles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akadanira ngwariro kurugare, mufaro, nechikomborero izvo Mwari bedzi anogona kugovera